Chero zvazvo chiremba akange amusimbisa kuti umwe wake aizoita zvakanaka asi iye haana kuzvibvuma sezvo aive atorasa tariro.Hongu chiremba akaita zvaakaita asi akasvika pakudzokera kumba Angela asati amuka,izvozvo zvekusiya pasina sanduko zvakaita anyanye kushupika. Husiku hwese haana kurara mutsamiro wese waive wakati tapa tapa nemisodzi.Edna wakaedza kufunga asi wakagumirwa achishaya kuti ozvifambisa sei,waingonamata kuti Mwari varatidze minana yavo.Padiki padiki waingotarira nhare yake akarindira call yekuchipatara akazoti dzika dzika pakwakaedza pasina shoko raanzwa.Wakamuka nyama dzake dzakaita kubikwa bikwa nekuda kwekutadza kurara.Akanzwa kufara pakasvika umwe mukomana wekuchurch kwana Angela,uyo wakamuti ambozorora iye achaenda kuchipatara ozomuzivisa zviriko.Edna akabva azviudza kuti waizoendawo masikati sezvo akange awana umwe amuremudza. Kubva zvaakange adzoka kubva Dema Moses aive achigara akabatika nebasa aizorora nekurara chete,rimwe zuva akamuka achinzwa muviri wake wakarukutika saka akasarudza kuti ashandire pamba.Zvakaitawo rombo rakanaka sezvo Henry akange asina kuenda kuchikoro,izvi zvakapawo Moses mukana wekuita basa rake pasina kubuda achinotsvaga chikafu.Henry nedivi rakewo wakafara kuona mukoma wake achishandira pamba waitovewo nechishuvo chekumbokurukura sezvo pakange pave nenguva Moses achigara akabatika."Mukoma mazuvano hamubatike munoita kutsvedza kunge muramba,munozonyanya kuzviisa under pressure kunge hamusi muridzi wekambani".Henry wakadero achinyemwerera akatarira mukoma wake waitaridza kuti pfungwa dzake dzaive kure kure. "Kuenda kupi?",Moses akapindura achiita zvekuvhundukira uye achipindura zvakabuda munzira. "Aiwa mukoma don't stress yourself toomuch;zvitori pachena kuti mangopindura musina kunzwa zvandareva.Kubva zvamadzoka kubva kuna mama hatina kumbobvira tawana nguva yekutaura muchingove busy nezve basa panhare dzenyu.Ko makadzoka mega ari kupi wamakange mafambira kunotora uye makasiya mama vakadii?". "Ipapo unoreva munin'ina ndinozonyanyawo kuzviisa under pressure,mama ndakavasiya vachifara uye vaikusimbisa.Musikana uye ndakano muona asi handina kukwanisa kuuya naye sezvo ndakawana sekuru vaanogara navo vasipo.Saka kana vachinge vadzoka mama vachandifonera ndozo dzokera ndono mutora". "Zvaritori basa chairo dai takaziva kuti zvine long process kudai mungadai makangoenda kuma agents zvaisatore nguva.Izvi zvekumusha zvinonetsa next time muchanzwa zvonzi ngana haapo saka mozodzoka zvakare,vanhu vekumusha vanongoomesa misoro nezvinhu zvenhando". "Vako vekuma agents akafuma akakubira unono mutsvaga kupi?zvimwe tinoshora chivanhu asi chinotidzidzisa gwara,zvakakosha kuzivana uye kutenderana nehama dzemunhu.Izvi zvinoitirwa kuti pakawana chinoitika munoziva pekunanga".Henry akanzwisisa zvaitaurwa namukoma wake uye wakaona chokwadi mumashoko ake. "Ko chii chakaitika pakati penyu naAngela?". "Unorevei?hapana chakaitika nemhaka yeyi wabvunza?". "Angela mazuvano haasi kuuya kuma lectures anenge akangouya kaviri kana katatu kana ndisinga kanganise,asi pacho pandakapedzisira kumuona aive akangoti nyumwarara.Chaita ndibvunze inyaya yekuti zvese zvandiri kutaura izvi zvakaitika mushure mekunge mabva kudinner.Chinondishamisa kuti chero nemiwo hamuna kubvira mambodawo kutaura nezve kudinner,handisiri munhu anoda nyaya asi kuti ndiri worried nemaitire a Angela". "Dai paive nechekutaura ndakataura inga ndakakuudza wani kuti Angela akati anoda kupihwa nguva,handizive chii chimwe chaunoda kunzwa nezvacho.Moses wakaedza kurangarira kana pane pavaive vakaita sekupesana kana kukavadzana naAngela asi wakapashaya.Moses akaona kuti zvaive nani anopedzera nyota patsime akabva ati nyamu kusimuka achiita kunge munhu agarwa neshavi.Ndipe address yekumba kunogara Angela ndiende ndino......".Haana kukwanisa kupedzisa kureva zvaaida aganurirwa nenhare ya Henry yakazhinya. "Calm down natso kutsanangura wati zvafamba sei?Saka ari kuchipatara chipi?,ok ok tiri kusvika ikoko nekubwaira kweziso".Henry akabva asimukawo otanga kutsvaga svumbunuro dzemota asina shoko raareva kuna Moses. "Ko ndiyani afona?,uye ari kunzi ari kuchipatara ndiyani". "Edna ndiye afona mukoma!,hanzi Angela ari kuchipatara akangodonha nezuro,Moses wakaita sedzorasa paakanzwa nezva Angela. "Hanzi ari kuchipatara chipi?ari kupi makii emota tibve taenda izvezvi",Henry haana kupindura zvaakange abvunzwa akangosimudza svumbunuro dziye mudenga achitobuda kunanga kumota.Moses akabva ateverawo chikafu chavaida kudya hachina akazobata kana kuvhara chakangosiwa patafura nhunzi dzakabvawo dzati hekani waro.Kana mukova wakangovharwa hauna akakiya majaya ekwa Makwarimba omhanyira kuchipatara. Mota yaaiita kubhururuka nokuda kwa Moses waingofoya munin'ina wake kuti urikufamba zvishoma,mushure memizuzu mishomanene vakange vasvika.Henry akange asina kuudza mukoma wake kuti Angela aive aiswa pa Arundel private hospital,wakatoshamisika achiona vamira ipapo."Ko pane waunoda kuona here pano?,hauone here kuti tiri kunonoka unoziva ndinonzwana nana chiremba vakawanda pano.Zvino vakangondiona vano zondibatirira vave kuda kuita nyaya neni ko tadii tatanga tasvika kuGomo hospital wozodzoka uchionana nemunhu wako". "Ko ku Gomo munoda kundoona ani?,ndinorangarira tabuda mumba zvechipiti piti tichiti tinoda kuzoona Angela pano".Sorry mukoma handina kunge ndazoreva kuti anzi ari pano paArundel".Moses akanzwa rima richiti tsvete kumeso nekuda kwe shanje,nhoroondo yaakange audzwa nezvehupenyu hwaAngela zvakamunetsa kuti sei aive auya paArundel.Iye pachezvake aive nemari asi akange achito zeza chipatara ichi nekuda kwekudhura kwacho.Hakuna zvimwe zvaakafungira kunze kwekuti Angela akange aiswa pachipatara ichi neboyfriend yake yaaiti ainetsana nayo.Moses akanzwa achipera simba paakafunga kuti zvichida vakange vakazotaurirana vakadzokerana. Akange asinawo kubvira abvunza Angela kuti mukomana waaiti akaparadzana naye aiita nezvei pahupenyu.Saka pfungwa yake yakamhanyira kuti mukomana uyu waive nechigaro chepamusoro muhurumende sezvo aiziva vari ivo vanhu vaishandisa chipatara ichi.Moses akaona mukana wake wekuva naAngela uchive mudiki diki,izvozvo zvakaita shanje dzake dzimupise pamoyo kunge munhu aita chidungurira.Akasara opinda muchipatara atosvava seruva,achipinda muchipatara muye wakaona munezvamowo zvakawedzera kukododzvora moyo wake.Akaona pane jaya rakange rigere padivi pemubhedha waive naAngela,rakamubata ruoko bundu reshanje ndiye ndii pahuro akatora nguva achitadza kutaura.Angela akabva asimudza musoro ndokukwazisa Moses na Henry nenzwi raive pasi pasi,achiratidza kuti achiri kudzimbikana nemuviri.Asi wakanzwa achive nemufaro kuti vakange vauya kuzomuona panguva yakadai,zvagara zvinhu zvinofadza kuwana shamwari dzinomira newe munguva yedambudziko.Nenzwi riri pasi pasi akakurumidza kuita maintroduction wakaita sekuti akange aona shanje dzaive naMoses. "Brother Robert ava ndi Moses na Henry ishamwari dzangu kwamuri imi ava ndimukoma vekuchurch kwedu navo ishamwari yangu".Chiso chaMoses chakati nyevenu asi akasara aine mubvunzo wekuti ndiyani akange awuyisa Angela pachipatara ichi.Robert paakapedza kukwazisana naHenry na Moses haana kuzogara nguva yakareba akabva awoneka.Izvi zvakapawo Moses mukana wekusara achitaura naAngela zvakasununguka,sezvo Henry akabva abuda achiita seaiperekedza Robert. "Angie uri kunzwa sei?Nditaurire zvakafamba sei kuti uyerekane wangodonha?".Moses akadero achibata Angela ruoko,achigara pachigaro paive pasimuka Robert. "Ndirinani zvangu asi musoro ndiwo uri kunditambudza uri kuita kurema kunge ndakatakura gomo,asi ndikati ndinoziva chakaitika ndinenge ndichireva nepasipo.Nekuti kutaura kuno neni zvinotondinetsa kuti ndakasvika pano sei uye kuti ndiri kupi?".Moses akanzwa tsitsi achinzwa kutaura kwa Angela tunyuka twemisodzi twakanyuchira nemaziso asi akazvishingisa kuti asayeredza misodzi. "Uripa Arundel hospital". "Arundel!!,Moses are you for real or you're joking kuti ndiri pa Arundel hospital?Ndiwe wakandiuyisa pano here?".Moses akashaya kuti otii asi akatya kuti akaramba zvaizogona kukuvadza Angela sezvo aitochema nemusoro.Saka akaona kuti zvaive nani asimbise Angela namanyebo akabva abvuma kuti ndiye akange amuuyisa. "Baba vangu havakwanise kubhadhara mari dzinosheedzerwa pano,why Moses wakandiisa pano?Ko wakaregerei kundiisa kuzvipatara zvehurumende,inga wani ndakakuudza everything about my life.Baba vangu vakasiya basa chikoro vari kundipinza nekutengesa mombe dzavo.Angela akayeredza misodzi oshushikana kuti zvaizofambiswa sei mari yepenjeni yaipihwa baba vake yaive isingakwane.Kuendeswa kwaakange aitwa pa Arundel yaive nyaya yekuti muvakidzani akamutakura akaona kuti nechimiro chakange china Angela zvaida akurumidzirwe.Saka nekuziva maitirwe anoitwa kuzvipatara zvehurumende akatya kuti aigona kuzorasikirwa nehupenyu.Edna wakatozoziva pave paye kuti vakange vaendeswa paArundel asi chekuita pakange pasisina.Wakangozviudza neche mumoyo kuti Mwari harisi benzi,pfungwa yake yaive yave pakuti anoudza mastudents aitsvaka nzvimbo yekugara kuti vazoroja pamba pake.Iyi ndiyo nzira yega yaizoita awane kamari kekufana kubhadhara chipatara.Aiziva kuti yakange isingazokwane asi zvaizove nemataurire kana ane pashoma.Kuzivisa kwaakaita Henry waive nevimbo yekuti waizobatsirawo pane tushoma twaaizowana kumaroja sezvo aingovewo nepfungwa yekuti ari murudo naAngela. "Chandinoda kuti upore Angela nguva ino rega kuzvinetsa nezvakawanda ziva kuti patinogumira Mwari ndipo pavanotangira.Saka zvese tichazvikumikidza mumaoko avo sekuti chinangwa chavo kuti urapirwe panzvimbo ino".Hakuna chinonzi chinokunda musiki nekuti nyika nekuzara kwayo ndivo muridzi,saka ndinoda upore ugondiberekera vana vakawanda.Moses akabva abata musoro waAngela uyo waiita kunge moto kupisa,asi paakabatwa zvakaita kuti marwadzo aderere.Waida kuti Moses asabvise ruoko asi chiremba akabva apinda panguva iyoyo akasviko kwazisana naMoses vachiita zvekumbundikirana.Zvakabva zvangojekera Angela kuti chiremba aizivana naMoses,nenguva diki diki iyoyo pakataurwa nyaya dzakawanda. "Tell me Moyo ko chii chiri kunetsa murwere ndango....akawa nezuro". Moses akabva azvibata muromo ave kutya kuti Angela aizoziva kuti akange amunyebera kuti ndiye akange auya naye pachipatara apa.Chiremba akazviona kuti rurimi rwaMoses rwandandama akabva aziva kuti pane chaivanzwa nasahwira wake,asi haana kuve nehanya nazvo. "Kubva muongororo yandakaita,i discovered kuti akaita anxiety attack inove yakakonzerwa nekufunga kwakanyanyisa".Asi tinotenda Mwari nokuti she is out of danger now,but anoda nguva yakakwana yekuzorora,uye anofanira kugara panzvimbo ine runyararo.Saka ndinokumbirisa kuti uone kuti zvandataura izvi zviri kutevedzerwa ndinoisa zvese mumaoko ako Makwarimba.Mumazuva mashoma anotevera achange achitemwa nemusoro apo neapo uye watinoti migrane,asi ndichamupa mapiritsi anonyaradza marwadzo iwayo,but pliz pliz Makwarimba i repeat murwere anoda nzvimbo inerunyararo.Gara zviye mudzimai wako ka uyu?".Pane kuti apindure Moses akabva akweva chiremba vachibuda maive murere Angela.Wakatora nguva ari ikoko ndokuzodzoka pave paye pachiso pake pazere nyemwerero,Angela wakashaya kuziva kuti chii chakange chafadza Moses. Kuburikidza nekutaura kwakange kwaita chiremba Angela waizobuda muchipatara mushure memazuva maviri.Moses haana kuda kuudza Angela kuti ndiye waizobhadhara mari dzese dzaidihwa iye aingomusimbisa achiti Mwari vanoziva saka ngaasazvitambudze.Aiziva kuti mari yacho yaizove zhinji asi kuwanda kwayo kwakange kusinei naye chaaida kuti Angela apore,agokwanisa kupinda naye murudo ari mutano.Nhare yake yakabva yarira akange asingade kuideera achifunga kuti zvaive zvebasa sezvo aiziva kuti dzebasa dzaizomukanganisa asi paakaona kuti aifona vaive mama Dorothy akabva aideera.Akataura kwechinguva achingobvumira kuti ndichaita sekudaro mama,zvinove zvinhu zvakashamisa Angela sezvo akange akanzwa Henry achiti amai vavo vakashaya.Moses wakaitawo kunge akaona mibvunzo yaive naAngela pamoyo wakabva atanga kumuudza nezvehupenyu hwake.Kufona kwakange kwaita Mama Dorothy vaizivisa Moses nezvekuti auye azotora Vimbai,nedivi rakewo Angela akanzwa achive neshanje kuti vana Moses vakange vave kuzogara nemunhukadzi.