Chakaita akurumidze kunzwisisa,yakange isiri nyaya yekufirwa ne vabereki kwa Edna,asi sezvamunoziva kuti chashe chinodyiwa neakagara padare.Angela akarangarira zvese zvaaitirwa na Edna,hwaive zvahwo hunzenza asi waive nemoyo munyoro.Angela wakafunga kugara kwese kwaaiita pamba paEdna waigara pasina muripo,saka wakazviudza kuti waizodzorera chakanaka nekumira naye.Kuchiedza vakafuma vachigadzirira hakuna waitaura nemumwe asi umwe neumwe waiingoita zvaaiita anyerere. Edna waingonetsekana nehope dzaaive arota,waiedza nepese kutsvaga dudziro yacho asi waiishaya.Imwe nyaya yaimutambudza ndiyoyo yaive yataurwa naAngela yekuti Joshua aifanira kusungiswa,akange abvuma zvake asi aivewo achida kuti patange pataurirwana."Vasikana izano rakanaka here ratiri kuda kuita iri rekunosungisa Joshua?". "Inga takataura nezvazvo zvikapera nezuro,ko wave kuda kuchinja zvaita sei?Edna kana kuri kuti mange magara muchidanana buda pachena urege kunditambisa bhora risina mweya". "Zvese zvauri kutaura hazvipo sekureva kwandakaita nezuro handidanane naJoshua asi tadii tapawo Joshua mukana wekuti atsanangure,then kana ataura zvinhu zvenhando tozomusungisa.Angela akabva asimuka neshungu wakabva aenda muimba yake yekurara ndokutanga kunochema arimo,Edna akazotevera mushure mechinguva."Angela don't allow anger to cloud your emotions,chese chatiri kuronga panyaya iyi we must apply it with caution".Pakamboitwa gandidzwana remashoko asi sezvamunoziva kuti mushure mehondo runyararo rwunotevera.Vakazotenderana kudeedza Joshua,vakafona asi nhare yaingozhinya pasina anopindura,vakaramba vachiedza asi musambo hauna kusanduka.Angela akabva atarira kuna Edna,uyo akange apusa kunge mwenga apisa muriwo. "Pachada imwe tsanangudzo here apa?.Ndofunga wazvionera ari kutorega kudeera nhare,nokuti anoziva yaakapara ndinoona kwaari arikutokuseka nevamwe vake".Angela waive akutaurira pfini kuitira kupa umwe wake shungu dzekuti aende kumapurisa.Edna akadzungudza musoro misodzi iri pamatama.Neshungu akabva asimuka wakabva audza Angela kuti vaende kumapurisa,wainzwa achibitirirwa neshungu dzaive dzakazara mudundundu rake.Vachingosvika pakamba nhare yaEdna yakabva yarira,Angela akabva aideera sezvo aive iye akange akaibata.Pfungwa yaimhanyira kuti ndiJoshua aida kutomuudza kuti akange akuzonodya sadza namanhanga.Wakati achipedza kudeera nhare iye wakabva ati kozoto kugara pasi matama ndiye fashu fashu nemvura dzekutambudzika.Akatarira akaona Edna atove mubishi kutaura nemupurisa akangosvika ndokumubata ruoko achimukwevera padivi.Mupurisa uye akatozvishairawo pazvo asi semunhu aive akajaira kushanda nevanhu akangoisa bepa ra Edna parutivi ndokusheedza umwe waida kubatsirwawo."Ko zvaita sei zvowondikweva kunge musungwa,wadii kundimirira ndapedza?". "Chisiyana nezve ku reporter nyaya iyi nokuti haisisina waichabata tave kufanira kutoita plan B". "Haikona kuda kundiita fuza vasikana ndiwe waita tiuye kuno,now wave kuti nyaya haina waichabata unoda kuedza kuti kudii?Saka unoreva tafambira pasina kuuya kuno? "Joshua hakuchina Edna saka hazvibatsire kuvhurira mufi case?". "Rega kutaura zvaunoda kunge n'anga tamba nezvimwe kwete rufu rwemunhu,uri kuzviwana kupi zvekuti Joshua afa". "Pane mupurisa afona izvezvi anoti paaona ma missed calls e nhamba yako munhare yaJoshua ndipo azofona.Hanzi akaroverana neimwe motikari ku Willowvale nezuro mauro saka anonzi akafa ari munzira kuenda kuchipatara.Kubva mumataurire aaita mupurisa zvinoratidza kuti vaive vakadhakwa iye newaakaroverana naye".Pasina waikoko misodzi dzakave nzizi munguva yezhizha nematama avo vese.Chero zvazvo aive aenda kumapurisa nechinangwa chekuda kusungisa asi kufa kwake kwakamubata zvikuru.Ichokwadi unoona kukosha kwechinhu kana chisisipo,akatanga kurangarira zvese zvakanaka zvavaisiita.Sekukumbirwa kwaakange aitwa nemupurisa kuti kana achiziva hama dzaJoshua adzizivise,akabva aronga zvekuenda kumba kwatete vaJoshua. Dudziro ye chiroto chiye yakabva yati pfacha mumusoro make,pakange pasingachade imwe tsanangudzo.Tsaona yekubonderana yakange yaitika pakati pake naJoshua haina kusiya rufu kana vanga asi yakadyara chipenyu maari.Paakafunga zvese izvi Edna wakanzwa achida kuzvipondera pasi moyo wake wakapisa kuita sewanyikwa mumvuto."Angie hope dzangu dziye dzadudzira,ndakatobata pamuviri chete handizive ndichaita sei?". "Ndipo pandange ndichitaura nyaya yeplan B vasikana neniwo pandanzwa zverufu rwaJoshua ndabva ndarangarira chiroto chako.Tinofanira kunotenga morning after pill wonwa mazuva matatu asati adarika,izvi kuitira kuti mbeu yaJoshua irege kukura mauri.Uye ndizvo zvingatobatsira kubvisa mweya wake pauri tarira akashaya nezuro,asi mweya wake wakange wave kuto kutambudza kuhope uchiteverera mbeu yake.Edna akambundikira Angela achimutenda nepfungwa yaakange auya nayo. "Mwari akuitire zvakanaka vasikana unoziva warerutsa mutoro wange uchindiremera,mushure mezvakaitika nezuro waifanira kudai usingataure neni.Angela moyo wako hauna vazhinji unoziva zvakare ndinoti Mwari ngaazadzise zvishuvo zvemoyo wako". "Ndinotenda zvikuru asi zvandiri kuita zvese izvi hazvina umwe wakazvikodzera kunze kwako,rangarira kuti chikari chinoenda kunobva chimwe.Wakatora situation yangu ukaiita yako pandakashaya nzvimbo mucompas,wakandinzwira tsitsi ukaona kurwadziwa kwangu nemari yekombi ukandipa pekugara.Hauna kugumira ipapo asi wakandiitira zvakawanda zvimwe zvacho zvandisingakwanise kureva,saka chinondi paradzanisa newe hapana.Ndinoziva kuti dzimwe nguva unogona kuona sekuti ndinoda kunyanya kukutonga asi kwete,hapana chimwe chandinoshuvira pauri kunze kwezvakanaka chete.Ndinoshuva kuti nerimwe ramazuva undikoke pamuchato wako tigofara tiri pamwe,asi izvi zvinozadzisika chete nekuzvibata kwako. "You're a true friend indeed Angela ndinozviziva zvangu kuti zvanza zvinogezana,asi vashoma vanozviziva izvozvo moyo wako hauna vakawanda.Ndinoti Mwari ngavanditonge kana ndikazotadza kuterera dzidziso yako. Anotenda ndini Edna kunze kwasekuru vangu handina umwe wandaiziva muno muHarare,uye kugara navo hazvisizvo zvaive muhorongwa hwevabereki vangu.Kuenda kwavari yakange yatove last option pandakashaya nzvimbo yekugara pa vhasiti,kwete nokuti vane chakaipa chavaindiita.Asi munhu akakundikana pahupenyu asingafunge kumashure saka kugara navo kwaive kutovaremedza.Hongu pandakasvika hapana chandaishaya asi nguva yekuverenga,ndiyo yaiita shoma sezvo vairara vachiita ruzha nepfambi dzavaichinjanisa.Saka wakave Mwari wangu pawakati ndiuye ndizogara newe,chaka tisanganisa chikuru kudarika chingati paradzanisa.Vakatorana vakanotenga piritsi rakange rarehwa naAngela,vachibva ikoko vakabva vananga kumba kwatete vaJoshua. Rudo haruna zera uye harwuna ndakajaira,chero zvazvo akange asina kubvumiwa naAngela asi waiti kungofunga nezvake pfungwa dzaitenderera.Hongu wakange azvipira kuti achamirira kupora kweronda remusikana,asi wakati achirangarira mashoko a Angela ekuti,"kana zvaenda nepamwe usazondishore".Wakanzwa bundu rakauya zvinesimba ndokuti ndii pahuro,akabva atanga kutenderera neimba yese achiita kwire dzake.Miromo ndiyo yaionekwa ichifamba kuita kunge ye murandakadzi Hanah paaikumbira mwana kuna Nyadenga.Vagarisani vazivani Henry akazviona kuti mukoma wake ane zvaimudya akaenda paaive ndokusvika achimubata papfudzi.Wakashamiswa kuona achivhinyuka kunge munhu atsika mavhunze emoto "Big brother you're not your usually self,you appear to be miles away chii chiri kunetsa?". "No no don't worry kid brother hapana zviripo zvinhu zvidiki zvandange ndichiedza kubatanidza zvangu". "Nemamirire akaita chiso chenyu handione kuti zvinhu zvidiki sekureva kwenyu,kana kuti zvidiki izvezvo zvaita zvihombe nekuda kwekutadza kubatana kwazvo.Rume rimwe harikombe churu ndipirei tinzwe Mhofu tiite mukomberanwa,mwana vaviri mugota hamucheme kacheche".Moses nekuziva hunhu hwemunin'ina wake kuti akange ane kakutarisira vanhu pasi haana kuda kubuda pachena kuti chii chaimutambudza.Aiziva kuti hakuna zano rinovaka raaizopihwa asi kunzi asiyane naAngela atsvage munhu we class yake. "Usatambudzike munin'ina ndatozvigadzirisa zvange zvichindinetsa ndichibuda pano ndave kutonanga kuDema,ndinoona mama Dorothy vanoti vakandiwanira musikana anoda basa". "Makagona mukoma chokwadi mumba muno munoda munhukadzi anogara achipukuta pukuta zuva nezuva.Ahaaaa ndabva ndarangarira range riri sei dinner na church girl wenyu?".Kutaura chokwadi paye makazvidzikisira kungoti moyo muti,asi semi makambogara nemukadzi handione muka kwanisa kumirira mitemo yacho.Zvinotongoda vana brother vekuchurch vakapofomadzwa nevafundisi vavo.Hana yaMoses yakati tibvu kurova sezvo iri iyo nyaya yaakange asingade kutaura nezvayo. "Mitemo yeyi iyoyo?",akabvunza zvake kuita seakange asingazive zvaitaurwa nezvazvo. "Iyoyo ka yekuti munozoshamba muguvi reshengezhu kana kana maroora,mungazvikwanisa izvozvo mukoma kufa nenyota makumbo ari mumvura?.Asi dai musina kubvira mamboroora zvimwe maishingirira,asi naye Angela anoda kungove difficulty zvisina basa handizive sei ari so backwards.Akakuudzai here kuti ndizvo zvakaita asiyane nabharanzi wake?".Moses akange asingade kutaura nezva Angela asi mashoko a Henry ndiwo akaita kuti apedzisire ataura. "Kana une chaunoda unoshingirira,remember ini handisi pakumhanya".Uye ziva pride yemunhukadzi wese iri pa body yake,as for myself i like principal people.Varume vakawanda tine dambudziko tikawana ari loose hanzi inzenza wowana akazvibata anonamata kwanzi akapusa,at the end unoona kuti munhu haazive chaanoda". "Vanhu vemachurch ava handichavimbe navo,mukoma vari kuita chaibva mumba navafundisi vavo,unenge uchifirira kuti unegombo gore raunozoti worima unowana muzere magoko epwa".Zvinhu zvinorwadza ipapo munhu anenge akatamba nenguva yako achikuudza zvisipo".Henry akaridza zitsamwa rakavharira imba yese,kuita kwake kwakashamisa mukoma wake. "Pane zvakamboitika here pakati pako naAngela?unoratidza kunge une daka naye.Ndinoda chokwadi Henry pachiri pedyo waidanana naye here?".Handide iwe neni tive vavhimi vanovhima musango rimwe handide tiite kunge imbwa.Moses akange achinja chiso bundu riye reshanje rakange rowedzera kumudzipa,pahuro kakusvora kaiitwa Angela nemunin'ina wake kakamupa hasha. "Kwete kwete mukoma handina kumbobvira ndaita hanya naye inongove shamwari chete". "Saka kana iri shamwari yako sei uchitaura zviri negative about her?Ndakazviona kubvira zuva randakaratidza kuve ne interest naye.Maitire ako unenge munhu akapfimba akarambwa,uye rangarira kuti ndiri pfunda saka handipo pakutsvaga mhandara.Uye ini naAngela hatisati tave murudo akakumbira kupihwa nguva yekuti ronda rake ripore.Nemashoko iwayo Moses akabva abuda,Henry akasara akanuva nekuda kwezvaakange audzwa na Moses kuti anoita kunge munhu akarambwa.Chaive chokwadi waive aedza kasingaperi vachiri kuchikoro asi zvakange zvakona n'anga.Aibatwa nekamweya keshanje paaifunga nezvekuti Moses akange ane mukana muhombe wekudanana naAngela. Vakasvika tete vaJoshua vatonzwa nezveshoko rerufu saka vakawana vachitogadzirira kubuda,vakasvika vakadembedzana."Unoziva dai mwana wehanzvadzi yangu akaterera kutaura kwangu dai ari mupenyu,iwe chero une munhu waunodanana naye handikushore.Joshua haana kuurayiswa nemunhu asi nekusaterera kwake,nezuro pano akabuda achiita kunge mupengo pandakamuudza nezvemota yatakasangana nayo ichipinda pamba penyu.Akawana muchipo here kana maive matobuda zvenyu kunofurwa nemhepo.Angela akatadza kuziva kuti obvuma here kuti pakasvika Joshua akange atobuda akanzwa achizvipa mhosva kuti ndiye akange aurayisa Joshua.Moyo wake wakanetsekana akanzwa kushurikirwa kukuru misodzi ndiye mokoto nematama. "Hongu akasvika tiripo tete asi haana zvaakataura uye haana kumbobvira agara".Edna ndiye akazopindura,achitaura chokwadi pamwe nemanyebo.Joshua haana shoko raakareva chaive chokwadi asi zvekuti haana kugara aive manyebo asi zvakange zvisi ngataurike kuti akasvika akatomborara.Tete vakazivisa vana Angela kuti mutumbu waizotakurwa manheru iwayo woendwa nawo kumusha kuMagunje kwaaizonoradzwa.Waidawo chose kuvepo painoradzwa Joshua asi chakaita kuti afunge kaviri inyaya yekahunhu kemakoroza.Angela akaziva kuti aizogona kuzononyadziswa otukirirwa vachiimba nziyo dzavo.