Ndakapiwa mbama yakaita kuti ndione nyeredzi pandakada kutaura akandipusher ndichiwira pabed achibva andigarira akandipa chibhakera pamhino ropa rikati unonyepa rakatanga kubuda, ndakanzwa musoro wangu uchitenderera ndakatoona kuti ndingauraiwa ndikatanga kuridza mhere Me"Tadiwa ndisiye mhani urikundikuvadza 😭"ndadaro ndichizama kudzosera asi haana kundipa mukana akabva atotsimbirira maoko akatanga kundipa mambama kumeso Him" handidi kukusiya kusvika wandipa phone yako wakutoda kuenderera "aidaro achingondirova iii kubva tichigara tese anga asati ambondirova saka paakatanga kundipa mbama ndaitoti nhasi topedzerana ndichikanganwa kuti murume murume kana tazogara madzimai murume haadziserwe kana achikurova especially uriwe uriwrong unotoita kuti hasha dzake dziwedzere . ndakatanga kunzwa kupera simba ndopandakanzwa door kuvhurwa zvinesimba team ririmusouth you know madoor emikuku chero rakalokwa so long risina kuiswa chain munhu akapusher zvinesimba rinovhurika. Mai vaigara munext vakapinda Her"ko chii chirikuitika muno nhai baba Tashie murikurwirei nhaimi vanhu vaingogara zvakanaka " nechemumoyo ndakangoti maponesa mweya wangu, munongoziva munhu ukaona maziso evanhu panetumanyuku nyuku twaunonzwa so Baba Tashie paakamira kundirova ndakabva ndazvimanikidza kumuka ndichibva ndatobuda mumba ndakananga kugate nekwandaiienda handitozivi lucky nezuro wacho nekuda kwebp ndanga ndarara nedress simba rekupfeka night dress rapedzwa natete dai ndakatofamba nako kanightdress nekuti pfungwa dzanga dzisingachashandi apa ndanga ndapukuta misodzi kuti vanhu vasaona kuti ndambochema since anga achiri makuseni but ropa pahembe manje vanhu vaindicheuka asi handina kuita basa nazvo ndakaramba ndiriserous zvekusada kubvunzwa zvisina basa. Ndakatevedza road ndichifamba slow ndichigaya kuti ndoenda kupi sezvo ndanga ndisina kana hama, ndichifamba kudaro my schoolmate came into my mind aigara same area nesu. Ndakabva ndachinja road ndikaenda kumba kwake uko kwandakawana asipo aaaa kana hasha dzakabva dzapera kuti hwaaa kuti ndidzokere kumba ndanga ndavakunyara kuti shuwa ndabuda ndega plus kurohwa kwandaita pamwe amwe maroja atozvinzwa ndotarisana navo sei iiii l can't go back ndingatondogara mugomo hangu kunevanhu varikuimba vanenge vemasowe.... I said that to my self ndavakukwidza gomo. Ndisati ndasvika Kure ndakanzwa kudeedzwa aiva Progy akabereka Tashie ndipo pandakazorangarira kuti ndanga ndasiya mwana ummm tumwe tuhasha hwatusi bho mufunge. Progy paakasvika pandaiva misodzi ikaita manyemwe ndikatanga kuchema Me"sahwi ini zvemurume uyu ndaneta nazvo ini😭at first it was his sister now him kundirovera fon yangu shuwa arikutora advantage yekuti handina anondirwira chete "ndakadaro ndichigara pasi uku misodzi ichierera nemwana wangu akabva atotangawo kuchema Her" shhhhhhh nyarara Kumbie ndamumaka Tadiwa nxaaa ndatozodeedzwa namai Brenda vachiti vanzwa muchirwa vazama kunocker hapana aidaira kusvika varova door "she said that achindipa hug Me" Zvakaoma sahwi tete Lucy varikuda kuparadza imba yangu😭" Her"shhhh chirega kuchema hona mwana avakuchemawo" ndakatarisa mwana wangu aiva kumusana kwake ndikaona achichema zvainzwisa tsitsi ndichibva ndamutora ndikapukuta misodzi yangu nekumuda kwandinoita ndaisada kuona achishungurudzika. Mai Brenda vakabva vasvika vakati "Mai Tashie ko urikuno murume wako avakuita kunge benzi muroad mese kukutsvaka arikutochema hanzi ndaponda mukadzi nekuti wabva kumba usingagoni kunyatsofamba hendei mundotaurirana Mai Tashie" Me"endai mundomudza kuti ndafa nxaaa andikuvadza avakunyepera kuchema nhema paanga achindirova anga achifungei " Progy" nhai hako iwe dai akuuraya aizotaura achiti kudii anopenga Tadiwa andibhowa nhasi ndozvaaregera kuenda kubasa imbwa yemunhu mhani "✍️in future chero ukaita best vakadii ukaona bestie vavakuwana simba rekutuka murume or mukadzi wako kana kumunyeya uripo uchitotsigira ziva kuti uribenzi ende chinopa munhu kuti adaro anenge achinzwa mashoko aunotaura pamusoro pepartner yako zvimwe zvinhu munoita kuti mapartner enyu asaremekedzwa mumastreet nenyaya yekungoti chese chaitika wamhanya kunasahwira or hama zivai nyaya dzekutaura kunze.... back to my story Mai Brenda "nhaiwe Progy simba rekutuka murume weshamwari yako urikuriwanepi panekuti uvake urikutoputsa, iwe Kumbie terera ini cc vako ndirimuhombe kwauri yes matadzirana atadza murume wako kukurova asi chihendei tindogadzirisa nyaya tinzwe masides enyu mese simuka younger wangu "vakadaro vachindibata ruoko ndakavanyara nekuti munhu anga akanyarara payard ende vaiva munhu akasununguka zvekuti ndakabva ndasimuka Progy" saka Kumbie wavo kutodzokera kumba after everything he did to you nxaaa ndozvinopa varume kugara vachirova Vakadzi inyaya iyoyi yekuti you forgive so easily anga achifanira kutombotambura kukutsvaka murume wako manje🙌wavakuterera mai Brenda vazouya wapondwa pondwa hooo ini zii ndaenda ini"akadaro achifamba kubva pataiva ndakazama kumudeedza asi akaramba akapira gotsi ndakanzwa kubatikana kuti sahwi wangu vatsamwa 😞zvinhu zvacho Mai Brenda"asikana Progy haasiye murume wako uyu ende haana murume haangambonzwisise nyaya dzevanhu vakaroorana inzwa ini hendei undogadzirisana nemurume wako handisikuti venga shamwari yako asika hazvisi zvese zvaanotaura zviriright pamwe wonawo wega "vakadaro vakanditarisa ndakaona kuti she was right pakuti ndidzokere kumba shuwa l was the one anga ariwrong kuramba nefon. Vakabata Tashie tichibva tafamba ndirizii ndaiva busy kufunga kuti ko fon ikanzi ibude ndichati kudiii panga pakaipa. Takasvika kumba baba Tashie vakamira pagate vakabata musoro tete Lucy varipaside, paakandiona akamhanya kuuya achibva andipa hug iritight achindidzimbira marwadzo🙄handina kumupa hugger back ndakaramba ndakasticker Him"am sory babe ndatungamidza hasha sory mukadzi wangu, gules Mai brenda thank you so much for bringing her back ndanga ndatova nestress mufunge "akadaro akavatarisa akandibata ruoko simba rekuramba kubatwa ndakarishaya Tete Lucy" nhaiwe drama qeeen wanga waendepi unoda kutipinza busy "handina kudavira ndakangoramba ndakavatarisa Mai brenda" eeh baba tashie ndokumbirawo muende mumba nemukadzi wenyu muritwo mutaurirane ndichazouya mapedza handiti " Baba Tashie" OK gules maita basa ndichakudeedzai, Mai Tashie ndokumbirawo tiende mumba tindotaura "ndakafamba kupinda mugate ndisina kudavira. Handina kucheuka asi ndainzwa tete vachipopota kumashure kwangu hanzi ndirikuda kutofona kumusha kuti wandinyeya udzoserwe kumba kwenyu hauna hunhu ayas. Ndakasvika nekupinda mumba ndikatora fon yangu pasi pebed ndakamhanyira kuvhura chat raprogy mamessge anga asisipo ndangatoshaya kuti anga abviswa nani ndakaidzosera pasi pebed fast ndichibva ndagara pabed hangu , pese apa baba Tashie vaiva padoor vachitaura natete kuti vambosara panze avo vairamba. Mai brenda"baba Tashie pinda mumba tete ndopedzerana navo "ndakaona apinda door richibva ravharwa iii tete vakawedzera kupopota vanga vavakutuka hanzvadzi yavo manje hanzi wakadyiswa nemukadzi zvinhu zvacho. Papera time vakazoenda baba Tashie akabva auya akapfugama pandaiva misodzi ichierera Him" mukadzi wangu am deeply sory about what happened ndanga ndisingade kukurova but you pushed me nerough yawanga uchindipindura sory " Me" it's ok baba Tashie l forgive you am the one who is wrong ndakafonera Progy ndichinyeya tete ndikaramba nefon ndichitya kuti uchaona call am sory too "ndakanyepa paya uku ndakarova serous ndaiziva kuti nezuro wacho ndanga ndambofonera sahwi Him"ikupi fon yako" Me"pasi pebed "akabva aitora paya akaenda paapp haana chakaona akatarisa Kuma calls epaapp akaona call iripo achibva anditarisa Him" l believe you babe but next time usazvita handizvifarire hanty am sory nehunhu hwate... "asati apedza padoor pakaita nock baba Tashie akavhura ndaitofunga kuti ndimai Brenda yet it was Progy akangopinda nekuti asikana ndadzosa mapills enyu aya handisisina pekumaisa" akadaro achimakanda pamakumbo angu apa aiva mabox 6. Ndakanzwa kutsva kana simba rekutarisa baba Tashie ndakarishaya ndakaramba ndakatarisa mafamily planning pills....... End of chapter What kind of a friend is Progy? Is this wat we can call Tru friend nhaimi? Zvaanoita kunge akafanana natete Lucy? Tah wesaladzone loves you all ❤️