Ndakaita chinguwa ndakavhura ziso kusvika ndabiwa nehope paye. Ndichingovata paye ndakazongonzwa ndodhonzwa negumbo ndokunorashirwa panze. Ndakati ndichisimuka paye ndokuona ndakombwa nezvimbuya zvishanu zvakatasva mapere. Ndakaona nhasi pangu papera kana kuti ndiite zano ndakashaya kuti ndoita sei. Ndakabva ndabudisa zvinzwara zveminwe nezvekumakumbo ndakaona pave kutoda kurwira hupenyu hwangu. Ndakatanga nekukachikira kuna Mbuya Omo ndokubva ndavaumburudza pasi ndakavaruma nechepahuro. Zvimwe zvimbuya zvakabva zvandikatyikira kumusana zvichiita kundidzura ganda rekumusana, zvainge zvafunga kundidya ndichiri kufema. Mazino angu emurodzo akashaya basa zvino ndaita kumomoterwa. Ndakange ndopera simba ndasangana nekurwiswa kwakanyanya ndokubva ndanzwa kudzvova kwakaitika paye zvimbuya zvose ndokubva zvamira kundirwisa. Chimhuka chiye chakandisenga musi uye chakabva chamhanya chichitanga kurwisana nezvimbuya zviye. Ndakasimukawo ndokupirana nacho gotsi ndichirwisa nerimwe divi. Takatanga ticharwisana tiri pachivanze chepamba pedu kusvika tanyangadika tichinowira mbare musika tichimhanyisana chete. Zvimwe ndezvimwe chimhuka ichi chairwa hondo inotyisa asi ndaisaziva kuti ndiyani, zvinhu zvaindinetsa chaizvo. Ndaiti ndakada kuchitarisa ndaingoona rima roga-roga nekudzvova zvokuti ndaibva ndatarisa kudivi. Ndakazviona mhuka iyi yaive mhondoro chaiyo, chikara chikuru nekuti zvimbuya zvakasara zviri hurubvu-rubvu zvakaita taka-taka. Takabva tatasva zvitsero zvedu ndokutanga kufamba matunhu tichitiza takananga kumba chaiko. Takafamba chinhambwe chakakura ndokuzotarisa kumashure kwedu ndokuona henoi kwave nemazana evaroyo. Zvimbuya zvainge zvaenda kunotorana nezvimwe zvakawanda kuuya kunotirwisa. Takazongoti ngondongondo tapiswa nemheni ndokubva tawira pasi ndokukombwa nechaunga chezvimbuya-mbuya zvine mazino akarodzerwa nyama dzevanhu. Zvimwe zvaidonedza marute zvimwe zvichiita kudzvova nzara, takawaona hondo yakadai yakarema. Chimhuka chiye chandaive nacho chakabva chatanga kurwisana nezvimbuya zviye ini ndakananga nekwangu. Hatina kusvika kure tichirwiswa ndokubva taona kuti hondo yakarema iyi. Chimhuka chiye chakazongomomoterwa ndokubva chagadzikwa pfumo nechepachipfuwa chaipo, ndiye rapata. Ndakanzwa simba risingaite ndokubva ndamhanya ndokubata chimhuka chiye negumbo ndokutanga kuchizvuzvurudza ndichitiza nacho. Ndakaita simba randisati ndamboita ndokukanda zinhu riye kumusana kwangu ndokunyangadika naro ndoenda. Zuva rainge roda kubuda zvokuti ndakashaya kuti chimhuka ichi ndoitei nacho, ndoenda kupi nacho. Sezvo kwainge koda kuedza ndakangoritsveta pasi zinhu riye ndokubva ndarova pasi kuenda. Ndakanyangadika kuenda asi ndakazviziva kuti munhu akapfeka zimhuka iri achaita kafira mberi chete, ndaingoti dai akasave murume wangu Toilet. Ndakasvika nekupepuka mumba mangwanani musana wangu nemuviri zvichigwadza nekurema. Ndakakanuka ndokuzunza-zunza murume wangu nekutya ndichida kuona ari sei, “Dia muka kani, urisei zvako miiri irisei nhai?” Toilet; ini ndiribho zvangu kwakanaka here, ko zvaunenge unochema nhai? Ini; aiwa hapana hangu. Ndakabva ndatoona murume wangu haana panodzimba ndokubva ndaziva haasiriye zinhu riye. Ndichangotura befu kugara pasi ndakabva ndanzwa zimhere rakabva nekuimba yokuvata yatezvara wangu. Takabva tamhanya kuye ndokuona vamwene wangu wakati tasa paye semunhu arohwa nemota. Ini; (nechemumoyo)mhai wee zvangu ndivamwene wangu zinhu riye!! Ndakaita kupererwa ndakazviona apa zimhuka riye randaitsvaga kuti ndiyani ndivamwene wangu zvino. Vainge vangoti tasa paye nekuzviitira muhembe semunhu arwara kwenguwa refu, ndakanzwa tsitsi kuti munhu ainge andirwira hondo dzangu parizvino ave kufira ini. Toilet; chii nhai baba chaitika namhamha? Tezvara; mwanangu handisi kutombonzwisisa vangomuka vaita semunhu ave kutoda kushaya, handisi kunzwisisa kuti chii chaitika zvimwe ndezvehusiku. Vamwene vangu vainge vakakuvadzwa tiri kuhondo ndakaona kurarama kwavo kuchanetsa. Ndakangobata musoro ndokugara pasi ndokutanga kufunga, “Manje vamwene wangu wakafa nhasi uno vanenge vave munhu wechipiri kufa nokuda kwangu. Uye wakafa ndichasara ndakarindirwa nani, handiitwe kanyama-nyama nezvimbuya here?”