Vakati varipakati pesango vakatanga kunzwa kuchema kwaisanzwisisika kuti chingava chiii amai Kudzi vakabva vatochinja kuita nyoka ndokutanga kupinda musango vakazobudikira vave mubako muya muine vamwe vakadzi vatatu vakati vasvika mubako muya vakadzi vaya vairatidza kurwadziwa uye vachidonha misodzi yaiva yeropa.. Nyoka iya yakatanga kuswedera kwaiva nevakadzi vaya asi vakadzi vaye vakabva vanyangarika zvavo nyoka ndokuchinja kuita mai kudzi vakapinda munzira kudzokera kwasekuru Gaurani nekuti zvaisaita kuti vanange kumba ivo vaisanzwa mushe , vakafamba zvavo kusvika vasvika kwasekuru Gaurani . Vakasvika vakawana sekuru vasipo vakarwadziwa asi chekuita paive pasina, vakambozama kuvamirira asi nekuda kwenguva vaifanirwa kudzokera kumba kuchakachena . Vakapinda munzira kudzokera kumba kwavo, varimukufamba vaingoona mifananidzo yevakadzi vatatu vakabata zvombo asi zvaivanetsa uye vainyatsonzwa kuti muviri wavo hausi kuita vaisanzwa mushe havo Vakati vatifambei vakagara pasi vachimbozororera nekuti vainge vakaneta zvisinei vakabva vabatwa netuhope ndokurara vakazembera chimuti chaivepo vakatanga kurota zvinhu zvaityisa uye madzikirira chaiwo vakabva vamuka ndokuchinja kuita zinyoka zihombe hombe ndokupinda musango nyoka iya yakatanga kumhanyisana nemhuka dzesango kusvika yazobata mhembwe ndokuidya yose .Zvino nyaya yakazouya pakuti yanga isisagoni kana kufamba kana kudiii nekuzvimbirwa monozvoita nyoka kana yamedza chinhu chihombe , yakasvibirwa iri panzvimbo imwe chete. Mushure memazuva Mano we: Nyoka yakanga yakangomirira kuguvura nyoka iyi yakangorara musango isisagoni kana nekufamba . Yakazoti muzuva repfumbamwe nyoka yakabva yaguvura zvayo zimhembwe riya pasina kupedza nguva nyoka yakabva yaita mai kudzi. apa vaiva vakatonetawo zvavo apa vangavasingachazivi nesango ravaive vakatanga kutevedza kamwe kanzira ako kakazongovasvitsawo panekamwewo kanzira kavakaziva.. Mai kudzi shuwa hupenyu hwavo vaisahunzwisisa zvisinei vakazosvika kumba kwavo vakawana mhandara yavo yakagara yakabata shaya ichiyeredza misodzi kuratidza kugumirwa, vakati vachiona chiitiko chakadai vakaedza kumhanya kunombundira mwana wavo asi nesimba rose vakarishaya . "Nhai mhamha mungabva maenda kwasekuru Gaurani zvogore rose maiti ndinosara nani pano pamusha'. "Mwanangu ufunge zvakaoma zveupenyu izvi". " Nhai mhamha zvamunenge mavakutorwara zvakanyanya ndiudzeiwo mhamha chii chakaitika makafamba mushe makanzi chii nasekuru Gaurani ?" Moziva unoshaya zvekutaura nemibvunzo hobho yandaibvunzwa nemwana wangu ndakatoona kuti ndikamuvanzira hapana zvandinenge ndaita, ndakangozorovera moyo padombo ndokuti mwanangu come closer to mhamha akaswedera psdhuze ndokuenderera mberi ndichiti..... "Sooner or later, i'll pass away. When am gone, I Know you'll miss me, you'll will realize how l cared and how I treasured you. But then, do i really have to die first before u notice? mai kudzi vakatanga kukosora zvekuti kudzi akatadza kusvibatanidza zvainge zvarehwa naamai vake zvisinei akamhanya kunovatorera mvura ndokunwa zvavo, ndobva vati I need to rest vakabva varara zvavo vakadaro. Kurara kwaita Mai kudzie vachamuka here? Ngatisanganei muchapter 3. End of chapter