Joshua aive munhu wairarama namadhiri vamwe vaimuziva vaitomudeedza nekuti gweja,waizikanwa zvikuru nekupa vanhu mari dzezvimbazo.Hapana chaipa mari chaakange asingaite kunze kwekuba chete.Wakange ane mamonya ake aaituma kunotora mari kuvanhu vaaive apa mari dzezvimbazo.Wakange ari munhu asina tsitsi,asi izvozvo zvehutsinye zvakange zvaderera zvikuru kubvira paakange ave kudanana naAngela.Vamwe vake vaitombomuseka kuti wakange adyiswa moyo wembwanana isati yasvinura naAngela,asi wakange asingazviise mupfungwa sekuti akange asina kumbobikirwa naAngela.Iye pachezvake aitozviona kuti akanga achinja chinhu chaainatso kuziva kuti akange asandurwa pfungwa dzake nerudo.Wakatenderana nemashoko aaigara achiudzwa nasekuru vake ekuti rudo mushonga unorapa zvese.Hapana munhu waakange asingaudze nezva Angela,chinhu chimwe chaimushaisa mufaro ndiyo nyaya yekurambidzwa kuparidzira muJerusarema.Hapana zvaaikwanisa kuita sekuti wakange abvumirana nazvo kubvira kumavambo kuti,waizomirira bhabhatidzo ye wanano inove iyo yaizomupa zodzo rekushumira muJerusarema.Kwakange kwangove kushingirira asi zvakange zvomuremera,chainyanyo kumutambudza kusekwa kwaaiitwa neshamwari dzake. Zano moto rinogokwa kwevamwe,asi zvinodawo kuti upangwe iwe unerako,sezvo asiri ese mazano aunopihwa anovaka.Mamwe makorokoza aishandidzana naJoshua akamuudza kuti chombo chikuru chinoita kuti asunungurirwe mbuva nemusikana kumupfekedza engagement ring.VaJoshua vangu zano iri vakaita kuritambira nemaoko maviri,havana kunge vaziva kuti nguvo hadzifananidzwe nedzaTarubva.Uye haana kumbozvifunga kuti zimutevere rakaurayisa vakawanda.Engament party yaakaita yainge muchato chaiwo mhemberero iyi yakaitirwa pahotera,vamwe vatete vake vaive nenjere dzaidhonza vakaudza Joshua kuti dai akange andoroora pane kutambisa mari kwaakange aita.Asi wakaita zvitanda zvekubairira munzeve,nekuda kwekusaziva kuti dzungu hakusi kungwara.Wakabva adzinga tete vake pamutambo uye achiti vane godo.Tete vacho havana kuita nharo vakabva vaenda zvavo kumba kwavo,shoko ravakataura chete nderekuti,"mwana wehanzvadzi yangu une shavi risingade kufukidzwa machira kuti udziyirwe".Panguva iyoyo Joshua akatora tete vake sebenzi risina zvarinoziva,akavaita munhu wakaipa.Samwari dzake dzakange dzauya nezano re engagement ndidzo dzaakapa nyembe dzehuchenjeri. Zuva rakafona Angela achiti waizopfuura nekumba kwake Joshua aive munzira kuenda ku Chikuti kwaaive nekabhizimusi kake kekuchera goridhe.Haana kufunga ruviri wakabva adzoka,akabva atuma mamonya ake kuti vandotora goridhe raaida ikoko.Wakabva afonera shamwari dzake achidziudza kuti dzigozouya kumhemberero manheru acho sekuti zano ravo rakange rashanda.Joshua haana kunge aziva zvaaifarira kuti zvaita kwaive kufarira n'anga yaizobata mai.Sechivimbiso pakasvika nguva dzemanheru makorokoza akananga kumba kwaJoshua.Vakashamisika kuona mukova wakavhurwa,vakapinda mumba muye vakawana Joshua arimo akati unana ropa rakazara mumba.Vamwe vacho ndivo vakatanga kumhanya neimba yese vakange vovhunduka kuti zvimwe Joshua anodaro zvake zvehasha zvamudzokera akauraya Angela.Vakazogadzikana pavakaona mumba muye musina munhu vamwe ndivo vakazoita ongororo vakaona kuti ropa raive raJoshua,sokuti ndiye aive namaronda aibuda ropa.Zvakange zvaitika ndezvekuti Joshua paakakahwa naAngela,akasvika akanobaiwa nezvimedu zvegirazi rakange raputsika paakawisira Angela pasofa.Zvino nekurwadziwa uye kudhakwa kwaive aitwa akabva aumburuka pamagirazi aye ndokuchekwa chekwa muviri wese. "Ko zvafamba sei nhai Gweja zvaunenge waitwa chibairo kudai?,arikupi muroora?".Akabvunza umwe wavaideedza nezita rekuti Moscow. "Ndakuvara nekuda kwaAngela,ndaedza kuda kumubata zveganyabvu akabva andikava pavana chaipo.Marwadzo ndiwo aita kuti ndiwire pamusoro pemagirazi".Vamwe vake vakati bvuu kuseka vaizviona kuti Joshua arikurwadziwa asi izvozvo hazvina kuvatadzisa kuseka."Haaa its over Moscow mwana uye atondiramba wena,handizive ndange ndabatwa neyi kuita zvekumumanikidza.Dai ndakaziva ndakaterera zvakange zvarehwa natete vangu,ugoona ndakatovaita munhu akaipa.Iyi ndiyo inonzi ndambakuudzwa akaonekwa nembonje.Ndazozviona nhasi kuti abva zunde haadyiwe navashe,dai ndakaterera,zvese izvi zvisipo Moscow.Unoziva ndange ndineshuviro yekuvewo settled handichade kurarama semhuka,dai zvangu ndisina kuda mbiri isina basa ndakamirira.Nhovo inorema yoda kusvika chokwadi,Joshua wakayeredza misodzi wakange ave kuzvisvora kuti dai akange asina kuterera mazano evamwe vake. "Dont stress Gweja Angela haafe akakuramba,mwana uye anokuda zvikuru".Joshua haana kuda kupindura asi akangoburitsa engagement ring iye yaive yasiiwa naAngela,misodzi ichingove hova munguva yezhizha nematama aJoshua.Moscow paakaona ring iye haana kuzoda imwe tsanangudzo akabva aziva kuti umwe wake aive arambwa.Moscow akanyaradza umwe wake neku muvimbisa kuti vaizoenda kumba kwana Angela vonokumbira ruregeroro.Moscow aiziva Joshua ari munhu asinganyengerere asi wakazviona kuti pana Angela akange aperera.Vakazotenderana kuti vaizoenda mangwana acho zuva rodoka kuitira vagomuwana aripo adzoka kuchikoro.Nhamo yemumwe hairambirwe sadza chero zvazvo paive pasisina chekupemberera sekuronga kwavo,dzimwe shamwari dzaJoshua dzaitotamba jikinya dzichihumedza hwahwa.Vamwe vacho ndivo vaitorutsa zvavo kutaura vachiti,"takambokuudza kuti vasikana vekuchurch hadzisi type dzako nekuti vane poritikisi toomuch".Joshua haana chaakapindura,ko waizopindura nepi iwo marwadzo aive akamumomotera. Waiti kurwadziwa panyama nemaronda emagirazi uye ronda repamoyo rekurambwa naAngela. Henry paakabuda naAngela akananga kune imwe resitorendi yeCoimbra yaive mudhorobha,semunhu aidawo kuraura musikana akasvika akatenga kudya kwepamusoro.Vakadya zvavo vachifara,vachitaura nyaya dzakasiyana siyana dzine chekuita nezvishuvo zvavo mune ramangwana.Kubva mukutaura kwavaiita Angela wakatoona kuti aisave manyebo evakuru pavaiti,chinonzi regedza ndochiri mumaoko chiri mumoyo munhu anofa nacho.Henry akange asina kubvira asandura hunhu hwake hwaaiita vachiri paGokomere,akatoona kuti dzungu raive ratowedzera nekutuvhaidzwa nemari dzemukoma wake.Zvaingove zvekuti wodii zvake semunhu waakange anaye asi waitoona kuti nyaya dzavo dzaive mvura neoiri."Unoziva Henry hauchinje ndange ndichifunga kuti wachinja but you're still the same.But ndinoona sekuti zvingaite zvakanaka ndikamboenda newe kuchurch,ko unoregerei kuita samukoma wako Moses?.He is very decent as compared to you but ndinovimba kuti ukaziva Mwari unosiya zvese zvehwahwa izvi". "Washaya nyaya here Angela?,kuchurch kwaunotaura ndiko kuzere vanyengeri kana usingazive vafundisi vakawanda ndosangana navo muzvikona.Uye why uchifunga kuti brother yangu munhu kwaye?.hongu haana kuita seni unofunga kuti ndingada kufananidzwa nabharanzi uye anongoomesa musoro nezvinhu zvisina basa.Angela zvakamuremera kuti abvunze kuti chii chaipa kuti Henry ati mukoma wake anoomesa musoro nezvinhu zvisina basa.Akaziva zvake kuti pamwe Henry aida kuita zvinhu zvehubenzi akarambidzwa nemukoma wake. Zuva rakange rogara makomo Angela asati asvika,zvinove zvinhu zvaive zvisati zvakamboitika saka zvakaita kuti Edna ashushikane mupfungwa. Achishaya kuziva kuti Angela wakange aenda kupi.Wakaedza kufona panhare yaAngela asi wakashamiswa kunzwa ichirira iri mumba.Kunetsekana kwaiita Angela mupfungwa ndiko kwakange kwaita kuti akoshiwe nhare yake paakabuda achienda kuchikoro.Edna akabva abatwa nepfungwa dzekuti,Angela anofanira kuve akazozviona kuti aive wrong saka waenda kumba kwana Joshua kuti vanotaurirana.Ari pakati pekufunga akanzwa kufamba kwemota pfungwa dzake dzakamhanyira kuti ndiJoshua wakange aperekedza Angela.Pasina nguva mukova wakavhurwa,"hesi kani vasikana nhasi ndazononoka kudzoka ndazomboenda ku Borrowdale",Angela wakatanga kutaura ari pamusuwo. "Ku Borrowdale?",asi dady Joshu vatenga imba ikoko inga havasi kumira Edna wakadero achiseka zvake. "Watanga kungorotomoka zvisina basa,uchitaura kwausina kuswera".Angela wakabva acheuka kumashure,"ko pinda mumba ka Henry unoda kudzokerera panze here?Chakave chishamiso munzeve dza Edna wakashaya kuziva kuti waive Henry upi uyu.Angela wakasviko gara pasofa rimwechete naEdna Henry akazopinda mushure asi waive akagukuchira mapaper bag aive negrocery.Zvakarambira pamuromo asi Angela wakashaya kuziva kuti sei Henry akange apinda negrocery iri mumba."Uyu anonzi Henry Makwarimba takadzidza tese paGokomere,Henry uyu i friend yangu anonzi Edna Kutekwa uye ndiye wandinogara naye".Henry naEdna vakakwazisana. "Hamuna kupedza ka nhai vasikana ndidady Henry kana zviri izvo ndinoti aiwa mune choice.Edna akabvunza achimhanyisa mhanyisa maziso kunge gonzo ranzwa kuchema kwe katsi. "Haaaaaa Edna why wakapaparika so?Henry ifriend yangu nothing else handiite sewe ini kuti pese pawafamba unotowana waunobvuma".Angela akataura achiita zvake muchohwe Henry waingosekerera wakazviona kuti vaviri vaiwadzana."Ndokuisira drink here Henry asi muno hatina whisk yaunoda",Angela wakataura achiseka. "Usazvinetse zvako nedrink handisi kugara,asi ndafara kuziva pamunogara girls Henry wakadero achisimuka ndokutobuda achisiya grocery. "Ko sei wakurumidza kuchembera uchiri mudiki kudai nhai Henry,ko zvawave kusiya grocery rako.Angela wakasheedzeera achisimudza mapepa aye aive ne grocery achitevera nawo. "Oh that don't worry Angela ndatengera imi girls,enjoy it". "But wange uchifanira kutaura ndicho chivanhu Henry,kwete kungotsveta kunge munhu arikupa imbwa sadza.Uye pawange uchitenga hauna kumbo ndibvunzawo wange uchingotenga ini ndafunga kuti ndezve kumba kwenyu. "Angela Angela!,chii chaizvo newe nechivanhu chako?this is 20 first century ino,zvese zvekusuma zvakapfuura kare.Edna wakadero achibwibwinyika kuseka,"thanks so much Henry thats very kind of you". "Aaaah its nothing mhani Edna don't thank me what are friends".Sorry Angela asi ndaziva zvangu kuti type yako iyi dai ndakuudza kuti igrocery renyu waramba.Kusafarira nzira yakange yashandiswa na Henry kwakaita kuti Angela anzwe zvichimuremera kutenda grocery riye.Kukura kwake kwese wakange asinganzwanane nevanhu vane bapu,nguva nenguva waigara achinetsana naEdna sezvo yaivewo imwe ndege chaiyo.Henry akabva atanga nekupa hug kuna Edna,akazopedzisira naAngela,ndiyo nguva yaisvikawo vana Moscow.Joshua akatodzika mota isati yanatso kumira akaita kuputirwa nehasha kuona Angela akambundikirwa.Chero pfungwa yekukumbira ruregero yakabva yapera yaputirwa neshanje,wakanzwa bundu rakasvika kuti ndii pahuro. "Kwandiri unozviita ngcwele gcwele Angela kureva unondiita munhu akapusa ka?Uri chifeve chemunhu chinohwanda nekereke,why usina kunditaurira kuti unemukomana waunodanana naye?Saka ini ndini wawaishandisa sebadza rino sakurira zvarisingadye rinoturikwa muberevere reimba kana kana kodyiwa zhizha.Aiwa ndinotenda nekunditambisira nguva kwawakaita", Joshua akadero achirova maoko. "Ko wadii kutanga wabvunza zvakanaka nhai Joshua?pane kutanga nekundiita munhu akaipa,handisi nzenza sekufunga kwako uyu anonzi He......."Angela wakaita kudimudzirwa asati apedza kutaura Joshua waiita kupupa furo. "Angela!,Angela!,usatambise nguva yangu nekundiudza kuti mukomana wako anonzani.Handinei nekumuziva chandinoda chete zvinhu zvangu zvese zvakakutengera i want everything chero dhende ndinorida". "Aizve ko ndiko kwazvave,very sorry Joshua,handina kunge ndaziva kuti zvichasvika pakudai",Angela akapinda mumba ari mumhute yemisodzi.Wakange asingachemere kuti Joshua akange otora mbatya dzake kana kuti rudo rwavo rwapera.Kana dziri sembatya dzaaitengerwa naJoshua akange asina kumbobvira akadzipfeka.Wakange akazvipa mutemo wekuti waizodzipfeka kana ave mudzimai waJoshua,pfungwa iyi yakauya nekuda kwezvakange zvakaitika kuna tete vake.Vatete vake vanonzi vaidanana neumwe muzvina bhizimusi aivanyebera kuti akafirwa nemukadzi.Saka zvinonzi zvakaitika ndezvekuti vakazomuramba mushure mekunge vaona kuti aive munhu ane mhuri yake.Asi zvinonzi muzvina bhizimusi uyu haana kutambira kurambwa uku,saka wakabva ashinhira vatete vaAngela vakange vave kuenda kumadziva zuva nezuva.Muzvinabhizimusi uyu anonzi aiti anoda kudzorerwa mari dzake dzese dzaakange ashandisa panatete vaAngela.Zvinove zvinhu zvakaita kuti sekuru vaAngela vaputse danga ravo vachiripa muzvinabhizimusi uye.Kubva munyaya iyoyo Angela wakawana chidzidzo,hezvo Joshua akange oda mbatya dzake.Chakanyanya kurwadza Angela kudeedzwa kunzi chifeve,akabuda achikwekweredza zibhegi zihombe hombe.Wakasvika ndokutambidza Joshua,achipedza ipapo wakavhura nharembozha ndokubvisa line rake ndokutambidza Joshua nhare iye.Kana pane zvasarira ugondiudza asi mbatya dzako handina kubvira ndadzipfeka,ndaiitira zuva rakaita serino.Ndinotenda Joshua watora mbatya dzako Mwari akuitire zvakanaka nemhuri yako ichazouya". "Joshua wakasarira wazvinzwa why uchirwadziwa nekurambwa kusvika pakudai?Henry akataura azere nehasha haana kunge aziva kuti wadenha mago,Moscow akabva aswedera pedyo naHenry. "Urikutaura chii iwe mupurwa uye wakwana papi?". "Saka unofunga kuti ini nemi mese muri vaviri mupurwa ndiyani ndinokurovai mese izve.....".VaHenry vangu havana kuzopedza kutaura vakange vatochidzemurwa chibhakera ndiye umburu kwakadero. "Moscow!rega kurova munhu unoita ngozi nezvisina basa hatina kuvinga kuzorwa hande".Joshua akadeedzera Moscow aive ave kuda kuto kava kava Henry,vakabva vaenda asi Joshua waingoyeredza misodzi munzira mese.Zvese zvekuti anoda zvaakatengera Angela zvakange zvangotaurika nekuda kweshanje.Edna naAngela vakazosara voita basa rekupukuta Henry akange azara ivhu.DANDA RINE MINZWA