Narrating ..... Hupenyu hwa Mai Kudzi hwaita kunge mashiri piti kunge movie chairo asi zvichiitika . Dzimwe nguva vaiti vari kurota vachidya mhuka dzesango asi ivo vakanga vasingazvizivi kuti zviri kuitika . Mission ya Mai Kudzi ndeye kurapanura nyaya asi simba ravo raivakurira zvaida munhu ane ropa rinomhanya. Manheru ega ega vakanga vasingavati ne kuvhumuka apa ziya raierera muviri wese kunge munhu adirwa mvura . Kudzi akanga atozvinzwisisa akanga asina choice vaive mai vake and ndicho chinhu one chaive nacho mu nyika ..... Mangwana kuseni Kudzi akamuka ndokuwana mai vake vakarara aya aiva mashura chaiwo nekuti nguva dzese aimuka achienda kumaricho . Zuva iri akarega kuenda kumaricho ndokumuka achiitawo basa re pamba apa mai vakatorara . Akaona kuti zuva rakwira ndokubva abika tea ne chimodho . akaenda kunomutsa mai vake , Mai ndokuramba vakati ziii apa vachitonhora kunge munhnu afa . Kudzi akarohwa ne hana ndokutanga kuva sungunusa achichema ......... Kudzi ..... " mhamha ,mhamha mukai kani ". Narrating......... ; Mai Kudzi havana kuda kumuka vakaramba vakati zii . Kudzi akabva afunga mashoko a mai vake akafunga kuti pamwe munhu atofa . Akabva ati zviro zviedzwa ndokutora mafuta eshato akanga ari mumba ndokum hanya kunotora mazimbe ndokuuya nawo ndokuvasimudza ndokutora jira ndokuvafukidza ndokutanga kufukira . Mai Kudzi vakabva vatanga kubwaira apa muromo waibuda furo . Kudzi hana kuziva kuti Mai Kudzi vari kurota vachirwa nema demos aya ..... Mai Kudzi vachirota --------------------------------- Mai Kudzi vairota vari nyika yavanga vasingazivi asi nzvimbo iyi yakanga isina kana imba kana chii zvacho riri bani . Kwaita kunge kune mhute zvinhu zvakanga zviri kure vakanga vasingazvivoni . Vakada kufamba vachitsvaka kuti vangasanga ne munhu here . Vakabva vasanga na Kudzi ndokubvunza ..... Mai Kudzi ...... " Ko Kudzi uri kudei muno ". Kudzi ....... " Mhamha muri kubvira muno mupi . muri kuziva here kuti muripi?' Mai Kudzi ...... " Handisi kuziva chitondiudzavo ka ". Kudzi ........ " Saka makarasikirwa simba renyu rakaenda pambeveve chairo after 80 years takarara ikozvino tauya kuzotora chawakaba ". Narrating ........ Mai Kudzi vari pakati pekurota vakabva vaona Kudzi uya akuchinja kuita someone . Vakabva vaziva kuti hasi iye . Vakati vachicheuka kudai ndokuwana vakombewa ne ma demos aya ari 12 . Vakaziva kuti paipa vakada kuzama kuchinja kuita nyoka 1 demon rakabva rabudisa tambo inosunga mombe iya ndokuikanda ndokusunga ruoko rwavo . Rimwe demon richibva rakanda kune rimwe ruvoko . Vakabva vatanga kuda kuchinja kuma kumbo . Vamwe 2 ma demons akabva akanda asunga makumbo ari 2 .Mai Kudzi havana kukwanisa kubvisa uye kuchinja kuita nyoka havana kukwanisa . Vakasunga kudaro rimwe demon rakabva rasvetukira pachipfuva pavo richida kubaya kuti ritore moyo akabva arohwa ne simba raivepo ipapo .Munhu akawira kure kunge arohwa ne magetsi ........ Vakabva vaona kuti munhu ane simba uyu vakabva vaungana vari vatanhatu(6)ndokuita chinhu 1 asi maoko ari gumi nemaviri ipapo vamwe 4 vakanga vakabata tambo . Vakabva vasvetukira pachipfuva chavo rimwe ruoko ndokuvhara muromo rimwe ndokuvhara mhino vakanga vasichakwanise kufema . . Rimwe ruoko rwakabva rwabudisa banga ndokutanga kunyenyeredza pachipfuva richicheka apa mai Kudzi vakanga vava kupera mweya . Nguva iyoyo ndipo Kudzi paaivafungira mafuta eshato . Ma Demons aya kabva aona kuti munhu uyu ava kupepuka vakada kuzama kuda kukurumidza asi nguva yakanga yaenda . Mai Kudzi vakabva vapepuka vachisundira Kudzi kumadziro . Vakasimuka ndokuda kurwa na Kudzi ipapo Kudzi akatanga kuchema achidanidzira kuti Mhamha maziso a Mai Kudzi akabva ashanduka kuita avo ndokuwira pasi . Kudzi akanga asvuuka ruoko akabva ashinga ndokumhanya kuna mai vake ndokuvapa mvura kuti vawane simba ......,. Mai Kudzi vakabva vatanga kuchema vakabata ku meso . Kudzi nekunzwa tsitsi misodzi yakanga yochururuka achibva avabata maoko achivapukuta misodzi ....... Mai Kudzi ......... "Waita hako ndanga ndafa chipo changa chatorwa , dai usiri iwe dai ndatofa izvezvi ." Kudzi ..... "Ko vanhu vacho vanouya chero masikati akadai here ?' Mai Kudzi ..... " Hondo ihombe iyi ini ndiri kuitadza . simba randaita pawatanga kundifukidza , ranga rakawanda sekuona kwangu chipo ichi chiri kuda mwana mudiki akaita sewe ". Kudzi ...... " Saka poitwa sei nekuti ini ndikange ndisipo zveshuwa munofa ka ". Mai Kudzi ...... " Ndine plan yekupedza nhaya iyi ,nhasi manheru wogadzirira tichakwidza gomo ". Plz share END OF CHAPTER