Hazvina kumushamisa kuona mota yaifamba naHenry isipo pachivanze,sezvo akange atongozviudza kuti Henry aive kuna Edna.Waishuvira zvakanaka kushamwari yake kuti ivewo murudo asi kwete ne nyan'ya yakaita sa Henry.Moses akadzika mutax ndokuonekana na Angela wakabva atanga kukohomedza muchairi kuti asiye Angela pachivanze chaipo.Nguva iyoyo ndipo pakapinda Henry akaita rengenya zvake nekudhakwa.Moses akabva aridza tsamwa ndokupinda mumba asina chaataura na Henry.Angela wakayemura zvakaitwa naMoses wakabva aona kuti munhu waizvidzora. Akasara anekusurukirwa kukuru pamoyo,chero zvazvo akange asina kubvumiwa. Kungove pedyo naAngela kwaimupa kugadzikana mupfungwa.Kakave kekutanga kufunga nezvemunhukadzi kubva zvakange zvashaya mudzimai wake makore matatu akange apfuura.Vakawanda vakange vaedza kuzvimanikidzira paari asi zvakakona n'anga.Munhu haana chakanaka vamwe vaimuda vakange vaedza zvikaramba vaive vovharidzira vamwe.Nekufambisa risiro vachiti Moses aive akachekeresa mukadzi kumuita chikwambo chinove chaairara nacho.Kuitira Makambani ake arambe achibudirira,hongu makambani ake aibudirira asi kwete nekuti paive nehurombwa.Moses aive munhu akange akadzidzira zvebhizimusi uye makurire aaive akaita akamupa kushingirira pane chese chaaiita. Kushaya hanya nevanhukadzi kwake kwakadzimwa kubvira zuva raakatanga kuona Angela.Hongu aive zvake akarara mumba make asi waive mutumbi chete moyo waive kuna Angela.Chainyanya kumutambudza kuti wacho waaishayira hope rakange riri gata chairo akange asiri nyore kuhwina.Munamato waakarara achinamata husiku hwese ndewekuti,Angela asabatwe nemweya wekudzokerana nemukomana wake.Izvozvo ndizvo zvainyanya kumupedza simba asi wakazviudza kuti waizoita chose chinoita apedzisire aroora Angela. Muchairi wetax yakaperekedza Angela aive munhu aifarira kutaura nama customer ake.Asi pana Angela zvakamutorera nguva kuvamba nyaya,wakatozoti pave paye ndipo akatanga kutaura nezva Henry."Mwari vanochengeta vanhu vavo ufunge unoti nemadhakirwe,ange akaita murume uye dai aita tsaona nemota paiita chakanaka?.Vanhu vanofarira doro asi rine makuva pasi munhu kana adhakwa ngaarege kuchaira.Unoziva hanzvadzi pavanhu 15 vandaishanda navo ndini ndega ndasara mupenyu.Hakusi kungwara kwangu asi ndinotenda Mwari vakafuratidza moyo wangu kumafaro enyika ino".Angela wakange asingade zvekutaura asi paakanzwa muchairi uye achitaura nezvaMwari akanzwa kusununguka. "Aaaaaah very sorry,saka munoreva kuti vamwe vese vakaita tsaona nenyaya dzekudhakwa?". "Kwete hanzvadzi asi kuti vaiti vadhakwa votadza kuzvibata votorana nana Marwei shamwari dzehusiku pasina dziviriro.Doro rakaipa hanzvadzi rinoita munhu ashaye hanya nehupenyu hwake.Dai mukomana wenyu uye ange akadhakwa dai asina kuterera,zvamange muchimuudza zvekuti asafambe netsoka kwasviba.Mungadai ipo paye matoudzwa meno amire,munhu akadhakwawo unonzwa achiti handiudzwe zvekuita nemukadzi.Ndisingazive zvangu kana azodhakwa kuti anodiiwo asi anoratidza kuve munhu ane future.Kana zvichibvira hanzvadzi ndinokumbira mumubatisise midzimu haipe kaviri".Zvakaperera pamuromo asi Angela wakange oda kutoudza muchairi kuti iye naMoses vakange vasiri murudo. "Kuti kudaro here hanzvadzi?,dambudziko renyu varume kana mave mumba munochinja,kuita mhuka chaidzo.Havainyeba vakuru pavakati rinonyenga rinohwarara,unoshamiswa woona munhu chave chikara". "Ichokwadi ichocho hanzvadzi kuti munhu anosanduka handirambirane nazvo,asi zivai kuti muti unoonekwa namashizha.Hazvide nguva kuziva munhu asi maitire nemataurire anokuudza hunhu hwake.Handisi zvangu kutenga chiso chenyu hanzvadzi asi mujaya wenyu uye munhu ane hunhu".Angela haana zvake kududza asi wakabvumirana nezvairehwa nemuchairi. Chine manenji hachifambise chinomirira kuti mavara acho awonekwe,akange aripo paikohomedzwa muchairi naJoshua kuti amusiye pachivanze.Asi paakangosvika pagedhe wakaita kunge munhu ane muzuru zuru wakabva adzika.Muchairi akaedza kuita nharo achiti waida kumusiya pachivanze sezvakange zvarehwa sezvo kwaive nerima.Angela wakati tana kuramba akaudza muchairi kuti asatambudzike,sezvo ainge asvika.Motikari yaive pachivanze akaiona asi haana kunge aziva kuti ndeye mhandoi sezvo paive parima.Hakuna kumwe kwakamhanyira pfungwa dzake kunze kwekuti yaive mota yeboyfriend yaEdna.Wakasimudza maoko mudenga chiratidzo chekupererwa nehunhu hwe umwe wake hwakanyangara.Akabudisa kii yake paakasvika pamusuwo achida kuvhura gonhi asi wakaona ruoko rwake ruchiramba ruchienda zvisingagume.Izvi zvakabva zvamujekera kuti musuwo wakange usina kuvharwa,hana yakati tibvu kurova otyira kuti Edna anodaro apindirwa namatsotsi.Wakazvidemba kuti dai aive aterera muchairi aiti anoda kumusvitsa pachivanze chaipo angadai akaona kana mumota maive nevanhu.Angela wakabvunda akamira wakange oshaya kuti wodii?.Kudzokera kumashure kwakange kusingachaite sezvo aityira kuti mumota munogona kudero maive nevanhu vakamutarisa.Kuti apinde mumba wakange otya zvakare kuti matsotsi anogona kudero arimo mumba.Njere dzake dzakaita sekuti dzichabuda nemugotsi wakange azvipinza pachimanikire nekuda kwenharo dzake dzekuramba kusiiwa pachivanze.Akaita munamato mupfupi wekuti Jehovah vamurwire,achipedza akabva azvisimbisa nemagwaro.Akataura nechemumoyo akati,"Mwari havana kutipa mweya wekutya asi wesimba newe rudo".Pese paaifamba aive akamisa nzeve kunge tsuro akatotyawo kubatidza light remukoridho.Paakange asara nezvinhambe zvishoma kuti apinde muimba yekutandarira,ndipo akanzwa kuita sekunge aive apinda mudanga renguruve.Maive nerwiyo rwengonono rwaishaurwa imomo Angela akashaya kuziva kuti ndivanani vaive vakarara.Umwe moyo wakati nanga kuimba yako yekurara usiyane nekutsvaga zvakawanda asi wakatya kufamba nepamusoro pevanhu.Ruoko rwake rwakaerekana rwananga paswitch ndokubatidza mwenje mumba muye ndiye ngweee kuchena.Zvaakaona zvaida n'anga kushopera,vaye vaive vakarara pavakavhenekwa nemwenje vakatangawo kutsokota maziso.Zvimwe zvinhu chero usingade kutaura unoyerekana warotomoka."Baba vangu shumba iwe!.Ko matadza kuenda kuimba yekurara here pane kuita huyanga hwakadai?Joshua wakanga angovhara kumeso achizvonyongoka kunge nyoka yagadzikwa danda kumusana.Zvimwe zvinhu zvinopedza simba Angela wakazosvika kuimba yake yekurara zvekuvavarira mabvi orera.Akasvika akazvipunzira pamubhedha misodzi ndokududza ndimi dzacho,wakatanga kuzvibvunza mibvunzo isina mhinduro."Kureva kuti zvinhu izvi zvakabvira kare,ko Edna sei akange achindivanzira?.Asi hazvichinei sezvo Joshua wacho ndakasiyana nezvake.Angela wakazviudza kuti akange asingazobvunze Edna kuti zvakange zvafamba sei. Zvimwe zvinhu zvinosetsa chokwadi muimba yekutandarira muye rakasarawo riri gwitisira kurwa kwamapofu.Umwe neumwe achirwira kufukidza nyama dzake.Hapana akataura neumwe Edna akangonanga kuimba yake yekurara achinzunzutira.Joshua akangobudawo riri bara akananga kumota yake,tarisiro yekuti wakange achazove naAngela dzakave ngano.Akaedza kufunga kuti zvakange zvafamba sei kuti apedzisire arara naEdna asi akatadza kurangarira.Joshua akatambudzika mupfungwa zvekurivara kuti waichaira mumugwagwa mune dzimwe mota.Akange ongoita chero zvazvaita bhurugwa rebenzi,haana kubvira aona kuti wakange ofambira divi risiri rake.Aingoridzirwa huta kasingaperi nedzimwe motikari ndipo paaizoti patika odzokera kudivi rake. Kurota hope ndiko kunakidza kwekurara,asi kakawanda zvatinorota mumvuri wezviitiko zvataswera tichiona.Asi dzimwe hope dzine zvadzinoreva asi zvese tingozoti zviroto totadza kutsvaga dudziro yazvo.Pakati pahwo husiku Edna akanzwikwa oridza mhere.Chero zvazvo aive akabatikana asi mhere yaEdna yaka mumanikidza kuti amuke anoona kuti chii chaitora nzvimbo.Wakawana Edna ari kutsi kwehope asi achingoridza mhere.Akambofunga kumusiya asi wakanzwa ofema kunge munhu akadzipwa achitaura ari kuhope ikoko."Rega kundiuraya kani!,iropa rako ripi raunoda kutevera pandiri?". "Edna!zvaita sei?".Angela wakazopedzisira ozungunutsa umwe wake zvine simba sezvo aingoramba achirotomoka.Edna wakamuka achichema zvakasiririsa,Angela akangozozviona onamatira Edna aingopfikura kunge munhu abatwa neshavi.Achipedza kunamata Edna wakange ati dzikamei zvishoma,"ko chii nhai vasikana?". "Arikuti ndini ndamuurayisa saka,anoda kundiurayawo agotora ropa rake riri mandiri.Ndamuudza kare kuti handina ropa rake asi iye arikundipikisa achiti ririmo.Angela wakatora nguva akatarira Edna waive akaburitsa ziso kunge munhu orasa njere. "Ndiyani waunoti anoda kukuuraya?,zvowotaura kunge n'anga inoreva nemutauro siri unoda makumbi adudzire.Iti bvoo pane nyaya yako urege kutaura nedimikira,nditaurire chirotoi chaita uzhambe kudai?". "Ndarota Joshua achida kundiuraya achiti ndini ndamuurayisa". "Haaa ndafunga kuti pane zvinemusoro zvauchataura,unondiudza hope dzekudhakwa idzo. Handiti ndimi mange muchinwa waini iyi,rara tozotaura mangwana.Ungaswera uchivhunduka tuhope nhando utwo Joshua ndiye wawange wakarara naye saka wazofa kupi?Zvakare angauraye mukadzi wake kuti zvaita sei why uchida kutamba nepfungwa dzangu?"Edna handinei nazvo zvekuti wave kudanana na Joshua,bhora rinotorwa mumakumbo ndiwo mutambo wacho".Angela akasimuka oenda kuimba yake yekurara,mashoko aaitaura aive ekuzvishingisa asi aive akabaiwa pamoyo. "Angela ndokumbira udzoke pano!,ruregerero nezvawaona asi zvauri kufunga handizvo zviripo.Handidanane na Joshua uye hapana zuva randakambo muchiva,you're like a sister to me.Chero zvangu ndiri nzenza handinga shuvire kudanana nemukomana wako kana wawange uchidanana naye.Zvaitika inongove tsaona yakonzerwa nekudhakwa kwandange ndaita pliz ndinoziva hazvisi nyore kubvuma asi ndicho chokwadi".Edna akarondedzera mafambire akange aita nyaya ese pasina kana chimwe chaakasiya.Angela wakabva arangarira mashoko akange ataurwa nemuchairi uye ekuipa kwedoro.Chero zvazvo aivewo adzimbikana nechiitiko ichi asi akanzwira Edna tsitsi.Haanawo kuziva kuti Joshua waive akadhakwawo,saka Angela akatanga kumushora achiti waive atora advantage sezvo Edna aive adhakwa.Angela wakanzwa kubitirirwa neshungu wakabva azviudza kuti waida kuzokaurisa Joshua waive amurwadzisa zvikakwana. "Saka makarara mune dziviriro here?". "Handina chandinoziva ini Angela asi handione,mhaiwe kani hii hiii ndakazviparira newaini yandakamwa iyi.Ndatozvitakura ini ohhhhh ndinoona midzimu yake yange ichitondiudza kuti ndave nemwana waJoshua."Angela kani ndoita sei unoziva handina mai handina baba ndozviudza ani. Angela akazviona kuti ndiye ega aive hama ya Edna saka aitofanira kumira naye.Vabereki va Edna vakange vashaya mutsaona yemotikari kwaChivake saka haana kuda kumusiya panguva yakadaii.Asi kumira naye,hongu aive arwadziswa asi iyi yaive nguva yekumira naye.Joshua anofanira kusungwa Edna?". "Kusungwa!,ko apara yeyi?" "Pane zvauri kundivanzira here?.Kana uri kureva chokwadi kuti iwe hauna kudeedza Joshua angouya ega anofanira kusungirwa rape".Saka iwe haufanire kugeza ndinoda kuti semen yake iwanikwe iri mauri.Ndinoda kusungwa kwake chive chidzidzo kune vamwe varume vanozvidza vanhukadzi.Ndinoziva asangana nemota ya Henry paabva pano natete vake,saka ange adzoka kuzomurwisa.Haana kugumira ipapo chete paawana ndisipo abva atora advantage yekudhakwa kwako akakubata chibharo.Vavariro yake yange iri ye shaisano uye kuda kuti pesanisa nokundi rwadzisa.Angela akange oita kudedera nehasha wakabva atuka zuva raakatanga kusangana na Joshua.Haana kuzobvira arara shungu dzichingove pakuti kunze kuedze agoenda kumapurisa.