Ndaiva busy kupopota muroad ndega ndakananga kumba Madzibaba vanga vandibhowa, ndakasangana naprogy pagate Her" he's kani sahwi ko wanga waenda kupi"she said that achindipa hug Me"ibva apa haugari pasi iwewe ndambouya ndichikutsvaka kuti tiende kumasowe manje wanga usimo ndokwandirikubva gaya madzibaba kundiudza kuti murume wangu arikuhura kkkkkk haasi mashura here iwayo kuda kuputsa imba yangu " Her" hezvo hanzi arikuhura nani nhaiwe zvavanopenga vanga vanakirwa newe vakati rega nditi murume wake arikuhura "akadaro achifinyama Me" nhai zvako vanopenga ndasimuka vachirikutaura ini " Her" wagona sahwi hende mumba urikutoshungurudza nhumbu yedu iyi "akadaro achindibata ruoko takabva tapinda tikatanga kutaura nyaya achindiudza kuti adhumanisa maboyfriend apa aitoseka zvake " shaaa aita maone iyo yedu yekuda kuendeswa out iyi ndasangana neimwe boyfriend apa ndakabatwa ruoko sahwi ndazongonzwa ndavakupiwa gwati raita maungira ndikanzi mari yese yerent yandaikubhadharira ndirikuda nekutoenda haaa ndanyarara nhasi uyu wandanga ndinaye manje ndamuti ndiex hubby arikuramba kurambwa akatotsamwa kuti anodyairira only if he knew kkkkkk zvemjolo hazvisi healthy wangu ummm " Me" hiiii sahwi muchakuvadzwa imi apa urikutoseka hako kkkkkkkkk"tete vakabva vapinda vakatsamwa Her "nhaiwe Mai Tashie kohunhu rudzii hwawaita paya" Me"Haaa aunt baba vaya vanopenga how can he say Tapiwa wangu arikuhura handiti kuda kundiparadzira imba yangu ikoko ever since ndakagara nemurume wangu handisati ndambobata mamssge mufon kana kunzwa zvako madzibaba ndopavavakutaura zvekupenga haaa apo mweya wapotsa " Progy" taura hako sahwi varipakuda kuparadza zvavataura hazvitaurwe " Tete" ko wanzi pindura nani nhaiwe Progy heee nxaaa unedzungu " Progy"kkkkkkkkkkk mati kudii vatete musada kundinzwa handisi Kumbie anokusekererai muchitaura marara ini ndinokudzai mashoko maviri mukadzokera kuzim netsoka manzwa" akadaro atosimuka bp yatokwira Me"ummm Progy ngaipere nyaya iyi nekuti ndaona manetsana" Tete "iii kunetsana nehure kuti ndashaya zvekuita here ndisiye zva...." Progy akabva avabata colar "waurikuti hure ndyn nhaiwe lucy ndozvinokupa kunye....." asati apedza kutaura tete vakamupa mbama yakandivhundutsa pandakada kubata vakabva vatotanga kurwa , ndakashaya kuti ndobata ani nekuti vanhu vacho vaitova nenharo dzisingaite lucky landlord vakabva vangosvikawo ndokumira kwavakaita vakabvunzwa kuti murikurwirei hapana akataura zvisvinu kana ini ndakatoshaya kuti chii chirikuitika nekuti ndaiziva vachiwirirana manje apa ndakapera simba. Tete havana kuzogara vakabva vati ndakuenda ndakada kuvaperekedza asi vakaramba hanzi zorora tichazotaura umwe musi. Tasara naprogy ndakada kumutsiura akangoti tete vako vanedzungu manje ini handivatyi akadaro achitobata ruoko rwalandlord vachibva vatubuda, ndakangosara ndakamira ndichipererwa. Ndakazoswera ndadhiniwa kuti nyaya yekwamadzibaba koti yanatete baba Tashie vakadzoka ndisina kubika ndikanyepera kurwara cause nemood yekubika ndanga ndisisina manje iye anga atova worried hanzi mangwana toenda kuclinic undotariswa ndikati ehwoi ndaiziva kuti ndongomuka makuseni ndichiti ndava bho. Nyaya yanatete handina kumbomuudza, akabika murume wangu tikadya tavakuda kurarara Tashie akatora fon yababa vacho akatanga kutamba magame paakanzi chindipa fon urare akaramba nayo paakada kudzira pabed kuti atize fon yakadonha nekutotsemuka zvekufa LCD baba Tashie akangomuka nekupa mwana zimbama rakaita kuti abude ropa mumhino ndakanzwa kunge ndabaiwa netsono pamoyo pandakaona mwana achierera ropa mumhino ndakada kusimuka ndikatadza nehasha dzandanga ndavakunzwa kana kutaura ndakatadza apa baba Tashie wacho akabva atobvisa belt akatowedzera kurova Tashie naro kumusana iii ipapo manje ndakasimuka ndikamupusher achindorovera kudoor Me"wapindwa nei nhai Tapiwa urikuroverei mwana kudaro hausikuona kuti wamukuvadza kuranga rudzii kwauri kuita uku "ndakadaro ndichifemereka ndakamutarisa Him"hausikuona kuti auraya fon yangu nxa maproduct of rape anonetsa mhani nxaaa" Me"wati ku_dii Tapiwa😭😭😭"ndakadaro ndichipfugama majoins emuviri wangu ndakanzwa kunge atyoka tyoka nekuti mashoko ake ndanga ndisina kumatarisira Him" you heard me loud and clear nxaaa manje ndirikuida phone yangu or else ndokarova everyday pamba pano...... End of chapter Mashoko aTapiwa bho here? Product of rape??? Who raped who? Tah wesaladzone loves you all πŸ’™