"You see kuti une ma powers akaita sei .Uri munhu achaponesa nyika kana ukasakurirwa ne kurivara cuz ndichazviziva kuti vakawanda vachavuya sa mai vako kana baba vako ". Kudzi : " Ok saka muri kureva kuti ndini ndatoporesa munhu uyu uyu here ?" " Yaa ndiwe chaiye asi mutemo wedu hakuna wauri kuzovudza nyika ichakuziva wega kana waita mission iyi ". Kudzi : " Saka mai vangu vachadzoka here ?" "Handisi kuda kukunyepera for now handizivi zvangu". Kudzi : " Ok asi makatora zvese zvangu dai zvaibvira mavadzosa ". " Yaaa ndichazama asi for now ngatiite nyaya iyi ipire tisatangirwa ne nguva .Miyedzo uchasangana nayo munyika asi plz usavudza vanhu vauri cuz ma powers anotorwa and nyika inoparara .Mai vako hauzokwanisi kuvaona futi even muma virsons unenge wangova ka Kudzi not hero . Kunenge kwaedza chienda hako kumba asi zuva ranhasimhepo dzichasimuka asi siyana nazvo ". Kudzi akabva apepuka ndokuwana kuti kwatoedza apa akanga akaneta zvisingaiti . Akamuka ndokudya zvake simba rake raisamurwadza asi akanga angochinja kuita munhu akangonaka chero kanda ranga rava kutovonekera ..... Dunhu rese rakamuka rikaenda kwa sabhuku kunoita musanganano .Sezvo vanhu vakamaka Mai Kudzi vakabva vaona kuti havapo pakabva patumwa umwe munhu kunovadana .Munhu uya akaenda ndokuwana Kudzi akatogara zvake . Munhu uya hana kana kuti tisvikevo kana kumhoresa akasvika ndokungotaura zvaavinga ..... "Mai vako varipi ? Asi hamuna kunzwa kuti kune musangano here ?" Kudzi : " Mai havapo vakaenda mhiri saka ndiri ndega mazuva ano ". " Saka chii chawaregera kuvuya kumusangano nxaaa muri kudiwa uko hnde ". Kudzi : " Ok ndiri kutevera.Regai ndichinje ". " Ukurumidze takakumirira ". Munhu uya akabva ayenda Kudzi ndokupinda zvake mumba ndokupfeka hembe dzake .Munhu uya paakasvika kwa sabhuku akabva awana Kudzi atovako shakamushamisa kuti asvika sei .Akangofunga kuti maybe amhanya hana kunge aziva kuti pasi rava ne vanhu vane ma powers .Hana kuzviisa mumusoro and munhu wese ayinge akangotarisa Kudzi vaive vakamumaka zvisingaiti .Sabhuku akabva simuka ndokutanga kutaura...... Sabhuku : " Ndotenda kuti mavuya mese . Nhawu yandinayo ndoda kuti mutaure pfungwa dzenyu pane zvakaitika zuro . Shua zuva kuvira masikati mvura kunaya mudunhu rino chete here .Zvinoita here izvozvo pane munhu ayishereketa mukomana umu masikati machena hamheno zvaanotemba ". Man 1 : " Zvakaitika zuro zvinoshamisa handizivi kuti ingirozi yakadonha here kana kuti chii cuz hapana kana matsimba panhu pacho and munhu akazviita hana kuda kuzikanwa cuz anoziva zvaakaita ". Human3 : " Yaaa taura hako cuz hapana angada kuti munhu azive kuti muroi ". Man 2 : "Saka imwi muri kufunga kuti muroi anoroya masikati here ? pamwe pane zvaiitika mugomo sezvo richiera ". Man4 : " Yaa taura hemyu ". Sabhuku :" Ko iwe Kudzi uri kuti chii ?" Munhu uya akanga ayenda kunodana Kudzi kuti kune musangano akabva apindura ... " Anoziva uyu mai vake varipi kunyepa kuti vakaenda kumhiri vanoiwana kupi mari ". Man 2 : " Iwe nyarara havasi kuvhuna iwe zvinei newe kuti vanoiwana kupi .Chii nemwi munhu akatambura imhosva here . munhu wese akamumaka ndiri kuzvivona hangu manje kana muchimaka ndimakai neni ". Sabhuku : " Chinyararai nhawu yenyu yaguma plz .Kudzi pindura zvako iwe ". Kudzi : " Ini handina zvekutaura padare re vanhu vakuru i just wish dai mai varipo ai vapindura zvavo asi ini ndakatoshamisika ne zvakaitika zuro ". Sabhuku : " Ok saka nhayi vanhu muri kufunga kuti tiitei ?" Human : "Toda godobori vavuye vataure kuti chii chiri kuitika ". Sabhuku : " Mese muri kutenderana nazvo here ?' " Hongu ngavuye ". Sabhuku : " Ok achavuya mangwana saka munhu wese vuya .Kana ukazonzi ndiwe wakaita mashiri piti aya tiri kuda mombe zana. Munhu wese angaenda hake kumba '. Munhu wese akabvaq asimuka ndokuenda kumba .Sezvo yakanga iri nguva ye muchero Kudzi akabva atsaukira pa side pe road ndokutanga kudya zvake nhengeni . Vanhu vaipfura vamwe vakanga vasina basa nazvo . Munhu uya ayinge akamaka Kudzi akabva asvika paari ndokutanga kudyavo nhengeni dziya . Kudzi : " Nhayi baba Pee makandimakirei nhayi ?" Ba Pee : " Handisi ini ndakakumaka asi munhu ari mandiri ndiye akakumaka ". Ropa ra Kudzi rakabva ramhanya zvekusiva kuti pane muvengi padhuze .Akabva ada kutanga kushandisa power rake asi Ba Pee vakabva vatanga kutaura ....... Ba Pee : I know kuti une simba risingaite asi ukarisandisa now vanhu vese vachaziva kuti ndiwe muroi saka dzikama zvako ". Kudzi akabva adzikamisa power rake asi kumeso kwake kwakangaq kwakaita makwati enyoka ...... Kudzi : " Uri kudei kwandiri ?" Ba Pee : " Ndiri kuda moyo ne banga riya ". Kudzi : " Ko ndikati handidi unodii ?" B a Pee : " Ndichaita kuti munhu wese azive kuti mai vako vakashaika ". Kudzi : " Remember ndine ma powers ndogona kungovaumba ve fake saka dai watonyarara zvako ". Ba Pee : " Ok saka vuya tiite deal i knowe kuna mai vako kana ukatipa moyo ne banga tokudzosa mai vako ". Kudzi ne moyo wekuda mai akabva atanga kuvhunzisisa .... Kudzi : " Uri kureva kuti kuna mai vangu unokuziva here ?" Ba Pee : " Yaaa kana uchida ndokuratidza manheru asi toda ma powers first". Kudzi : "Ndichatanga ndafunga ". Ba Pee : " Hapana kufunga kunodiwa apa .Asi iwe ungada ma powers kudarika mai vako here ? usandipundura pafunge zvako ". Ba Pee vakabva vaenda Kudzi ndokusara achipukuta misodzo cuz pfungwa dzakanga dzakutenderera ne kufunga kuti odii . Akabva ayenda kumba ndokuwana Bule akatogara zvake pamba pavo ..... Bule : " Hie sorry hako ne kugara pamba pasina vanhu ". Kudzi : " No problem .urisei hako ". Bule : " I am good i have a dream about you ". Kudzi :"Hope dzakadii idzodzo ", Kudzi akabva agara pasi kuti anzwe hope dzacho asi pfungwa dzake dzaifunga kudzosa mai chete ". Bule : " Dzingori hope usadzitora srs neh .Ndaive ne problem yekufema so handina kana kukvudza kubva pandakazvarwa ndakanga ndisingarari asi kubva zuro ndakufema ". Kudzi : "So wandirotera hope pa chii ?" Bule : " Wait for it . zuro i think ndakambofa asi ndakatanga kurota vanhu vakawanda vakazara vachida kundivuraya . Asi iwe wakabva wasvika vanhu vaya ndokutanga kurwa newe ndipo pawakavakurira .Ndakazovona vanhu vese vavakukurumbidza . Then wabva wavuya pandiri ndokundibata bahuro ndokuti *mweya yese yakaipa buda * .Ipapo ndabva ndatanga kuvona chivutsi chichibuda mandiri ndipo ndapanda ndapepuka asi wanga uchiita kunge kumasure kwako kwakanga kune ngirozi asi ndini ndega ndanga ndichiivona '. Kudzi : " Umm dzingori hope chete ". Bule : " Yaa asi ndadzifarira even pandavudza mhamha vafara shuwa and havacharambi kuti nditambe newe ". Kudzi : "Oh nice saka ndawana friend ka ". Bule : " Yaaa ndichadzoka time time now ndoda kuenda kuma shops .Hande ka kana usiri busy". Kudzi : " Umm sorry ndoenda next time now pane zvandoda kuita ". Bule : " Ok no problem " Bule akabva ayenda hake .Kudzi akabva asara akagara zvake achitanga kufunga zvese achitaurira nechemumoyo ...... Kudzi : " Yoooo ini handizivi zvangu kuti ndezvipi zvakanaka apa .Mai vangu kana kuti simba iri asi mai vangu vakamboti don't trust anyone . Virson ikanditi the same apa uyu akundiroteravo hhope .Ko kana zvese zviri wrong mai vangu havadzoke futi . Vanhu ndichavati chii manje mangwana acho life iyi yakaoma .Ko ndikavapa ma powers vakazondivuraya .Izvi zvatova zvemu movie chete ndikapusa ndichafa .Ko ndikavanyima futi mai vangu havadzoke manje so ini handichazivi zvekuita ini . Yaa ko ndikaramba simba iri ndikaripa kuna virson rosarudza warichapa ini vondipa mai vangu .Kana kuti dzese inhema yooo ini handisi kutoziva kuti ndodii apa simba ndinaro zveshuwa so chii chakandimisa . Ok yaaa ndavanayo plan manheru acho ndichavapa moyo wacho then vodzosa mai vangu kana vakakonewavo hamheno ndongofavo . Yaaa good plana saka ndirare manheru toita zvinhu zvacho ". Kudzi akabva ambozorora zvake akamirira kuti manheru asvike . Aki kurara kwake kwainetsa ayingovata achibvunda kunge munhu ari kunzwa chando .Ma virsons ayita ekuramba cuz mamwe ayivuya ayityisa zvisingaiti ...... Manheru akasvika musikana ndokuenda ku gomo ndokumirira kuti Ba Pee vacho vavuye sezvo ma demons ayishandisa mutumbi uyu asi Kudzi ayizviziva hake . ASkamira kudaro mhepo yakabva yakatanga kuvuya Kudzi ndokuvona Ba Pee vachivuya vachivhururuka ndokusvka vachigara zvavo pa dombo ...... Ba Pee : " Wavuya here ne moyo wedu ?" Kudzi : " Handi moyo wacho ndini here saka yaa ndavuya nawo .Ko imwi mavuya na mai vangu here ?" Ba Pee : " Ehe tanga watipa moyo first ". Kudzi akabva atanga kutaura dzimwe ndimi moyo wake ndokutanga kuvhurika ....... End Of Chapter