Pfungwa dzake dzaive dzakaremerwa wakaenda kuchikoro,zvekumanikidza zuva iri waiti akafunga zvaida kuitwa naJoshua hana yaiita seichapoya nemumbabvu.Waimbobatwa nepfungwa yeku regerera Joshua asi wainzwa imwe pfungwa ichi rambirana nazvo ichiti Joshua i bad news.Wakaita zvidzidzo zvake zvezuva iri asi aive akangoti nyumwarara sehuku yanaiwa,waingoti padiki padiki onamata achitenda musiki akange amurwira. Nguva hadzimire kufamba nekuti unezvinetso,dzekuti aende kumba dzakakwana,sezvo aigara mu Mount pleasant makare waifamba netsoka zvake.Asati abuda muchivanze chechikoro wakanzwa munhu aitevera achimhanya kumashure kwake."Excuse me!excuse me sister!".Angela wakacheuka paakanzwa kuti ndiye waitaurwa naye,paakati ba munhu uye akabva amuziva. "Aaaaaah Henry!;ko urikubva nekupi?". "Angela!Angela! is that you?or i'm dreaming where do you spring from?". "Ndiri kubva kuma lessons zvangu now ndave kuenda kumba.Ko iwe uri kutsvaga chii pano Henry?". "Neniwo ndinodzidza pano,oooh what a coincidence,takadzidza tese on the same school now tave pa same university".Henry naAngela vakambundikirana nemufaro,vaive vakadzidza vese paGokomere kuMasvingo."Saka apa uri kuenda kupi nhai Angela?" "Ndave kuenda zvangu kumba". "Uri kuenda kumba?,ko haugare muno mucompas here?". "Kwete Henry handigare mu compas ini,asi ndinogara makare muno mu Mount pleasant in 10 minutes time ndinenge ndasvika.Ndiri kugara ne shamwari yangu,asi iwe uri kugara pano pachikoro here?". "Kwete kwete ini ndogara kuBorrowdale ne brother yangu,if you don't mind tinogona kuenda tese undoona kwandinogara.Ndinozouya ndichikusiya kumba kwenyu,ooh its nice to see you again girl".Henry wakadero achibata Angela papfudzi,musikana akabvisa ruoko rwuye zvinyororo,sekuti zvekubatwa batwa ndizvo zvaakange asingade.Sezvo Angela aida kumbowana kuzorodza pfungwa wakabva abvuma kuenda na Henry,wakashamiswa achiona motikari yaifamba naHenry.Yakange isiri mota inofamba nana Tinzweiwo asi yavanhu vane mari,haana zvake kuda kubvunza asi zvinhu zvakango munetsawo mupfungwa. "Tisati taenda kwandinogara ndinoda kutanga nekusvika ku Airport ndinotora mukoma wangu,asvika nhasi kubva ku England but hatisi kunomira".Angela haana kupikisa zvese aingobvuma,Henry wakazviona kuti pfungwa dze musikana uyu dzaive kure chaiko."Unotaridza kuve munhu arikunetseka ne something Angela do you mind to share with me?" "Don't worry Henry kungonyarara zvangu",Angela haana kuda kutaura nyaya yaJoshua yaimudya pamoyo.Pakutanga waive azvitora sezvinhu zviri nyore apo aitaura naEdna achiti wakange asingachade nezva Joshua.Hupenyu ndizvo zvahuri muromo unogona kungoreva chero chawada,chero zvisizvo zvinoda moyo.Chero kuita kwa Joshua kwaive kusina kumufadza,asi kumuramba zvakange zvisiri nyore sekufunga kwake.Nyaya yainyo mutambudza ndeyekuti Joshua akange apindwa nemweya rudzii sezvo,kwavakabva ndiko kwakange kwave kure vachinzwisisana. "Nxaaaa,munhu,munhu chokwadi anokushandukira wakamuvimba!".Angela wakayerekana ataura ega achidudza zvaive mupfungwa dzake zvinove zvakashamisa Henry. "Ko chii nhai Angela?,wakungoridza tsamwa uchitaura wega uri kudyiwa neyi chaizvo?".Angela akanzwa kunyara zvikuru,sekuti zvinhu zvakangoitika asina kutarisira kuti angabatwe neshungu zvekusvika pakutaura ega. "Usatambudzike zvako Henry,hapana nyaya only that i was thinking aloud.So tell me uri kuita program ipi?".Angela wakadero ave kuchinja nyaya sezvo akange asingade kutaura nezvenyaya yaimunetsa. "Ndiri kuita economics yandaka manikidzirwawo kuita nemukoma wangu".Henry akapindura achiratidza kusafarira zvacho zvaaive akanzi adzidzire,vakazotaura nyaya dzakasiyana siyana dzehupenyu.Angela haana zvake kuda kubvunza Henry zvakawanda asi kumuona ari pavhasiti zvinhu zvakamushamisa,nekuti munhu waaiziva asina basa nechikoro.Wakange asiri dofo asi aive munhu aizikanwa nemisikanzwa pachikoro chese uye kuita zvinhu zvekushamisira nekutarisira vamwe pasi.Semunhu ainamata akazvisimbisa neshoko rekuti Mwari ndivo vanosandura munhu. "Wonders shall never cease!,ndiwe here Henry wakare aitemesa vadzidzisi musoro paGokomere paye?Inga Mwari vakanaka you're a changed man chaiye.Kana kuti brother yako yauri kundotora ndiyo yakazokudzidzisa hupenyu,nekuti mazuva aye you were toomuch bad news chaiyo". "Kwaive kupwereka kuye now ndave munhu mukuru oziva chakanaka nechakaipa.Ndaive ndakaputirwa nekusazive,newevo Angela why kutaura zvinhu zve 10 years back?".Wakadero zvake Henry achiseka,kwaingovewo zvako kuchinja kwemhumhu asi hapana chakange chasanduka pana Henry.Waingove iyeye wakare,zvinhu zvemafaro ndizvo chete zvaaifunga akange asina hanya neramangwana.Chaitonyanya kumuremedza ndizvozvo zvekuti akange asina chaaishaya pahupenyu sekuti mukoma wake aimupa zvese zvaanoda.Vakasvika ndokutora mukoma wake uyo asina chaakataura naAngela kana na Henry sezvo aingove mubishi rekutaura panhare dzake.Angela waive akamboona dzimba dzakanaka asi wakange asina kubvira amboona imba yakange yakanaka seye mukoma waHenry.Hongu muBorrowdale waive musha waigarwa nembozha asi akaona kuti mukoma waHenry yaive mbozha yaikwikwidza.Wakati achipinda mumba macho akaona kuti raive paradhiso chairo raitaurwa mubhuku yaZvakazarurwa.Maive makashongedzwa zvemhando yepamusoro,yese mudziyo yaive mumba umu yaitaridza kuve yamazakwatira emari.Wakasara zvake akagara mumba yekutandarira Henry nemukoma vake vakange vadungamidzana vachipinda mune imwe imba.Mushure mechinguva chakati rebei Henry akabva adzoka mumba muye maive naAngela, "welcome to my place sister Angela!,ndokupa chii wine kana juice?" "You have a nice place Henry its so beautiful,but usazvinetse zvako nezvakawanda ndipe mvura". "Thanks Angela and you're most welcome rega ndikupe mvura yacho,asi ini uchandiregerera nokuti ndinofarira something strong like whisk.Henry akazvidirira girazi re whisk ndokupa Angela mvura yaakange akumbira.Vakanwa zvavo muchinyararire asi ziso raHenry rakange risingabve kuna Angela."So tell me how is your love life mukomana wako ari kupi uye anoita nezvei?"Angela akatarisa pasi zvake aiziva kuti mubvunzo uyu waizouya chete,sezvo Henry akange amubvirira kare vachiri paGokomere asi iye achiramba. "I don't have one Henry!,i know uchandiona semunhu anonyeba asi ndizvo zviripo". "Ibva apa asi unoona sekuti uri kutaura naHenry wepa Gokomere here?,nezera rako iroro ungashaye boyfriend kuti zvadii nditaurire arikupi mukomana wako?". "Ndiri kutaura chokwadi,hongu ndaive naye but ndakasiyana naye".Henry wakaswedera pedyo naAngela akaita zvekunogara mujinga make chaimo,nechomumoyo wakange achitenda midzimu yake achiti yaisa kwadzo kutsva dzarungwa.Angela akabva abudira zvake zvishoma achida kusiya mukaha pakati pavo,wakange atoona pfungwa dzaive naHenry. "Akange aita seiko bharanzi iyeye asi akakudhumanisa neimwe girlfriend yake?,kana akadero ndiko kunonzi kukanya kwaakaita.Chokwadi mapudzi anowira kusina hari.But unoziva varume tine dambudziko,izvezvi pamwe akakudhumanisa nechitokwaradzima zvacho chemunhu.You're very beautiful Angela haufanire kudanana netype yemunhu ano cheater,you deserve the best". "Kwete hazvina kufamba nenzira iyoyo",Angela akapindura zvake zvinyoro nyoro. "Saka kana zvisina kufamba nenzira iyoyo it means wakamurambira only one thing.Machinda akawanda ari kusiiwa nekuda kwaizvozvo handizive sei vasingadzidze". "What is that only one thing chauri kutaura nezvacho?". "Kuomera ndiko kwawaka siira boyfriend yako hapana zvimwe mukore uno ukave stinch unofa uri tsvimborume.Ndinoziva ndizvo zvawakamusiira chete hapana chimwe!".Angela wakaseka zvake nekuti zvese zvakange zvataurwa na Henry pakange pasina kana chokwadi. "Rega kutaura pausina kuswera Henry ko unomhanyirei kuda kuzviita muzivi iwe usingazive.Ini parudo handinei nemari yemunhu kundipa kana kusandipa hazvinei neni sekuti rudo harusi mari,but its a benefit of love.Hongu pane vasikana vanodira munhu mari but in handina kudaro saka usandifananidze nevanoda mari.Ini chandinok.......".Angela haana kuzopedzisa kutaura zvaaida mushure mekunge Moses mukoma waHenry apinda achibva mubedroom make.Imo maaive azvivharira achitaura panhare,Angela semwana waive akabva kuvanhu akasimuka achiratidza rukudzo kuna Moses. "No no my sister its fine ungagare zvako pasi,ndinokumbirawo kumbokutorera umwe wako zvishomanene".Moses wakabva atora Henry kwakuenda naye mune imwe imba pane zvaaida kubatsiirwa kutsvaga.Mushure mechinguvana Moses akadzoka muimba yekutandarira ari ega akasvikogara paive pakagarwa na Henry pedyo naAngela.Once again you're wellcome to my place eeeeee gara zviye hatina kumbowana mukana wekuzivana since ndange ndichingove busy nezvebasa parunhare.Ndinonzi Moses Makwarimba ndinovimba Henry akakutaurira nezvangu,ndanzwa achiti makadzidza mese uye mave pavhasiti imwechete". "Angela Museve ndiro zita rangu ndinobva kwaGutu". "Ndinofara kuzivana newe Angela,uye inzwa kusununguka pano pakafanana nepamba pako.Ko uri kuita zvidzidzo zveyi pa UZ?".Chero zvazvo kwaive kutanga kuonana uye kutaura naMoses,Angela wakanzwa achisunguka zvikuru kuita sekuti wakange azivana naMoses kwenguva refu. "Ndiri kuita computer sciences,by the way ndine hurombo mr Makwarimba ndanzwa Henry achiti makashaikirwa nemudzimai wenyu.Chii chakaitika vakarwara here?,and i believe she was still young.I'm sorry nekuku rangaridzai zvakapfuura Angela wakanzwa achizvisvora kuti wakange amutsa mavanga". "Its ok Angela kutaura chokwadi ndatanga kukuona nhasi asi ndatoziva zvauri once again thank you.Unoziva zvimwe zvinoda munhu wekutaura naye izvozvo zvinoita munhu ukurumidze kupora uye kurerukirwa.Mudzimai wangu akaita tsaona nemotikari akafira ipapo and she was 5 months pregnant so in other words ndakarasirwa nevanhu vaviri panguva imwe.Handiite zviye zvekuti wafa wanaka asi mudzimai wangu aive munhu pavanhu,she was unique.Handifunge kuti pasi pano ndichawana munhu anondinzwisisa sezvaiita mudzimai wangu.Handina zvangu simba rekutongera musiki sekuti ndivo vanopa nekutora asi rufu rwemudzimai wangu rwakandirwadza kusvika pakadzika dzika pemoyo.Misodzi yakanyuchira mumaziso a Moses asi wakazvidzora kuti asacheme.Angela waka dzimbikana zvikuru pamoyo akanzwira Moses tsitsi. "Ndine hurombo nekurasikirwa kwenyu mr Makwarimba,chete hupenyu ndizvo zvahuri tinorasikirwa nezvakakosha tisina tarisiro.Asi ndinoziva zvangu nekufamba kwenguva Mwari vanorapa marwadzo iwayo votipa mufaro zvekare".Moses wakagutsurira musoro achitenderana nemashoko makukutu akange arehwa naAngela.Kubva zvakashaika mudzimai wake,wakange asina kubvira ayemura munhukadzi,asi kuita nekutaura kwaAngela kwakaita adekenyedzwe moyo.Wakakurumidza kurasa pfungwa iyi nekuti wakaziva kuti ndipo paive neziso remunin'ina wake. "Handisiri munhu anofarira nyaya dzevanhu asi ndangonzwa wakandi sunungukira kutaura newe,ndinotozvishaya kuti sei ndakuita kunge munhu andakaziva kare.Ko chii chakaitika muhupenyu hwako?.Do you mind to share it with me?".Ko wakarasikirwa neyi,Angela akambonyarara kwechinguva achizvitongesa kuti otaura here kana kurega. "Ndakarasikirwa zvangu asi kwete nenzira yamakarasikirwa nayo". "Ko chii chakaitika a problem shared is a problem halved Angela,kubva mukutaura kwataita ini ndatorerukirwa,saka kutaura kunobatsira".Inzwa kusununguka zvauchandiudza kana uchida ive secret ndichagara nayo muhana mangu. "Kwete haisi zvayo secret asi zvinhu zvinondirwadza ndikafunga nezvazvo,i broke up with my boyfriend wandakadanana naye kwemakore maviri",Angela akadero achitaridza kurwadziwa pamoyo. "Ndine hurombo ufunge ko zvakafamba sei kuparadzana imi mange mashingirira for that long?".Angela wakatanga atura befu,wakabva atadza kuzvibata mvura dzekutambudzika dzikayerera namatama.Moses akasimuka ndokubva atora hangachefu yaakapa Angela kuti apukute misodzi. "Nyaya dzerudo dzinonetsa mufunge takapesana nenyaya diki diki,ndaingonzwa kuti zvinhu zvidiki ndizvo zvinoparadzanisa.But ndakange ndingatenderane nechirevo ichocho until now.Joshua akatadza kuremekedza my golden rule". "Ndeip iyoyo yakaita muparadze chamange mavaka?". "No sex before marriage".Angela akarondedzera Moses mafambire azvakange zvaita,uyo wairatidza kushamiswa zvikuru. "Asi unofunga kuti in this reckless world vangani vachazvikwanisa izvozvo?.Handione kuti kuchine varume vanokwanisa kumirira izvozvo pasi rafumuka iri". "Kana pasina varume vakadero zvirinani ndife ndisina murume pane kuswera ndichi pfukudzwa nana swerengoma".Henry akabva apinda akabata mapepa,Moses wakabva atora mapepa aye ndobva awoneka achiti akange ave kunoita zvebasa.Angela haana kuzogara kwenguva yakareba,wakabva akumbira kuti Henry amuperekedze.Moses wakazviudza kuti aizogara pasi naHenry achimuudza kuti asatambise Angela asi kuti amuroore.