Kudzi akabva amborara hake sezvo akanga akaneta . Vanhu vakabva vaenda kuna sabhuku kunotaura mashura avaona .... "Sabhuku tavuya sedunhu kuti mutivudze ne nhawu yamavona iyi .Mashura ayitika mudunhu redu adzima nyika yese ikaita rima ." sabhuku : " Nenivo ndapera simba ne zvaitika izvi handitozivi kuti tonanga ani angava akonzera mashiri piti akadai ". "Kudzi angava munhu here kana kuti pane zvanga zvichitiotikavo ?' "Munhu uyu anga achiita mashiri piti mugomo rinoyera ". " Vanhu muri kupedza nguva yenyu handei ku N'anga tinzwe kuti chii chaitika ". "Ehe muri kureva idi but zvoda kutanga mavunganidza vanhu kuti kana pane akazviita ovonekwa ". Sabhuku : " Ok saka vudzai munhu wese kuti mangwana makuseni pane musangano pano". "Asi kana ari munhu akadaii ka toda hupfumi hwakawanda and muroi iyeye anofanirwa kudzingwa mudunhu ". Vanhu vakabva vadzokera kudzimba .Ko Kudzi ayigozivei hake kuti ndizvo zvaronga .Hapana kana akavuya kuzomuzivisa kuti kune musangano munhu wese . Vatori ve nhawu vakavuya vakakwira mugomo asi hapana kana chavakaona chero kutaura zvaitika havana . Vanhu ndivo vakazovaudza zvese zvaitika . Around 3 ko vira Kudzi akabva amuka ndokugara zvake panze achirohwa ne mhepo . Akagara kudaro akabva avona Bule achisvika pamba pavo sezvo iye akanzi asavimba chero munhu akafungira kuti maybe hasi Bule aanoziva ..... Kudzi akabva asimuka akamirira kuti munhu asvike .Ko Bule akanga asingazivi zvaiitika akasvika ne mufaro.... Bule : "Hecy kani Kudzi urisei hako ?' Kudzi : " Ndiribho ". Bule : ' Ko wakatsamwei nhayi iwe ?' Kudzi : " Ndizvo zvandiri . uru kudei pano ?' Bule : " Ndangovuya kuzokuvona asi hausi kuda kuvonekwa ". Bule akatanga kudzokera kumasure oda kutodzokera hake .Kudzi akabva ati.... Kudzi : " Sorry kungovhunza cuz hapana anombondifarira muno mudunhu ". Bule : " I know ndosaka ini ndavuya kuzotandara newe ". Kudzi : " Ok ungagara pasi hako ". Bule akabva agara panze .Kudzi akabva ayenda mumba ndokutambanudza mavoko ake ..... Kudzi : "Ndoda ma plates maviri ane rice ne nyama ne 2 ma cup e drink ". Akabva asvinura akabva avona zvinhu zviya zvavapo . Ipapo akabva atakura ma plates ndokuendesa panze .Akabva adzoka kunotora ma cp ndipo paakaenda kunogara panze .... Kudzi : ' Waita lucky wawana ndabika . vuya tidye hedu ". Bule : " Ndanga ndakaguta asi chikafu chacho chinoyevedza kani ". Kudzi : "Yaaa ndatora hangu nguva yangu kuchibika ". Bule : " Unoziva chii vanhu vakawanda vakakumaka handizivi kuti nei . Asi ini handina moyo wakadaro even mhamha vangu vanozviziva ". Kudzi : " Vanhu havafanani ndatozvijaira kugara ndega hangu ". Bule : " Mhamha vangu vane shungu yekuda kutaura na mai vako asi vanotya kuti vanozomakwa ne vanhu ". Kudzi : "Ko iwe zvauri pano mhamha vako havatsamwi here ?' Bule : " Ini havana basa neni cuz vanongoti ndiri mwana ". Ari pakati pekutaura Bule akabva anzwa mai vake vachimudana . Akabva abukuta muromo kuti asavonekwa kuti akanga achidya .... Bule : " Waita hako ne chikafu ndokuvona mangwana ". Bule akabva amhanya kumba kwavo .Kudzi akabva asara achitora ndiro yake ndokutanga kudya . Ayidya zvisingaiti and ayitoda chikafu nguva ne nguva kuti asazoonda . Ayingonzwa kuti pane chiri kuitika mumuviri wake and akanga ochinja kuita musikana akanaka mbijana mbijana and ma powers aya ayimusimbisa .... Bule akanga ane chirwe che moyo so vusiku hwega hwega akanga asingavati so mai vake vaigara vakamurinda but Bule hana kunge avudza Kudzi kuti ndizvo zviri kuitika paari ..... Manheru asvika Kudzi hope akanga asina cuz akanga aswera akavata . Akagara kusvika kuma 1 dzevusiku ndipo paakangokotsira akabva abatwa ne hope ndokutanga kurota achibva pamba pavo achienda ku gomo kuya .Akasvika pa bako ndokumira iye ayita kunge ayirota asi zvanga zvichiitika . Akabva avona munhukadzi achivuya kwaari akabva avhunduka sezvo akanzi chero ani usavimba .Munhukadzi uya akabva atanga kutaura ..... "80 YEARS ago ndini ndakubva kwandakabva kuzorwisana ne vavengi mugomo rino ne bako rino . sezvo ndambokuvimbisa kuti ndoda kukuratidza ma virson mu hope ino ndiyo nguva yacho ". Mukadzi uya akabva atambanudza mavoko ndokumavhura akanga ane mavhu . Akabva atanga kutaura.... "Iri ivhu ndakaritora pano makore apera . so rega ndikuratidze zvese zvakaitika kubva pakutanga . Ndaive musikana ayigara ku Egypt ne mai na baba .Rimwe zuva ndakabva ndaienda kunochera mvura sezvo mai vangu vaigwara asi havana kuda kutivudza kuti chii chakanga chichiitika .Ndichibva kunochera mvura ndakwana mai vangu vakabata huro vachinditevera ku vhura kuya .Pandakavaona ndakavhunduka ndikadonhedza mugomo pasi .Ndakati ndichibata huro yavo ndichibvisa ruvoko rwavo ndakaona ganda rese rabva kuratidza kuti pane munhu avaruma .Ndakati ndichisarisa kwavabva ndakaona baba vangu vachivuya vakazara ropa mumuromo . Mai vangu vakanditi avo havasi baba vako asi munhu avuya ne mufananidzo wavo .Mai vangu vakabva vatora ruvoko rwangu ndokuriisa pa chifuva chavo ndipo pandakatanga kutora moyo uya .So vavengi ava vaida power iri asi parikapinda mandiri ndakanzwa simba rakawanda zvikuru .Pandakaridza mhere munu uya akabva atiza .Mai vangu vakangoita sevako havana kudzoka . So ini ndakatanga kuchinja kuita nyoka ndipo pandakamedza baba vangu ndichifunga kuti pamwe ndivo vakavuraya baba vangu . Ma virsons angu akatanga kuchema akandipa mhiko ye kuti handisi kuzorarama asi simba ndicharipa kune umwe murandakadzi ndosaka ndakazovuya mu life yenyu .Ndakaisa mhiko yakanga yakangoiswa nevekare yekuti atanga kubata moyo uyo anofa ." Kudzi : "Saka chii chakaitika kuti uzovuya mugomo rino ?" "Ndakasiya ndavhara rimwe bako ku Egypt key ndakaitorerwa saka ndakasarudza kuvuya ne imwe key muno mugomo ". Kudzi : " Ok ini ndoda kunzwisisa chii chakazoitika cuz ndiri kuvona vanhu 12 avo ". "Right vanhu 12 vauri kuvona avo ndiwo masimba ema demon saka vakanditadza kundivuraya asi simba ndakanga ndotorerwa ndipo pandakapihwa ma powers ne vamwe vangu ekupedzisira . Ndakabva ndatora key ndikaibairira mukati me banga ndikatora banga riya ndikaibairira badombo hapana anokwanisa kuribvisa ". Kudzi : " Saka muri kureva kuti banga riripa dombo iro ndiyo key yacho ?" " Yaaa hapana anoribisa kunze kwako chete ". Kudzi : " Saka bako riri ku Egypt rinei cuz imwe key ine ma demon ayo ?' "Bako ririuku rinovhurwa nema keys aya maviri kana uri 1 haukwanisi kurivhura so zvoda umwe munhu . Bako riri Egypt rine diamond asi mukati me diamond imomo mune 3 ma stones anovumba peace ye nyika ." Kudzi : " Saka ndikatora diamond iroro ndodii manje ?" "Pari zvino haufanirwi kuziva asi pane imwe tsvimbo yandichakuendesa kana wava naro. Kana wava naro pane pandosa kuti uri ise then ma demon ese ari pasi pano oyenda vanhu vese vakachinzwa vodzoka kuita vanhu chaivo unenge wa saver nyika zita rako nere munhu achakubatsira richazikamwa pasi rese ". Kudzi : "Ipapo ndakunzwa . Ko nhawu yema powers iyi ndakanzwa muchiti ndine ma powers 3 handisi kumaziva ?" " Hauna ma powers 3 asi une akawanda asi ma powers 3 akanyanya ndeyekutaura ne mvura ne kukumbira zvese zvauri kuda rechi 3 ndere mukomana wauchasangana naye ". Kudzi : " So you mean kukumbira chikafu ikoku ndiro rimwe rema powers acho here ?" " Hongu simba ririmauri haridi ropa ndosaka takakupa simba rekudya kana ukasadya unoonda ukapera plus 1 think chikafu chako munhu akachidya anokwanisa kupora pazvirwere zvese " Verson iya yakabva yamuratidza mai Bule vakabata mwana wavo vachichema cuz vusiku akanga asingarari ne kurwara ..... " Ukuvona munhu uyu ishamwari yako . Yadya chikafu chako ". Kudzi : " Yaa adya chikafu but hasi kupora wani .Handi mati munhu wese adya anopora ". " Yaa ndadaro asi iwe ndiwe key yekuvapodza kana vadya ". Kudzi : " Handisi kunzwisisa matii chii ?" "Ndiwe Key yekuvaporesa kana vadya iwe unofanirwa kutaura zvaunoshuvira kwavari vanopora ". Kudzi " Ok saka even now anopora here ?" " Chimbozama ". Kudzi akabva atura befu ndokutambanudza ruvoko rwake ku side kwakuna Kudzi ndokutanga kutaura asi vana Mai Bule vakanga vasingazvivoni ne kunzwa ..... Kudzi : "Ndiri kukumbira kuti zvirwere zvese zvibude right now ". Akabva amira akatarisa ndokubva atanga kuvona chakaita chivutsi chichivuda muna Bule apa Bule wacho akanga akuita kupupa furo .Akabva amboti zii kwechinguva .Kudzi akafunga kuti munhu afa .Mai Bule vakabva vatanga kuchema kuti munhu afa paya .After 2 mins mukomana akabva apepuka achifemera mudenga kuratidza kuti mweya wakanga wadzoka.. Akatanga kufema zvakanaka mukomana ..... " You see kuti une simba rakadii............'' End of chapter