Achisvika kuchipatara vana Moses vaive vachangobuda saka akapesana navo nemizuzu mishomanene.Edna akasvika akakugukuchira chikafu chaaive agadzirira Angela asi haana kuchidya akaudza Edna kuti aive achakaguta.Zvakange zvaitikawo ndezvekuti vana Moses pakutanga vachisvika kuchipatara vakasvika vasina chinhu sevanhu vakabuda mumba vane kuvhunduka.Saka Moses paakaenda pakabhoti yaive pamubhedha waAngela akaivhura akawana mune drink nemabhanzi zvakange zvauya naRobert.Wakabva abvunza Angela mhando yechikafu chaaida kudya.Kutenga kwacho wakabva aita zvatumwa wabvira chembere yatumwa mutsago washe svike yopereka nendiro.Zvinhu zvaitengerwa munhu umwe akaita kunge anotengera vanhu vashanu.Semunhu akange ararawo asina chaakange akanda mumuromo Angela akaita kunge mombe yabva kusina huswa madyire acho.Nguva yakapinda Edna akange achinwa drink vakaita nyaya kwenguva refu asi Angela,haana kumbobvira ataura nezva Moses,kana Henry.Sezvo akangofunga kuti Edna anoziva zvese sezvo vari ivo vakange vakamuunza pachipatara.Nayewo Edna haana kuda kuswera achi stresser Angela nekumuudza mafambire azvakange zvaita.Kusataura kwakaita Angela nezva Henry akabva angove nepfungwa yekuti mukomana akange akarambwa zvinove zvakaita ashaye hanya yekuzoona Angela.Wakazviudza kuti achibva pachipatara waizonanga nekuvhasiti achinoudza vakomana vaida pekuroja kuti vauye vazogara kumba kwake.Angela akazviona kuti pane zvaitambudza umwe wake,"Kwakanaka here vasikana?zvaunenge une zvirikukunetsa pfungwa dzako dzinoratidza kuve kure kure". "Aiwa hapana dambudziko zvapo kungoti nezuro handina kunatso rara ndichinetsekana nekurwara kwako asi ndanzwa kusununguka pandakuona".Edna akapindura achiita kuvhundukira,asi Angela akazviona kuti umwe wake aida kuhwanda nemunwe asi airatidza kuti zviripo zvikuru zvaimunetsa.Haana kuda kuramba achifunga nezvazvo sezvo akangofunga kuti dzinodaro dziri nyaya dzema boyfriend dzainetsa Edna. "Pakanaka kana pasina chinokunetsa sokureva kwako,asi kana chiripo semaratidzire arikuita chiso chako pliz pliz ndinokumbirisa Edna.Usambofa wakaedza kutora doro semunyaradzi kana pane zviri kunetsa unofanira kutaura neni kwete kungozviponda wega.Ndingave zvangu ndisiri kunzwa zvakanaka asi handisi kurwara njere kana pane zviri kukunetsa share with me,ndizvo zvega zvingaite urerukirwe.Chero aida kutaura Edna akashaya kuti otangira papi sezvo yacho yaimudya yaive nechekuita nemari yaAngela yechipatara.Saka wakaona kuti kumuudza anenge amusengedza mutoro unorema zvekuti aigona kupedzisira afenda zvakare.Vimbo yake yese yaaive nayo yekuti Henry aizomubatsira zvakave zviroto,akaona zvisingaite kuti abvunze wakaziva kuti dai Henry aive asvika Angela angadai akataura. "Angie eee.....".Edna akapotsa audza umwe wake zano raaive naro,asi wakakurumidza kurangarira chirevo chinoti chemusango paridza wabaya.Wakaona kuti zvaive nani azoudza Angela kana anzwa mastudents aiti anoda dzimba dzekuroja vabvuma.Waive mutoro asi Edna wakashingirira kumutakura ega."Ndange ndichida kuti mangwana ndinogona kutadza kuuya kambani yandiri kuita ma attachment nayo yati ndichashandira ku Norton mangwana. "Saka ndizvo zvange zvichikutambudza izvozvo?".Kutaura kwa Angela kwakabva kwaita Edna asununguke,hakuna ku Norton kwaaienda.Asi waida kuwana nguva yakakwana yekubvisa zvinhu zvaive mudzimba dzaaida kupinza maroja kuitira agowana kamari kechipatara. "Hongu vasikana zvange zvichitondinetsa kuti ndokuudza sei?,ndange ndotya kuti zvimwe unozofunga kuti ndakurasa". "Ndinenge ndave benzi chairo vasikana ukaona ndobatwa nepfungwa idzodzo,zvawakandiitira zvinokunda weropa.Usarege kuenda kubasa nekuda kwangu after all brother Robert vati vachadzoka vachindiona mangwana.Uye chiremba ati in 2 to 3 days ndinenge ndichibuda muchipatara saka usanyenye kuzvishupa ndatove raiti".Edna achinzwa kutaura kwaAngela akaita kunge munhu adirwa munyu paronda nyoro.Akabva ati nyamu kunge munhu adzingwa ndoku zvitsvaira tsvaira achigadzirisa rokwe rake. "Rega ndimhanyire kumba ndino rongedza".Pasina kufunga kaviri ndiye dhuu kubuda,wonekano inongodawo kurehwa wakagara wozosimuka kwete zvakaitwa na Edna kuoneka nekutobuda kunge munhu adzingwa.Angela akangosarawo akati kanha nazvo,Edna wakazviudza kuti kana aizoredzva munamato sadza raizopora.Saka zvinhu zvake aifanira kuita nechimbi chimbi,paakasimuka muchipatara achiita kunge agarwa neshavi.Pfungwa dzake dzaive dzatove mberi kuti aizofanira kurara abata mari sezvo hombe tarisiro yakange yavepo kuti Angela anogona kungoburitswa chero nguva.Wakazviudza kuti chero kana zvaida kuti anopfugamira vacho vaida nzvimbo kuti vazogara kumba kwake waitozozviita.Angela haana zvaakareva asi akazviona kuti pane chaidya umwe wake,maonekere ake akangoita zvekuti vhuu serufu.Paakada kuedza kufunga kuti chingave chii akanzwa musoro wake wodavirira,akabva akurumidza kurasira kudurunhuru zvekuda kuziva zvainetsa umwe wake.Akabva anyemwerera paakafunga mharidzo yaive mumashoko akange ataurwa naMoses,ekuti patinogumira Mwari ndipo pavanotangira.Angela akanzwa achisimbiswa zvikuru nemashoko iwayo wakabva ataura neche mumoyo"Moses wati Mwari vakandiisa pano nechinagwa chingave chii chaizvo chavanoda kundiratidza Ishe?". Paakabuda pachipatara waiita zvekukanda tsoka kunge munhu ari pamakundano,akabva ananga kuvakomana vaakange anzwa kuti vaitsvaga imba.Edna akasviko pira nyaya yake kune umwe wevakomana vainzi vanoda imba,akabva aita kuumbirirwa.Vese vari 9 vakati vaida uye vaizogara vari vatatu vatatu,zvakabvewo zvaenderana sezvo aive nemakamuri matatu aaida kuti apinde vanhu.Imwe yechitatu yacho ndiyo yairarwa naAngela,akazviudza kuti iye naAngela vaizorara pamwe.Vakomana vaye vakabva vatomupa mari ndokumuvimbisa kuti vaizouya zuva raitevera nembatya dzavo.Akabva aonekana navo ave kutomhanyira kunobvisa mbatya dzaive mumakamuri aaida apinde vanhu.Kwakasvika pakuedza asina kana kudziti chwa hope paakange ave kuti anoda kumboti tsenha vakomana vaye vakabva vasvikawo nemitundu yavo.Zvese zvaakange ave kuita zvakange zvave zvokushingirira asi zvakange zvisingaite kuti arare sezvo aifanira kutaridza vakomana vaye dzimba dzavaizogara. Moses akafumo bata jongwe muromo akananga kuDema kunotora Vimbai,wakati achingosvika ikoko sahwira wake doctor Moyo.Akabvawo amufonera achimuzivisa kuti paive nesanduko hombe pana Angela saka aizomubudisa muchipatara zuva iri.Umwe mweya wakambofunga kuti afonere Henry kuti anotora Angela asi akabva arega paakafunga kuti aifanira kungozviendera sezvo paive nemari dzaidihwa kuti abhadhare dzekurapwa kwa Angela.Moses akabva audza Moyo kuti aikumbira kuti murwere azobudiswa muchipatara kana asvika.Uye akabva akumbira kuti Moyo asaudze Angela kuti waizobuda muchipatara zuva iri,izvi akange achiitira kuti Angela asazoite stress yekufunga mari yechipatara.Zvemusi uyu zvaive zvakasiyana nemisi yese Moses paakasvika kwamama Dorothy aingo mhanyanya zvinove zvinhu zvaakange asingambosiite.Mama vake vakazviona kuti mwanakomana wavo akange asina kugadzikana navo zvakavanetsa kuti chii chakaita arambe nekubikirwa."Hezvo mukati kwanaka nhasi?,wasvika pano mangwanani asi waramba nekuti ndikuitire nekomicho yesvutugadzike zvayo". "Kwakanaka mama hakuna chakaipa". "Saka chii chinoita usagadzikane semazuva ese uri muenzi here?Kana kuti mr Trouble Henry atanga misarinya yake?". "Kwete mama Henry haana dambudziko kungoti ndiri kuda kumhanyira kuchipatara Angela ari kubudiswa nhasi". "Angela!Angela,ndoupi uye zviye?,hoo musikana wawaiti akadenha moyo wako.Ko muchipatara akapinzwa neyi?". "Akangoitawo katsaona kadiki di...."Moses haana kupedza kutaura aganhurirwa namama vake vakange vongo reveteka. "Hezvo ko ijambwa rudzii rino kuteverera mwanangu?,zuro ndizuro mudzimai wako akashaika mutsaona.Uyuwo waunoshuvira avhare vende raaka siya opinda mutsaona zvakare,chimbori chii chinoita zvidai?".Mvura dzemeso dzakange dzati mokoto nematama a mama Dorothy,nguva diki diki iyoyo vakabva vadzamisisa pfungwa.Imwe pfungwa yakabva yamhanyira kuti zvimwe zvekumusha kwa Moses zvakange zvisingade aroore.Shungu dzavaive nadzo panguva iyoyo dai vaiziva veku dzinza raMoses.Vangadai vasina kufunga ruviri asi vaito mhanya kavaudza kuti vamboita tsvagurudzo kuti sei zvaidai.Asi mhanza yakavepo ndeye kuti vaMakwarimba vakasvika pakufa kusina anoziva hama dzavo kana kwavakabva.Moses wakatora nguva yakareba achishamiswa nekuchachaja kwaiita mama Dorothy dai aive munhu waakange asingazive.Angadai akangovatarira achiti vanorasa njere,zvino kuita kwavo kwaka mushamisa. "Ko mama chii chave kuita mucheme?",akadero Moses achivambundikira pamwe nekuvapukuta misodzi.Mbundiro iyeyo yakaita kunge yavatuvhaidza pane kuti vanyarare vakatowedzera kupfikura kuchema "Zvi...zvi...no...no..ndirwadza zvaunosangana nazvo Moses!.Saka tsaona iyi yakaitikira kupi?Dai ndaiziva rudzi rwababa vako tingadai tamboedza kuitira muonera pamwe taona kuti imhepoyi iri kukuteverera.Zvakakosha kuti utange wanzwisisa kunoenda nenyaya pane kuita yekugamira mudenga,nekuti unozoreva nepasipo.Dai mama Dorothy vakamirira Moses akapedza kutaura kuti yaive tsaona yeyi yaive yawira Angela.Asi ivo vakamhanyisa pfungwa ndokuda kuyambuka rukova rwavasati vasvika. "Mama Angela haana kuita tsaona nemotikari uye haana paakakuvara".Moses akazo rondedzera mafambire akange aita nyaya yacho.Mama Dorothy ndiye maziso boi boi vozvishora kuti vakange vamhanya nemupini usina badza.Kunzwa nyaya hakuna kuipa asi chakaipa kumhanyira kupindura usati wanzwisisa kunoenda nenyaya,sezvakaitwa namama Dorothy vakange voreva jambwa risipo. VaMunyoro vakafara kunge vachabata denga pavakanzwa,nezvekuti muzukuru wavo Vimbai akange akuzoenda Harare kubasa.Chainyanya kuvafadza kuti mwana wehanzvadzi yavo akange onowana zororo sezvo aive muchoto nemudzimai wavo.Kubatwa neseri kweruoko kwese kwaiitwa Vimbai vaikuona asi vakange vasina inzwi pamukadzi wavo.Aive vamazvigogoda chembere yedafi waiti akatanga kupopota waitozonyarara inzwi raenda.Hondo yacho vaiipedza nekunyarara asi mabatirwe aiitwa Vimbai aivadzimba kusvika pakadzika dzika pemoyo.VaMunyoro vaive vanyoro sezita ravo mukadzi wavo aivaita bhora,pakashaika hanzvadzi yavo amai vaVimbai vaive vatounganidza mari yekuti Vimbai aenderere mberi nechikoro.Hurongwa hwavo hwakapinzwa musango naMarujata wavo,akatora mari yacho ndokuiparadza vachitenga tunonaka nevanin'ina vake. Kusvika kwaMoses kwakaita vapembere kunge bofu ranhonga roro mugwenga."Makwarimba ndine mufaro muzhinji kwazvo kuti waburitsa muzukuru wangu mugehena,ndinokumbira umubate zvakanaka mufaro wake mufaro wangu.Misodzi yake misodzi yangu paari ndipo pandinoona hanzvadzi yangu,saka handide umushungurudze asi ashande murugare.Kungoti Nyadenga havarongerwe asi chishuvo changu ndange ndichishuva kuti dai awana murume anomuroora kumarimuka ikoko.Handitauriswe izvi nokuti ndinoda roora asi i shuviro yangu kuti Vimbai awane zororo,pano ndinoda auye achizoshanya achibva kwake".Ndinoda kuti muzive kuti Vimbai akakurira kumaruwa saka musazomu jinyura kana asingazive zvimwe zvemudhorobha menyu imomo.Chikumbiro changu kuti mumudzidzise zvine hunyoro uye handi mutyire nekuti anopangidza kubata.Mvura dzekutambudzika dzakaita dzakayerera kunge nzizi munguva yezhizha namatama avaMunyoro pavaitaura mashoko aya,Moses akanzwawo moyo wake uchienda kure kure.Wakabva asimuka ndoku bata ruoko rwavaMunyoro zvinesimba akabva atendendeka mudenga neruboshwe. "Baba vaMunyoro!,kudenga kuna Mwari anonzwa minamato yevana vake,zvamunoshuvira pana Vimbai Mwari vatozvizadzisa.Chasara kwamuri kuti muve nekutenda kuti Vimbai atove neimba yake,kana zviri zvekugara zvakanaka kwake musandityira.Vimbai ndichamubata se hanzvadzi yangu chandinodya ndicho chaanodyawo",pamwechete mama Dorothy navaMunyoro vakambundikira Moses. "Ndinotenda Makwarimba uye ndinoti nyasha parwendo,kwauri Vimbai ndinoti uzvibate usa sandurwe hunhu hwako nedhorobha.Zvichengetedze sekuzvibata kwawange uchiita pano,ndinokuda mwana wehanzvadzi yangu".VaMunyoro vakapinza ruoko muhomwe mavo ndokubudisa pondo ndokutambidza Vimbai."Ndinoziva haina chainotenga chisvinu asi uyu mucherechedzo wekuti ini amai vako ndakupa ropafadzo yangu".Nemisodzi pamatama Vimbai nasekuru vake vakambundikirana,kuita semukomana nemusikana vari murudo.