Rufu murawo waMwari asi harujairike uye harusi nyore kurutambira,pane kuti afunge nezve hurukuro yavakange vaita naMoses.Iye akati zare kufunga nezva Joshua,chero zvazvo akange atadzirwa asi kufa kwake kwakamudzimba pamoyo.Nguva yese yaaiedza kuburitsa Joshua mupfungwa dzake ndipo paaiwedzera kufunga nezvake,wakademba kuti dai aive mupenyu waigona kuzomubvunza chikonzero chakange chaita arare na Edna.Wakanzwa achizvipa mhosva pamusana pezvaakange aita zvekuuya nezano rekuti shamwari yake imwe morning after pill,chekuita ndipo pakange pasina sezvo yaive yatodeuka.Pese paaivhara maziso chiso chaJoshua chaibva chati bhaa mumaziso ake,akatanga kurangarira vimbisano dzavaipana rudo rwavo rwuchapisa.Wakatanga kuona kuti zvivimbiso zvizhinji zvavaiita raingove dambe,akange avimbisana naJoshua kuti vaizoparadzaniswa nerufu.Asi pakati pavo chakange chatotanga kurambana rufu rwukazotevera runove rwaka konzerwa nekurambana ikoko. Mwanasikana wakange ongogara akasuruwara,kudya akange oita zveku manikidzira wakange achirota Joshua zvisina zororo.Angela wakademba kuti dai akange aenda akanoona pakaradzwa Joshua,zvimwe pfungwa dzake dzaizove nezororo.Zviitiko zvese zvekushushikana kwa Angela,aizviona asi Edna aishaya kuti obvunza sei sezvo aive nepfungwa yekuti ndiye aive honzeri yekunetsekana kweumwe wake.Rimwe zuva akazorovera moyo padombo mushure mekunge aona mazuva akange awanda Angela asingadye chikafu."Vasikana ndinoziva zvakaitika zvino rwadza asi chirega kuzviuraya nekufunga rusingaperi unoziva here kuti unopedzisira wave nechifo chekufunga". "Pandinoedza kusade kufunga nezvazvo ndipo pazvinowedzera,handina zororo zuva nezuva ndinorota zvese zvataiita naJoshua.Zvino ndishamisa kuti sei zvichidaro?ndinonzwa ndirini honzeri yekufa kwake".Ungaedza zvako kuda kundinyaradza asi apa ndinonzwa ndichizvishora,kuti ndini ndakaita kuti Joshua afe. "Rega kuzvipa mhosva yausina,kudhakwa ndiko kwakaita aite accident kwete iwe.Hauna kubvira wamupa doro akazvitsvagira ega,saka iwe mhosva yako iri papi?.Idya chikafu ichi Angela tarira ikezvino kuperezeka kwawaita,uchenjere kupedzisira waita stroke nenyaya yekufunga". "Ndichaedza vasikana kuti ndiedze kukoshiwa nezvazvo,kwaive zvako kuvimbisa asi zvakange zvisiri nyore nenzira yaaifunga nayo.Kufa kwa Joshua kwakaita anzwe kuramba achifunga nezvake,zvekuti dai zvaibvira kuti anomuka kuvakafa waimuregerera votanga patsva.Mutoro waive pamoyo pake raive gomo chairo kwainge kutakura danda rine minzwa risina anokuremudza. Moses na Henry vakazosara vochengetwa ne munin'ina waamai vavo mushure mekushaika kwa vabereki vavo.Hakuna aiziva hama kana kwakange kwabva vaMakwarimba baba vavo,saka pavakashaya mushure mekupondwa namatsotsi vakangoradzikwawo kumakuva eChamagamba muChinhoyi mavaishanda.Zvakange zvaitikawo ndezvekuti pakafa vaMakwarimba,mudzimai wavo akarwadzikana zvikuru kusvika pakubatwa nedenda remoyo mushure memwedzi mitanhatu akabvawo ashaya.Moses na Henry vakasara dzave nherera vakazotorwa nemunin'ina waamai vavo ndiye akazovakurisa.Kanzuru yeChinhoyi yakavimbisa kuti ichapinza vana vaMakwarimba chikoro senzira yekutenda kushanda kwavakange vaita mukanzuru iyi.Saka dzidzo ya Moses naHenry haina kubvira yakanganiswa nekushaya kwevabereki vavo.Mama Dorothy vaive vasina mwana muhupenyu hwavo saka zvinhu zvisina kuvaremera kuchengeta vana vavakoma vavo.Moses ndiye waive pamoyo pavo sekuti wakakura ari mwana waiterera akange asina misikanzwa sezvaiita Henry.Chero zvazvo kanzuru yeChinhoyi yaive yavimbisa kuti ichabhadharira vana chikoro asi ivo vakarwa hondo huru yekuti vana vapfeke uye zvimwe zvaidihwa.Mwari vanoziva pakatanga kanzuru yeChinhoyi kutatarika kubhadhara mari yechikoro yaHenry,ndipo pakabva pawana Moses basa kune imwe kambani hombe muHarare.Kushanda kwake kwakaita kuti zvinhu zvive nyore akamira sababa pana Henry,akamuisa pazvikoro zvepamusoro.Kuita kwaMoses kwakamuvhurira makomborero akazopedzisira avhura makambani ake.Akabvawo atengera mama Dorothy imba ku Waterfalls pamwe nekuva vakira imba kuDema kwavaigara. Moses paakasvika kuDema kwaigara mainini vake vakabva vatorana ndokunanga kumba kwe musikana aida basa.Vakasvika aripo asi havana kukwanisa kumutora sezvo zvakanzi vaifanira kumirira sekuru vake vaive vaenda kunhamo kwaMutoko.Izvi zvakasiya Moses asina sarudzo waifanira kudzokera ku Harare ozodzoka mushure mevhiki.Mama Dorothy vakabva vasekerera nechemumoyo nekuti kusavepo kwasekuru vaVimbai kwakavapa mukana wekutaura naMoses.Shuviro yavo yaive yave pakuti kana Moses akabvuma abve aroora musikana wavaida kuti anoshanda kumba kwake.Mwasikana uyu vakange vamuziva makore akawanda waive munhu ane hunhu hunonwisa mvura.Kana ruri serunako nechimiro akange akaita zvekuramwirwa,waive nechiso chaiyevedza kunge mvura inoyerera.Miridzo yevakomana yaiita kunge ichavharira nzeve dzake asi wakange asina nguva iyoyo,waive neshuviro yekuti aenderere mberi nedzidzo.Vimbai aive akagumira muform yechipiri pakashaikirwa na amai,baba vake akange asingavazive sezvo amai vakamubereka vakange vanhumburiswa munguva yehondo.Mushure mekushaika kwaamai vake akasara asina sarudzo akabva anogara nasekuru hanzvadzi yaamai vake,ivo pachezvavo vaive nerudo nemuzukuru wavo.Dambudziko akange ari marunjeya mudzimai wavo aibata Vimbai kunge nhapwa,waionekwa kufara kwake kana mbuya vasipo.Zvino kubvira pavakamuziva mama Dorothy vakatanga kumuchiva kuti dai ave mudzimai waMoses."Saka uchazodzoka rinhi kuzotora Vimbai kuenda naye Harare?",mama Dorothy vakabva vaiparura vachida kupinda paive nenyaya yavo. "Ndino mirira kunzwa kwamuri mama sezvo murimi muchazotaura nasekuru vake",Moses akambonyarara zvishoma achiita kunge munhu ane zvaaifunga."Ummmm ndichati batikei mazuva anotevera saka ndichakusiirai mari mozotevera naye,handizive munopaona sei?".Mama Dorothy vakaona kuti kana vakazosara votevera naVimbai zano ravo rakange risingazofambe zvakanaka.Ivo chavaida kuti Moses naVimbai vawane nguva yakareba vari vaviri vaiziva kuti kana vaizosvika Harare pasina chataurika.Zvaigona kuzoenda nepamwe nekuda kwa Henry uyo wavaiziva kuti waizogona kutora advantage kuna Vimbai. "Izano rakanaka chose iroro mwanangu asi zvinoda iwe uuye uchionana nasekuru vake uso neuso,ndicho chivanhu chaicho mwanangu".Semunhu aiterera Moses haana kupikisa zvakataurwa namama vake navo vakabva vanyemwerera."Handide kuti ndikumanikidze mwanangu munhu anozokushandira wamuona wamufarira here?.Kana usina kumufarira ndinotsvaga umwe asi uyu ndakamusarudza sezvo ndichiziva nhoroondo yekukura kwake". "Aiwa mama ndafara zvikuru neniwo pandamuona ndanzwa moyo wangu uchisunguka,asi dambudziko randatove naro nderimwechete maitire a Henry ndiwo asingandifadze.Ndinotyira kuti anosvika aka kanganisa mwana wavanhu. "Izvozvo ndinotenderana newe mwanangu asi ndiwe wega unogona kuzvimisa,ndange ndichitoti ndichataura nezvazvo". "Ndinozvinzwa mama asi sezvamunoziva kuti ndinogara ndakabuda kunze kwenyika ndichifambira zvebasa,ndino mumisa sei ndisipo?". "Unoda kusvika rinhi Moses uchichema Netsai?,yave nguva yekuti newe ufunge zvekuroora.Kana uchitaura chokwadi kuti hauna chaunoshora pana Vimbai,ibva wafano tema gombo rizikanwe kuti nderako wozorima hako kana mvura yoturuka.Iyoyo ndiyo nzira yaungavhara nayo munin'ina wako kuti asaite hujari jari hwake,uye kuti mwana wavanhu ashande akasununguka.Kutaura chokwadi Moses akange ayemura zvikuru runako nechimiro chaVimbai,asi haana kubvira apindwa nemweya wekupinda murudo naye.Pfungwa dzake dzaive dzakazadzwa naAngela uyo waakange avimbisa kuti achamirira kupora kwake. "Maita basa mama nekundishuvira zvakanaka asi ndine hurombo kuti handikwanise kupinda murudo naVimbai,sezvo ndakawana akadenha moyo wangu.Mama Dorothy vakanzwa kufara zvikuru pavakanzwa Moses achitaura kuti ane waakange ada,vaitove nekunetsekana pamoyo vachiti zvimwe mweya waNetsai waive wafuratidza moyo wake."Mama ndinoziva mukamuona kamwe munobva mamufarira,neni ndakange ndisisina tariro asi pandakaona Angela ndakanzwa ndichida kupinda murudo zvakare". "Unorevei kana uchiti wakanzwa uchida kupinda murudo,ko hausati wave kudanana naye here?".Moses akange asingade kuudza mama Dorothy kuti waive achirindira kupora kwaAngela asi nekuda kwekuti wakange agara azvisunga nemashoko emuromo wake.Akashaya pekubuda napo akabva angorondedzera mamiriro akange akaita nyaya sezvairi,Mama Dorothy vakambonyarara kwechinguva ndobva vazogutsurira musoro. "Handimuzive zvangu asi i happen to like her kubva mumataurire ako she seem to be a nice girl.Mazuvaano kashoma kuona musikana anotora nguva kubvuma munhu ane mari akaita sewe dai ari umwe akatobvuma ipapo ipapo. Vazhinji havachinei nerudo asi vanotarira zviri muhomwe asi uyu andishamisa shingirira mwanangu kana zvaramba unotora zvako Vimbai.Moses akabva aonekana naamai vake rogara makomo ave munzira kudzokera akabva ati dhuma dhuma naVimbai achibva kunoteza huni.Waida kungosimudza ruoko opfuura asi wakaerekana amisa motikari yake,vakambokurukura kwechinguva Vimbai achimuudza nhoroondo yehupenyu hwake yaisiririsa.Moses akazovimbisa Vimbai kuti aizodzoka omutora uye kuti kana aizoshanda zvakanaka aizomuendesa kuchikoro.Raramiro yaVimbai yakamubaya pamoyo wakaedza kuti akanganwe nezvazvo asi wakaramba achizvifunga kusvikira asvika Harare. Wakati achisimuka achida kuti anogeza sezvo vakange varonga kuti vambobuda vamborohwa nemhepo.Akabva atanga kutemwa nemusoro uye kubatwa nedzungu raasina kuziva kuti rakange ratanga sei uye rabva kupi.Pasina nguva Angela wakati tatara tatara ndokubva adonha ndiye zii akadero,Edna haana zvaaiziva aitove mushishi kugadzira zvekudya.Wakatozoti pave paye ndipo akatanga kusheedzera"Angela!Angela nhasi wamboita mugezerei kuita gore rese?Asi daddy Henry varikuuya here?".Edna waingo kwamatata ega asi hakuna mhinduro yakauya,uye sevanhu vakange vasina kuzombowana nguva yekukurukura.Edna haana kubvira amboziva nezva Moses munhu waaziva kuti ari kukanda chirauro ndi Henry,asi zvaisabvunzika panguva iyi.Edna wakaramba achisheedza asi chakatanga ndicho chakatevera hakuna mhinduro yakauya,wakazobuda mukitchen maaiveri achingosvika mupassage zvaakaona zvaida n'anga kushopera.Angela akange akati umburu pasi asinga pfakanyike Edna zvakamukurira kuti abate hana ndoku ikwetsura mhere.Hakuna akasara vavakidzani vese nevamwe vaizvifambira zvavo vakabva vamhanyirako vachida kuona kuti chii chaive chatora nzvimbo.Umwe muvakidzani ndiye akazotora motikari yake omhanya naAngela kuchipatara vachiti ambulance yaizotora nguva.Asi vakawanda vaiti kwakange kwangovewo kutambisa nguva sezvo vaiona sekuti Angela akange arohwa nezvehusiku.Edna wakasvika kuchipatara achingove mumhute yemisodzi,wakange oshaya kuti ozivisa ani nezvakange zvaitika hakunawo hama yaAngela yaaiziva.