Mu room maiva namai kudzi maisanzwisisika nekuti zvamaiva zvacho zvaitoda mumhu akashinga. Zvino Mai kudzi vakanga vane simba ravakanga vasingagoni ku controller . Mai kudzi vakafamba ndokusviko bata banga riya nesimba ravo rose banga raiva rakabatwa nechiskeloton chaivamo ... Chinguva chavakabata banga riya vakazoona vave panze pebako kunge munhu airota asi akanga ari ma versoins.Vakada kubatanidza zvavaivona ne zvevaifunga saka banga raivapisa kana pakasava nemukana kune zvavari kuvona so vakaramba vakangobata banga riya... Vakatanga kuona hondo iya yakaitika makore makumi masere (80 years ago), chakaita kuti vanzwisise vakarangarira sekuru Gaurani pavaitaura nezvazvo sooo ivo semunhu aisaziva nezvazvo vakaramba vakabata banga vachida kunyatso nzwisisa.... Mai kudzi vaiona maversions akaitika some years ago vaitofanirwa kushinga nekuti zvavaiva vatanga hazvaikundika.Vakaona vanhu makumi maviri(12) vairwisana munguva yehondo, pavanhu ivavo paiva nemukadzi aivapo aizviti Tumai, Tumai uyu ndiye aiva nemoyo uya wakapinda pana mai kudzi .munguva yavairarama pakaita makakatanwa echinzvimbo chekutonga chehumambo. Tumai akaramba kuti humambo huende nevamwe ndokutanga kwakaita hondo iyi. Mai kudzi vaingoona zvese izvi muma versions vakabata banga ravo .Vaiona panguva yehondo vanhu vakanopinda mukati mebako hombe raiva pakati pesango raiyera vachitevera Tumai uyo aiva atizira mubako . Vakasvika mubako muya ndokuona Tumai akabata banga re gold achida kuzvibaya sezvo akanga ava kukundiwa akabva aisa mhiko yekuti hapana achazotora simba iri kwemakore makumi masere ndipo pachazotanga hondo futi .... Tumai akabva akoka simba rake kwekupedzisira moyo wake wakabva wabuda banga rake ndopaakaribaira padombo kuti pasawana acharitora nekuti ndiro simba rakanga rine connection ne moyo.Panze pakabva patanga kubuda maungira asinganzwisisiki ipapo matombo ndipo paakatanga kukunguruka achivhara bako. Tumai akabva a surrender ndokubvisa moyo waifema ndokuisa padombo akaisa mhiko yekuti munhu achatanga kubata moyo uyu mushure memakore makumi masere (80 years) arikuzofa asi munhu achatevera kuubata ndiye wandicharatidza kuti simba iri rinoshanda sei.... Akabva angonyangarika ndokusiya vavengi vakavarairwa mukati imomo hapana aikwanisa kupinda kana kubuda nekuti munhu wese aivamo akanga asina simba rekubvisa matombo aya . Mhiko yakanga yakaiswa pabako raizovhurika rega kana kuchinge kwapera makore makumi masere (after 80 years) ..... Vanhu vese vakanga vakavharirwa umu hapana akakwanisa kubuda Kwemakore maviri (2 years )vakabva vafira imomo vari gumi nembiri (12)... Zvese izvozvo zvaionekwa namai kudzi vakabata banga riya vakamira panze vachirangarira kuti musi wandapinda mubako maiva nezvimaskeleton zvaivamo but suddenly pavakazodzokera vakawana musisina , musoro wavo wakatanga kutenderera kuti zvino zvakaenda kupi vakatanga kuona sango rese richitenderera vakabatwa nedzungu ndokungonzwa rimwe ziruzha rakaitika panguva yacho vakaregedzera banga riya pasi zvese zvakabva zvanyarara banga riya ndokunyangarika Mai kudzi vakabva vadzokera zvekare mubako muya ndokusviko gara pamusoro pezidombo riya vakatanga kuona mifananidzo yevanhu vaifamba vachiuya kwavari pamifananidzo iyoyo paiva nevakadzi vatatu vavaigara vachiona pese pavaifamba , vakatanga kunzwa maungira emazwi achidedzera kuti tibatsireiwo(help us) Mashoko aya akaramba achiita maungira munzeve dzamai kudzi panguva iyoyo. Vakabva vaona vakadzi vaya vachisvika pedyo vachieredza misodzi ineropa mukati vachisiririsa, vakaramba vakatarisa mai kudzi vese vakaenderana kutaura vachiita kudaidzira kuti tibatsireiwo (help us) pakaita zvekuti mai kudzi vakachinja kuita nyoka🐍 ( Python) hombe hombe yaityisa chaizvo . Nyoka iya yakasimudza musoro ichifembedza fembedza ichiita kupupa nehasha zvino yaishaya kuti zvino naiwayo mashoko evakadzi vatatu avo ndotangira papi nyoka iya yakazobuda mubako ndokupinda musango ikatanga kufamba nesango . Yakasvika pamwe paiva nezviimba zveuswa nyoka iya yakachinja kuita mai kudzi ndokufamba kuenda pachimba chiya pairatidza kuti panogara svikiro , pavakada kudongorera mukati mechiimba nekuti mukova waiva wakavhurika vakanzwa inzwi gobvu gobvu rakataura mashoko okuti.... End of Chapter