"Mwanangu wadii kuenda hako kunotamba ne vamwe rimwe gore uchandishaya zvachose jairana ne vamwe kuti mangwana zvisazo netsa ". "Mhamha vamwe vana vanenge vachingondiseka kuti Mai vako vanobata bata handizivi kuti vanenge vachirevei ". "Mwanangu vanhu vanotaura zvakawanda asi iwe zvimwe siya zviende ne kuti ukada kuzviisa mumoyo ungatopedzisira watondivenga saka rega vataure havo ". "Zvimwe zvozvonyanya mhamha dunhu rese here mhamha?" "Hapana kuipa chandinofarira baba vako vachafara kwavari ikoko ". "Eeeee ndaishuva kuda kuvaonavo asi rufu asadaro shuwa ". Mudunhu re kwaMasunda kwakanga kune imwe shirikadzi yakanga isina murume akanga akashaika kare kare. Shirikadzi iyi yakanga ine mwana musikana ayinzi Kudzi . ... Kudzi akanga ari musikana aripakati ne pakati zvaingova normal asi ne kutambura vanhu ve mudunhu vakabva vamupa zita re kuti chipuka ndipe mwenje .akazvitambira hake . Vaigara mu round one imomo ndimo makanga muri mu kitchen nemu bad room .... Vakanga vatojaira havo hupenyu hwacho, kuchikoro akanga asina kuenda ne nhawu yekushaya mari .... Rimwe zuva nguva yechirimo Kudzi akanga ayenda hake kumaricho Mai vake vakabva vakwidza gomo kunotswaka hohwa kuti vawane vusavi .Vari pakati pekutswaka vakabva vaona bako mugomo iroro rainge richiyera ndokubva vapinda mukati . ... Makanga mune rima asi vakati vachipinda makabva matanga kuchena mbijana mbijana ,vakatanga kuringa mukati imomo vachivona musoro yema skeleton . Mweya wegomo wakanga wava gara zvivindi zvakanga zvazara so vakaramba vachienda mberi . Vakasvika kumacheto kunoperera bako ndokuvona dombo rakati kurei riri pakati pe bako vakabva vaenda kunotarisa zvakanga zviri pamusoro paro ndokuwana moyo waifema uripamusoro pe dombo iroro. Vakaramba vakatarisa moyo uyu asi wakanga uchirova se nhana asi moyo wacho wakanga usiri we munhu ,Zvakavashamisa pa side pacho pakanga ane banga rakanga rakagadzirwa ne gold richiraridza kuti harina kunge rashanda.... Banga iri rakanga rakabaya padombo vakazama kuda kuribisa asi rairamba , Kuita murombo kwakangooma vakati vazviwanira mari ndokutanga kuda kuritema nematombo . Rimwe ruvoko rwakanga rwakabata banga rumwe ruchiita kunanavira matombo vakabva vaita mistake ndokubata moyo uya ... Moyo uya wakabva watanga kumera zvakaita se mudzi muviri wavo wese Mai ndokutanga kuchena pasina nguva moyo uya wakabva wapindavo pane moyo wavo . Pasina chinguva midzi yese yanga yazara mumuviri wavo wese ndokutanga kuchinja amai ndokuita nyoka hombe yatinoti Peyton . Nyoka iya yakabva yatanga kuzvipeta peta imomo ichichema pasina nguva nyoka yakabva yachinja kuita Mai Kudzi vakabva vabuda mubako ndokuenda kumba . Vakasvika kumba vakatowana Kudzi atobika sadza ne nyama sezvo akanga abva kumaricho . "Mhamha ndawana futi kwekushanda mangwana asi kunoda vanhu vaviri handei ka ". "Mwanangu handisi kunzwa mushe hausi kutovona kuti chero hwowa hwacho handitorina ndarohwa ne musoro ndikafenda izvezvi ndiri kunzwa kuda kurutsa ". "Ko chii futi mhamha madyei ?" "Hapana hamheno kuti chii chaitika ufunge maybe kungogwara......" Vari pakati pekutaura vakabva vasimuka vachimhanya kunorutsa panze asi vairutsa ropa rine furo rega rega,vakabva vasarudza kurara zvavo . Ko kwairarika here yakanga wangova mutsutsuri kuvhumuka ,vairota varipakari pe shato asi pakanga pane vanhu vaida nyoka iyoyo kuti vaitore moyo wacho nekutya Mai Kudzi vakabva vapepuka ndokuenda panze ndokuchinja kuita nyoka zvakare ndokutanga kumhanyisana nekudya mbeva ne makonzo . Mangwana kuseni Kudzi akabva atanga kuva zungunusa kuti vaende kubasa asi havana kukwanisa kumuka so Kudzi akangofunga kuti pamwe kurwara . Vakasara vachida kumuka ndokukonewa vakanga vakaneta zvese zvavaita vusiku vaifunga kuti pamwe kurota .... Masikati vakabva vazomuka havo vakananga ku gomo ndokupinda mubako asi chakavanetsa musoro ye skeleton yakanga irimo vakawana pasina kana umwe chete vachienda kunotarisa banga riya rakanga rakabairwa padombo ndokuwana riripo zvaro richisungunuka kunge riri kuda kuzvomoka .... Pavakari vari bate vakabva vaita kunge munhu arohwa ne magetsi asi pavakabata pakauya ka version ye munhukadzi akanga achivuya akabata banga asi havana kukwanisa kuramba vakabata banga iri... Vakagara pasi mubako iroro ndokutanga kuchema ipapo vakabva vatanga kuchinja kuita nyoka zvekare izvi zvakanga zvisinganzwisisiki kuti chii chiri kuitika kwavari . Havana kukwanisa kuvudza Mwana wavo manheru ezuva iri vakatogara havo ne mwana wavo vakabva vatanga kutaura". "Mhamha mangwana hanzi ndivuye nemwi kuzokavira chibage panhu pacho pakakura zvisingaiti handingapapedzi ". "Pane zvandiri kuda kugadzirisa mangwana hazvigoni here kuti uyende neumwe munhu". "Mhamha ndogoenda nani zvamunongoziva kuti hapana anoda kutamba neni". "Pane zviri kuita pandiri mwana wangu saka mangwana ndinoda kuenda kwa sekuru Gaurani kunonzwa kuti chii? Chanetsa because marwariro andiri kuita handisi kuvona ndichikwanisa kushanda ". Kudzi akabva angonyarara hake se munhu akanga achida Mai vake kupfuura zvinhu zvese munyika haayigona kuvapindura kana kuita nharo . Vakabva varara havo vusiku vaita kurota vari nyoka vachifamba famba panze peruvanze husiku hwese. Mangwana vakafumo bata jongwe muromo vakananga kune imwe n'anga kuti vawane kubetserwa .... End of chapter