NARRATING.... Mai Kudzi pavakakwira gomo vakawana mwana wavo akabatwa ne vanhu vakamugarisa pasi . Mai Kudzi pavakaona mwana wavo vakabva vada kumhanya kuenda kwaive nemwana wavo asi pane izwi rakabuda richiti...... 'Usaswedera hako pedyo mwana tinouraya kuti zviite nyore chingotitambidza chipo chedu chaunacho ukadaro tokusiya woenda hako'. Mai Kudzi.... 'Handikwanisi kudaro imi ndipei mwana wangu chete totanga kutaurirana pasina izvozvo chipo chenyu hamusi kuchiwana'. 'Hauna sarudzo unotoita zvatareva pasina kudaro mwana arikufa '. Mai Kudzi.... ' musandituma kuti ndishandise simba kana pasina kuwirirana ndakurwa . wangu mwana ndomuda ndiye ega wandinaye'. 'Nesuwo moyo iwowo ndiwo wega watinawo zvakangofanana izvi. Mai Kudzi.... Aiwa mataura chokwadi kuti handina sarudzo chero ndikakupai ndirikuzofa. Narrating...... Mai Kudzi vakabva vamhanyira kune mwana wavo ipapo ma demons aya akabva aona kuti mai varikuvuya zveshuwa apa vane ma powers anodarika avo ' vakabva vapotsera mwana pakati petsimwe rakanga riri ipapo , Mai Kudzi vakabva vatevera mwana wavo ndokusvika vachimunyukura mumvura . Kudzi akanga asingagoni kudhida Mai vake vakabva vamuisa pamusana kunge vakamubereka . Nyaya yakava pakubuda apa rwendo rwakanga rwakakura havaikwanisa kuzodhidha kusvika kwese ikoko vakasenga munhu . Vakambozama asi vava pakati vese vakatanga kunyurira vonwira zvicup zvemvura . Mai Kudzi vakabva vachinja kuita nyoka ndokumonera mwana wavo . Kudzi akanga atozvitambira hake nekuti akanga asina sarudzo vaive mai vake hazvichinji . Akatobva abatirira zvake ndokuenda havo vakabudira kurwizi rwakanga rwuri kure ne imba yavo . Pakanga pane makomo kuti vasvike ikoko .Kwakanga koratidza kuti kwava kuda kuedza apa sevanhu vanga vachibuda mumvura chando chakatanga kuvarova . Mai Kudzi vakabva vamonera mwana wavo kuti adziirwe vakamirira kuti zuva ribude ...... After 2 hours zuva rakanga rabuda Mai Kudzi vakabva vachinja zvavo kuita normal vachibva vasimira . Nzara ndiyo yanga yovatambudza yakabva yavasimudza ndokutanga zvavo kuenda kumba vachitaura ..... Mai Kudzi... 'Saka nhai mwanangu chii chakaitika kuti vakutore '. Kudzi... 'Mhamha ndava kutya ini handichanyatsonzwisise kuti chii chiri kuitika . ndaive ndakagara zvangu ndakakumirirai pakabva pasvika munhu akanga akaita semi ,semazuva ese ndakabva ndatomhanyira ndagozivei kuti hamusi imi . Munhu uya akabva anditi tiende naye kubasa ndabva ndafunga kuti ndimi ndabva ndapfeka bhutsu paya ndokutotevera . Asi ndava mberi ndabva ndasangana ne vamwe vanhu 11 vhudzi rangu rabva ramira ,handizivi kuti vakandiziva sei?kuti ndanga ndichida kutiza vabva vandibata ruoko kuti hapana kwauri kutsaukira . Ndakabva ndamira ndipo pandakaona achichinja kuita umwe munhu ndakarohwa ne hana simba rekuchema ndakarishaya.Vakabva vanditakura asi vatanga kutaura ne chimwe chirudzi chandanga ndisinganzwisisi . Mai Kudzi.... 'Inga pakaipa mwanangu hatifanirwi kuvimba chero ani zvake asi ndine mashoko maviri andoda kukuudza mwanangu . Ini handisi kukwanisa kuzorarama makore akawanda ne kuda kwe chipo chandinacho asi ndine virson yandakaona ndoda kuti usare uchiita . ndakaona ndiri kune imwe nyika asi ndakanga ndiri mune imwe room isina mukova kana window .Ndatanga kuchema ndiri imomo hapana aindinzwa asi ndazokarika ndatona umwe munhu achiuya kwandiri nekutya ndabva ndapepuka handina kuziva kuti zvarevei asi chipo chandinacho mwanangu ndoda kuti rimwe gore ndaenda usare uchichishandisa . Usawana anokutorera ndoda kuti ubatsire nyika nekut vanhu ava varikuda kuzoiuraya . Ndovimba kuti nhasi izuva rekupedzisira kuwana mukana wakakura so . rega kuchema mwanangu ndizvo zvavepo asi ndinovimba kuti uchadzeya mashoko angu , hazvisiri izvo zvandaida kuti uve asi zvinhu zvinongouya . Dai isiri nhamo ndisina kumbobudira mubako muya .Ndakakubereka kuti uve hero asi kwete re hondo but handina chekuita mwanangu pamwe mwari atipawo chipo ichi kuti mwangwana uve nehupenyu hwakanaka . Ndoda kuti ushandise mukana simba randiri kunzwa ndoda uripedzere kuvavengi .' Kudzi ..... 'Mhamha zvamuri kutaura handizivi kuti zvabvepi ini . muri kuzorarama makore akawanda chaizvo mwari ndiye muchengeti anoziva zvaakakupirai simba iroro uye mudzimu yedu yakatendawo saka tinokunda ne nyasha ndotenda muna izvozvo '. Mai Kudzi.... 'handisi kuramba kanakupikisa asi ndizvo zvandakataridzwa ku hope kuti munhu atanga kubata moyo uyu hasi kuzorarama saka handina sarudzo ndongomirira hangu nguva ...... NARRATING.... Vari pakati pekutaura vakabva vaona vamwe vasikana vaviri vanga vachitsvaka huni makuseni iwawo . Mai Kudzi vakabva vanyarara nyaya yavo ndokumhoresa vasikana vaya zvavo ndokupindura . Mai Kudzi ne mwana wavo vakanga vari vanhu vakanga vakavengwa nevanhu vakawanda mudunhu ne chikonzero kuti murume wavo akamuka akafira mumba asi vakaenda kuchipatara vakashaya kuti chii? Munhu wese akafunga kuti pamwe ndivo vakauraya . Chero kuchibage chekuhora vakanga vasingadanwi vanhu vakanga vasingavadi kuvaona pedo navo ,Chero vakaenda kuchibhorani vanhu vese vaitoisa mabhaketi avo kuti vasazoisirwa mushonga . Asi chero zvikaoma sei ? munyika haushayi anokuda vaive ne shamwari yavo yainzi Mai Bhule vakanga vane vana vaviri iye Bhule na Ropa . Murume wavo ainge achishanda mhiri saka aiuya kamwe chete pagore . vakabva vasvika zvavo pamba ndokutanga kuvesa moto ndokubika zvavo .Mai Kudzi vakanga vaonda zvisingaiti vakanga voshaya chikafu chakakwana sezvo vakanga vava vanhu vaviri pa munhuumwe chete . Vakabva vasiya Kudzi ariega ndokuenda kuchibhorani kunochera mvura , vari munzira vakabva vasangana ne vamwe vakadzi 2 vaitogara mudunhu iroro . Vakabva vava mhoresa vakadzi vaya havana kukwanisa kupindura vakabva vangoridza tsamwa vachidarika zvavo. Mai Kudzi vakanga vatojaira hupenyu uhwu vakangosiyana nazvo ndokuenda zvavo . Vakadzi ava vakabva vamira ndokutanga kuvanyeya....... 'Ummm svimukadzi isvi zvapera zvechokwadi kuonda kunge imbwa inorarama nemabonzo kudaro ummmmm zvakaoma '. 'Kuti hakusi kushaya nyama here? ka mai kanoroya aka .......... END OF CHAPTER