" kumbie chii chandirikuona apa mafamily planning ka aya heee arikudei mumba muno ini ndakakuudza last week kuti ndavakuda mwana, unozviona sani pamba pano iwewe huh" that was my husband aipopota akabata mafamily planning angu aaiva awana pabed 🤦‍♀️ ndakashaya kuti ndomupindura kuti sure semunhu anga angodzoka kubasa ndisingafungire Him" saka zvandirikutaura hausi kutozvinzwa here apa kana kuti unotondiita benzi " akadaro avakundinongedzera nechigunwe pahuma ndakamutarisa ndikaona maziso aita red ndikaziva kuti ndikada kuramba ndirizii ndingarohwa Me" sorry daddy nekunyarara inyaya yekuti ndirikutopererwawo kuti wamhanyira zvisiriizvo kuwana mapills aripabed hazvirevi ndichirikumanwa remember ndaiva nehobho aya ndamawana ndichirongedza ndanga ndichitoda kumarasa"ndakanyepa zvangu ndatarisa pasi ndichiita kunge munhu avakuda kuchema Him" wamawana pai iwo akatovhurika usandiita benzi wanzwa " Me" kuseri kwehembe dzaTashie ndirikurevesa hameno akadonhera ikoko sei hako" ndakawedzera kunyepa ndakarova serious nekuti chokwadi changa chisingaiti kutaura... Oops forgot kukupai maintro ndinonzi Kumbirai chabata ndine 24 years ndakaroorwa naTadiwa Chikamhi aiva ne25 years tinemwana wedu one musikana ane2 years Tashinga tichigara kusouth African kuPretoria mamelody east zvakawanda pamusoro pangu muchazvinzwa munyaya now back to my story Him" let's hope urikundiudza chokwadi pangafiwa pamba pano chimarasa tione " he said that achindikandira achibva azviwisira pabed. Ndakanhonga mapills aya ndikakanda mubin asi moyo uchirwadza kuti mari yangu yatoenda sure better ndaiva neamwe aiva kumba kwefriend yangu ainzi Progress aigara munext by the way taigarara mumukuku vanogara joni you know what am talking about dzimba dzemazenge body yese dziya. Me" kwakanaka here kwawadzoka masikati so " ndakabvunza ndichigara pabucket Him" asi handibvumidzwe kudzoka mumba mangu wanga uchida kuvharira chikomba asi " Me" iiii soryii nekubvunza " ndakatoona kuti better kunyarara nekuti mood yemunhu wacho aiva maone haana kuda kuramba achitaura akabva atobuda achirovera door ndakangosara ndichitura befu at least mwana wangu haapo handidi aone tichinetsana so ko iye baba Tashie amboita sei kutsamwa kudai iii hameno hake kwabviwa aaa... I said that to my self ndichibuditsa muriwo mufridge pandakada kuisa mvura mudish Progy akabva apinda akabata Tashie Me" oh vasikana murisei nhaimi ko muripo zvandapotswa ndarohwa nababa vemuno mumba " ndakadaro ndichigara pasi Progy" tipirei sahwi ko mavaiteiko masikati ano ndazvinzwa ufunge unongoziva masuburb edu Aya hauna chausinganzwi wamuitei nhaiwe " Me" aaaa kwani ndakanganwa kuviga mapills ndanwa ndikasiya pabed ndopaangonyuka kunge muroi asina kunocker " Progy" hiiii nhai sahwi ko iwe wadii kunzwa nekudzosera nhai eshiii iwe futi " Me" zvafungiwa nani nhai handiti anosidzoka manheru ndangoti ndicharongedza " Progy" Haaa pakaipa saka vatikudiiko baba Tasha " Me" Inga unoziva handipererwi ndangomunyepera nyepera akabuda arikwindi ini hanya nani aaa nhai " Progy" Haaa varume havaiti chokwadi arikuda mwana as if ndiye achatakura nhumbu yacho sei ngaatibvire kumhepo nxaaa " akadaro achigarisa mwana pasi hake Me" nhai hako munhu anomanikidza zvekuita here anopenga uyo anyway wabikei ko " ndakadaro ndichida kuti tichinje nyaya nekuti nyaya yababa Tashie yaitondibhowa the thing is kubva tiroorane nahubby wangu tainyatsodana zvisingaite maone akatanga cc vake pavakasiyana nemurume vakauya kuzogara kuarea kwedu hanzi kwakachipa rent ko ndazivei kuti varipakuda kuparadza imba yangu. Zvakangotanga sefunny umwe musi tichidya sadza vakangosvika nekutoti aaa ndinestress ini vanhu imi mavanetime magara mese murikudii kuita umwe mwana hamuoni Tashie akura here plus chinokumisai chii makoti haushandi basa rako nderei " vakadaro vachitonhonga nyama muplate yababa Tashie. Mashoko avo akandishamisa ndakambofunga kuti kutamba asi serious yavaiva vakarova yakandiudza kuti munhu atori serious uyu Me" ko nhai tete zvabvepi zvamurikutaura nhai " ndakabvunza ndakapora asi mumoyo ndainzwa kubitiridzwa ko zvemunhu anedzungu handizvide ka ini Her" zvabva kumusha pese apa ndanga ndakanyarara ndichiti muchafunga asi brain dzirikuramba kushanda " Me" oh saka imi ndimi munyayi her ataura adii kundiudza straight meaning munotondinyeya ka nehama dzenyu "ndakadaro ndachiisa plate pasi mashoko avo aitoratidza kuti ndakamboitwa topic . Baba Tashie akandinyararidza semunhu wandairespector ndakanyarara asi mukati ndainzwa kuda kurova tete. Ndakabva ndakwira pabed nemwana wangu tikarara Baba Tasha" Lucy shaaa zvaurikutaura zvabvepi hona babe wangu atsamwa chii newe " Her" ko kunyepa here usaita kunge wakadyiswa iwe uchichengeta mwana aa... " Baba Tasha" enough Lucy buda mumba mangu tione kana wavanehunhu wozodzoka nxaaa who are you to tell me zvekuita mumba mangu huh " ndakavhura blanket ndikaona zvichipushana wangu murume achibva avhara door achifemereka, ndakabva ndanyepera kurara hangu he tried kutaura neni ndikaramba ndirikwindi, week rakapera ndakatsamwa ko hanty ndanga ndaudza Progy nyaya yangu akati itotsamwa zveweek rese bae wako aone kuti hautozvide saka ndaiterera advice yasahwi ka manje anga avakunzwisa tsitsi wangu hubby nekukumbira ruregerero everyday. Ndakazomuregerera ndikamuti tete pano handichavadi akabvuma takadzokera kuva happy family paya, papera mwedzi baba Tashie akangomuka iri weekend achiti babe ndavakuda mwana Tashie akura uyu paakadaro hana yakarova ndakazama kupopota kuti zvauya sei asi mashoko andakaudzwa akaita ndipinde mumachira masikati ndakabva ndaiziva kuti mabasa atete ndakabva wedzera kuvavenga. Murume wangu akapopota kani kusvika ndabuda kunge ndirikuda kundotora mwana ndichibva ndaenda kwaprogy ndikamudza nyaya yangu ndiye akanditi ndinwe mapills ndirizii haazvibate ndozvandaimudira sahwira wangu aindipa maadvice always manje ndakapotsa ndabatwa aaa zvinhu zvacho.back to my story Takaita nyaya Naprogy kusvika late akazobuda ndapedza kubika adya achingobuda baba Tashie natete Lucy vakabva vapinda vakarova serious hana yangu yakarova mufunge nechemumoyo ndakafunga kuti nyaya yemapills ndiyo chete yafambirwa😢..... End of chapter Your comments min a lot to me... Who is wrong apa? Tadie, Lucy or kumbie? Tah wesaladzone loves you all 💜