Semunhu akange abvuma kuti waizoenda kudinner na Henry wakanyara kuti ati hazvichaita asi pfungwa dzake dzakange dzisisiri settled.Rudo rwake naJoshua yakange yave closed chapter asi zvakange zvisiri nyore kuzvitambira kuti ndozvavepo."Zvawaita wagona Angela hauna kutendera kuti Joshua atambe newe,chero wave kutanga zvitsva hapasisina dambudziko sezvo Joshua wapedza naye". "Zvitsva zvipi zvaunotaura nezvazvo nhai Edna,asi kupinda murudo nemunhu unokuita nyore kunge kurara hope?.Ukaona ndadero zvinenge zviri pachena kuti kuparadzana kwangu naJoshua hakuna kundirwadza uye kuti ndange ndagara ndisina basa naye.Ndine ronda pamoyo rinoda nguva kuti ripore vasikana,hazvisi nyore kuputsikirwa nechirongo wasvika. "Unozvinetserei nhai vasikana kana chaputsika chaputsika,ko vaumbi vehari vanopera here?Why uchiita sekuti Joshua ndiye last born yemunyika muno?Kana uchiri kumuda waregerei kumuudza sezvo ange auya kuzombira ruregero.Ipa Henry mukana munhu anoratidza kuti ane future wosiyana nekufunga Joshua anoita zvekujingirisa.Iwe na Henry munoenderana muri palevel imwechete kana totaura zvedzidzo,unofunga dai ukaroorwa nemukorokoza wako iyeye anozokubvumidza kuti uende kubasa?.Kusiyana kwawaita naye its a blessing in disguise kana usingazvizive ini ndinoshuvira good things pauri vasikana.Handizive chii chaunoshora pana Henry nekuti zvese correct kana iri handsome hatitaure akaitwa zvekuramwirwa".Angela wakaseka sezvaifadza zvaive zvataurwa naEdna. "Edna unoziva vanhu takasikwa takasiyana,hunaku kana mari ine munhu handinei nazvo asi munhu anerudo rwechokwadi.Rwunove urwo rwunomisa imba sezvo zviri izvo zvinoshuvirwa nemukadzi wese ane njere dzakakwana.Vangani vane mari vawakapedza nguva uchidanana navo?,kubva zvandatanga kuzivana newe Jabulani wawakasiyana naye ange ari wechi 10 unoda kusvika rinhi uchipfukudzwa nevarume.Kuitwa domasi repamusika rekuti ani nani neasina mari yekutenga anongobata. Edna unofanira kusiya ruchiva,kana wada munhu mudire zvaari kwete zvaanazvo.Edna wakadzimbikana zvikuru nemashoko akataurwa naAngela,sezvamunoziva kuti chokwadi chinorwadza.Zvikuru chikabuda pasina fungidziro zvikuru kana wange uchinyepera kuzviita mungwaru.Angela akange areva nemo nemo chaimo Edna akange asina matyira nevanhurume aitoita kunge munhu ane shavi chairo.Asi zvemazuva aya wakange amboti dzikameyi,wakange aka kwapaidzwa naJabulani paakaita mahwekwe naye anerimwe garinya.Zvino vaEdna vangu nebapu ndipo pavakada kuzvimisa misa nekuchakatika chino nechino havana kunge vaziva kuti mbinga dzinongo kushandisa dzokusiya.Iye wakange atoona muchato sekuvimbiswa kwaakange aitwa mazuva azvaive zvitsva,zvino mai vangu vakada kuzotukirira uye waifambwa naye naJabulani.Haana kunge aziva kuti mbinga hadzide kuchengerwa,va Edana vangu vakazopiwa ganyamuto rembama chairo,vhiki yakapera ropa rakadunduvira ne dama rese. Zvakabuda Joshua mumba haana kusvika achingomutsa mota akambotsikitsira kwenguva yakareba akabata gazvo remota.Nyika yaiita kunge irikupidiguka mumaziso ake rima raive rakati tiba kumeso kwake aiita kunge munhu aita chadzimira."Joshua mwana wehanzvadzi yangu dzidza kutambira kuti ndizvo zvatovepo chirega kuramba uchizviponda nepfungwa.Angela wange achikuda chose asi wakamukanya ndiwe,handione kuti nezvauri izvi ungachaira motikari nhamo dzacho dzingazoita mbiri tarovera.Motikari ndichaichaira ini mwana wehanzvadzi yangu chiuya ugare pa passenger seat pandigere apa".Joshua haana chaakapindura kunze kwekungotarira tete vake,wakabva anogara zvake kuseat rekumashure uko akasvika akazviunganidza senyoka ndokurara zvake.Moyo wake waive wakaitwa kupondwa pondwa nebonda rerudo,vachingobuda pagedhe vakabva vasangana na Henry. Mhanza yakaitika ndeyekuti tete ndivo vaichaira uye Joshua haanawo zvaakaona sezvo aive akaungana kuback seat.Mwari vane nzira dzavo dzavanonzvengesa vanhu nadzo,Henry zuva iri waive atakura pfuti wakange azviudza kuti akawana Joshua kana Moscow vari kumba kwana Angela waiva pfura kana vaizomurwisa.Pfuti iyi wakange apfuura achiitora kumba kweimwe shamwari yake iyo akasvika isipo saka akazomirira kwenguva yakareba.Saka izvozvo ndizvo zvakaita kuti anonoke zvekuti dai isiri pfuti angadai akasvika Joshua natete vake vachiri mumba.Chero paakaona mota yaJoshua haana kuita hanya sezvo iye aimirira kudenwa,zvino paakaona ichichairwa nemunhukadzi akangoti zvimwe kufanana kwemota.Tete vaJoshua nedivi ravo havana kuita hanya nekuziva kuti imota yaani,sezvo vakangofungira kuti yaivinga Edna.Zvekuti dai vakaziva kuti yaivinga Angela hameno kuti vaizofungawo chii.Vakasvika ndokumisa motikari pachivanze pavo ndokupinda zvavo mumba . "Tete Maidei maitire a Angela mamaona sei?handione zviri zvega izvi,ndinoziva ndakakanya asi mwana uye anofanira kuve nemunhu waanodanana naye.If my suspect is right muchinda uye wekurohwa naMoscow ndiye ari kumhanya na Angela.Mapfekere aange akaita aye ndeekuda kubuda kuenda somewhere",tete vakabva varangarira motikari yavakasangana nayo pagedhi vakaona zvakataurwa naJoshua chiri chokwadi. "Izvi ndezvekutambira mwana wehanzvadzi yangu hausiri iwe watanga kurambwa uye hausiri wekuguma,asi Angela mwana wevanhu handimushore asi iwe. Maitire ako ndiwo akakurambisa saka itoti tyoo,wotsvaga zvimwe zvitsva wokanganwa nezva Angela zvimwe kutaura kuno ari kutodya mahinya hinya nastranger iyeye we Fortuna.Tete vakadero vachikutura girazi re brand ravaive vasvika vakazvidirira,kutaura kwacho kwainge kwekusvotesa."Unoziva zviri kukutambudza mazvokuda aya saka afa nemavanga enyora haachemwe.Dai wakaterera kureva kwangu mazimari ese awakatambisa uchiita engagement party dai wakaenda kwaGutu wakanoroora.Kutaura kuno Angela angadai ari mudzimai wako,zvino tarira nharo dzako padzazo kusvitsa.Joshua akasimuka ndobva anozvidirira brand rakadero pasina kurisanganisa nedrink akabva arikutura. "Saka unofunga kumwa kunge mupengo ikoko ndiko kuchadzosa Angela?timudza brand iro rinokukuvadza".Tete vainge vaitaura vega Joshua akapamha rimwe girazi brand riye rakabvawo rapera mubhodhoro.Wakabva anogara pasofa rimwe natete wakange ofemera pamusoro sendere. "Tete Maidei!;makaudzwa nani kuti munhu andirikufungira kuti anodanana naAngela,anofamba ne Fortuna pane zvamunoziva here zvandisingazive?"Joshua akange abudisa ziso kunge mbudzi yaona banga,zvakangewo zvasangana nehukasha hwe bhurandi rakange rotanga kutonga mumusoro sezvo raive rango kuturwa rakadero pasina kutimudzwa.Tete vacho semunhu aigara asinganwe nguva nenguva chidzungu chaivewo chati vhaaa mumusoro,mashoko vakange voita ekupotsera. "Rega kundituvhairira zvisina basa iwe nemibvunzo nhando inga tapesana nayo wani pagedhe mota yandiri kureva,woda kuzviita kunge usina chawaona.Chero Angela akadanana nembingura iyoyo its her choice after all you're the one who pushed her away.Vatambi venhabvu chaivo vanorwira kuti bhora risatorwe ne*opponent*mapenzi akaita sewe anoripasa kumuvengi sezvawakaita.Regera Angela adye rifa kana ari iye ange azotorwa nembingura iye".Tete vakataura vasingakendenge yakange yave nguva yavo yekutsiva kudzingwa seimbwa kwavaive vaita pa engagement party. Havana kunge vaziva kuti kuita kwavo vakange vave kutocherera mwana wehanzvadzi yavo guva.Joshua wakatadza kunzwisisa kuti tete vake vaitaura chokwadi here kuti vakange vapesana nemota pagedhi,paakazorangarira kuti vaive vapfuura pagedhi iye akarara nekuda kweshungu.Pasina kutaura akabva abuda onanga kumota yake ndiye tande kudzokera kumba kwana Angela shungu dziri pakuda kunoona kuti zvirikufamba sei.Vatete vacho vakatosara vachiimba chimbo cha Tazvida chekuti ndiwe wakazvikanyira wega. Wakange ave nenguva yakareba chose ari muHarare asi akange asati ambosvika kana kuziva kuti kune nzvimbo yakanaka kudai.Zvaitoita kunge akange ari kune imwe nyika asi iye aingove muHarare yaakange achiziva,nzvimbo yaakaendeswa na Henry yaive yakashongedzwa zvisina mukare akamboona.Angela wakashushikana mumoyo wakatanga kutaura ega,"ndinoziva nhasi Henry ndipo paari kuda kundiudza kuti anondida asi ini handimude zvachose.I nkow kuti ashandisa mari yakawanda kuti tidyire panzvimbo ino asi izvo handinei nazvo.Zvirinane arwadziwe zvake pane kuti ndidyire huroyi mukunyara,uye handide kupinda murudo anytime soon moyo wangu uchine ronda hombe". "Wellcome to Amanzi restaurant it's a special place,for a special lady like you".Henry wakadero achiisa mudzanga wefodya pamuromo asi wakadziviswa na Angela.Haanawo kuita nharo akabva adzorere mudzanga uye mubhokisi rawo "Sorry Henry its only that i'm allergic to tobacco". "Its alright Angela even my brother Moses haanzwane nefodya zvachose saka vanhu vakaita semi ndatovajaira". "Ahaaa thats reminds me iye ari sei mukoma wako nenhare dzake dzisingazorore kuchema?He must be a very busy man,uvamhorese kana wadzokera kumba". "Yaaah that guy anogara ari busy wena asi zveku mumhoresa kwete,unozomu mhoresa wega ini ndogona kuita shanje ndikatadza kutaura".Henry akabva adeedza waiter vakabva vaorder zvekudya waitoita sekuti hapana zvaakange ataura. "Unoda kuedza kutii nhai Henry kana uchiti ndinozomumhoresa ndega?Chii chinorema ipapo kungoti mange muchimhoreswa naAngela?why uchida kungove difficult nezvinhu zviri simple?.Dzimwe nguva kuita kwako kunosvota unoita kunge Edna."Henry wakanyarara kwechinguva achibaya baya zvake nhare yake achiita kunge akange asina kunzwa zvaive zvabvunzwa.Angela akabitirirwa nehasha wakatanga kuzvishora kuti wakange auyirei ku dinner kwacho. "Ko hauna kunzwa zvandabvunza here nhai?".Henry akasimudza musoro ndobva anyemwerera izvozvo zvakaita kuti Angela awedzere kudumbirwa. "Unozvimhoresera wega Angela mukoma wangu aripano". "Wati aripano!pano papi?why uchifarira kuita drama,uchakura rinhi chaizvo". "Tarira kumashure kwako kana uchiti ndinoita drama".Angela wakacheuka ndokuona Moses akamira mumashure make chaimo.Mwanasikana akasimuka achiratidza rukudzo nyadzi dzakaita kumumomotera.Hana yake yakarova kunge ichapoya nemumbabvu Moses naye wakazviona kuti Angela wavhunduka,wakabva anyemwerera akatarira tsvarakadenga yaive pamberi pake.Hana yake yakarovawo zvinyoro nyoro wakabva agutsurira musoro wakatandavadza ruoko ndokukwazisana naAngela. "You look awesome Angela,wakadii zvako?",Angela asati apindura Henry akabva awoneka achiti kune kwaaida kumhanyira.Mwana wevanhu akada kubvunza kuti zvino wandidanirei zvowoenda asi zvakaperera pamuromo sezvo Henry wacho aive atove chinhambwe ave kutopwititidza mudzanga wake.Mwanasikana akaramba akatarira divi raienda naHenry wakadzungudza musoro. "Thank you for the compliments,Mr Makwarimba".Angela wakataura achinyarira hana yakange yorovera pasi nechekure. " Its Moses not mr Makwarimba!huri sei hupenyuAngela ndinodzokorora zvakare",nyemwerero yaive yakazara pachiso chaMoses. "Ndinosimba zvangu mr Makwarimba kana makafarawo,ko handina kumboziva kuti nemi muri pano.Ndatoti zvimwe idambe raHenry,asi munin'ina wenyu maitire ake mukawana nguva mumbomutsiura". "Henry!Henry!,always having trouble with people ko aita sei zvakare?Moses akabvunza achiratidza kusafara,pfungwa dzake dzaive dzotomhanyira kuti zvimwe Henry ane zvaaive aita Angela,kana kutaura zvakaipa. Look at it now,ndiye auya neni kuno osvika ongonditi dhiga obva aenda".Angela wakaerekana aridza tsamwa akatsamwa wakazonzwa kunyara pave paye kuti wakange atadza kuzvibata."Very sorry mr Makwarimba nekutadza kuzvibata kwangu asi mamwe maitire a Henry anofizura. "Its ok chero dai ndange ndiri mutsoka dzako ndaiita zvimwechete asi apa ndinokumbira umuregerere mhosva ndeyangu.Kutaura chokwadi haasi Henry aita uve panzvimbo ino asi uripano nekuda kwangu pane zvakakosha zvandinoda kutaura newe". "Mr Makwarimba ko matadza kutuma Henry here kana pane zvamange muchida kubvunza?,kana kuti pane chamakashaya kumba kwenyu musi wandabvako?".Angela akange ave nemudongo dongo wekuda kuziva kuti chii chaaive asheedzerwa,wakange asina kujaira zvinhu zvema suprise uye wakange asingazvifarire.Chimwe chakanyanya kuita avhunduke inyaya yekuti wakange asina kujairana naMoses zvekuti angatoronga zvekudya dinner naye. Angela!dzikama zvako hapana chandakashaya kumba kwangu asi..."Waiter akabva asvika nechikafu chiye chaive chaodhiwa na Henry chero naye wakashamiswa kuwana pave na Moses. "Excuse me sir ndimi maorder chikafu here?ndinodaro nekuti pandambouya pange pane mumwe asi ange ana sister vamugere navo".Moses akanyemwerera akatarira waiter uye. "Ichokwadi handisirini nda order but my kid brother did,asi ange achiitira ini,ndipe muchina wako ndibhadhare mari inodiwa.Ndinogara ndichidyira muno nemufana wangu ndinoshamiswa kuti sei usingandizive?". "Ndichiri mutsva ndine vhiki ndatanga basa sir".Mawaiter akawanda akauya achikwazisa Moses zvine rukudzo vamwe ndivo vaiuya vachimbundikirana naye.Angela naMoses vakazosara vave vaviri,ndokutanga kudya zvishoma nezvishoma asi Angela wakange ane kakuremerwa pamoyo kuti chii chaida kutaurwa naMoses. "Mbira yakashaya muswe nekutumira Angela,sakei waona ndasarudza kuti nditaure newe face to face zvimwe hazvide kutumira.Nyaya iripo ndeyekuti ndinoda kukuroora kana ukanditendera,ndicho chinhu chikuru chaita tive panzvimbo ino"Angela wakakanda fork yaaive akabata mundiro,ndokutarira Moses uyo waive akamutarirawo vakabva vadzvondorana vakadero pasina anobwaira.