Kudzi akabuda panze ndokutanga kunodzeya mashoko akanga ataurwa na Mai vake . Zvino mvura yekutambudzika yakanga yazara pamatama mwana abatikana nezvakanga zvichiitika ... Akatogara zvake panze akabva aona munhu akanga achiuya kubva ku gate ravo Kudzi nekutya akabva amhanya mumba ndokunogara na mhamha vake... Mai Kudzi vakabva vavhunza kuti .... "Ko chii? Chauri kutiza kudaro kwakanaka here ?" "Pane munhu arikuuya mhamha murima manje ndatya ini". Mai Kudzi vakabva vamuka ndokuenda pamukova vakamirira kuti munhu wacho asvike .Pasina chinguva munhu uya akabva abudikira ndokuona kuti ndi Gaurani n"anga yaizikamwa mudunhu iri .... "Tisvikevo pamuzinda handisi kupinda zvangu vesai moto pano titaure". Kudzi akabva amhanya ndokunotora rupasa ne chituro kuti sekuru Gaurani vagare . Akabva atora nehuni kwaitonorera ... "Makadii vazukuru ? Ruregerero henyu nekundishaya kumba asi ndakakuonai hangu asi ndakanga ndiri pasi pe mvura ndichitora masimba nhau yenyu yakakura Mai Kudzi chipo chiri muropa renyu ndechevatorwa .Nhau yechipo ichi yakaitika makore makumi masere adarika (80 years ago) . Hondo yacho yakaperera pa bako ramakapinda . chipo ichi chine varikuchida nhasi uno havasi kuvata . ndaona zvipoko zvichikushungurudzai kuda kuti vawane mukana wekutora chipo ichi .... Ini pano ndauya semubatsiri asi handina chekuita panyaya iyi simba racho rakakurisa kudarika rangu.Makore makumi masere adarika (80 years ago )pabako paya pakanga pane vanhu vairwira kuita mambo mudunhu rekure kure asi mukadzi akaramba kuti hazvingaiti murikuda kupamba simba re murume wangu sezvo ndiri ini ndine masimba pano ndicharwisana nemi ... Ipapo ndipo pakaita hondo mukadzi uya ndokukurirwa moyo ndokubuda pachifuva chake ndokuenda pa dombo ramakautora . Vanhu vaya vakabva vafara kuti vabudirirq ndokuda kubata moyo uya ndokubva wapisa ruoko rwemukuru wavo ipapo bako riya rakabva ravharika .... Hapana akakwanisa kubuda kana kupinda vakaita Makore gumi nemashanu( 15 years) vakangogara kuti vavhure bako asi rairamba . Banga ndiro rakanga riri key kuti bako rivhurike asi hapana akakwanisa kuvhomora banga panombo paranga riri. Saka vanhu vese vakanga vari imomo vakabva vafa ne nzara ndokuorera imomo . "Saka nhai sekuru chii? Chiri kudiwa kuti chiitwe". "Ndosaka ndati ini ndiri mudiki pasimba iri asi imwi hope dzenyu dzichakuudzai ,Makatora simba revatorwa makabuditsa dare rakanga risati rapera rinoda kupedziswa sezvo muri imi matakura simba racho chiitai zvamuri kuudzwa mu hope .... Asi vanhu vaya vakafira mubako zuva ramakatora simba mweya yavo yakabva yabuda mubako ndokuenda ku nyika izvezvi uri munzira kuuya asi uchashandisa mutumbi weumwe munhu saka imi chenjerai wamunovimba kana kutaura naye nyaya ". Ipapo sekuru vakabva vasimuka ndokutora zcavo nhombo dzavo ngumi ne mbiri ndokuwaridza ka chira ndokudira nhombo dzese pasi ndokutanga kutaura.... "Nguva yavapedyo muzukuru mhepo iyi iri kuuya ne masimba iwe dzokera kubako ikoko kwemazuva ugare imomo uchipihwa masimba ,nekuti vavengi ava vakauya usati wakukwanisa kushandisa masimba ako unofa .Vakagara vatora simba riripauri zveshuwa nyika yese inofa ". Sekuru vakabva vasimuka ndokutora mvura yavo yavakapihwa nemasimba emumvura ndokuvakusha ipapo ipapo Mai Kudzi vakabva vachinja kuita Peython ndokuzvipeta . Kudzi paakavona izvi hana kukwanisa kutiza akabva angofenda nguva iyoyo. Mai Kudzi vaida kudzidziswa kushandisa ma simba avo asi havana kukwanisa ,vakabva vachinja kuita munhu sekuru ndokutora mucheka ndokuvavhara sezvo vakanga vasina kusimira . Sekuru vakabva vatora Mvura yavo ndokukusha kuna Kudzi ndipo paakabva apepuka .Kuti azvinzwisise zvainetsa akanga amirira kuti mai vake vamuudze chokwadi chakanga chichiitika. Sekuru vakabva vaoneka zvavo ndokudzokera kumba kwavo .Kudzi asara hake na Mai vake asi hana yairova kuti nhasi ndichamedzewa ... "Mwanangu zvaisava nyore kuti ndikuudze nekuti waisazvitenda ndosaka ndataura kuti anytime from now ndiri kufa simba randinaro riri kundikurira and ma version andiri kuona arikundipedza simba.Handina zvandingaita mwanangu ndikafa ne chipo ichi tinotora mhaka tinofanirwa kupedza hondo yacho ". "Mhamha toipedza sei ? Hondo yacho ini ndiri we nyama imi henyu mune rombo rakanaka mava kuvona zviri mberi plus sekuru vati tisavimba munhu wese wese ko zvandisina maziso ekuona ndichadii?" "Mwanangu chero zvikaoma sei ndichamira newe rega tizorore ndakaneta mangwana ndichaenda kubako kunoswera ikoko handisi kudzoka kusvika ndawana mhinduro izere.Asi ma version aya arikundi pedza simba ndosaka ndichitadza kuona mukadzi arikuuya uyu ndiri kumuonera kure kure". Vakabva varara havo Kudzi akanga asina chekuita Mai vake ndicho chinhu chega chaakanga anacho akazvigamuchira hake . Kuvhumuka kwaita Mai Kudzi kwakanga kusiri normal Kudzi akatoshaya hope ndokutogara zvake akavaringa achifunga zvakawanda wanda.... Makuseni Mai vacho vakamuka ndokumuwana akatorara hake pa chair vakabva vamusimudza ndokumubvisa mumachira ndokuenda havo ku gomo .... Vaingoti vakakwira gomo iri ropa ravo raitanga kumhanya vhudzi richitanga kumira kuratidza kuti nzvimbo iyi yakanga yakaipa . Vakabva vasvika pa bako ndokuwana pane matsimba tsimba akawanda se munhu aityawo vakada kudzokera asi moyo wavo wakaramba ndokubva vapinda mubako muya .... Kumadziro kwakanga kwakanyorwa nechimwe chirudzi chakanga chisingaverengeki chaitoda munhu ane masimba vakafamba havo vachienda kwakanga kune banga ndokusvika ndokuwana havo banga riripo . Vakati vachida kubata vakaita kunge munhu arohwa ne makagetsi ndokuriregedza nekukasika .... Vakabva vatanga kutarisa dombo pavakatora moyo uya ndokuona pane buri rakanga rakati kurei asi munhu akanga asingakwani. Vakabva vatanga kuda kutsvaga zano rekuti vapinde asi pakanga pasina rimwe kunze kwekuchinja kuita nyoka . Vakambomira kwenguva yakati rebei asi vakanga vasina choice vakabva vatanga kuzvirovera pasi kuti vaite hasha vakwanise kuchinja ,pasina nguva vakabva vachinja kuita nyoka ndokupinda mumwena uya wakanga wakareba vakabva vasvika vachiwira pa musoro pe box hombe rakanga rime ndiro dze gold ne mari yakanga yakazara imomo .... Imba yavakawira yakanga yakati kurei asi makanga makasviba kuti ndooo hapana chavaikwanisa kuona .Vari pakati pekufamba ipapo pachifuva pavo pakatanga kuunza Chiedza mu room iyoyo vakati vachitarisa ndokuona chituro chegold pane skeleton yakanga iri ipapo yakabata banga rakanga rakakura ... End of chapter