Nyaya yacho yainge yasvika kumakubukasva, ndakaona zvakakodzera kuti ndinange kunotsvaga rubatsiro kuna aSekuru. Ndakasvika ndichifemeruka nekuneta zvokuti ndakasvika nekuwira pamberi paSekuru setsaki remabagwe. Ndakachema, “Sekuru ndauya pekare, kumba kwangu kwaita manenji!” Sekuru Basket; ndakuona muzukuru uchangopinda pagoni rangu kuti kwaunobva hakuna kuita zvakanaka. Waita zvakanaka muzukuru wauya, ndanga ndaona warohwa nezvishiri waenda muromo parutivi masikati anhasi chaiwo. Ini; mai-mai zvino ndodini aSekuru nekuti kuti ndichadzokera ndisina chandakapakata hazviiti. Sekuru Basket; muzukuru mushonga mazvokuda mavanga enyora, kana wada kupakata mushonga wotosimba kumira nemhiko dzacho. Ini; ndazvinzwa zvangu Sekuru asi hapana here imwe nzira isiri yekuti ndizoguma ndonyima murume wangu bonde? Ipapo Sekuru pakarema. Sekuru Basket; ndotaura here? Ini; taurai zvenyu! Sekuru wakabva wanditarira kumeso ndokukosorera humbozha ndokutanga, “imwe nzira ndeyekuti uchabuda zironda kumusana risingaome, ronda risingabvumirwe kuti ane zvake arione. Zviri kwauri muzukuru kuti unoda tifambire mberi here? Ndakabva ndaona kuti zviri nani kuti ndiite ronda risingaome kumusana pane kuti ndigare ndichishungurudza murume wangu. Ndakasvetuka, “Sekuru ndinoda hangu yeronda yamataura ndaona yakareruka pane iya yamakataura zuro!” Sekuru Basket; hapana chakaipa muzukuru, chikanda makwati tifambire mberi. Ndakabva ndabata-bata muhomwe yangu ndokuburitsa mashereni mashanu ndokukanda mundiro. Sekuru wakanditarisa nekushamiswa, “muzukuru ndicho chii ichi, ini ndinoda mashereni mazana mashanu kana mombe honho imwechete nhema” Ndakabva ndabata musoro ndichifunga, “nhai Mwari wangu mombe ndoiwanepi ko iwo mashereni mazana mashanu?” Sekuru Basket; kana iripo muzukuru haikona kuvata usati wauya nayo tifambire mberi. Ndakabva ndatanga kufunga kuti ndoendepi, kana pekutangira ndainge ndisina, “zvino basa ndakamira kuenda nekuda kwemimba yangu iyi, zvino mashereni ndomawanepi. Kana mombe imwechete zvayo handina, kuti ndiyende kumurume wangu hazvigoni bodo.” Ndakaona hapana shure kwandichadzokera ndokubva ndamhanya musango kunotsvaga mombe dzekumba. Ndakasvika nekutinha imwechete ndokunanga nayo kwaSekuru apa zuva rainge rovira. Nechemumoyo ndaingoti, “hapana zvokuita ndichatoona zvekuita kuti nditsive mombe yatezvara wangu” Ndichisvika kwaSekuru mombe iya yakabva yatambirwa nemajinda asekuru ndokubva yatobaiwa ipapo. Ndakabva ndagariswa mune kamwe kamba apa mombe iye yaturikwa zvino parutivi rwangu ropa richidonha richipinda mundiro. Sekuru Basket; waita zvakanaka wauya muzukuru, basa iri rinoda kuti rizadziswe muhusiku wanhasi zvokuti mangwana unomuka basa rose razadziswa. Ini; Sekuru ini ndine murume zvino zvinoita here ndivate pano? Sekuru Basket; haikona kuvhunduka muzukuru, Sekuru wako ndiripano ndinokubetsera. Parizvino bvisa hembe dzako dzose muzukuru.. Ndakavhunduka kuti ndezvipi zvave kuitika Sekuru ndokubva vatanga keseka zvavo, “aiwa muzukuru haikona kutya, ndinoda tikutemere nyora musana wako wose” Ndakabvisa hembe dzose ndokubva ndatanga kutemerwa nyora musana wangu wose. Ropa riye remombe ndakabva ndapihwa ndokutanga kugeza naro muviri wangu zvokuti ndakasara ndave piriviri kutsvuka. Sekuru Basket; ndapedza newe muzukuru, zvino chibata nyanga iyi uyende zvako. Haikona kucheuka kusvika wapinda mumba mako uye haikona kutya zvako famba zvawada mhuri yako ndaita ivate kusvika mangwana. Ndakabva ndabuda ndokutanga kufamba ndonanga kumba. Husiku hwainge wave pakati ndakasvika pamba vanhu vakaita kuparara nehope. Ndakasvika ndokuisa sadza ndokudya nekusuka ndiro vanhu vose vakaita kufa zvokuti ndainge ndototya kuti vanhu vachafira kuhope. Ndakabva ndaturika nyanga yangu muhozi ndokuenda kunovata. Ndakamuka mangwanani vanhu vose vakapata-pata pasina kana mumwechete aona kuti mombe imwechete hapana. Ndakati ndichipinda muimba yekugezera ndichibvisa hembe ndokubva ndaona hembe yakwatanuka negwati renyama kumusana kwangu. Ndakatora chioneso ndokubva ndatarira ndokuona musana wangu wave nezigomba, “maihwe zvangu, ndaisaziva kuti ndizvo zvichange zvakaita ronda racho maihwe zvangu ini!”