"Usatya zvako ndanga ndakakuringa nguva yarebesa uri kushaya mhinduro asi nhasi uchaiwana . Ndiwe munhu wekutanga kuziva pano pandogara nekuti une maziso emweya . Vakawanda vakasvika nekupfuura nepano vamwe vachitotsika pa pamusoro peimba yangu ivo vachivona sechuru .... Ndosaka futi wawana musiwo wakavhurwa kuratidza kuti takakumirira pinda hako usatya mhinduro dzose dziripano ". "Ndinoziva sei ? Kuti mhinduro ndodziwana pano". "Nekuti makore makumi masere apfuura(80 years ag) ndaivepo panguva yacho saka ndingatadza kuziva sei ?" "Asi mune rima ka handizokutsikai here?" "Kwete usatya pinda wakasungunuka takakumirira zvedu". Izvi zvanga zvisiri nyore kuna Mai Kudzi kuti vapinde mumba iyi sezvo vakanga vakaudzwa kuti don't trust anyone . Asi musi uyu vakanga vasina sarudzo chavaida kuziva kuti simba vanori controller sei bedzi ,Uyezve pavakanzwa voice iri richiti makore makumi masere(80 years ago )vakabva vatanga kubvuma kuti munhu uyu ndewe chokwadi . Zvisinei zvese izvi zvakanga zviri mumusoro mavo vachifunga havo ,vakabva vazvishingisa ndokupinda .... Pavakapinda makabva maita chiedza vakaita kunge vari kune imwe nyika nekuti mumba macho makanga makanaka mukati asi kunze yaingoita kunge imba yehuswa zvawo .Imba iyi yakanga yakashongedzwa negold yakanaka zvisingaiti ine ma kamuri akati wandei mukati .. Mai Kudzi vakabva vasvika ndokugara pasofa zvavo vakamirira munhu anga achitaura navo .Pasina nguva pakabva pasvika Mai vakanga vati kurei chaizvo ndokutanga kutaura havo ...... "Ruregerero henyu Mai Kudzi mungandiona kunge ndiri mwana asi ndakura zvangu, inyaya yekuti mutumbi wandiri kushandisa ndiwo mudiki.Ndovimba kuti muchada kuziva zvakawanda ne simba ramakatakurwa remutorwa futi ". "Munoziva chii? Ini haisi mosva yangu ndakanga ndisingachidi chipo ichi and ndanzwa voice richiti achatanga kuchibata achafa now handina tariro yekuti ndichararama ndaishuvira kuchibvisa hangu'. "Kana muri kuda kuchibvisa hapana kuipa zviri nyore asi zvinotora nguva ". "Ndisingapedzi nguva ko zvamati makandimirira vamwe venyu varipi ?" "Zvevamwe vedu hazvina hazvo basa rakanyanya asi iwe tenda kuti wakwanisa kundiona ". "Wait a minute ndimi vanani nekuti simba rangu ririkundituma kuti ndirwe nemi izvezvi ". "Zvakaoma saka uyayi nekukasika tibvise chipo ichi chakaipa zvikuru choda kurwisana neni .Kubva makore akare hapana simba kana svikiro rakauya kuzorwa neni kana kunditongesa". Mai Kudzi vakabva vasimuka ndokuenda kune imwe room ndokurariswa pamubhedha ndokusungwa maoko zvese nema kumbo ndokuvharwa musoro ne maziso kuti vasaona zviri kuitika. Vakabva vatanga kunzwa kunge vanhu vari kuzevezerana vamwe vachirodza mapanga ipapo vakabva vatanga kuda kubvisa pavakasungwa.... Mai kudzi havana kunge vakwanisa vakabva vanzwa kunge vabatwa makumbo ndipo pavakabva vatsamwa ndokutanga kuchinja vari pakati pekuchinja banga rakabva rabaya pachifuva semunhu ayitanga kuchinja kumakumbo vakabva varova munhu uya ne muswe ndokuwira kure . Vakasara vochinja muviri wese asi banga rakanga rapinda .... Pavakatarisa kwanga kwawira munhu uya ndokuwana vari vanhu Gumi nemumwe chete (11) vakanga vachivarwisa uye futi vanhu vacho vakanga vari vechidiki .... Vakabva vazvomora banga ne muromo wavo ndokutanga kuwisana madziro emba achitanga kudonha .Nyoka iya yakabva yabata mumwe ne mumwe ndokutanga kuvasunga kuti ivamedze .Ipapo pakabva patanga kutaura one wavo ..... "Hondo yatanga haungaigoni wakatiuraya iwe makare kare ne nzara ,nhasi uno tauya kuzotora masimba edu titange kutonga nyika yerima asi iwe ndiwe wakatimisa tipe moyo uyu hatimbourayi mwana wako izvezvi. Ndozviziva kuti urimo mukati menyoka ndati tipe moyo hatiurayi mwana wako asi ukangotimedza zveshuwa mwana wako tiri kuzouraya ". Nyoka iyi payakanzwa kudaro yakabva yavakandira kure vanhu vaya ndoku disappear .Mai Kudzi vakabva vazviona vakatogara zvavo pachuru apa miti yakanga yakawanda yavaivona kunge ma pillar . Vakabva vasimuka vachimhanya kumba kunotarisa kuti mwana ariko here ,vakabva vasvika mwana hakuna ndokutanga kufamba vachivhunza... "Farai Farai hauna kumbov ona mwana wangu here?" "Mamabuda naye muchiti muri kuenda ku town naye wani asi mazodii?" "Handina kumbobuda naye nhasi ndamusiya akarara makuseni ,kutosvika izvezvi ndikawana asipo". "Aaaaaa saka maybe ndaresva kuona asi ndaona munaye ini ". Farai se mwana akanga ane tsika haaikwanisa kuvapikisa asi Mai Kudzi vakazofunga mashoko asekuru Gaurani ... "Don't trust anyone shandisa simba rako kurwa hondo iyi plus ziva chinhu Chimwe chete vanochinja to anyone wavada chero kuva ini". Mai Kudzi vakabva vadzokera kumba vapererwa kuti mwana aenda achifunga kuti ndi Mai vake . Vakanga vasina chekuita vakabva vamirira kuti pamwe vakaratidzwa nemaSimba avo asi hapana chavakaona ... Kuita hasha kwavo kwaita kuti vachinje vakabva vazvidzora,Manje moyo wekubereka wakanga worwadza kuti mwana wangu shuwa aenda kunourawa.... Zuva rakabva rapinda muna Mai varo yanga yava nguva yekuvata asi hope kana kubata ndokumuka ndokuvesa moto panze ndokugara zvavo . Vakatogara vakabva vabata chifuva zvavo ndokutanga kuona matsimba achibva pamba pavo achienda kunze kwemukova vakabva vamhanya mumba ndokutora shangu ya Kudzi ndokuona kuti zvakafanana nematsimba avanga vachiona .... Vakabva vaona mamwe ndokuisa tsoka yavo imomo ndokuona kuti zvinopindirana ,ndipo pavakabva vaziva kuti muvengi anga avuya ne face yavo kuti akwanise kutora mwana. Vakabva vatanga kutevedza matsimba aya husiku ihwohwo vakabata chifuva chavo ndokuenda vakafamba kwema hours husiku ihwohwo vachienda mhiri kwakanga kune makomo akawanda ..... Vakabva vatanga kukwira gomo ndokutanga kunzwa mazwi evakadzi vaya vatatu vachiti(Help us)asi izwi rakanga ririra Kudzi raitaura apa vakabva vatanga kumhanya vachikwira gomo , Vakabva vasvika pamusoro soro pe gomo ndokuona pakati ne pakati pegomo pakanga pane gomba rizere mvura parutivi pacho pane vanhu Gumi nevaviri(12) vakabata Kudzi vachida kumukanda mumvura . End of Chapter