Zviri nani kuchema kana uchinge wagumbuka nekuti kutaura unozoreva nezvisakafanira nekuda kwehasha.Wakange asinei nenhumbi dzaaive akatengera Angela asi kutaura kwaakaita kwekuti anodzida,dzaive shungu dzaisundwa neshanje.Akayeredza misodzi akatarira bhegi riye,Joshua akatora runhare achida kufona akabva arangarira kuti Angela akange asisina nhare.Sezvo nhare yacho akange aitora wakabva agumirwa akadero.Wakatanga kuzvibvunza mibvunzo,"ko chii change chichida kurondedzerwa naAngela?,dai ndamupa nguva ataura zvaange achida.Zvino ndakurirwa neshanje ndikatanga kumutukirira,chokwadi chero Angela akati haachada kundiona handimushore.Ndini ndazvikanyira ndega,saka zvino ndotaura sei naAngela?,Dai ndine nhamba yaEdna ndingadai ndafona,kuti ndingadzokere zvakare ndonotaurirana naye.Hongu ndingaita saizvozvo asi panoda ndiende ne mumwe munhu,zvino ndoenda nani?".Joshua akambofunga zvekuenda kumba kwaMoscow asi wakaona zvisingaite,sezvo Moscow aive atomuudza kuti aita chibharanzi chekutora mbatya dzaaive akatengera Angela.Uye akange atogeza maoko kuti chese chine chekuita na Angela akange asingachade kunzwa nezvacho.Akagara pasi oshaya kuti wodii?,asingafungire wakaerekana atora runhare ofonera tete vake vaaive akambodzinga pa engagement party.Wakange asina tarisiro yekuti nhare yaizodeerwa asi hazvina kubuda sekufunga kwake.Tete vake vakadeera ipapo ipapo, wakaramba akashama muromo achishaya kuti otaura kutii.Wakatanga kuzvitongesa namashoko akaipa aakange ataura kuna tete vake. "Kwakanaka here iwe Joshua?,ndiwe wafona hauchataure chii chaizvo newe asi wakadhakwa?",tete vakabva vatanga kupengera Joshua parunhare ipapo. "Kwete tete handina kudhakwa asi ndiri kutoshaya kuti ndotanga ndichiti kudii?. "Zvino wafonerei kana uchishaya chokutaura uye zvaita sei nhasi kufonera munhu anegodo".Vatete vacho vakatanga kutukirira parunhare ipapo,Joshua akatoona kuti zvaaida zvifambe zvaitoda kuti apete muswe.Sokuti kuna tete vake ndiko kwega kwakange kwasara vimbo yake,sezvo vainzwanana zvikuru naAngela. "Hazvide parunhare zvinoda nditouya ikoko,ndaremerwa tete Ange....la",hihihi tete ndaomerwa.Joshua akabva adimura runhare nekuda kwekuchema,vatete vacho vakasara vati kanha nazvo vakashaya kuziva kuti Angela wakange adii.Havana kuda kumirira kusvika kwemwana wehanzvadzi yavo vakatsvaira runhare rwavo ndokufonera nhamba yaAngela.Kasingaperi vakaizama asi mukadzi wemurungu haana kuneta achingoti(the number you have dialled is not available).Tete vaJoshua havana chimwe chavakafunga kunze kwekuti Angela akange afa,vakafona zvakare panhamba yaJoshua asi haina akadeera.Chero zvazvo vaive vakagumbukira Joshua vakazviudza kuti apa pakange poda kuisa misoro pamwe.Tete vakange voita kwire dzake vachitenderera neimba yese ziso rakange risingabve kunzira.Joshua akazosvika mushure menguva refu,tete havana kumirira kupinda kwake mumba vakatobuda kuno muchingura.Vakange vakaita hana yekubatira mumaoko chaimo. "Ko zvafamba sei nhai Joshua mwana wehanzvadzi yangu?". "Tete zvinoda takagara pasi".Joshua akatora bhegi raAngela riye ndokuzvuzvurudza achipinda naro mumba,tete vakange vachinzunzutira sechikwari vachitevera.Joshua akasviko zviwisira musofa,"tete Maidei chokutanga ndinokumbira ruregerero pamusoro pemashoko akaipa andakataura.Ndauya kwamuri kuti muzondibatsira sekuti hakuna umwe munhu angakwanisa kundibatsira panyaya iyi?". "Ko waparamura yeyi nhai Joshua ndakambokuudza kuti siyana nembanje?". "Hazvisi zvembanje tete asi kuti Angela andisii.... hiii hiiii tete kani,ndoita zvekudii ndichararamirei panyika.Zvimwe hazvide kumhanya usati wanzwisisa kunoenda nyaya,tete vaJoshua vakabva vati mhere povo.Vakange vakangobata ravo rekuti Angela wafa vakarwadziwa kusvika pakupedzisira sekuti vaida Angela zvikuru.Joshua zvakamushamisa kuti tete vake vakange vochemei."Ko zvaita sei tete zvomochema?". "Saka unoti neni handirwadziwe naAngela here nhai Joshua mwana uye ange ari munhu chaiye.Joshua akatadza kuziva kuti tete vake vaida kuedza kutii,wakazovaudza nyaya yake ndipo pavakazoti dzika dzika.Vakabvuma zvavo kuti vaizoenda naye kumba kwana Angela vonoedza kugadzirisa.Asi vakanhongeredza Joshua akasara achiita se asina kupfeka,wakange ongoti maziso boi boi kunge imbwa yabatwa ichiba. Husiku hwese Henry akarara tsvuku nekuda kwamarwadzo echibhakera chaaive abanwa na Moscow.Ziso rake raiita serichabuda raingochururuka misodzi isingaperi,musoro waiita kurema kunge munhu akatakudzwa gomo.Akazobiwa nehope kwatoedza akazomutswa nekuda kwenzara yakange yomusvonga.Bambo vangu vakange vafuratidzwa moyo nemarwadzo,saka vakazongorara pasina chakandwa mumuromo.Wakatarira nguva akaona dzatosvika pana 10:30 akamuka ndokugeza mazino.Zvaive zvekushingirira sezvo divi redama raaive arohwa aive marwadzo ega.Wakati achienda mukitchen akashamiswa kuona Moses agere pasofa achiverenga bepanhau.Wakada kudzokera kumashure asi Moses akange atomuona kare akabva amudeedza."Henry ko nhasi hauna kuenda kuchikoro zvafamba sei?".Uye ndinoda iwe neni timbotaura zvishoma,hana ya Henry yakaita seichatsemura chipfuva. "Nhasi handina malessons sakei ndisina kuenda,asi mukoma pano pamba tinofanira kutsvaga munhu anotibikira ndaneta nekudya ma take away".Henry akachinja nyaya achiitira kuti Moses asarambe achitaura nyaya dzekuchikoro sezvo akange anyepa. "Kana waneta nema take away why usingazvibikire?,uye uri kutaura kuti titsvake munhu anozoshanda here?". "Zvekubika kwete brother inga munoziva wani kuti mukitchen ndiri disaster chaiyo,hongu ndinoreva kuti mutsvage maid". "Ko wadii kuroora nhai Henry,then unozobikirwa zvaunoda".Moses wakadero achida kuwana mavambire enyaya yakange achida kutaura naHenry. "Kuroora kwete mukoma ndoda kumbokura ini,izvozvo ndingatotarisira imi".Henry akabva anogara pasofa paive nemukoma wake,Moses akabva atoona kuti Henry akazvimba. "Ko wakarwa nevanhu here nezuro?,asi why mwana wamai vangu uchifarira musindo?.Enda pagirazi uone zvakaita ziso rako uchakura urichirema chete. Henry wakaridza tsamwa wakabva abata divi raaive akarohwa naMoscow. "Zviripi ko zvandakarohwa neboyfriend yebenzi rataive naro pano nezuro,ndakafira kudziva chete kunetsana kwavaiita. "Kana uchiti benzi unoreva Angela here?,nokuti ndiye munhu ega ataive pano naye nezuro". "Hongu mukoma". "Ko haasi musikana wako here?,ndiyo nyaya yandange ndichida kutaura newe kuti umubate zvakanaka usatambise mwana wevanhu".Anoratidza kuve mwana akabva kuvanhu haafanane nedzimwe nzenza dzaunosiuya nadzo pano". "Apo bodo mukoma Angela handinei naye uye ini naye hatife takapindirana anozviita mutsvene toomuch". "Unoreva here kuti hauna feeling naye?". "Haaaa kwete mukoma ndaive nayo pakutanga but not now,zvandinoda nezvaanoda hazvipindirane.Saka ndakatozviona kuti ndaive ndave kuda kurasika,kusanzwisisa kwake ikoko ndiko kwakaita anetsane neboyfriend yake. "Since uchiti hauna feeling naye saka ndingamuone sei sezvo wati haasisina nhare?". "Aaaaah brother moda kudii after all Angela haasi we class yenyu she is from a poor family.Saka zvema parasites siyanai nazvo mukoma munozodemba.Mangwana mangwana oti ndinoda chino roorai munhu westatus yenyu". "Henry ndinogara ndichikutsiura kuti rega kutarisira vanhu pasi,kuve nemari hakuite munhu ave more human than others saka handide kuunzwa zvakare muromo iwoyo". "Ndazvinzwa mukoma asi zvikazonetsa mangwana musazochema.Saka mati munoda kuona Angela?Regai ndizame kufonera shamwari yake,Henry akafona atove nerimwe zano rake wakazviudza kuti zvaaida kuna mukoma wake zvaizoita kana Angela ave pakati.Nguva yakafona Henry Edna akange achigeza,saka Angela ndiye akadeera nhare iye.Waida kuramba asi nyadzi dzekuti Henry akange aroverwa nyaya dzake kwakaita kuti abvume. "Ndiyani ange achifona nhai Angela?". "Henry ati anoda tigodya dinner nhasi,ndangonyara nekuda kwezvakaitika nezuro asi ndange ndisingade.Henry ane kamwe kahunu kandisingafarire ufunge". "Watanga kutaura zvisina basa Henry muface manje uye plus anoratidza kuti ane mari,ini ndakamufarira zvangu kutaura pafeya vasikana". "Unotoda chipatara chaicho Edna unorwara unofunga chero zvikanzi varume vapera ndingade Henry?.Iwe une dambudziko hombe hapana chaunofunga kunze kwemari ichakuurayisa rimwe gore. "Ini zvangu ndinoda mari asi ndinofambirana nenguva tarira uone iwe zvako zvekuzviita*hollier than though*.Wakasundira kure munhu aizokupa ramangwana nekuda kutevedzera tuma doctrine tusina basa.Waiita kunge usina hanya naJoshua asi nezuro chaiye wakatadza kurara husiku hwese.Kana wati Henry hauna dhiri naye bva dzokera hako kuna Joshua,handifarire hangu nzira yaakakubata nayo asi ziva kuti zvinhu zvinoitika kunani nani.Uye kukanganisa kunowanika muvanhu unofarira kufunga kwamakabva". "Zvirinane ndigare ndisina mukomana zvangu pane kuitwa bhora,Joshua ndange ndichimuda nemoyo wese asi mushure mezvaakaita.Moyo wangu wakabva wasviba zvachose,hongu handina kurara husiku hwese sekureva kwako.Asi hazvireve inyaya yekuti ndinoda kudzokera kwaari,asi kurwadziwa nekuparadzana nemunhu wandange ndadanana naye kwenguva yakareba.Uye nzira yacho yatakaparadzana nayo ndiyo inonyanya kundi dzimba,but zvisinei zvinowanika muhupenyu Mwari vachandipa zvakandiringana". "Iheee seka zvako mwana waKutekwa,verenga bhaibheri rako mushe unofunga kuti vachadeedzera vari kudenga kuti Angela!Angela!,mukomana uyo?.Mwari vanobatsira vanozvibatsira,kana usingazvizive unofunga dai Abraham akagara chete achiti mutumwa wati ndichave nemwana.Asina kutora step yekupinda mumba naSarah Isaac aizovepo?.Zvimwe vanhu tisu tinozvikanya tozotanga kushora Mwari tichiti havapindure minamato,isu tirisu tine dambudziko.Zvimwe zvinoda kuti utore step kubva pane zvaunenge wapihwa,rangarira kuti Mwari vanoropafadza basa ramaoko ako.Angela unofunga kuti zvandisingaende kukereke handizive shoko raMwari?" "Inga zvakaoma vasikana,saka nemamwe manzwi urikuti dai ndakabvuma kurara naJoshua here muparidzi Edna?".Kuitwa domasi repamusika kwete ini ndichaita izvozvo nemunhu andiroora.Rega ndinogeza zvangu nguva dzafamba idzi Henry anosvika manje manje saka handide kuti azomira. Unomuziva kuti ndiye umwe ane dzungu sewe".Angela wakasimuka onogeza asi zvese zvaaiita kwaive kuzvisunda,pfungwa dzake dzaive dzaka remerwa.Wakapedza kugeza ndobva apfeka rimwe rokwe rake raive rakamudema kunge akazvarwa naro. "Haude zvako kutaura asi ndaona Henry atora mukombe nekuti machenere aya haasi e normal dinner".Edna wakarova chikwee asi Angela haana zvaakapindura,kunze kwekudzungudza musoro.Nenguva isipi vakanzwa kutinhira kwemota panze,vachine kushamisika kuti sei Henry aive akurumidza.Vakanzwa inzwi rechikadzi raiti vepano,Angela akasimuka akanovhura mukova,"aaahaaa titambire tete, kwakanaka here kwamatitsika kekutanga kudai?".Vasati vapindura Angela akasimudza musoro ndokuona Joshua akange ari mumashure mavo.Waive akati nyumwarara,mapfekero acho aaive akaita kwaingove kuturika zvaive zvakapfekwa zvaive zvisingaenderane.Vanhu vakasikwa zvakasiyana dai Angela aive umwe angadai akagumbuka paakaona Joshua.Asi wakamunzwira tsitsi achiona zvaakange ari, tunyuka twemisodzi twakanyuchira mumaziso ake.Angela wakapinda na vaenzi vake mumba ndokuvadirira drink,tete vachiona kutambirwa zvakanaka kwavakaitwa.Vakabva vave nevimbo yekuti vakange vafambira zviripo. Edna achipedza kukwazisa Joshua natete vake wakabva aenda kunogara muimba yekurara.Izvi waiitira kupa Angela navaenzi vake mukana wekutaura.Chinhu chakange chotyirwa na Edna kuti zvaizofamba sei?kana Henry aizosvika vana Joshua varipo.Sezvo akange asingashuvire kuti zvakange zvaitika nezuro wacho zvidzokorore.Edna wakatadza kugara pasi muimba yekurara muye maaive ari aingoita zimire mire kunge munhu amwa muzunga zunga.Munamato wake waingove pakuti Henry azosvika vana Joshua vaenda.Pfungwa yake yaive yave pakuti zvirinane Angela adanane naHenry,sezvo aitaridza kuve munhu wepamusoro.