Ndakaramba ndakamira ndakavatarisa tete Lucy vachibva vaenda pastove vakavhura mapoto aivapo vachibva vatora nyama kana kudyairira kwacho😏 apa nekugeza maoko vasina ndakangotarisa wangu murume neziso rekuti urikuona sisi vako apa akaita kunge asirikundiona akagara pabed hake akati"saka hausi kuona kuti ndauya natete here urikuramba wakamira ipapo " Tete" Haaa unoti akarairwa here uyu siyana naye handina basa nekumhoreswa ini, asikana chero mukakwindimara pano pamba pabhudhi vangu kuda kana kusada ndotouya nekuti ndiye anobhadhara rent nekutenga chikafu zvako zvekuti haudi kundiona pano ndezvekupenga wanzwa " ndaida kupindura asi mashoko avakapedzsira kutaura akandipedza simba zvaitoreva kuti baba Tashie akavaudza kuti ndakati handidi kuvaona yeah neh wangu murume aitoita kunge adyiswa nacc vake nedzungu ratete Lucy obvious nekumusha zvanga zvatozara. Ndakabva ndatokwira pabed kurara hangu nemwana wangu kana kutaura handina, Ndaiti vachanyarara nekuti ndarara asi vakatowedzera kupopota vachindituka apa baba Tashie achitoseka hake Her"ndakambokudza Tadie kuti siya kuroora musikana akakurira kumusha ukaita nharo uchiti anehunhu chiona ka nhasi zvatavakuitirwa munhu wekuti ashanyirwa anokwindimara nxaaa vanhu vakakura vachitambura vanonetsa mhani dzungu rekuzivira polo y vachembera "ndakazongonzwa misodzi yava kuerera pamatama angu lucky ndaiva ndakarara ndakatarisa kumadziro saka hapana akaona kuti ndaichema panemashoko ekuti ukaudzwa anokubaya sekutukwa nhamo yekumba kwenyu nemunhu ndakaisira Progy messge ndichimuudza zvaiitika but she was offlyn . Ndakatanga kufunga kugara kwataiva takaita nemurume wangu tete vasati vauya ndikademba kuti dai tadzokera mugariro iwoyo manje natete Lucy vanga vakuita kunge anti marriage spirit nyaya yacho aitova maone. Ndakasvika pakurara varibusy kutaura ndakatozomuka pakati pehusiku baba Tashie vasimo mumba apa it was his first time kurara kunze ndakatoshaya kuti arara kupi ndakabva ndalocker door rangu ndikadzokera kurara ndichizviudza kuti pamwe arara kwatete but it doesn't make sense vadii kurara pano?aaa hameno better arara ikoko nekuti ndakanganwa kunwa mapills angu ndopandinganzi ndiite umwe mwana hanzvadzi yake ichindiudza nonsense so never mwana handiite... I said that to my self ndavakutsvaka futi hope . Makuseni ndakamutswa neknock Me"who is that " Him" baba Tashie vhura door"handina kudavira ndakangomuka ndichibva ndavhura nekudzokera kurara. l was not in the mood of talking plus chekutotaura chacho panga pasina ndakanzwa munhu avakuti Him"babe am sory about what happened yesterday unongoziva tete Lucy vanotaurisa usaisa mashoko avo muhana handiti ndinokuda "akadaro achida kundipa kiss ndikatarisa kuside Me" please Tadiwa ndokumbirawo usiyane neni waiseka sisi vako vachindituka mumba muno handiti wakavadeedza kuti vandituke bho wani she did well kana zvichinetsa zvekugara neni taura shaa ngatisaita kunge tirikumanikidzana ndoenda kumba kwedu ini handina kusiya ndapisa musha 😭" Him" aa babe ko ndokwayava here Inga ndirikuti am sory pawanga warara ndakatozonetsana naye ndichimutsiura hunhu hwake sory sweetheart wangu handidi kukuona uchichema lucy akamborwara njere usamutevedzera ndosaka akatorambwa nemurume "akadaro achiisa musoro wangu pamakumbo achindipukuta misodzi kuzodaro ndakabva ndatowedzera kuchema ake kana tazogara varume can softer you kusvika hasha dzapera , ndakatanga kuudzwa zvekupenga kwatete varimudiki hanzi zvanotaura usamutevedzera Me" ko zvekuti handidi kuvaona pano vakazvinzwepi " Him" babe shaa obvious she knows that hauvafariri that's why vakadaro ko iwe unoita stress yei she is my sister wangu mukadzi ndiwe chero asiingakude hazvina deal nekuti ini murume wako ndinokudisisa my heart owner " Me" hunhu hwavo handihude hangu nezuro paya vakangosvika nekuvhura mapoto vasina kana kugara pasi aaa vakandibhowa " Him" itype yekungotarisa Iya arikutsvaka mashoko ekuzoudza varikumusha chete siyana naye chero akauya pano akadii iwe nyarara hanty " Me" OK kwacho but hazvisi nyore handizivi ndakavatadzirei" Him"come on babe ngaipere nyaya iyi kani inzwa nhasi handisi kuenda kubasa tichaswera tiri3 nemwana wedu are you happy now gave him a colgate smile but deep down ndakasvotwa ini ka hunhu kekuswera mumba ndanga ndakakavenga makazvisingaiti l was used kuswera tichiseka Naprogy tichinyeya vanhu hedu manje zvanga zvadirwa jecha.nyaya yekutukwa natete yakabva yatopera , ndakatanga kuudzwa nyaya dzekubasa kwake ndichipuruzirwa musana ndikati pamwe kutandara ka hana yangu yakazorova ndavakuona munhu avakuda kuenderera apa ndanga ndisina kunzwa mapills lucky padoor pakaita nock aiva Progy Her"iiii sahwi muchiri makarara nanhasi here nhai vasikana asi Lucy the ain't marriage spirit akanonoka kuenda here vhura door uko ndipinde undiudze kuti aidei mureturn solder weguma uya "handina kukwanisa kana kumuka ndakangotarisa Baba Tashie uyo anga akandipa ziso apa face yanga yachinja ne2 minutes Him"daira ka sahwira wako" akataurira pasi achibvisa musoro wangu waiva pachest pake Progy "nhaiwe Mai Tashie zii yako bho here urikumboiteiko muka apa nhai" akadaro achirova mukuku kuside kwatinoisa musoro Baba Tadie "Progy urikuita noise takarara sahwira wako achauya kana amuka kuti muzonyeya cc vangu" handina kunzwa reply yake ndakabva ndaziva kuti aenda ende zvinonyadzisa changa chasarira ini mnje ndainzwa kunyara kunge ndichapinda pasi pebed Him "ndokumbirawo fon yako" iiiii pakuti fon apa ndakaramba nekuti yanga inemamessge anezuro wacho ndichiudza Progy kuti ndanganwa kunzwa mapills saka ndaitoziva kuti ndochat raarikuda iroro ndakabva ndati "urikudii phone yangu" zvinetuhasha mukati Him"Kumbie ndati ndipe phone yako "akadaro achimuka ndakabva ndakurumidza kuitora paside paTashie payaiva haana kutaura akamuka akasimudza mwana akabuda naye panze ndakatoshaya kuti afungei ndakabva ndadzima phone yangu ndikaiisa pasi pebed kucorner, baba Tashie akadzoka after some few minutes asisina mwana achibva alocker door Him" Kumbie handidi zvekunetsana newe ndipe phone yako " Me" Inga urikuti yangu wani meaning kana ndisingade nayo handikupe ende handisikuda uriku..... "handina kuzopedza kutaura fbukkufsrjjitdeynjysrunf End of chapter Kana mazogara rudo vaviri pakangobvira paita majudge mumarriage yenyu especially vasiri mumba anoita madrama chaiwo ladies haasi ese maadvice anovaka imba be careful.... Stay tuned fo chapter 3 Tah wesaladzone loves you all ❤️