Kudzi akabva abuda panze pe bako oda kuenda kumba .Akabva avona ma demons aya akamira kabata zvombo ........ " Tipe zvatiri kuda kana usingadi tokuvuraya ". Kudzi : " Makatondivuraya ne kunditorera mai vangu .Saka hapana chandiri kutya zvangu ". " Ko key yanga iri mubako waiisa kupi ?" Kudzi : " Makaitarisa .Ndini key yacho so anoda key iyi anofanirwa kutanga avuraya ini ". Ipapo kU meso kwa Kudzi kwakapa kwaita makwapa e nyoka kuratidza kuti akanga akutoda ne zve hondo chaiyo ....... "Usativhundutsira hako. Vakawanda vakavuya asi vakazvitadza ". Kudzi : "Ini handisi vakawanda .Ndiri pano so itayi yamuri kuda kuita musati mafa ". "Saka unoti chii chativunza pano kutoda kupedza hondo iyi ". Kudzi : " Imwi muri kuda kuparadza nyika kuti yaita sei ?" " Handisi kuda kuparadza nyika asi ndiri kuda kuti vatinamate chete ". Kudzi : " Kana vakunamatai munotora chii kwavari ?" " Hapana chatombotora ". Virson ya Kudzi yakabva yanyuka ndokubva yapindura ......... Virson : " Nhema Kudzi vari kunyepa vanhu ava . Ndivo vakandivuraya vachida moyo uwoyu". " Handi wakaramba zvatakataura here ?' Virson : " Iwe wavuraya hama dzangu dzese wakutaura kuti ndiku joiner ndikaramba ka ". Kudzi : " Nyaya dzenyu dze 80 years ago hadzina basa tiri kuda dza nhasi uno ". Virson : " Kudzi nyaya iyoyo ya kare ndiyo yaita kuti isu tesew tive pano . Ndiyo nyaya futi nyaita kuti godobori vasataura .Ndiyo futi nyaya yakavuraisa mai vako remember . Ndivo vega wawaiva navo ". Kudzi : " Saka vanhu why vachida moyo wangu ndivudzei varipo ndisati ndadambura musungo ". Virson : " Moyo waunayo isimba rinoita kuti uvhure bako riri ku EGYPT kana usinawo hapana anokwanisa kubatanidza ma keys 2 .Plus moyo waunawo unoita zvaunoda iwe kana ukatora diamond .So vanhu ava vanoda kutora diamond iri voita black magic dzavo ". Kudzi : "Oh sorry black magic sei .I mean vanoishandisa sei ?' Virson : " Vanochinja vanhu kuita zvavanoda .So ivo mission yavo inoparadza vanhu vese manje ". "Ukunyepa iwe ukuda kungovhara mwana ". Kudzi : " Muri kuwanza munamato sadza richipora .Takatanga rinhi kutaurirana ,Kana muchida imwi ndipei key yamunawo then ndoenda kunovhura bako racho then toita zvakanaka zvinodiwa ne nyika ". "No iwe ndipe key ne moyo then tozviita isu ". Kudzi : " Hazviiti cuz ini ndini key yacho yekuvhura bako so kana musingadi deal then die ". Kudzi akabva atanga kuendako .Mvura yakabva yatanga kunaya mugomo iri .Vanhu vakabva vakwira vachida kuvona kuti chii chiri kuitika .Kudzi hapana chainge achiziva ari busy kurwisana ne vavengi ...... Kudzi akabva abata demon 1 ndokurwa naro ndokukurira .Mvura yaimubetsera kusunga munhu then kudzi opedzisa ne banga raive naro .Ma demon aya akavona kuti tiri kupera akabva azviita chinhu chimwe kuti power ravo riwande .Zveshuwa power ravo raive rakawanda .Mvura yakanga yokurirwa kusvika pedyio ....... Kudzi akabva asimudza ma tombo akanga ari pedyo naye ndokutanga kukungurutsira kune ma demonb aya asi zvakanga zvisingashandi .Ma demon ayivuya zveshuwa .Ma demonds aya akasvika ndokurova Kudzi achiwira uko .Kudzi akati achimuka oda kukoka ma powers ake akanga atobatwa pa huro ..... " Ndakuvudza kuti ndipe ma powers aya asi waramba .Handina choice as you said deal or die so die ". Pakabva pabuda banga hombe ndokuda kubaya Kudzi pa huro .Ndipo Kudzi paakakoka simba rake ne nzwi riri pamusoro .Mheni yakabva yavuya ine simba ne noise inotyisa ndokurova ma demon aya achibva awira uko ava ma 1 - 1. Kudzi akasara akamira face yake yazara makwapa enyoka dziri hasha dzaanga aita ....... Vanhu vaikwira gomo vakavata pasi pavakanzwa noise ye mheni yakasungunusa gomo rese .Zvino humbarume dzakanga dzotya kuramba dzichienda asi vamwe vakaramba vakati " Handei tinovona kuti chii chiri kuitika ". Vakakwira vakomana apa Kudzi ari busy kurwa.... Kudzi akabva atanga kufamba achienda kune rimwe demon kunotarisa kuti key iripi . Akasvika pariri mvura ndokubva yarisunga Kudzi akabva atanga kuvhunza ........? Kudzi : " Key iripi ?" : " Hahaha handizivi ". Kudzi : " Then die ". Kudzi akabva adambura musoro uchiwira uko .Hana kuziva kuti vanhu vatosvika vari kutomuvona .... Sabhuku : " Jesoo ndiwe nhayi uri kuita mashiri piti muno ?" Kudzi akavhunduka face yake ikakurumidza kuchinja kuita normal .same time mvura yakabva yaenda vanhu vakashamisa Kudzi hana kukwanisa kupindura ........ Man 1 : " Iwe wanga uchitema muti yese iyi nei ?" Kudzi akabva atarisa iye aivona vanhu vakachekwa musoro asi vamwe vaivona miti yakachekwa ". Kudzi : ' Miti ipi yamuri kureva ?' Man 1 : " Iwe unoti ndopenga here ini .Muti wawakatsika iwowo ". Kudzi akabva atarisa kuti akatsika chii .Iye ayivona musoro we munhu asi ayishamisika kuti ko why vanhu vachiti muti ........ Sabhuku : " Kubva wawisa 6 muti ka 1 wega asi wanga une machine kayi cuz shanhu haringacheki zvakadai ?' Kudzi : " Kwete haisi muti iyi .Vanhu vanoda kuparadza nyika ino ". Man 1 : " Iwe unopenga here .Ukureva kuti miti iyeyi ndiyo vanhu manje ". Man 3 : " Wanga uchiiteyi mugomo wega ?" Kudzi : " Nda nda nda ". Man 1 : " Taura mushe iwe haukakami iwe ". Kudzi : " Ndanga ndavuya kuzovona bako iro rine vanhu vakafiramo ". Sabhuku : " Bako ripi nhayi iwe .Iro zidombo iroro ". Kudzi : "Saka muri kureva kuti hamusio kuvona bako imwi ". Man 1 : " Hatisi kuvona bako isu pane zidombo iro chete .Kana pane bako then pinda ka tivone ". Kudzi akabva ayenda ku bako raayivona mazuva ese ndokupinda . Vanhu vese vakabva vatiza vaona Kudzi angonyura mudombo . Kudzi iye ayivona ari pamukova we bako asi vanhu vakanga vasisamuvona cuz ayinge ayita kunge apinda mudombo ......... Kudzi : " Varivona ka. Pindai muvone hondo yakaitika makare ndiyo hondo yadzoka futi ". Vanhu vainzwa voice ra Kudzi mukati medombo .Vakada kutiza asi vakaramba vakamira . Kudzi akashamisika kuti ko why vasingachatauri nndipo paakabva abuda mubako ...... Sabhuku : " Jesooo ndiwe hako uri kuita mashiri piti aya mudunhu redu nhayi ?" Kudzi : " Hai mashiri piti ndanga ndichirwisana ne hondo inotyisa pano ". Man 1 : " Hondo inotyisa idzo miti idzodzi uri muroi iwe and wakaipa unoroya machema chaiwo ". Man 2 : " Hatigari mudunhu ne muroi isu zviri nani uyende kana kuti tokupisa ". Sabhuku : " Yaaa taurai henyu handei naye kumba kwangu kuna Godobori iwe tora ma pics miti yese iyi ne dombo iro ". Vakomana vakabva vasvuvura makavi ndokusunga Kudzi ndokumusimudza ndokuenda naye kumba kwa Sabhuku . Vakasvika ndokudana munhu wese we mudunhu ndokuvuya padare ....... Sabhuku : " Hama dzangu muroi uya tamubata toita sei naye ?" " Ngapiswe ". Sabhuku : " Zvino kana mese modaro zvinoita here .Uyu munhu ngatimudzingei mudunhu rino ". " Yaaa ngaatobva pano izvezvi tisati tamukanga kanga ". Sabhuku : " Murandakadzi ndiwe uri kuzvinzwira .Hona Godobori zvawavakaitisa so enda hako usadzo .Ukangodzoka chete tokuita inoitya vamwe joni uko .Unosara wava mazimbe iwe ". Kudzi akabva atanga kuchema misodzi yake ichiyerera ndokubva asimuka achinzwisa tsitsi kwekuenda kwakanga kusina .Akabva adarika ne pana Godobori ndokubva abukudza musodzi yake ne ruvoko ndokubva apukudza Godobori ku meso ndipo paakabva asundwa ne umwe munhu ....... "Iwe ibva apa unotoda kuvauraya nhayi xaaa imbwa ye munhu satan we munhu ". Kudzi akabva asimuka achichema kudaro ndokuenda hake .Akatanga kungofamba ne road achienda kwaanga asingazivi kuti ari kuenda kupi ......... After 30 mins Kudzi ayenda vanhu vakanga vari busy kutaura ne nhawu ya Kudzi.Vanhu vakabva vanzwa Godobori vakutanga kukosora .Munhu wese akabva asimuka ndokuenda kwavarei .Vakasvika ndokuwana munhu ava kuvona munhu akukwanisa kutaura ...... Godobori : " Ndokumbiravo mvura ". 1 Munhu akabva amhanya kunochera mvura ndokupasvitsa .Vari pakati pekunwa Sabhuku vakabva vatanga kutaura....... Sabhuku : " Mwari ayita hake muroi tamubata .Dai ari mudunhu rino dai izvezvi vachiri kurwara ". Godobori vakabva vagadzika cup pasi ndokutanga kutaura ....... Godobori : " Munhu wamuri kuti muroi ndavona ma zana nema zana e nyeredzi akamupfugamira . Nyika inop ichaonongwa pasi .Richasara rava dongo pasina munhu achagara mariri .Vanhu vachatanga kunongedzerana kuti iwe umwe woti ndiwe .Ndavona kupoaradzana pa chenyu .Ndanzi ndichirega kutaura zvakawanda so now handidi kupikisa .Ini zvedunhu rino handichadi so ndakuenda dai muri vamwe vaenda kunotsvaka munhu wamadzinga ...... Vanhu havana kukwanisa kupindura vakangoti idzi dzopenga.Umwe akaenda kumba kwake hapana akaisa kana comment ......... End of chapter