NOTE THAT IT'S ENTERTAINMENT NOT A REAL STORY AND THIS BOOK IS CONNECTED WITH SNAKE GIRL ENJOY THE READING . Vanhu havana kukwanisa kubata bhuru cuz vaimutya zvisingaiti .Mai ava vakabva vasimuka ne hasha ........ Mai : " Bhuru unopenga iwe shuwa ukuda kuti tikusiye uchiroya dunhu rese ,Izvezvi tichabuda mu news ne nhawu yawakaita iyi .Handisi murume asi nhasi ndoda kukuzama chete ". Mai ava vakabva vakwinya mavoko ndokufumba zvibhakera apa vanhu vakatarisa .Bhuru akanga asina izvozvo ,akabva ayenda ndokuda uvapa imwe mbama mai vaya vachibva vanzenga havana kunge vaona rimwe rivoko ruchitevera vakabva varohwa ne rimwe vachiwira pasi .Amwe ma mai emudunhu iri akabva atora matanda ndokutanga kurova bhuru . Aaaa yakanga yangova hondo sabhuku vachingoti "Mirai titaurirane ". Hapana ayimbovaterera....... Vamwe varume vakabva vapindira fight ndokutanga kurova bhuru .Hama dza bhuru dzakabva dzapindiravo ndokutanga kurwa dunhu . Kudzi akavona vanhu vari busy ne fight iye ndokuda kutiza asi akabva avona Godobori vachichema .Moyo wake wakarwadza asi akanga asina zvekuita cuz akanga asiri original Kudzi .Akabva ayenda kumba vanhu ndokusara vachingorwa apa pakanga pasina anobata umwe ...... 30 Mins vanhu vachirwa so vakabva vanzwa kunhuwa pupu munhu wese akafunga kuti pane munhu arohwa akazviitira .Vakatanga kutarisana ndokubva vaona Godobori vazviitira pupu muburugwa . Vanhu vese vakabva vatiza umwe kumba kwake hapana akamira . Zvino sabhuku vakanga vangomira sechibhorani kwekuenda kwakanga kusina .Lucky phone yaive pedo ...... Vakabva vafonera hama dzavo kuti tivuye tivone mashura akanga ayitika apa Godobori vaingochema se mwana .Hapana kunyarara kusvika hama dzavo dzavuya .Vakabva vaona munhu wavo ndokumusiya ipapo nokuenda pa side kunotaura .Apa pakanga patovuya ne mapurisa kuti vanzwe nyaya yaitika .Vakabva vatanga kutaura ...... Police 1 : "Sabhuku ini handisi kunzwisisa mati chii chaitika ?' Sabhuku : ' Musoro wangu uri kutotema right now .Zvaitika pano handina kumbozvivona kubva pandakabarwa .Chaitika kuti Godobori vasataura handitozivi cuz vanga vachienda kunobata munhu akaita kuti zuva ridzimwe masikati .Ndipo pavatanga kutadza kutaura ,vabva varidza mhere tikavhara nzeva ipapo vada kumhanya asi vazodona vakabata unwe murume asi hatina kuziva kuti vanga vasvika here kana kuti vanga vasina . Isu tazovona vasisavone uye vasisataure ". Police1 : Saka murume wacho abatwa adii ?" Sabhuku : ' Hapana hana kana kuratidza kuvhunduka uyu ". Police 2 : " Saka chii chazongonzeresa kuti vanhu varwe ?" Sabhuku : " Ndivamwe mai vazotaura kuti iwe ndiwe wabatwa na godobori saka uri muroi ". Police ! : Inga pane nyaya vanhu 2 ivavo toda kuvaona ". Police 3 : " Ko ndeapi mashoko apedzisira kutaura changamire ava ?' Sabhuku : Mashoko avataura nde kuti unonyepa ini ndini gara dziva tsvikiro hombe munyika". Police 3 : Vanga vachiratidza kupindura umwe munhu here ?' Sabhuku : ' ehe asi patiri pakanga pasina avataudza munhu wese akanga akangonyarara ". Police 3 : ' Ok totenda ". Maporisa aya akabva ayenda kunotaura vari pa side pasina anonzwa ...... Policw 3 : " Guys iyi nhawu ndakamboivudziwa kumasowe ini handisi kuda kuramba ndiri pano .Hatisi kurwisa chinhu chidiki tiri kurwisa mwari pachake saka angofumura achaita sa changamire avo ". Police 2 : ' Umm matauriro ako kunge wasvikirwa asi watigarwa ne mweya we pano ?" Police 3 : Handisi kutamba guys ngatipekei twedu tiende vachasara voita chinyakare chavo taenda ". Vakabva vatenderana paya havana kuziva kuti Pocile 3 vakanga vagarwa ne virson ya Kudzi kuti vaende . Mapurisa akabva ayenda pana sabhuku ..... Police 1 : " Nhawu yenyu haidi mapurisa iyi inoda chivanhu ". Sabhuku havana kupikisa vakabva vagara pasi ne kupererrwa .Mukadzi wa Godobori akabva atanga kutaura achichema ........ MaI G : " Manje nhayi mwari zvamadai mati tidii isu .Shuwa kubva matiseka zvakadai here ,nyika ichati kudii chero pekunyarira handina asi nhayi tambotadzei ". Sabhuku : "Mashura mudunhu rino manje zvino kana chiri icho chiremba chadai isu todii manje ?" Kudzi : " Hapana zvekuita apa zvoda kumirira nguva kuti vabatsirike ". Mai G: " Ndiwe ani ?" Kudzi : " Ndini musvoriwa ". Sabhuku : " Iwe tibvire apa ukutaura kunge une mudzi zvenhema ririshavi .Kuda izvezvi ndiwe wazviitisa ". Mai G : " Kana musadaro mwana kani maybe anogona kubatsira ". Sabhuku : " Kutowedzera kwete kurapa ". Kudzi : " Hapana kuipa ndosaka ndichinzi musvoriwa ". Kudzi akabva adarika ne pana Godobori achichema kunge mwana aba azviitira .Kudzi akazungudza musoro moyo uchirwadza .Akabva amhanya kumba mweya wake ndokudzoka kuita munhu original .Akabva akwira gomo achichema ndokusvika pa bako riya ndokutanga kutaura ...... Kudzi : " Buda hupenyu hwakadii ihwohwo kuti munhu muhomwe anozikanwa ne nyika ino kuitwa chana .Handi dunhu redu rakusvorwa kuita mbiri yakaipa .Xaa ini handichadi kana zvichiita so .Vanhu vakaziva kuti ndini handi ndinovurawa ". Kudzi akabva azvomora banga rakanga riripa dombo .Ndokubva anongedzera bachifuva chake oda kuzvibaya kuti afe ndipo pakabva pataura voice kumasure kwake ........ " Kudzi mwanangu ! so kana wazvivuraya unofunga kuti ndinozobetserwa nani ". Kudzi akabva acheuka ndokuvona kuti ndi amai vake .Akabva abata banga ndokutanga kuzvimha misodzi ..... Kudzi : " Mhamha ndimwi here ?" "Hongu ndini mwanangu .Handina nguva ndoda kukuvudza something ". Kudzi : " Taurai henyu mhamha ". " Mwanangu ndiriko asi ndiri mumbiri yarozi .Ndakavimbiswa kuti kana uka saver nyika ndokwanisa kupihwa humwe hupenyu husingaperi .Saka iwe usazvisore mwanangu .Usaita chiramwa cuz unenge uchindiramwa .Ndakaratidzwa future yako after war iyi ". Kudzi : " Yakadii ?" " Ndakavona wava ne mbiri inozikanwa ne nyika yese .Vanhu vese vachakufarira ne kukutenda ." KUDZI : " Mhamha hakuna zvinhu zvakadaro vanhu havambofi vakandicheuka ini ". " Pane pandakambokuvudza nhema here mwanangu .Iwe terera chete .Sezvandataura handina nguva iwe chiita uyende kunotora key .Kana waitora chienda kwese kwaunotumwa .Simba raunaro harina kumboita ani nani ari munyika ino ". Mai Kudzi vakabva vaenda kudzi ndokusara akamira akangobata banga rake .Akabva atanga kutarisa banga riya ndokuvona kuti zveshuwa mukati mune key , Akavona kuti hakwanise kufamba ne banga vanhu vanozorivona so akabva atanga kuchinja kuita nyoka . Akabva amedza banga riya ndokuchinja kuita munhu futi ........ Kudzi : " Right kana anoda first key iyi anofanirwa kutanga av uraya ini otherwise pasina izvozvo hapana chavanowana .......... End of chapter