"Masibanda muroora afamba anadzo ndinovimba unoziva zvandisimudza,ndinoshaya kuti ndotangira papi nekuda kwenyadzi".Tete vaJoshua vakavamba nyaya yavo nekudaro vachideedza Angela nemutupo wake,asi navo zvaivaremera kuti vanange chaipo pane nyaya yavo. "Hadzirime dzinonzwa tete,sezvo matosvika kudai chiregai kushaya pekutangira.Chero mukaitangira padumbu hapana mhaka chakakosha kuti tizive kuti imhukai tisazodye nemutupo.Tete vakashamiswa nehudzamu hwaive mumashoko a Angela,izvozvo zvakaita vambonyarara kwechinguva. "Ndasimudzwa nenyaka nyaka dzakaitwa nemukomana wako,uyu agere apa anokumbira ruregero pane zvese zvakaitika.Ndinoziva zvinorwadza,Angela neniwo ndiri mukadzi akaita sewe,saka ndinoziva kurwadza kwazvo tauya kuzokumbira ruregero".Angela wakayeredza misodzi achipfikura kuchema kwechinguva asina chaakataura waida kutaura asi wakakurirwa neshungu.Joshua wakabayiwa pamoyo kuona kurwadzikana kwaiita Angela,wakazvishora zvikuru wakabva apfugama pamberi pake naye oyeredza misodzi. "Angela my darling ndinokumbira undiregerere,pane zvese zvandakakuita handizive ndakange ndapindwa nemweya rudzii?.Ukandiregerera ndingaita zvangu chimwe nechimwe chauchati ndiite,pliz ndinokumbira undiregerere mudiwa wangu".Angela wakange zvino abata shaya akatarira Joshua mumaziso chaimo,imwe pfungwa yaimutuma kuti anosimudza Joshua paaive akapfugama.Asi paakarangarira mashoko ekuti uri chifeve,akange ataurwa naJoshua akanzwa achipera simba. "Joshua ndinokumbira usimuke unogara pawange ugere".Angela wakazozvishingisa kutaura asi waive achidedera neshungu asi wakazvidzora.Pane zvese zvawakaita ndinokuregerera sokuti handikwanise kuchengeta chigumbu,nokuti ndikadero moyo wangu hauzowane zororo.Uye hazvikuvadze iwe asi ini nyakugumbuka ndini ndinenge ndichipika jere racho,zvinove zvinhu zvinogona kukanganisa hutano hwangu.Vatete vakaombera vachitenda vakange vasina tarisiro yekuti Angela achakurumidza kunzwisisa nenzira iyi. "Moyo wako hauna vazhinji ufunge zvako Mamoyo,ndinoshuvira kuti Mwari vekudenga varopafadze chese chauchabata".Joshua akasimuka akavhura maoko achida kuno mbundikira Angela asi wakashamisika achipihwa chiratidzo chekuti agare pasi. "Not so fast Joshua!ndati ndakuregerera asi handinei nembundiro yako,saka gara zvako pasi". "Aizve ko zvaunenge uchakandi gumbukira wani nhai Angela?". "Kwete kwete dai ndange ndakaku gumbukira ndisina kubvira ndakutendera kupinda mumba".Asi dai ndave violent sezvawakaita nezuro asi ndinotenda Mwari wandinonamata kuti havana kundipa moyo wakadaro.Hauna kana kundipa mukana wekuti ndikutsanangurire ataive naye ndiyani asi wakaona zvakakodzera kunditi pfambi.Kwamuri tete ndinoda kutenda neshuviro yenyu yekuti Mwari varopafadze mabasa amaoko angu ndinoti amen ipapo.Mwana wehanzvadzi yenyu uyu akandirwadzisa ndisina tarisiro,ndaimuda nemoyo wangu wese zvisina tsvete.Joshua akatadza kuzvibata paakanzwa shoko rekuti ndaimuda wakaerekana angorotomoka. "Angela unoreva kuti hauchandida here?zvingave nani zvangu ndife pane kugara ndisinewe,pliz do forgive me ndingaita chero chii zvacho chauchati ndiite.Angela wakadzungudza musoro kunge muporofita abatwa nemweya, achiyeredza misodzi,mashoko a Joshua ekuti achamuitira chese chaareva.Akawona ari mashoko ekuda kumubata kumeso chete wakabva arangarira zvakange zvaitika kumashure vane mwedzi mitatu vadanana.Angela wakange aenda kunoona sekuru vake,vaigara ku Glenview 4 avo vaakange anzwa kuti havanzwe zvakanaka.Wakasvika sekuru vaye vasipo akazobvunza muvakidzani wavo anove akamuudza kuti,vaive vati vave kumboenda kumusha sezvo hurwere hwacho hwairambirira.Ivo vakange vasina nhare havana nzira yavaikwanisa kumuzivisa nayo.Zvekurwara kwavo akange akatoudzwawo nemumwe mukadzi aishanda navo uyo waakange asangana naye mudhorobha.Zvino nenyaya dzekubatikana ne chikoro wakazowana mukana mushure mevhiki.Angela wakatambudzika mupfungwa,akashaya kuti wodii paakawana sekuru vasipo. Sekuru vake ava ndivo vaaigara navo mazuva aakatanga kudzidza pa University of Zimbabwe.Wakazobva kumba kwavo apo akanzwirwa tsitsi naEdna uyo wakati auye azogara naye kuitira asanetseke nemari yekombi zuva nezuva.Sekuru vake vakange vasingade pakutanga vachiti waizonoita misikanzwa asi iye wakava vimbisa kuti waizonozvibata vakabva vabvuma. Angela paakaona sekuru vasipo wakabva afunga kunoona Joshua ku Budiriro 1,uku kwaive kutanga kuenda kumba kwake.Semunhu aive ne nhamba yekumba kwacho wakazviudza kuti wakange asingazofone waida ingove suprise.Haana kuda kuzvinetsa nekukwira kombi wakadimudzira zvake nemupark,maive muzere vemachurch echipositora.Wakati ave nechekumucheto umwe madzibaba wechidiki aive pasowe rake ari ega akati kuna Angela,"madzimai ndaona nhamo mberi kwenyu dai madzoka ndakuyeresai".Asi haana kuzviisa mumusoro nekuda kwenyaya dzaainzwa kuti variko vemadzibaba vanokuudza zvekunyeba vachida kukuswededza kuti vozokuitira saramusi vorara newe.Zvino paakacheuka akaona munhu uye ari ega ega pasowe akabva ati ndiye wedzimwe ndururani dzaitaurwa idzi.Paakasvika pamba paJoshua wakanyevenuka kuona mota mbiri dzaivepo,sezvo raive zuva rekutanga akangoti ndedzake dzese.Akaona mukova wakavhurwa akasvika akagogodza asi hapana akadeera.Wakazorovera moyo padombo ndokupinda mumba ndokusheedzera ari muimba yekutandarira ndipo pakazobuda vamwe amai vaive vakamonera tauro.Asati abvunza zvaaida ndipo akaona Joshua achibuda nedivi rimwe raive rabva naamai vaye,aive akapfeka achiratidza kuti waitoda kubuda.Joshua akabva asheedzera,Angela my darling!,what a supris.........".Haana kuzopedzisa kutaura akanzwa mukadzi uye opopota. "I will kill you Joshua ungade kundisiira this cheap flooze?",chakazotevera imhere wakaona Joshua arara pasi ropa razara nechipfuva chese.Angela achinekushamisika akaona amai vaye vachibuda vachimhanya vakabata mbatya dzavo mumaoko. nenguva isipi akanzwa mota yomutswa ndiye hutu kuenda.Ndipo paakabva aziva kuti mota yechipiri yaive yaamai ava.Angela wakabva azvidemba kuti dai aive aterera mashoko emadzibaba vaye vaakange awona pasowe.Asi zvakange zvisisina batsiro sezvo yakange yatodeuka. Sezvo raive zuva rekutanga kupinda mumba umu Angela wakashaya kuti wodii,akazoswedera pedyo nepaive pawira Joshua ndipo paakaona kuti aive abaiwa nebanga.Wakazoikwetsura mhere ndipo pakazomhanya umwe muvakidzani uyo wakaudza Angela kuti,anyorese statement yekuti Joshua azvibaya nebanga kuitira akurumidze kurapwa.Pakazosheedzwa ambulance iyo isina kutora nguva,munzira mese Angela waingoyeredza misodzi imwe pfungwa yaiti ukasvika kuchipatara ibva wageza maoko.Asi hazvina kubuda saizvozvo ndiye wakasvika onyoresa nekubhadhara mari ye admission fee.Wakaudziwa kuti Joshua waizosonwa ma stitches obva adzokera kumba,chero zvazvo moyo waitsva asi wakaona zvisingaite kuti amusiye aripa chimiro ichi. Vakapedzerwa ndokuenda kumba,Angela waizvishingisa asi waitsvira mukati zvaive pachena kuti amai vekubaya Joshua nebanga yaive pfambi yake.Vachisvika kumba kuye wakabva awoneka,ndipo pakazotanga Joshua kutaura."Angela ndinoda kukutenda nerudo rwako uye ndinehurombo pamusoro pezvawasangana nazvo.Mukadzi andibaya uyu ndaidanana naye saka pandakaziva kuti waive nemurume ndakabva ndasiyana naye.Asi iye wakaramba achiti achiri kundida,saka nezuro,ndakazodzoka husiku ndipo ndakawana aripano.Ndakamukumbira kuti aende akati akange asingazodzokere wakati ndikaramba ndichimumanikidza waizo zviurayira pano.Saka ndakatya ndikati arare muspare bedroom,munove imo maakarara.Ndinokumbira undipewo umwe mukana ndichaita chose chauchati ndiite".Angela waida kuti rudo rwavo rwubve rwapera asi zvakaramba kubuda sezvo aida Joshua zvikuru.Saka wakabva amupa mumwe mukana asi wakabva amuudza kuti sezvo ati achaiita chese chaanoda akabva awudza Joshua kuti vaizorara vese kana vachinge varoorana.Joshua wakange asina tarisiro yezvaakaudzwa asi chekuita pakange pasina sezvo aive azviroverera namashoko emuromo wake.Ekuti uchaita chero chipi zvacho chaachakumbirwa naAngela,iye pfungwa dzake dzaifunga kuti pamwe achareva chaanoda kutengerwa.Pfungwa dza Angela dzakarangarira zvese izvi wakabva adzungudza musoro. "Joshua unogona kuvimbisa zvausingazo zadzise,pawakauya pano nezuro ndaifunga kuti uri kuzokumbira ruregero asi waitofunga zvako zvenhumbi dzako."Ko dai ndaive ndakadzipfeka sezvawaida kuti ndiite mazuva awainditengera,chii chaizoitika dai wakawana kuti hapana kana imwe iripo?.Handiti waiita zvikuru zvino nhumbi dzese dzawakatenga wakawana dziri intact pasina kana imwe yakambopfekwa". "Kwete Angela ndakange ndauya kuzokumbira ruregero kutaura chokwadi?". "Zvikazodii?ndiko kukumbira rugerero here kwekundiudza kuti ndiri chifeve?Umwe wako paakarova mukomana ataive naye pano nezuro,hauna here kuti siyana nekurova munhu hazvisizvo zvatafambira?Kureva ka kuti mange mafambira kuzotora mbatya,hazvisi nyore kwandiri Joshua ndange ndichikuda nemoyo wese asi nzira dzedu dzapesana.Handichakwanise zvangu kuramba ndichidanana newe wakandirwadzisa kusvika pakadzika dzika pemoyo.Wataura zvakare nemuromo wako kuti ndikakuregerera uchaita chero chipi zvacho,chinhu chandinokumbira kuti usiyane neni wakandirwadzisa zvakakwana.Tete ndine hurombo asi mwana wehanzvadzi yenyu ndiye honzeri yezvese izvi,aida kundibata chibharo pane kuti azoreva tsvariro akauya akadira munyu paronda nyoro nekundiudza hufeve.Joshua ndakuregerera pane zvese asi chandisinga chakwanise kukupa moyo wangu zvakare.Angela wakabva asimuka onanga mumba yekurara maive na Edna misodzi dziri hova munguva yezhizha.Tete vaJoshua vakashaya remuromo vakabva vabuda ndokunanga kumota,Joshua akazotevera mushure mechinguva mvura dzekutambudzika dzaivewo dzakati fasha fasha namatama ese.Ndizvo zvinoita rudo runofadza muchipinda marwuri asi mukasarungwarira pakupera kwazvo runosiya makuva kana ronda risingarapike.Kwaive zvako kutaura kweshungu nekurwadziwa asi pakadzika dzika pemoyo wake Angela waizvinzwa kuti naye warasikirwa.