FINAL CHAPTER THEN WE MOVE TO SNAKE GIRL Godobori vakabva vasimuka ne hama dzavo ndokupinda nzira vakananga kwavo .Havana kucheuka cuz vakanga votya zvavainge vaona .Sabhuku hana kutora nyaya srs akangoti maybe kutamba kana kuti anopenga uyu .Vakabva vaenda zvavo mumba ipapo zuva rakanga rovira apa mvura yakanga yoda kunaya....... Kudzi akanga ari busy kungochema apa kwekuenda hakuna . Akabva atsauka mu road ndokuenda paka sango paive ne matsombo ndipo paakabva asvika ndokugara zvake achichema .Shungu dzakanga dzakawanda asi iye ayiva asina kunzwisisa kuti ko why vanhu ava vasina kuvona vanhu vandacheka musoro .Akabva atanga kuzvitongesa ne chemumoyo ....... Kudzi : "Life yakaoma shuwa kuti ndiri kurota here kana pane zviri kuitika .Zveshuwa ndavuraya ma demon 6 asi vanhu vari kuti ndawisa muti zvomboreva chii manje .Ini handisi kunzwisisa kuti chii chiri kuitika .Ko why pandapinda mubako vasina kutevera .Aya ndiyo mashura chaiwo .Handingadzokeri vanhu vaya vakatsamwa vangatondipisa zvavo .Saka manje ndodii kuti ndiwane second key cuz hapana wandichavhunza apa virson asara mugomo . Ndiri kurota chete hazvisi kuitika zvemachokwadi izvi ". Kudzi akabva atanga kunzwa mhepo ichivuya ine dust ndipo paakabva asimuka achida kuvona kuti ndiani ari kuvuya .Face yake yakabva yaita makwati e nyoka kuratidza hasha .Ndipo paakavona dust ne mhepo iya ichuvumba munhukadzi iyo yaive virson ya Kudzi ........ Kudzi : " Maita mavuya ini basa ramakandituma handichadi kana dziri hope chindimutsai ndaneta kudzungaira mu hope dzangu ". Virson : " Hausi kurota izvi zviri kuitika and tatangirwa ne nguva .After 3 days ndavona kuchinja kwe vanhu vakawanda mu nyika .Vachatanga kudya nana . Mhuka dzese dzichapanduka .Ndavona zvabuda munyika ino zvichienda kune imwe nyika .Saka iwe haungazvikwanisi uri wega ". Kudzi : " Manje ndodii manje ndozvikwanisa ndinani manje ?" Virson : " Ndine nyika yandichakutuma . Ndoda kuti udzokere kuchikoro uchadzidza ne umwe mukomana anonzi Justice ". Kudzi : " Aaaaaa manje ndinenge ndichigara kupi uye mari ndoiwana kupi ?' Virson : " Chese chaunoda unochiwana . Ndiri kukuchinja kuita munhu ane life iri normal . Imba yako iriko mari zvese zvaunoda unozviwana .So iwe vhara maziso ako ndikupe makomborero angu ese ". Kudzi akabva avhara meso .Akabvaanzwa simba richiwanda apa akanga achivona ma virson akawanda wanda .So pakaita 5 mins zvichiitika izvi .Virson akabva ati ...... Virson : " Chivhura maziso hako ". Akabva avhura maziso hana kuvona chinhu chachinja paari akabva avhunza .....? Kudzi : " Ko chii chamanga muchiita ?' Virson : " Ndakupa zvipo zve pasi pano ". Kudzi : " Zvipo zvalkadii izvozvo ?" Virson : ' Uchaenda ku chikoro .Ndakupa chipo chekugona kunyora ne kuverenga .Ndakupa chipo chekugona ku driver mota .Ndakupa chipo chekudiwa . Ndakupa zvipo zvakawanda zvauchashandisa .Vanhu vari ku nyika yauri kuenda vachakufarira vamwe vachakumaka iwe tambira zvese . Mission yako kudzidza pa chikoro ichi chete then mhinduro uchaivona mumaziso ako .Itambire ne mufaro mukomana iyeye hasi kuziva ma powers ake so iwe ndoda kuti kana wasvika umuratidze ma virson ese .Ndoda kuti umuratidze zvaari simba raanaro rinotyisa .Ndoda kuti ukurumidze nyika isati yaparara .Ndichange ndinewekana wasvika ndichakuvudza zvekuita . Imba yako yavako mota ne zvese zvaunofarira zvakawanda zvichavuya kana wapedza hondo iyi .Ndoda kuti ukure mu nyika ine runyararo ". Kudzi : " Ok nhawu ndainzwa asi mukomana wacho hazorwi here neni kana ndasvika ?' Virson : " For now izundu zvaro hapana chaanoziva asi kana ma demon aya akamuvudza kuti une simba acharishandisa zvisiri izvo so iwe kurumidza utangire nguva ". Kudzi : " Ok saka nyika yandiri kuenda inonzi chii ?" Virson : " Iraq a small island ". Kudzi : " Yooo kwese uko manje ndoenda neyi handina kana chitupa chaicho ?' Virson : " Mangwana kuseni uchabva pano woenda ku town muma bin uchanonga bag rine hembe dzako ne ticket re ndege passport yako ichavamo futi ne mari yauchashandisa mberi ". Kudzi : " Saka ndiri kuvata pano manje ko mvura iri kuvuya ndodii ?' Virson : " Mvura ndiro rimwe simba rako remember so ivudze kuti isanaya pano chete ". Kudzi : " Ok ndichadaro '. Virson : " Don't trust anyone munyika ino ". Virson yakabva yaenda ipapo mvura yakabva yatanga kunaya . Kudzi akabva ayivudza kuti isanaya paari kuvata .Zveshuwa mvura haina kunaya paayinge akarara..... Mvura yakanaya husiku hwese .Pakati pe husiku ma demon 4 akanga asara akabva ayenda pa bako ndokuwanda mvura vusiku .Akabva atanga kutaura .... " Tiri kupera zvishoma ne zvishoma so takuda plan hombe ye kuti vanhu tiwande pano tikwanise kutora nyika yese iyi ". " Todii manje cuz tangosara tiri 4 chete ". " But ini ndamuvona musikana uya hana simba hadi kupihwa mukana wekukoka simba rake". " Iwe hatichadi kuita risk pano .Munhu uya ari kuda key not zvekutamba so kana tiri 4 hatimukundi . " uRI KUZVIDZA MASIMBA EDU HERE ?' " Kwete asi nguva yareba tichikurirwa tikapusa now tokurirwa forever so ngatiiteyi plan kuti tisakurirwa futi ". " Yaaa ari kutaura chokwadi todii ?' " Handei kutsimwe rinonwiwa mvura ne vanhu ava then toisa muti wedu imomo .Vakanwa vese vachabva vachabva vaterera ma voice edu ". " Good plan saka handei ". Manheru iwayo mvura ichinaya zvino sime rakanga razara mvura .Ma demon aya akabva asvika ndokurikomba ndokutanga kutaura nechirudzi chisinganzwisisiki .Akabva atambanudza mavoko avo mutsime pakabva pabuda zvinhu zvakaita sechiremwa remwa ndokuwira muvhura . Ma demon akabva atanga kuseka ndokubva ayenda zvawo ....... Vanhu ve mudunhu vaiziva kuti mvura ichamuka yakazara so munhu wese akabva amuka kuti andochera mvura isati yahwa . Vakasvika ndokuwana tsime rakatooma pasina kana mvura apa zviremwa remwa ndizvo zvakanga zvakazara zvese zvakafa . .... Man ! : "Aaaaa mashura akadii aya mvura yakaita kunaya asi tsime rakaoma . Chii chiri kuitika mudunhu rino ". Human : " Ummmmm aya ndiyo mashura chaiwo lucky sabhuku vabva vasvika ". Sabhuku : "Hezvo nhaimi hasi mashura here aya ko mvura uripi manje "> Man ! : " Maybe shiri idzo ndidzo dzanwa mvura yese tingati chii ". Sabhuku : " Ummm zvakutyisa zve mudunhu rino hakuna muporofita achada kuvuya mu dunhu rino kutaura chiri kuitika ". Human ! : " Izvi hazvidi maporofita zvoda isu kuti tibudise shiri idzo tivone zviri pasi ". Man 3 : " Mai imwi makakwana muri kuti hazvidi maporofita imwi muchivona kwese uko kune mvura yakazara asi pano pasina moti hazvishuri here ?' Human 1 : " Todii manje handi toda kuvona kuti chii chiri kuitika ". Man 1 : " Ok ndatibvisei shiri dzacho ". Vakabva vatanga kubvisa zviri dziya .Vakabva vapedza dzese kusvika pasi ndokuwana pasina kana mvura .Umwe murume akabva apinda ne tambo .Achisvika pasi akabva abata ivhu akawana rakaoma kuratidza kuti hapana kana mvura .......... Man : " Ndibudisei zviri muno zvinotyisa ". Vakabva vamudonza ndokubuda .Akabva avaratidza ivhu raatora pasi rakanga rakaoma zvaro ........ Sabhuku : " Mashura akagochewa chaiwo ndochii manje ichi ". Man 1 : " Zvakutyisa manje .saka shiri idzo ndidzo dzakanwa tingati chii ". Ayitaura achinongedza kwavainge vaisa shiri kura achitarika akabva avona pasina kana 1 shiri . ...... Man 1 : Ko shiri dzanga dziri apo dzaenda kupi ?" Vanhu vese vakabva vatarisa ndokuvona pasina kana mbava zvaro .Hapana akapa umwe mukana wekutaura .Munhu wese akabva abva achimhanya kunge vaona shumba .Umwe ne umwe akaenda mumba ndokuvhara door ne kutya ..... Makuseni iwawo Kudzi akabva amuka ndokuwana muviri wake wakachinja apa akanga akapfeka hembe dzakachena pa side pake pane mari yekusvika ku town kuti akwanise kutora bag raive rataurwa . Kudzi akabva asimudza musoro ndokuwana Virson yake yakagara ...... Kudzi : " Ko manga makandirinda ndakavata . Ko murikuchena chii ?" Virson : " Ndiri kunzwa kutsva dai wakasika kutoenda uyite basa randakareva .Vanhu vaya havana kurara zuro vachida kuisa mushonga mu poison asi havana kuziva kuti vada kushandisa simba ravo muvhura yangu saka ndavuraya shiri dzavo dzese .Asi ndoziva kuti mazano haperi vacharamba vachizama rine ". Kudzi : " Manje vakapusa vakada kushandisa mvura havambobudiriri chete .Ini regai ndfipinde ne rwangu rwendo ". Kudzi akanga akufarira rwendo akabva ayenda kuma shops ndokuwana mota akabva akwira kuenda ku town . Akabva asvika ku town ndokuwana bag zveshuwa rine mari ne ticket re ndege zvese ne passport .Akabva ayenda ndokukwira ndege akananga kuna Justice ....... Ma demon aya akanga ari maanogara umo maive ne rimwa chete .Akabva avona shiri dzichidzoka dzichichema .1 Yakabva yasvika ndokumhara pane mukuru wema demon ndokutanga kutaura zvese zvakaitika .Demon riya rakabva ratanga kuvudza vamwe varo zvakaitika ......... " Shiyi iri kuti pamakatiisa mvura mukaenda .Zveshuwa takapindavo muvhura muya .Asi chakatishamisa mvura yakabva yatanga kutenderera .Takada kutiza asi yanga yakatisunga kuti hapana kwatoenda . Yakabva yavona kuti tese tapera power so yakabva yahwa pakasara pasina kana chinhu kuoma chaiko .Isu takabva tarara imomo so vanhu ndivo vazotibudisa ndipo patatiza ". " Aaaaa saka zvoreva kuti takasanganisa mvura ne petrol ka . Pakuda plan B apa ". "Todii manje kuti hatichashandisi mvura ?" " Aaaa handi sabhuku wavo anofarira bakadzi so ndichaita sendarashika ndiri kuvhjunza nzira .Ndoziva kuti vachati rara ndiende mangwana .Ipapo vachabva vauya ku room rangu ndipo pandichavadyisa ". " Good plan but unovadyisa sei manheru iwawo handi vanenge vadya kare ?" " Pandovapa kiss ipapo ndipo pandichabudisa shiri mumuromo mangu vomedza kunge mate ". " Ok saka nhasi manheru uchaita sekudaro .......... end of chapter this book is now called Snake Girl