Mai Royco; wauya zvakanaka chaizvo, ukagara usina kuroorwa uye usina mwana kana usina murume isu tinongodya amai vako, baba vako kana vakoma nevanunúna wako. Ndichinzwa izvi ndakarwadziwa zvisigaite zvokuti ndakashaya kuti ndoita sei, zano nderipi. Ndakambofunga kubuda muchikwata ichi asi ndakazviona ndinofira mahara kana kudyirwa mhuri yangu yose ndaenda. Manheru aya takazoenda kumakuva kunochera nyama yekudya asi pfungwa dzangu dzainge dzisisiri pamwechete. Takasvika paye topinda mumakuva tichitambidzana nyama zvokuti takasiya makuva mashanu asisina chiro mukati taenda nemitumbi kunodya zvedu. Zuva rakateera ndakamuka uri mugovera ndokubva ndapinzira mukomana wangu Toilet nhare kuti ndisangane naye. Ndakambofunga kumuudza hupenyu hwangu wekumuka(wehuroyi) asi ndakaona anobva andisiya ndakazoshaya anoda kundiroora pekare . Ndakasvika kuona kuti ndakarega kupinda mumba nechimbi-chimbi ndinogona kuzviruza. Ini; Toilet shamwari, ndoda kukumbira ruregerero nekutiza kwandakaita zuro ndisina kukupa mhinduro yawaida. Zuro pfungwa dzangu dzaive dzisiri pamwechete asi nhasi ndauya nemhinduro yako. Ndinobvuma kuti undiroore kana mangwana chaiwo. Toilet akafara chaizvo ndokundisimudza nekundikandidzira mudenga asi ini ndaingobuditsa misodzi kuti ndave kupinza mwana wewanhu hupenyu wangu usingazivikanwe ramangwana unogona kudyiwa nezvimbuya. Ini hapanawo zvandaigona kuita, kuti ndigare ndisina murume mhuri yangu yaidyiwa asi zvirinani vadye zvavo vana vangu. Ini;(ndakachema) Toilet; chii futi nhai Lucy mudiwa? Zuro ndakauya neshoko rekuda kukuroora wakachema, nhasi wauya neminduro inofadza wave kuchema zvekare. Pane here zvaunoda kundiudza zvausati wataura ndizive musoro wangu wakuteerera? Ndakabva ndatanga kunyinura zvenhema kuti Toilet asavhunduke kuti ave kuda kunyudzwa masikati machena ndokuti, “aiwa mudiwa hapana hapo, kuchema nekufara chete.” Kurorwa kwangu Handina kuita mazuva ndokubva ndabvisirwa pfuma naToilet zvechimbi-chimbi ndainge ndoda kukavira bhora mberi . Handina kuda kupedza nguwa nekuti ndainge ndoda kuita mhuri yangu ndoga ndirege kupinza vana vamai vangu patambo. Ndichisvika kumba kwana Toilet handina kumboda zvekudzivirira mimba kana kuita zvekuizeza. Nemwedzi mumwechete ndainge ndave nemimba yangu yekutanga zvekuti ndinoenda kubasa handina kuzvitarisa. Ndainge ndafunga kungozvara kunge gonzo, goremwanagoremwana nguwa ichipo. Toilet; ko nhai mudiwa ndaiti zvimwe uchada kumbomira kubara sezvo uchipinda basa utange wambozvishandira usina mutoro. Ini; aiwa basa harina basa dia, ini ndinoda kuzvara chimbi-chimbi ndichiri muduku kudai handidi zvekuzvara ndave chembere, aiwa. Ndaingovhara-vhara kudero asi ndichiziva zvangu kuti ndave kuzvarira hangu zvimbuya zvehusiku zvidye. Pose pandaizvifunga ndaingobudisa misodzi zuva-nezuva zvokuti ndainge ndotopera muviri kuita tsanga chaiyo. Hondo yehusiku Hondo nezvindangarara zvakatanga ndave nemwezi miviri ndave nemimba yangu kuita zvidzikiriri nekuvata ndichimhanyiswa. Ndakagara ndakadaro nekushaya hope husiku woga – woga kusvika ndazobata chimbuya chakandigara padumbu ndakavata. Ini; nhai imi muri kuitei pamusoro pangu Mai Royco? Mai Royco; ahh-ahh sorry manhingi ndiregerere Lucy ndanga ndarashika. Zuva iri rekutanga ndakamboti zvimwe munhu arasika zvamazvokwadi asi kubva zuva iri ndakatanga kuona zviso zvevanhu wakawanda-wanda vainge vondishanyira ndakavata zuva nezuva. Ndakasvika pakuenda kunobvunza kune dare rehusiku(varoyi vamwe) kuti chii chave kutora nzvimbo nekuti ndainge ndave kutadza kuvata kana usiku humwechete chaiwo. Ini; nhai hama dzangu kubva ndaita mimba ndaona zviso zvenyu zvakawanda kumba kwangu handichanzwisise kuti chii chiri kutora nzvimbo. Kurasika kwenyu kwanyanya hama dzangu. Mai Royco; ini hangu ndini mumwe wacho ndokumbirawo ruregerero Lucy. Ini hangu handidi kuona pane mwana ari mudumbu ndinenge ndave kutoda kudya chaiko zvimwechete nevamwe vangu vari muno. (ndakaita hasha zvisingaite) Ini; zvimbuya zvisinganyare, saka zuva nezuva pamunomedzera mate makatarira dumbu rangu munenge muchitofunga kupedzera mwana wangu nhai. Mbuya Roda; zinowanikwa Lucy haikona kutsamwa nazvo, uchazviona kana mumwe wedu pano aita mimba uchange wave kunzwa zvimwechetezvo kutoda kudya achiri mudumbu. Mai Spoon; haa uchiri mwana wechidiki iwe vana uchaita wakawanda, dai wangotipa tadya zvedu uyu tinovimbisa vanouya tinokupa zororo.