Kubva kuseni kusvika mhanheru mai Kudzi vakaswera vakagara vachingofunga kuti vodii asi vakanga vasina chekuita sezvo tsananguro dzakanga dzakati munhu achatanga kubata moyo achafa .Hakuna zuva risingasviki zuva rakanga rapinda muna mai varo . Mai Kudzi vakasimuka ne mwana wavo ndokuenda mugomo ..... Vakasvika pabako paya ndokuwana bako rakavharwa ne zidombo apa kwakanga kwavira . Vakabva vatanga kuzama kurisunda bako dombo rakaramba kuvhurika .Kudzi akatovona kuti uku kuteya nzou ne riva akabva avudza mhamha vake....... Kudzi : " mhamha handifungi bako iri rikavhurika tadii tadzokera kumba ?' Mai Kudzi : " Mwanangu tofanirwa kupinda umo uzvivonere kuitira mangwana . ndiri kunzwa munhuwi wevavengi saka ndotanirwa kutopedza nhawu iyi nhasi iwe woenderera mberi ne basa ". Kudzi : " no mhamha hazviiti ngatiregei nhawu dzacho handidi kukushayai ". Mai Kudzi : " mwangu handina choice uchindivona kudai . Asi ndakavimbiswa kuti iwe ukagona kushandisa simba uchandidzosa ". Kudzi : " Muchimbozvitendereyi mhamha kani musadaro ". Vari pakati pekutaura miti yakabva yatanga kuzungunuka ne mazimhepo ayivuya achibva kumamirira ku side kwemba yavo . Mai Kudzi vakatoziva kuti zvaipa vakabva vaisa Kudzi kumasure kwake akadongerera achida kuvona kuti chii . Mai Kudzi vakamira kudaro vakabva vaona mhepo yavungana sechamupupuri ndipo pakabva patanga kubuda vanhu 12 vakabata mapanga ne mapfumo . Ma Demoni 1 mukuru wacho akabva atanga kutaura ...... Demon : "Wanonoka kusvika and wadyiwa ne nguva . Hatisi kuda hondo newe tikuda moyo uri mauri tisati taita musindo ". Mai Kudzi : " Sorry madzitateguru handingakusiyeyi muchivuraya nyika yese ini ndichiziva mushonga wekukumisai ". Demon : " Asi hauna nguva uchirarama saka iwe tipe moyo tokumutsa kana wafa ". Kudzi : " mhamha izvi zviri nani pane kuda kufira zvamusina kunzwa ". Mai Kudzi : " Vari kunyepa ndakazvivona mu hope . mission yavo kuda kuvuraya nyika yese kuti vaitonge manje izvozvo hazviiti ". Demon : " Dai waterera mwana wako ndizvo zvakanaka pane kufira zvausina kuvona ". Mai Kudzi : " Hongu ndada kufira zvandisina kuvona ko ndoraramirei ini ndisingazivi mangwana acho ". Demon : " Tikupedza nguva regai tiite zvechisimba ". Chamupupuri chakabva chatanga kutenderera ma demon aya ndokutanga kuzvivumba kuita chinhu 1. Mai Kudzi vakatovona kuti apa zvinhu zvaipa vakabva vatanga kuda kuchinja zvikaramba . Ma Demon aya akabva apotsera magic kuna Mai Kudzi vachibva vawira pazidombo raive rakavhara pako . Mai Kudzi vakamuka ndokugara pasi pachitanga kukosora ropa . Mwana wavo akabva amhanya kunovamutsa ...... Avamutsa kudaro dombo riya rakabva ratanga kuzungunuka richibva rawira pa side pe bako . Mai Kudzi ne mwana wavo vakabva vapinda vachimhanya . Vakasvika padombo ravainge vakatora moyo uya apa pakanga pane banga riya . Ma Demon aya akabva akanda banga rikabaya Mai Kudzi kumusana richibuda ne mudumbu ....... Kudzi akabva atanga kuchema Mai vake vakanga vogomera zvekuda kufa zviya . Mai Kudzi vakabva vabata ruvoko rwe mwana wavo ndokuisa pa moyo ndokutanga kutaura ...... Mai Kudzi : " Mwanangu handiwo magumo angu aya kana ukakwanisa kuzoita zvandakataura uchazondivona zvekare . Now ndakuenda kunozorora saka iwe tora moyo uyu urwise vavengi ava ". Kudzi : " Mhamha hazviiti vapei moyo wacho vagokumutsai ". Mai Kudzi : " Wakazvinzwa zvakataura Gaurani tisavimba ne munhu cuz vavengi aya vanovuya ne mufananidzo chero wani . zvandiri kuda kuzama kukuvudza mwanangu ukazondivona ndavuya handisi ini . Tanga wakunda hondo iyi ndipo pauchazondivona ". Kudzi : " Musadaro mhamha manje ndosara nani moziva kuti nyika yese yakatimaka ". Mai Kudzi : "Izvozvo siyana nazvo rimwe gore vese vachagodama mamberi pehuso hwako vachitenda kuti weakaita basa nekuvararamisa . Pukuta hako musodzi ugamuchire moyo ". Kudzi akabva apukuta musodzi ndokubva apatirira pachifuva chamai vake . Chifuva chamai Kudzi chakabva chatanga kuita light zvishoma ne zvishoma .Mademon aya akaziva kuti chipo chikagara chatorwa ne mwana hondo yacho havazoigoni . 1 demon rakabva raenda richimhanya richida kunosunda Kudzi rakutoda kumubata rakabva ranzwa banga bachifuva richitarisa rikawana kuti ndi Mai Kudzi vanga vazvomora panga mudumbu mavo . Demon riya rakabva ratanga kupera kubva kutsoka kusvika kumusoro . Hapana kana bonzo rakasara munhu akaita sevhu kupepereka ndomafiro ayiita ma demon aya ...... Mai Kudzi vpavakazvomor banga vakabva vati chisarai asi havana kupepereka cuz moyo waibuda mavari . mamwe ma demon akachema achivona umwe waro afa akaridza mhere bako ndokutanga kusungunuka matombo akabva atanga kuwa. Paive na Kudzi paive ne dombo hombe raitozungunuka rava pedo kutowa manje iye akanga asina kuzvivona apa ma demon ari busy kuchema achida kuti awirwe ne dombo iroro.... Moyo uya wakabva wabata ruvoko rwa Kudzi ndokutanga kufamba erichienda ku moyo wake . Moyo uya wakapinda maziso akuti akabva achinja apa muviri wese vaipenya ne chiedza . Akabva asimuka dombo riya ndokuwa achibva arigama ndokurikandira kuma demon aya achibva arohwa achiwira kure .... Kudzi akabva atsikitsira achikoka simba rake rose ma demon akabva atiza atovona kuti zvaipa . Kudzi paakavona kuti vatiza akabva ayisa Mai vake pamagumbo ake ndokutanga kutaura achichema ....... Kudzi : " mhamha ndokuvimbisai kuti ndicharwa navo asi izvi ndanga ndisina kuzvipira asi zororai murigare ". Mai vake vakabva vatanga kupera kubva kumagumbo kusvika kumusoro . hapana kana bonzo kana chii hacho chakasara mai Kudzi vakanga vatofa . Kudzi akachema ndokuubva abuda mubako riya banga hana kuda kuzama kuribvisa ............. END OF CHAPTER