Angela wakange akagara zvake pasofa achiverenga bhuku ari mumba me mukomana wake.Uyo waakange apfuura nekumba kwake,achida kumuona sezvo pakange pave nemazuva vasingaonane.Kubvawo zvavakange vaita mhemberero ye engagement party vakange vasina kubvira vaonana.Wakange amufonera kuti aizopfuura nekumba kwake.Chero zvazvo akamuwana asipo hazvina kumunetsa sezvo aive ne spare key.Joshua akazosvika mushure mechinguva,"ko wadii kufano zorora zvako uri mubedroom?". "Mubedroom kwete?". "Ko nekuda kweyi uchiti kwete?handiti pano panongove pamba pako nhai mudiwa". "Mubedroom imba inopindwa nemukadzi wako kwete neni girlfriend yako.Ko muno muimba yekutandarira mandigere makaipei inga ndimo mandinosigara wani". "Ndinozviziva but parizvino yave nguva yekuti tiite sevanhu vakuru, you're as good as my wife now saka chii chauchatya.Joshua akadero achibata pachipfuva pa Angela uyo akamuvhizura ruoko irworwo zvine simba. "Unoda kuedza kuita sei Joshua?inga takatenderana kuti mutambo wekubatana.Kana zvese zvekupinda mubedroom yako zvichaitika kana ndave mukadzi wako".Ndaresva here nekuuya kuzokuona if i overstayed my wellcome nditaurire ndiende.Handide zvekukanywa kanywa nemunhu asati ave murume wangu.I must not remind you because i have told you from the onset,iwe ukabvuma ukati ucharemekedza zvido zvangu". "Iwe Angela unoda ndimirire kusvika rinhi?Why uchindi omesera as if I'm not your boyfriend?".Haundibvumire kana kuti ndikubate chaiko muviri wako.Joshua akabvunza achiita kudedera nehasha wakapinda muimba yake yekurara.Magonhi achiita zvekuroverwa waiita kunge munhu ari kwavamwe anoda kuparadza.Angela haana kuvhundutswa nazvo wakaramba akati zete kugara musofa.Pasina nguva Joshua akadzoka asina shoko raakataura,akasviko nanga pafridge ndokutora mabhodhoro maviri e hwahwa.Akadutira ese pasina kuzorora achipedza kudaro akabva anodira bhurandi ndokutanga kudutira nenzira imwe yaange anwa hwahwa nayo.Angela paakaona Joshua odira girazi rechitatu ndipo akasimuka,achindotora doro riye.Haana kunge aziva kuti kuita kwake ikoko wakange azvidenhera zvirere. "Unoda kuzviuraya nedoro here nhai Joshua?"Asi chii chaizvo chakubata nhasi?". "Unoda kuti ndidii you're denying me my rights as a man we have been in love for 2 good years.Uye hapana chandi singaite kutaridza rudo rwangu kwauri,asi zvese izvozvo hauzvione,unokoshesa zvaunoda chete iwe". "Ndinofunga nyaya iyi takaitaura kasingaperi Joshua ngatimirire titange taroorana sechi bvumirano chedu". "Usati sechibvumirano chedu,ini handipo ipapo ndezvako nezvimitemo zvako zvechurch zvisina basa.We got engaged mwedzi mitanhatu dzapfuura,tikaita mhemberero yacho nevanhu vekuchurch kwako.But you still deny me Angela why?".Angela wakatarira Joshua mumaziso chaimo,hongu waida mukomana wake zvikuru uye nguva yakange yareba vari murudo.Asi haana kuda kubvira ada kurara naJoshua vasati varoorana,shoko raMwari akange akarinzwa rikawaridza bonde munzeve dzake.Chero zvazvo aizviona kuti Joshua anomuda asi,haana kubvira adyira zvekusvika pakuputsa mhiko yake.Joshua wakamboita semunhu anzwisisa kwenguva yakareba,asi zvezuva iri zvakange zvamudzokera.Angela wakange ari mugore rekupedzisira paUnivhesiti of Zimbabwe paaidzidza.Saka hurongwa hwaive pakuti vaizoroorana paanongo girajuweta.Zvino Joshua mukutaura nema dzisahwira yakewo nhamo yekunyimwa zvaaiti ikodzero yake.Vamwewo ndivo vakamupa zano rekuti amupfekedze simbi yechivimbiso(engagement ring).Izvozvo akazviisa pasina kufunga kaviri semunhu aive nemari dzake,asi kwakave kutamba paruware sezvo Angela asina kubvira abvuma kurara naye. "Pane chinhu chimwe chausinga nzwisise Joshua,chekuti engagement ring yawaka ndipfekedza hazvireve kuti ndave mukadzi wako.But ivimbiso yekuti uchandiroora saka ngatimirire zuva racho raucha ndiroora.Uye anodanana newe ndini saka rega kufamba uchitsvaga mazano asina basa muvanhu.No sex before marriage ndapedza newe Joshua.Uye kana uchiona zvekundimirira kuti ndipedze chikoro zvichitora nguva,enda kumusha kwedu wonondiroora ndova mudzimai wako.Kwete kundiudza zve engagement ring isina zvainoreva kuvabereki vangu.Just do the right thing wondiroora nenzira yechivanhu zvese ndino zvitambira". "Kukuroora ndinoda Angela asi kuti mazuva ano bhizimusi rangu harisi kufamba zvakanaka.Saka mari dzangu hadzina kumirawo zvakanaka sezvandinoda,asi kana zvaita hapana chinonditadzisa kuti ndikuroore mudiwa wangu".Asi chandinoda ndechekuti kana ndonobvisa roora ndisaita zvekuti tsvoti asi kuzvamudzira.Ndinoda tiite muchato uchazihwa nenyika yese so that's why ndichiti ndinoda kugadzira zvinhu zvangu zvive mugwara. "Ndino zvinzwisisa Joshua saka kana uchiziva kuti zvinhu zvako hazvina kumira mushe unoda kumhanyirei?Ko ndikaita nhumbu izvo zvinhu zvisingafambe mushe tinozodii?"So you have to sort out your things first,after all I'm not in a hurry kuti tiroorane.Tora nguva yako yese yaunoda ndichakumirira,and always remember to respect my golden rule". "And what is that golden rule of yours you're talking about?,if i may ask" "You want to be difficult only Joshua but you know it,read my lips no sex before marriage period!".Musikana akataura inzwi rimwe nerimwe zvishoma nezvishoma achitendeka malips ake nemunwe.Angela haana kuziva kuti zvakafamba sei akangoona girazi riye raaive atorera mukomana wake rave tumedu tumedu rawira pasi.Imomo muimba yekutandarira akange awisirwa pasofa Joshua achirwisa kumubata zveganyabvu.Vaka kikiridzana kwechinguva,Angela akazviona kuti akange ave kuzoitwa kanyama kanyama.Uyu akange asisiri Joshua waaiiziva asi rakange rave dusvura,mhuka yesango zvayo.Zvisina kuzihwa naJoshua kuti chirema chese chine mazano,Angela akasimudza ibvi rake nesimba rese rakange rasara maari.Akarova Joshua zvinesimba mudumbu wakabva awira kwakadero uko ipapo akabva apukunyuka ndokutiza.Wakasviko kunopinda mukombi yaive yakamira vanhu vaive mukombi vakangodzungudza misoro yavo.Vakangoita zvekufungirawo kuti kwaibviwa kwaive kusina kuti twasa.Vamwe ndivo vakacheuka cheuka vachifunga kuti vachaona waitizwa wacho asi hapana munhu wavakaona. Kufemuruka kwaiita Angela paakapinda mukombi hakuna kupera,wakasvika kumba achingodaro.Shamwari yake Edna yaaigara nayo yakashamiswa namaitire a Angela.Wakatora nguva akanyarara achifunga kuti zvimwe aizoudzwa zvakange zvavhundutsa umwe wake.Asi Angela haana zvaakataura izvozvo zvakaita kuti Edna abvunze."Kwakanaka here nhai vasikana kwamuri kufemuruka kunge munhu waona chipoko?". "Kuchinaka kupi vasikana?,ko zvanda potsa ndarepiwa naJoshua nhasi".Edna wakatanga aseka sepakange pataurwa nyaya inofadza. "Newevo Angela wazo zvinyanya nechurch yako iyi.Chii chausingaitirwe na Joshua?.Unofunga mukore uno kuchine varume vangamirira that long?,asati akuziva sezvakaitwa naJoshua.Dai ari mumwe akatoita move on asi kukuda kwaanoita ndiko kunomupa kushingirira.Handimushore iwe ndiwe uri wrong ipapo tarira akasvika pakukuitira engagement party zvinoratidza kuti ari serious.Work up girl don't be backwards nekuterera kutaura kwava fundisi venyu vanoparidza zvavasingaite.Ukanzwa nyaya dzavo dzeku nhumburisa kwavari kuita vana vesangano,kana vave pa pulpit voti no sex before marriage.After all ndivo vari kuzviita izvozvo kuvana vesangano.Usarasiswe nevanyengeri ava,vasina chavanokupa pahupenyu".Basa ravo kubira vanhu mari dzavo vachishandura magwaro to their own interests.Mashoko a Edna akave munyu wadirwa paronda nyoro,mumoyo ma Angela.Pane kuti aturwe mutoro waimuremera wakabva asengedzwa umwe wedanda rine minzwa chairo. "K....ko ka...na usina zvekutaura wadii kunyarara nhai Edna?".Ini handitevere zvinotaurwa nemunhu asi neshoko raMwari randinoverenga.Handitarire zvekuti ngana anodai kana kuti haadai asi ndine chitsidzo changu chandakaita kumusiki wangu.Ndichatanga kurara nemunhu ndokunge andibvisira roora,kwete nekuti munhu anonditengera chakati.Handi nyengedzwe nenyongorosi kana negonye sehove,ziso ravabereki vangu riri pandiri.Saka handide kuita zvino nyadzisa zviri nani ndigare ndisina murume pane kuti nditadzire Mwari nekuda kufadza vanhu.Ipapo never!! handitambe namadhaka pasina mvura".Angela wakataura achiita kupupa furo neshungu.Edna wakazviona kuti wakange achera nyoka mumwena,kubva zvaakagara naAngela akange asina kumbomuona akagumbuka nenzira iyi. "Aiwa ndazvinzwa vasikana asi newevo unofanira kutarira effort inoiswa naJoshua in this relationship vasikana.Joshua anokuda zvekurevesa dai ange asingakude he couldn't wait for that long asina kukuziva.Tarira he is doing everything possible achikutengera zvese zvaunoda vasikana". "Handina chandinoshora ipapo Edna,kana neni ndange ndichimuda nemoyo wese ndosakei ndange ndamupa option.Yekuti if he is in a hurry yekurara neni ngaaende anobvisa roora".Ndove mudzimai wake zvino iye yekuno ndibvisira ari kuitsika tsika,hanzi bhizimusi rangu harisi kufamba zvakanaka. "Unorevei nhai Angela kana uchiti newe wange uchimuda?it's like wakutaura zvinhu zvapfuura.Uri kurevei chaizvo kana uchiti wange uchimuda?". "Hongu zvapfuura Edna,handidanane nedusvura ini Joshua andigumbura kusvika pakupedzisira.Handichade kumuona zvakare muhupenyu hwangu,ndinopika nababa vangu kudai".Angela akabatanidza minwe yake achiratidza kupika achirevesa pane zvaaitaura.Uye kuti hapana munhu waizogona kusandura pfungwa dzake panezvaakange areva. "Iiiii vasikana!,musadaro that guy has loosed a lot for you dai mange maedza kutaurirana.Edna wakadero nemoyo wairatidza kunzwira Joshua tsitsi nezvaive zvataurwa na Angela.Wakatanga kufunga zvese zvaiitirwa shamwari yake,nechemumoyo waiti chokwadi mapudzi anowira kusina hari.Waidemba kuti dai aive iye aiitwa sezvaiitwa Angela hapana chaaikumbirwa nemukomana uyu akamurambira. "Those things zvaano nditengera means nothing to me kana usingazvizive.Dai aive umwe akachenjera dai akaunganidza mari iyoyo akanondiroora,handina kana zuva rawakandinzwa ndichi mukumbira chinhu.Unoziva sei ndisingakumbire?". "Kwete". "Inyaya yekuti ndinoziva kuti handisi mukadzi wake,vabereki vangu ndivo vandinokumbira nekuti ndiri pasi pavo.Kana munhu achiita nekuda kwake anonzi madyiwa dyiwa etsvimborume.Saka usafa wakanditaurira kuti ndinofanira kumuitira zvaanoda nekuti ane zvaanondiitira.Handisi pfambi ini Edna ndiri munhu anotya Mwari,humhandara idamba kamwe vasikana.Mari anogona kutsvaga imwe ini akaparadza humhandara hwangu ozotiza ndinozo huwana kupi?".Joshua ngaaende zvake kune vane mweya wana Judas wekutengesa zvakakosha nekuda mari".Edna wakaona kuti chero akataura nemutauro upi zvawo,Angela akange asingazo sandure pfungwa dzake.