Zuva rakanga rakacheka nyika vanhu vachitofamba .Kudzi akabva asimuka achibuda mubako .Banga hana kunge aritora apa misodzi yake yaiyerera .Musodzi waiti ukawira pasi paichereka zvaireva kuti Kudzi akanga ava ne simba risina anopikisa. Apa ma demon aya akanga atiza kare ayenda kunokoka simba .Akamira pamukova we bako ndokuti .... Kudzi : "Zororai muri gare mhamha ." Panguva iyoyo makore akabva atanga kusimuka ndokuvhara zuva .Apa akanga akasviba zvisingaiti .Vanhu vese vakashamisika kuti ko kwavira sei iwo ari masikati . Mvura yakatanga kunaya zvisingaiti .Kudzi hana kutiza akabva ayenda pachena kuti mvura imunaye .Akabva atasanura ruvoko rwake kunge munhu ari kugamucvhira something . Ma drops e mvura akabva atanga kuvungana murivoko rwake ari 6 .Akabva atanga kutenderera iye hana kutya akaramba akatarisa .Ma drops aya akabva ayita mufananidzo we munhu ndokutanga kutaura..... "Sorry nekurasikirwa ne mubereki asi yaive mhiko yekuti atanga kubata moyo uyu uchafa and hapana anopikisa mhiko iyi . Chipo chaunacho hachisi changu ndecheku saver nyika ". Kudzi : " Ku saver nyika payi ?' " Makore apera apo paive ne hondo ndosaka ndakazofira mubako ndikakoka simba rangu rese ndikakurira vavengi vaida kuchinja munhu wese kuti atange kupenga kana kungorwara kusina tsarukano .So iwe ndiwe wava tariro yenyu . Pane zvinhu zvitatu zviri kudiwa kuti uzvibatanidze ". Kudzi : "Zvii izvozvo zvinhu zvacho ?' "Pane key ine ma demon aya . Key iyi ndeyekuvhura bako hombe riri pasi pe nyika hapana anorivona kana usina maziso e mweya ". Kudzi : 'Bako iri ririkupi uye rinei ?" " Bako iri riri ku Egypt hapana anorivona and kunoda munhu akaita sewe kuti uyende .Tasara ne 3 months ukakonewa kudzosera banga iro tava kutomirira dzimwe 80 years kuti dzisvike ". Kudzi : " Saka muri kureva kuti moda kuti ndiende Egypt ndega ?" "Ndine mukomana wandoda kuti uyende naye asi pari zvino hasati akadzirira cuz hasi kuziva kuti ndiye ani . So iwewe ndoda kuti utange watora key kuma demon aya .Kana watora key woenda ku nyika yandichakuvudza .Ndiko kwauchasangana ne mukomana wekuenda naye Egypt ". Kudzi : " Handina kana mari chero passport chaiwo ". " Simba rako rakawandisa unogona kutaura zvese zvaunoda zvinoitika ". Kudzi : " Muri kureva kuti zvese zvandada zvinoitika here ?" " Hongu zvese zvawada ". Kudzi : " Ndiri kuda mhamha vangu back ". " No kwete izvozvo ndiri kureva zviri munyika zama chimwe ". Kudzi : " Ok moyo wenyu uri kundipedza simba ndoda sadza ne nyama ye huku ". "Tarisa pa side pako ". Kudzi akabva atarisa basa ndokuvona sadza ne chicken shuwa .Akabva agara pasi ndokutanga hake kudya .Apedza akabva atanga kutaura ....... Kudzi : " Yaaa so simba rekudai makandipirei ?" " Takakupa kuti ukwanise kufara ugoita basa redu zvakanaka ne kuti kupera kwemwedzi mutatu nyika iri kuparara kana ukasadzosera banga kwarinobva ". Kudzi : "Ini handisi kunzwisisa mukureva kuti banga iri ndiyo problem kana kuti ?" "Banga iri ndiyo imwe key isina ani hapana anokwanisa kuribata kunze kwako .Asi kana waribvisa pa dombo apo muhu wese anogona kuritora . So iwe wotosimba kurichengetedza cuz banga iroro rikasadzokera ma demons atakavharira imomo kare kare ndakanga ndisati ndambozvarwavo . So anozobuda cuz akapihwa 160 years yekutongwa manje ava kuda kudzoka for revenge". Kudzi : "Asi why masarudza ini because i am nothing pa vamwe .Vanhu vese vanondiseka vachinditi ndiri muroi ". "Even ini ndaive musvoriwa asi ndakanongwa mukuruva kusvika kuita mambokadzi we nyika . Kudzi ukaita zvinhu izvi munhu wese achakufarira ". Kudzi : " Ipapo ndanzwisisa asi vanhu vakavhunza kuti mai ndaisepi ndichadavira ndichiti chii?" "Hapana anovavhunza ndosaka ndakasarudza imwi cuz hapana anomboita basa nemwi ". Kudzi : "Mondiregerera ini ndinovhunzisa cuz ndoda kuziva ". " Kuvhunza hakuna kuipa ndozvifariravo ". Kudzi : " Saka pakanaka . Ndoda kuvhunza kuti ko ini zvichapera semwi here makafira pabako apo ?' "Kana ukakurirwa iwe zvinenge zvavharana hapana munhu achadzoka kuzorwisa vavengi cuz vanenge va win .So uku ndiko kurwa kwekupedzisira hakuna kumwe kuchavuya ". Kudzi : " Saka majekesa ndikakurirwa ndotofa right ?" " Haukurirwi kana ukatevedzera zvandichakuratidza ku hope ". Kudzi : " Saka ini ndochinja kuita nyoka here ?" " Hongu kana ukatsamwa. so kana uri pane vanhu zvidzikamise hapana watoda azive ". Kudzi : " Ok hapana kuipa ". "Manheru ndichakuratidza zvese zvaunoda kuziva . ndichakuratidza matangiro akaita nyaya ne maperero ayo . Mai vako vakanga vasina simba uye zvivindi . Chienda kumba unozorora asi usavimba chero ani zvake ". Ma drops e mvura aya akatanga kutenderera ndokusimuka ichienda mudenga . Mheni yakabva yadzika ichida kurova Kudzi akabva ayibata ndokusimuka nayo .Vanhu vaive vari kure vakaona mheni yakangomira izvo zvakashamisa vanhu cuz mheni inorova ichitodzima . Vanhu vakabva vamhanya kunovona kuti chii chiri kuitika ..... Kudzi akabva anzwa voice richitaura mumheni iya....... "Iwe neni tiri chinhu chimwe saka pese pauchandida ndidane ." Kudzi akabva anzwa vanhu vachitaura vachivuya kwaive vari apa vakanga vakabata ma lights sezvo kwakanga kwava ne rima . Kudzi akabva apotsera mheni iya kudenga ndipo payakabva yadzokera .Vanhu pavakavona yakudzokera ichiridza mupande waityisa munhu wese akabva arara pasi .Kudzi akabva ayenda kumba vanhu vakasara vakasimuka ndokuenda pavaivona mheni . Vakasvika vakavona pasina kana muti warohwa .Apa pakanga pasina kana matimba ekuratidza kuti pane zvanga zvichiitika ...... Vanhu vakatanga kutarisa asi havana kuvona bako iri vaingovona zidombo chete cuz vakanga vasina maziso e mweya .Kudzi akabva amira pa door remba yavo ndokuvudza mvura kuti mira kunaya . Shuwa nguva iyoyo achingopedza kutaura mvura yakabva yamira makore akaenda ese .Zuva ndiri parakabuda richipisa zvisingaiti .Munhu wese akabva atima ma light avo ndokushamisika kuti chii chiri kuitika mudunhu iri ....... Vanhu vakabva vaenda kuna sabhuku kunovaudza kuti mozvivona sei . Munhu wese akananga kwa sabhuku apa Kudzi akanga akavata zvake sezvo ayive akaneta ..... END OF CHAPTER