Pakasimuka Moses naVimbai,mama Dorothy vakasara vachimbokurukura navaMunyoro avo vaive nechiso chakasuruwara.Chero zvazvo vari ivo vakange vabvumira kuti aende Harare asi kuenda kwemuzukuru wavo kwakaita vanzwe vane kurasikirwa kukuru.Vimbai aive munyaradzi wavo misi nenguva,vakaramba vakatarira divi rakaenda nemota yaMoses ndokusimudza ruoko vachi bhabhaisa.Ruoko ndiye ndii parushaya mvura dzekutambudzika ndokunyuchira mumaziso,vakashingirira kuti dzisadeuka ndokutsinzinya semunhu amedza musuva unopisa."Musanetseke vaMunyoro muzukuru wenyu ari mumaoko akanaka,Moses munhu ane rudo uye ane tsitsi". "Ndinotenderana nemi kubva mumaonere andazviita anoratidza kuve munhu,kusazivewo kuti nemukadzi wake akadiwo that's were my big worry is.Munenge muchinyeba mukati akaitawo semurume wake,nokuti ndinoziva zviuya zvisinga dondane".Sepwere yapihwa zvihwitsi mama Dorothy vakanyemwerera vakatarira vaMunyoro,"nyebai ndinoziva muchati Makwarimba nemudzimai wake vanenge vanoshandisa moyo mumwe.Nyemwerero yenyu iyi ndeye munhu anoda kundibata kumeso,asi handi nyengedzwe nyore". "VaMunyoro,vimbai neni muzukuru wenyu achanogara zvakanaka pasina anomushusha ndiye anenge achitove mai vemba.Moses haana mudzimai anogara nemunin'ina wake,saka kureva kuti vanenge vave vatatu."VaMunyoro vakabata musoro nemaoko maviri ndokushama muromo kunge munhu anzwa mashura. "Ko madarirei nhai!kubva mapereka muzukuru wangu mumiromo yezvikara?.Zvinobuda here ipapa kuti Vimbai anogara nevanhurume chete awa ndiwo anonzi mashura mubani amandiitira.VaMunyoro vakamhanya vachitevera nekwange kwaenda nemota yaMoses,havana kure kwavakaenda vakabva vadzoka.Ndinokumbira mufonere Makwarimba muti adzore muzukuru wangu mhaiwe kanhi!,ko zvandafarira n'anga inobata mai.Ndiudzei kuti murikuita zvenyu dambe hazvigoneke kuti munhu akaita saMakwarimba onzi haana mukadzi". "Hapana pandareva nepasipo vaMunyoro Moses,aive nemukadzi asi akashaya mutsaona yemotikari.Uye ndinoda hana yenyu idzikame Vimbai is in good hands hapana chaanoona vana vangu ndinovimba navo.Mama Dorothy vakange vasina dambudziko naMoses munhu wavaitotyira ndiHenry,asi vakange vatomukarira parunhare kare kuti abate Vimbai sehanzvadzi yake.Kutaura kwamama Dorothy kwakadzikamisa moyo wavaMunyoro. Zuva rorova nhongonya Moses aisvikawo pachipatara akasvika akaita zvese zvaidihwa,achipedza akabva ananga muwadhi maive na Angela.Sorry darl.....eeeeeee Angela,ndanonoka kuuya ndange ndambomukira kuDema kunotora musikana wandaitaura nezvake.Ndauya kuzokutora kuti uende kumba ndatopedza kusaina zvese zvinodihwa uye ndapihwa mishonga yako". "Ko uri kuzviwana kupi zvekuti ndadhisijaiwa?".Angela akabvunza achiratidza kuvhiringika,akatarira mumaoko a Moses akaona zvechokwadi akagukuchira mishonga yakanyorwa zita rake.Moses haana kuswera achipoterera akabva ataurira Angela zvese zvakange zvaitika chaasina kumuudza inyaya yekuti akange abhadhara mari yechipatara.Chiremba vakaramba vakasimbirira pane yavo yekuti murwere aifanira kugara nzvimbo isina ruzha.Maziso ake ainetsa kujaira chiedza chezuva paakabuda muchipatara,saka wakatoavhara ndokukumbira kuti Moses amubate ruoko.Chero ave mumota aiwavhura zvekubiridzira asi wainatso kunzwa zvakanaka kana akaavhara.Akatoshamisika kunzwa Moses oti,"Vimbai!,ava ndisisi Angela ndivo vandange ndichimhanyira kuzotora.Angie uyu ndi Vimbai wandange ndanotora kuDema achange achitibatsira sekureva kwandakamboita paye". "Vimbai wakadii zvako undiregerere ndange ndisina kuona kuti mumota mune munhu sezvo ndange ndakavhara maziso nenyaya yekutya chiedza chezuva".Vimbai akatarira Angela akamunzwira tsitsi uye akabva angomufarira ipapo ipapo hameno chii chakaita anzwe kuda Angela. "Hapana dambudziko sisi ini ndinosimba chose saka mave kunzwa sei parizvino?". "Ndave nani chaizvo mainini,ndinovimba ndinenge ndadzokera pakare mumazuva mashoma anotevera".Ndinokumbira undizivisirewo Edna kuti ndabuda muchipatara,ndinoitira ashande akagadzikana kuNorton kwaari. "Ummmmm Edna Edna handina number dzake asi rega ndifonere Henry amuzivise". "Ndinodziziva nemusoro rega ndikusheedzere",nhare iye payakatanga kurira Moses akabva aisa panzeve dza Angela."Hallo!it's Angela ndati ndikuzivise kuti nda disichajiwa nhasi",nemashoko iwayo Angela akabva apa chiratidzo chekuti apedza kutaura Moses akabva a abvisa nhare panzeve dza Angela.Nguva yakafona Angela,Edna aive kutsi kwehope akaita kutsikirirwa nadzo,wakadeera nhare zvekuvhundukira. "Ok ok ndi...ndi...ri kusvikako nekubwaira kweziso".Edna akadavirira kuhope uye haana kubvira aona kuti akange afona akange atobva panhare.Pasina kufunga ruviri ndiye kwarakwashu achidzika pamubhedha achidzedzereka.Ko dzinodaro dzikanatso kuku kiya hope chero amwa chikokiyana chagarisa anosara pasi.Ari kuhope ikoko chaaka kwanisa kurangarira kutora mari iye yaakange apihwa namaroja ndiye dhuu kubuda onanga kuchipatara.Haana kana kufunga zvekuchinja akabuda akadaro nembatya dzaiita kunge dzabuda mumuromo medhongi.Bvudzi raivewo rakangoti mbiriri sedendere rekondo,wese aisangana naye aingodzungudza musoro achiti mupengo.Nzira yese aingomhanya achivavarira kuti asvike abhadhare mari yechipatara nekukurumidza.Edna akamhanya kunge akagarwa haana kutora nguva kusvika.Akato pesana nemota yaMoses ichitobuda pagedhe rechipatara uye haana kuziva kuti ndiyo yaive yakatakura munhu waaimhanyira.Moses akanzwa tsitsi paakaona Edna akatofunga kuti murwere wepfungwa wakaerekana ataura. "shame!,zvinopisa tsitsi izvozvi pane ari kutoita mari neku rasa njere kwemukadzi uyu".Vanhu vari kuromba nenzira dzakaipa kutambudza mweya wemunhu zvakadai". "Kuita mari sei nekurasa njere kwemunhu,uri kumbotaura nezvei?".Angela akabvunza azere kushamisika sezvo akange asina kuona munhu aitaurwa nezvake,sezvo aive akatsinzinya nenyaya yekutya chiedza chezuva.Asi chero aiona Edna panguva iyi aigona kutadza kumuziva nekuda kwezvaakange ari. "Sisi munotaura kuti hamuna kuona mukadzi atasangana naye pagedhe rechipatara?Vimbai akaitengawo nyaya yacho achitove nekushamisika kuti sei Angela akange asina kuona mukadzi waitaurwa nezvake.Sezvo Edna akange apfuura nekudivi raive naAngela. "Maziso angu haasati ajaira chiedza chezuva saka ndichakaavhara sekureva kwandaita ndichipinda mumota that's why ndisina kuona munhu wamuri kutaura nezvake. "Very sorry sisi handina kuziva asi munofanira kuavhura zvishoma nezvishoma,ndinoona musoro uye unonzi chitemo unotemera mumaziso ndiwo unowanza kuti maziso arambe kusvinura.Kungoti kuno kudhorobha hakuna njera kana rukweza dai zvange zviriko maingokanda pamarasha mofugira hutsi hwacho".Angela akange asingazive chimiro kana chiso chaVimbai sezvo aiteta kusvinura maziso asi kubva mukutaura kwake akanzwa achive nerudo naye. Edna akasvika pa reception ndoku kumbira kutarisirwa bhiri raAngela,waishanda pareception haana kuita nharo akaita saizvozvo.Achipedza kutarira mucombiyuta kabva audza Edna kuti pakange pasina chikwereti sezvo mari yakange yabhadharwa."Munorevei kana muchiti mari yabhadharwa,hamusi kuita mhosho here?.Ndinodaro nekuti munhu wandiri kutaura nezvake haana imwe hama kunze kwangu that's why ndauya kuzobhadhara. "Kwete mother hapana pandiri kuita mhosho pane murume auya akabhadhara mari yacho yese ndobva aenda neange achirwara wacho". "Murume akadii iyeye?Abhadhara bhiri raAngela Museva here?kana zvakadero kureva kuti pane mix up of names.Ndinokumbira mutarire zvakare pliz handisi kukudzidzisai basa renyu but apa munenge muri wrong.Ndinoda Angela ange ari mu Psychiatry ward kwete wenyu abhadharirwa nemurume.Mukoti uye akanzwa achizadzwa neshungu akazvidzora asi akange agumbuka kusvika pekupedzisira.Shungu dzake dzakazoperera pakutaura neinzwi riri pamusoro soro. "Saka munofunga pane pandingakunyeberai here zvandiri kukuudzai ndizvo zviripo.Izvo zvamunobvunza zvekuti murume wacho akaita sei handina kuzvicherekedza sekuti zvinhu zvisinei nebasa rangu.Mukoti uye aive atobhoekana nemibvunzo ya Edna.Doctor Moyo vakapfuura nepa reception vakanzwa iri yowe yowe uye kuti munhu aitaurwa nezvake ndiAngela,saka vakada kuziva kuti chii chaitora nzvimbo.Pavakapirwa nyaya yacho vakabvuma kuti ndivo vakange vamu discharger,uye kuti akange abhadhara mari murume wacho.Ipapo ndipo pakatanga Edna ku kaka nharo achiti saka vakange vasingataure nezva Angela umwe nekuti waaida akange asina murume.Doctor Moyo vakasvikawo pakufinhikana naEdna kusvika vafonera Moses uyo akange asingadeere nhare yake."Ko Makwarimba aenda kupi asingadeere nhare?".Uyuwo Edna paakanzwa chiremba vachitaura kuti zita remunhu wavaizama kufonera akabva angobuda muchipatara muye ari bara.Hakuna umwe munhu waakafungira kunze kwa Henry sezvo ari iye waaiziva ane surname iyoyo.Zvekuti kuna Moses akange asingazvizive sekuti zuva raaifanira kudai akaudzwa nezvake,ndiro zuva rimwe raakawanikwa akarara nemushakabvu Joshua.Nekudawo kwenyadzi Edna akabva atokonewa nekubvunza nezvekuti dinner raive rafamba sei.Uye aive pareception pamwe nadoctor Moyo vakasara vachidzungudza misoro nekuita kwa Edna vakazobvumirana kuti airwara njere. Moses akange asiya nhare mumotikari nguva yaifona Moyo,vakange vapinda mumba na Angela uyo aive ave kuchema nemusoro.Musoro uyu wakamutswa ne kukahadzika kwaakange aita apo akawana mumba maairara muzere vanhu.Vakomana vakange vapinda muimba iyi vaive vagere nedzimwe shamwari dzavo vachinwa zvavo hwahwa.Wakashaya kuziva zvazvaireva uye kuti Edna akange amufungirei,haana kuda kuzoziva kuti mbatya dzake dzaive dzaiswa kupi akasviko zvikanda musofa ndokubata musoro wakange wobanda."Don't worry Angie rega ndifonere Edna tinzwe divi rake i know kuti ane good reason,Moses akadero achitsvaga tsvaga nhare muhomwe dzake.Paakaishaya akabva arangarira kuti akange aisiya mumota,ndiye dhuu panze onoitora.Chaakatanga kuona ma missed call a Moyo aikwana mana,wakabva azviudza kuti aizofona kuna Moyo kana vapedza nezva Edna.Akadzokera mumba maaive asiya Angela naVimbai kekutanga nhare haina kudeerwa akaipamha zvakare,Vimbai ndiye akazoti arikunzwa nhare irikurira mumba.Pakutanga Angela akapikisa akati hazvaigoneka sezvo Edna aive kuNorton uye akange atombofona akataura naye.Saka zvaisagoneka kuti nhare ya Edna irire mumba,Moses akaramba achiedza akanzwawo zvedi pane nhare yaizhamba mumba.Angela akazozvishingisa ndokuenda mumba mairara Edna wanike nhare nembatya dzake zviri imomo,akabuda ari chahwiriri achida kunobvunza vakomana vaye kuti vakange vaisa kupi shamwari yake.Hapana zvimwe zvaakamhanyira kufunga kunze kwekuti pane njodzi yakange yawira umwe wake,nguva yaakange obuda mairira nhare.Ndiyo nguva imwechete yaipindawo Edna achibva muchipatara uyo akashamiswa kuona Moses na Vimbai vagere pamasofa. "Ko ndimi vanani imi vandisingazive uye muri kudei mumba mangu?".Pamwechete Moses naVimbai vakasimuka vane kutya kukuru vachiti mupengo,wavakange vaona kuchipatara aizova kuvadza sezvo paive pasina pekutizira."Ndati ndimi vanani ko imi uye muri kuita nezvei pano,Moses paakati ashame muromo apindure ndiyo nguva yaipindawo Angela. "Edna!ndiko kuNorton here kwauri,ko ndivanani vakazara muimba yandairara?".Edna akazo tsanangurira Angela chikonzero chakange aita kuti apedzisire atsvaga maroja,uye kuti akange achitobva kuchipatara kwaaive amhanyira achida kunobhadhara mari yacho.Angela akaenda akanombundikira Edna achitenda rudo rwake,ndipowo pakabva pazotaura Moses kuti ndiye akange abhadhara mari yaidihwa yechipatara.Angela wakaerekana ave mumaoko a Moses haana shoko raakareva asi vakaramba vakambundikirana ndokuzo regedzana mushure menguva refu.Moses naVimbai vakazokwazisana naEdna asi chinhu chavasina kubvira vaburitsa kuna Angela,ndechekuti Edna ndiye wavange vachiti murwere wepfungwa pagedhe repachipatara. "Edna ndinoda kukutenda nerudo rwako rwawakaratidza ndinoti Mwari varopafadze mabasa emako ako.Handizive kuti uchatambirawo here chikumbiro changu chandinacho kwauri.Chiremba ange achirapa Angela,ati sahwira wako anofanira kugara panzvimbo ine runyararo zvino pano nekuda kwemalodger ari kumwa hwahwa aya handione pachizove nerunyararo.Zvino ndange ndichifunga kuti ndiende naAngela kumba kwangu nekuti kune runyararo uye panenge pane munhu anoswera naye musikana uyu.Kana achinge apora anozodzoka zvake handina hidden agenda asi ndinongoshuvira Angela kuti adzokere pake pakare ndizvo bedzi zvandinoda. "Handimurambire kana kumubvumira sekuti iyoyo sarudzo inobva kuna Angela kuti anoda zvipi?Inotovewo shuviro yangu kuti apore nekuchimbidza,ini ndichatsigira sarudzo yake.Nzeve dzese dzakanzi kwangwa vorindira kubva kunzwa kuti ﹰAngela aizotii nechikumbiro chaﹰMoses.