Ndakafunga kuti ndirikutadza kuona ndichibva ndatarisa futi pregnant test iya asi hapana chakachinja malines akaramba angori 2, ndakanzwa kunge ndavakupenga pfungwa dzatanga kutenderera l can't be pregnant mhani nooo 😭... ko ndazivei kuti l was thinking out loudy ndakavhunduka baba Tashie avakuti "what do you mean by you can't be pregnant??? huh we discussed about the issue wani Mai Tashie urikuzama kuti kudii nhaiwe" Me"don't mind me murume wangu ndanga ndisina kuzvitarisira chete "ndakadaro ndichimupa fake smile apa ndanga ndavakunzwa kuda kuchema l couldn't believe how l got pregnant ini ndainwa mapills, ndakazama kuzvibvunza asi answer handina kuiwana ndakazovhundutswa nababa Tashie paakandipa hug achibva andikisa, ndakamutarisa ndikaona mufaro kumeso kwake apa ini ndanga ndatova nemazistress. Ndakasimudzwa ndikagariswa pabed ndikanzi "kubva nhasi hauchaiti basa ndinosiya ndaita zvese Tashie kutanga next week arikuendakucreche " Me"oh ok " ndakadaro ndakamutarisa ndichishaya kuti ndotaura kuti kudii akabva atora fon yake akafonera tete Lucy akaisa paloud ndanzwa tete vachiita kuridza mhururu hanzi ndirikutouyako ende pasina tome vakabva vasvika nemafruits vakabva vandipa hug waizomboda here kuti ndivo vaya vekusada kundiona vanga vachinja the way sisi nabhudhi was happy dai pakasvika munhu atoti pamwe ndazvara Tete Lucy " muroora wangu arikuzvara musikana ende ndirikumupa zita rekuti Chantel" Baba tashie"matanga cc kunyepa uyu mwana mukomana achanzi Tadiwa haaaa l can't wait mhani kufamba mustreet naye takapfeka zvakafanana father and son thing eshiii vanhu vachandiona even mafriends vachati eke nhaka "he said that achizvida Tete Lucy" hahaha hakuna zvakadaro ini tete vemunhu ndatokuudzwa musikana uyu" ndakashaya chekutaura vana vanyamunhu vachifarira nhumbu yanga yaindipa stress it's not like l didn't want to give birth again but Tashie was still young zvekuzvara kunge munhu asina order ndanga ndisingazvidi ini but panga pasisina zvekuita. Ndakanyepera kurara kuti ndisataudzwa asi zvavaitaura ndaizvinzwa.ndakazobatabwa nehope papera time ndikazomuka atova masikati tete Lucy vachiti ndigeze hanzi ndakubikira l was like 😳 why is she behaving this way 🤔kuchirikufarira nhumbu here or she is up to something? Only God knows. Ndakageza ndikapiwa chikafu vakatozoenda kumba kwavo manheru. Weeks passed Tashie akatanga kuenda kucreche, tete Lucy naprogy vanga vavakuswera mumba mangu vachitiindira zvese tanga tavakutowirirana sometimes ndanga ndavakupota ndichienda kundorara kumba kwatete Lucy tese naprogy.bond pakati pedu yaikura everyday zvekuti takambomakana zvanga zvatondibuda nekuda kwerudo rwavaindipa even tikanetsana nababa Tashie vaitopopota kuti usanetsa muroora wangu. Rimwe day ndakarota ndakabata nwana pachibva pasvika mukadzi anga asingaonekwi face yake akabvuta mwana uya akaenda naye l tried kumumisa but aifambisa ndakatadza kumubata ndichibva ndachema saying please bring back my baby ndakasvika pakumuka ndichingochema ende ndakamuka nditorinemusodzi ndakashaya kuti dzairevei l told baba Tashie akati pamwe ihope chete asi ini zvakandirambira ndakamirira tete pavakauya ndikavaudza Her"geza tiende kumasowe makoti hope dzako dzakashata idzi"vakadaro variserous ndakageza ndikagadzirira ndichibva ndaenda kundodeedza Progy kuti tiende tese ko ndanga ndisingachadi kumushaya ka but ndakabhoikana kuwana asipo l tried to call her phone was on voice mail. Ndakadhonza makumbo ndichidzokera kumba Tete"ko wadzoka wakatsamwa hanziiiko aripi Progy time dzaenda toda kukurumidza kudzoka " Me"ndamushaya ini tete" ndakadaro ndichiratidza kubatikana Her"maybe ambobuda hendei unozomuona tadzoka "vakadaro vachindibata ruoko kuti tibude she locked the door tichibva taenda. Sowe racho raiva mugomo apa ndaitonzwa husimbe zvangu ndaifamba slow slow lucky takasvika pasina vanhu tichibva taenda paiva namadzibaba vacho, tisati tavamhoresa vakatanga kurira nadzo ndimi(tounges)" hebhikirona dhivhaini rebhikirawa amai pandaona muchiuya uko ndaona muchitsika ropa aaaa kirona rabhi munepamuviri here amai ndaratidzwa pabva" . Tete" tipeiwo kundiso munhu walshe "vakadaro tete tapfugama ini ndakatoshaya zvekupindura Madzibaba" Ummm nhau iripano inoda mushinge amai ummmm manga muchizviziva here kuti murume wenyu anemusikana waarikufambidzana naye anova arikuda kutoputsa imba ye.... "vasati vapedza kutaura ndakanzwa mazihasha ndikasimuka ndakananga kwandanga ndasiya bhutsu ndichibva ndapfeka nekunanga kumba tete vakazama kundideedza asi handina kuvaterera ndanga ndatotsamwa shuwa munhu angandiudza rubbish yekuti my husband is cheating on me shuwa munhu waMwari angataura zvakadaro here nxaaa basa kuda kudya mari dzevanhu......... End of chapter Tsananguro yamadzibaba bho here? Tah wesaladzone loves you all ❤️