Progy akabva atobuda zvake, ndakatadza kana kutarisa baba Tashie nekunyara ndakambozama kufunga kuti ndonyepa kuti kudii asi ndakashaya, Him"Kumbie usaramba wakanyarara taura tinzwe what's going on mapills eyi aya ndakati handidi kuona mafamily plaining pano ndochii ichi huh does this mean you lied to me Kumbie😡 "akadaro achifamba kuuya pandaiva Me" l... I.... Can.. Explain Baba Tee "ndakakama ndakatsikitsira ndichitya kurohwa Mai Brenda" ndambokuudza Mai Tashie kuti friend yako aripakuputsa chiona manje zvavakuitika zvenyu baba Tashie Progy anga asingadi kuti Mai Tashie adzoke so Mai Tashie haana kumuterera vabva vatukana Progy akati we shall see, abva akatsamwa zvisingaiti now avakuuya nemapills ake andinogara ndichitenga achinyepa kuti ndeamai Tashie zvakaoma aaaa anoshura musikana uyu iii"pavaitaura nechemumoyo ndakati maita henyu matumwa naMwari Baba tashie"saka sei auya nawo muno mumba? iwe kumbie hauchagoni kutaura here "akadaro achindinongedza pahuma kuti ndisimudze musoro Me" even ndikada kutaura obvious uchafunga kuti ndirikunyepa arikundinyepera progy 😭"ndakadaro misodzi yavakutobuda kuti zvityise Mai Brenda" arikutaura shuwa ndeaprogy ini handingakunyeperei baba Tashie "vakadaro vakarova serious baba Tashie paakada kutaura fon yake yakapinda messge achibva ambotora time akanyarara akazoti ndirikudzoka let's hope hausi kunyepa tingarwa mumba muno" nemashoko iwayo akabva atobuda kuti ndichabvunza kuti urikuendepi zvanga zvisingaiti Me"thank you so much cc mandibatsira sure dai imba yangu yaparara nhasi "ndakadaro ndichichema ndakavatarisa Her" it's ok dear chengeta imba yako kana zveshamwari zvichinetsa tamba nemurume wako "vakadaro vachindibata ndakasimuka vakandipa hug vakaoneka hanzi mwana ndichamudzosa manheru ndikangoti ehwoi. Ndakasara ndikagara mufloor ndava kufunga kuti ndichapabuda sei the only person afanira kundinunura was Progy apa anga atsamwa. She was that kind of person wekuti akakuudza advice ukapikisa aitokwindimara at some point l felft like am the one who is wrong ndaterera Mai brenda ndichiignore besty wangu . Ndakasimuka ndichibva ndaenda kumukuku wake kuti ndizame kutaura naye, ndichisvika ndakanocker achibva abuda same time but anga avakusekerera l was shocked kuti and then munhu anga akatsamwa arikufarei. I thought mood ichachinja ka but no akabva atoti sory nehunhu hwangu l was just angry ndichauya kumba totaura "akataura akamira padoor which was unlike her pese pandaienda pamba pake ndaito pinda but apa akaratidza kuti haasikuda kuti ndipinda. Handina kuda kubvunza zvakawanda hangu ndakangoti thanks sahwi tozotaura mauya nekutodzokera kuroom kwangu but ndisina kugutsikana kuti andiregerera, munhu wacho here aisanzwisisa hunhu hwake ende ndakashaya kuti ndiani wanga akavharira nekuti vanhu vake vese ndaivaziva. Pamba pataigara anga asingabhadhari rent aidanana nalandlord who was a teacher apa anezvikomba 3, 2 boys one murume wemunhu ndovaimuchengeta ukada kumutsira aitoti takauya muno kuzotsvaka mari not rudo ndiripakutsvaka kurarama otonyarara hake saka nyaya dzake dzemujolo ndanga ndakageza maoko. Ndakazvimakidza kucleaner ndaiti pamwe baba Tashie achadzoka nguva iripo asi haana kana Mai Brenda pavakabvunza ndakangoti hasati adzoka vakati mupe nguva afurwe nemhepo. Manheru ndatopedza kudya ndopaakapinda naprogy achiti andomutora kuti ataure nyaya yemapills uyo akandishamisa kupfugama achikumbira ruregerero hanzi ndanga ndinehasha mapills ndeangu, ndakasekera mumoyo zvekufarira kuti ndapona baba Tashie akabva atitsiura nyaya yekunyeya vanhu tikakumbira ruregerero. Progy akazoenda kumba kwake tavakutofara baba Tashie achingoti sory nekukurova kwandaita mukadzi wangu regai kunzi dzevaviri hadzipindirwe ndisati ndarara ndakaenda kumba kwaprogy kuti andipe mapills akabva ati nwira kuno usiye zvisapa matalks which was the best idea ndakaita sekudaro ndikadzokera kumba. Days passed everything went back to normal tete Lucy kana kuoneka ndakanzwa baba Tashie achiti vakatsamwa kut handina kukuramba vaida kuti ubve ndikati manje handina kwandinoenda naProgy tanga tadzokera pahushamwari hwedu l even told her kuti Mai Brenda ndovaindifurira ummm akavatuka zvekuti ndanga ndakunyara kubva musi iwoyo vanga vasingachataure neni but handina kuita basa nazvo. Rimwe day ndakamuka ndakaneta neta baba Tashie paanga avakuisa perfume yakandimisa moyo ndikatanga kurutsa non stop ndakazomira ndavakurwadziwa body yese Baba Tashie "mmmmm wakatanga kurutsa nekuda kweperfume iyi rini ndinoishandisa everyday wani kkkkkk let it be what am thinking wait ndikuuya" ndakasara ndakagara pafloor hangu ndichishaya kuti munhu aendepi. After some minutes akadzoka anepregnant test akandipa ndakada kuseka ndikazvibata hangu ndakasimuka ndikaita matest then boom 2 lines came out l was like whaaaaat😳simba rakapera mumajoins ndikadonhera pasi...... End of chapter Ko aita nhumbu sei achinwa mapills?maperero aita nyaya iyo bho here? Tah wesaladzone loves you all ❤️