"Kubva chiberekerwo changu handina kubvira ndakambozvinzwa kuti munhu anoti anoda kuroora munhu waasingazive.Remember ini newe hatizivane nhasi izuva rechipiri kuonana asi wakutokumbira kundiroora,marriage is a life time thing .Saka ngatirege kutamba nekutaura nezvazvo Zvimwe dai wavamba nekundipfimba ndainzwa sekuti zvinhu zvinofamba nezvidano". "Kureba kwenguva hakusiri iko kunoita uzive munhu,zuva rekutanga chairo randakataura newe ndakabva ndatoziva kuti uri wife material.Saka wanzwa ndatanga nekuti ndinoda kukuroora inyaya yekuti wakadenha moyo wangu nezvauri.Ndinokuda Angela nemoyo wangu wese ukandida ndingafare zvekubata denga ndinoda uve mai vevana vangu.Moses haana kuda kuswera achipoterera wakabva ataura chinangwa cherudo rwake kuti waida kuroora. "Zvawataura ndazvinzwa asi handitenderani nazvo,moyo wangu uchakapwanyika zvekuti handingakwanise kupinda murudo nemunhu anytime soon.Zvinotoda nguva yekuti ronda rangu ripore,nyaya dzerudo dzinonetsa idzi hadzide kuita mapipi nadzo.Moses wakambonyarara kwenguva refu akatarira Angela wakabva akwenya kwenya musoro kuita semunhu apererwa nemazano.Wakabva asimuka ndokubereka maoko kumashure achitenderera patafura yavaive vakagara achiita kunge murimi ari kumema munda wadyiwa nemakudo.Mushure mechinguva akagara pasi,ukuwo Angela nedivi waingovewo mushishi kutokonya tokonya nzara dzake kuita sekuti dzaivava. "Ungade kupihwa nguva yakadii Angela kuti upore ndinokuvimbisa kuti ndichakumirira pamwe nekuremekedza zvido zvako kana ukandipa mukana.Mushure mekushaikirwa nemudzimai wangu hupenyu hwangu hwakave gasva uye tariro ndange ndisisina yekuti pane angakwanisa kuvhara mukaha iwowo waakasiya.Hupenyu hwangu hwakave nechirevo pandakakuona dzudzo raitove mumoyo mangu raive pakuti zvimwe uri murudo naHenry.Saka pandakanzwa achiti iwe naye muri mashamwari chete,hamudanane ndakave nemufaro wakapamhidzwa. "Ipapo handizive sekuti ndakarwadziwa kusvika pakadzika dzika,zvinogona kutora gore rese kana kupfuura saka handide kukupedzera nguva yako unogona kutsvaga umwe.Rima rakati tsvete kumeso kwaMoses wakabata musoro nemaoko maviri kunge munhu awona shura. "Angela!ndinokumbira hangu unditendere kuti ndimirire kupora kwako". "Iyo isarudzo yako isingade ini,sezvo pakati pedu pasina chisungo,vanhurume mune dambudziko rimwechete,a particular way today different tomorrow.Saka kana pane zvazoitika pandiri handide kuti uzochema neni uchiti ndakatambisa nguva yako.Moses akabayiwa pamoyo nemashoko a Angela aive asina kupoterera,zvakange zvasarira kwaari kuti wodii.Mumoyo make wakazviudza kuti waizoita zvese kuti apedzisire ave murudo,Angela ega ndiye aizokwanisa kuvhara buri rakangrasiiwa naNetsai mudzimai wake.Chaive chokwadi wakange asingazivane naAngela asi izvozvo hazvina kumumisa kuti amuudze zviri pamoyo wake.Wakazviudza kuti simbi inorohwa ichapisa nekuti mberengera yakaradza vatenzi nenzara. Wakasara akati una una achidzamisisa mashoko aaive audzwa na Angela pamusoro pekusazvibata kwake.Akange ane bhodhoro rewaini raakange anotenga pakabuda Angela naHenry,vavariro yake waiti anoda kuzvivaraidza asarambe achifunga mashoko a Angela.Waive akatarira paterevhishoni asi hapana chaainzwisisa sekuti pfungwa dzake dzaive kure kure.Wakafunga vanhu vese vaakange adanana navo nemaperere azvo wakabva aona chokwadi chaive mu mashoko aive ataurwa na Angela.Edna wakayeredza misodzi paakafunga zvaakange aitwa na Jabulani,kekutanga muhupenyu hwake akapfugama achikumbira kanganwiro kumusiki.Akazvipa chitsidzo chekuti akange woda kurarama hupenyu hwake semunhu kwete zvaaisiita kuita semhuka.Haanawo kunge aziva kuti bhodhoro rewaini raakange ati richamuzorodza pfungwa raitozomupinza muneimwewo nhamo.Pamusuwo pakagogodzwa zvinove zvinhu zvakamushamisa kuti sei Angela aigogodza iye akange atakura makii."Ko wadii kungovhura handiti watakura makii ako pawabuda?,hatide zvinhu zveku shandisana vasikana".Uye aive panze akabva anzwa kuti akaramba achigogodza akanyarara akange asingazovhurirwe saka aifanira kutokumbira zvine mutsigo. "Pliz pliz ndivhurirewo for 2 minutes ndinoda kutaura newe ndinozviziva hangu kuti warara asi handisi kuzotaura newe nguva yakareba.Manzwi anofanana zvawo panyika asi apa wakange asina kukanganisa kunzwa munhu aitaura panze aive Jabulani.Mufaro ndiye fashu fashu wakatsvaga tsvaga makii ayo aakawana pave nechinguva,wakamera zenze nokuzvirova chipfuva achizviudza kuti wake akange auya ega. "Ndirikuuya darling ndange ndichiziva zvangu kuti uchauya kuzokumbira ruregero,neni ndange ndichitofunga nezvako J boy ufunge.Kashavi kake kaive katomuti tiba,semunhu akange amwa bhodhoro rese rewaini wakange onzwa kutekenyedzwa muviri wese,dzaive dzoita kunge dzorasa.Akangobva riri bara kuimba yekurara kwaaive agere kuye mai vangu havana kufunga zvekubatidza mwenje.Waingo zvibonderedza nemurima imomo moyo uchidokwaira kuti ano mbundikira chido chemoyo wake.Uye waive pamusuwo manzwi ese aitaurwa aimanzwa asi aibuda achiita maungira paakanzwawo wake achimuti J boy ndange ndichifunga nezvako.Wakabvawo adekenyedzwa pamoyo sezvo ruva remoyo wake rakange ramukanganwira asina fungidziro. "Doro vakawanda vanoti rakanaka unozorodza pfungwa,asi vakawanda rinovaparira,nekuti rinoita vamwe vapinde munataisireva.Vamwewo rinovaitisa zvange zvisiri muhurongwa hwavo,tsaona nedzimwe mhosva dzakasiyana siyana racho iroro rinonzi rinozorodza pfungwa ndiro rinokonzera.Vakawanda vanozosara vokungura dai ndakaziva asi zvinenge zvisisina yamuro sezvo isingatungamire.Dai aive asina kudhakwa Joshua angadai akabvunza kuti waunoti abuda ndiyani?uye akanatso kunzwa kuti waitaura akange asiri Angela.Zvimwechetewo na Edna wacho dai aive asina kudhakwa dai akatanga nekubatidza malights angadai akawona kuti akange asiri Jabulani.Asi kudhakwa kwakaita anzwe inzwi raJabulani asipo,kunze kwacho kwaivewo nerima raichekeka nebanga zvekuita mapande maviri.Edna akangovhura mukova ndokukwevera J boy wake mumba havana kure kwavakaenda vakabva vatanga kubatana murima imomo.Uyuwo Joshua nekuda kwekudhakwa haanawo kubatwa nepfungwa yekubvunza kuti ko nhasi zvaita sei zvawave kuputsa golden rule yako.Asi naye wakatoti dzawira mutswanda hadzichade kunhongera chodiwa kudzitakura bedzi.Pakange pasina mucheche weumwe sezvo vese vaive vakadhakwa muimba yekutandarira imomo ndimo makaitirwa mabasa erima.Rudo runofizura vachipedza kupanana rudo vakabva vati rororo kurara,muimba yekutandarira imomo makange matambirwa mutambo wavakuru.Doro riye rakange rakavagunga rakavarivadza zvekutadza kuziva kuti vakange vasina kufuga,saka hope dzakavatora vakangofukidzana maoko. Henry paakabuda achisiya mukoma wake naAngela akabva ananga ku Chisipiti kwaive ne farewell party yeimwe shamwari yake.Iyo yakange yave kuenda kuAmerica kwayaive yawana basa,semunhu akange anonotswa nekunotora Angela.Akawana vanhu vatomumirira sezvo aive iye master of ceremony,mutambo wakange usingagone kutanga iye asati asvika.Henry paakangomisa motikari yakaita kuumbirirwa nevanhu,vachipemberera kusvika kwake.Achiona kuunganirwa kwaakaitwa wakave nemanyemwe wakabuda mumota achimhanya achimbundikirana,neshamwari dzake hanawo kuzorangarira kutora nhare yake,wakabva aisiya mumota. Moses haana zvaaiziva nezvehurongwa hwa Henry hwe kuenda ku party,dai akange aziviswa angadai akatora imwe mota.Pakabuda Henry achinotora Angela iye wakasheedza tax kuti inomusiya pavaizodyira dinner.Wakatarira nguva akaona dzave 21:45 ndipo akatanga kufonera Henry nhare haina wakadeera.Wakafonera panhare yemumba pfungwa dzake aifunga kuti Henry ari kumba akarara,wakaramba achiedza asi nhare dzese hadzina kuwana akadeera.Angela achiona Moses ave kuramba achibaya baya nhare achingoridza tsamwa.Akabvawo atobhoekana ofunga kuti Moses akange otoita zvebhizimusi saka kuvepo kwake kwakange kotovhiringa.Akabva asimuka,"ini ndave kuda kudzokera kumba nguva dzaenda uye ndinoona kunge ndave kuto kukanganisa ndokumbirawo ufonere Henry andiendese kumba". "Uchiona ndichiridza tsamwa kudai handisi kuridzira iwe,ndiri kufonera iye asi haasi kudaira handizive kurara rudzii kwaakaita". "Ukatevedzera zvaHenry tinoita seticharara pano,izvezvi kutaura kuno pamwe atori kumafaro somewhere". "Dai ange achienda somewhere ataura ndinoona asvika akanwa toomuch but i nkow kuti ariko kumba".Angela haana kuzoramba achipikisa asi wakazviudza kuti Henry akange asiko kumba,hakuna kumwe kwaakafungira kunze kwekuti ana Edna.Moses wakaramba achiedza asi wakasvika pakuakanda pasi mapfumo."The best i can do ndezvekuti rega ndisheedze tax tiende kumba ndinotora imwe mota ndokuperekedza that is kana tawana asiko.Angela wakanzwa moyo wake uchirambirana nezano raMoses,uye nepakange pave nenguva wakatya kuenda kumba kwaMoses. "Pane kuti titambise nguva tichimboenda kumba kwako wadii wango sheedza tax yacho yoenda neni". "Excellent!that is a nice idea handizive kuti sei ndange ndisina kumbozvifunga thanks".Angela paakaona Moses asina kupikisa akabva anzwa kusununguka,tax iye yakatora nguva isati yauya.Payakazosvika muchairi wacho akabva avaudza kuti akange anonoka nenyaya yekuwandirwa sezvo tax yake iri iyo yoga yakange yasara ichifamba.Dzimwe dzese dzaive dzamiswa kufamba nekuda kwemafuta ainetsa. "Saka uchaita sei kuti usvike kumba sezvo kuchinzi tax iri kufamba ndeimwe chete nhasi?". "Usatambudzike nezvangu ndinofamba remember ndingori muBorrowdale makare,in 15 minutes time ndinenge ndasvika kumba". "Ko pawauya sei usina kufamba kana pari pedyo?nguva dzaenda idzi Moses ziva yavewo nguva yevamwe yekuvhima".Moses wakanzwa kusununguka pamoyo wakabva azviudza kuti Angela akange asiri munhu chete asi munhu ane hanya. "I appreciate your concern but ndinofamba,ndichiuya kuno ndauya netax ndichiitira kuti ndisadikitire asi padhuze zvapo". "Pangave padhuze asi rangarira hwave husiku,saka tax ngaitange yanosiya iwe then yozopfuurira neni". "Inga ndizvo zvawaramba inga wani?". "Ndaramba kuti iwe undiperekedze,asi since kuchinzi tax irikufamba ndeimwechete ngaitange yanosiya iwe". "Saka toenda tonosiiwa netax kumba kwangu ndozokuperekedza nemota ka?". "Kwete Moses!tax irikunosiya iwe ini ndopfuurira,nguva dzaenda idzi unofanira kuzorora,rangarira mangwana unoenda kubasa.Zvekuti tax inokusiya kumba ndaitira kuti uve safe,handinga zviregerere ukasangana netsaona munzira so it's better to be safe than sorry.Chero zvazvo chikumbiro chake chakange chisina kutambirwa asi hanya yaive naAngela pamusoro pake.Yakamupa vimbo yekuti nekufamba kwenguva zvaizoita asi kuti ngoma yacho yaida kupfavira sezvo husiku hwaive hurefu.