Kudzi akabva atanga kutaura ne dzimwe ndimi dzakanga dzisinganzwisisiki . Chifuva chake chakabva chabuda moyo uya uri mudenga ndokuupa Ba Pee vaya ..... Kudzi : " Ndakupai moyo wacho chindipai mai vangu ". Ba Pee : " Hahaha ndakazviziva ini kuti uyu ndiye akapusa manje .Uri kuda mai vako kunani ". Kudzi : " Inga ndakupai moyo wamuri kuda wani ". Ba Pee : "Yaaa handina mai vako ini enda zvako sorry and simba hauchisina ". Kudzi akabva atanga kuchema hasha dzanga dzamuzara manje face yake ikabva yandanga kuita makwapa e nyoka .So Ba Pee vakashamisika kuti simba ari kuriwana kupi .... Ba Pee : " Ko simba uri kuriwana kupi ?" Kudzi : " Uri kufunga kuti ndakapusa ini .Ndine simba right yaaa ndakupa fake moyo ". Ba Pee vakabva vatarisa moyo uya .Vakabva vaona wakutanga kufufunyuka wakanga usiri moyo we mashuwa Kudzi akanga aita kunge ndiwo. Ba Pee vakabva vatanga kuchema cuz vanga vakuziva kuti vatomosha vakabva vatanga ku kumbira ruregerero ..... Ba Pee : " Haa sorry ndoziva kuna mai vako ndanga ndichida kuvona kuti unodii chaiko ." kUDZI : " Ukufunga kuti ndinopenga ka right iwe ndiwe uchavudza vamwe ". Kudzi akavha amhanya kwaari Ba Pee vakada kumhanya asi Kudzi ayimhanya zvisingaiti . Akabva avabata Ba Pee ndokuwira pasi vachikumbira ruregerero apa Kudzi akanga akaita kutsamwa zvisingaiti ..... Kudzi : " Sorry ini handisi muvengi wangu kumasure so bye ". Kudzi akabva abata muromo wavo ndokuvhura muromo ndokupinza ruvoko ndokubudisa demon rakanga riri pana Ba Pee ndipo paakabva achonja kuita nyoka ndokurisunga richichema richizama asi kuti akanga akasunga apa mutumbi wa Baba Pee wakanga wakavata pasi vakati zii .Kudzi akabva avuraya demon iri kuita mafufu hapana chakavonekwa . Akabva adzokera kuita munhu zvakare ...... Kudzi akabva avona mukadzi ayive boss rema demon ari kure ndokutanga kutaura .... Kudzi : " Taura zvawavinga kana uchida kurwa neni ndiri pano izvezvi topedzerana chero muri 10 handinei nemwi makadya mai vangu ". " Mai vako vakaramba ne chipo so takanga tisina kana choice .Plus iwe wavuraya umwe wedu zvavharana saka vuya titaurirane ". Kudzi : " Uri kuvona kunge ndiri munhu anoda kuti titaurirane ne nhema dzamuri kundivudza .Manje matuma munhu akapusa izvezvi mutumbi uyu wafa vanhu vachati ndiani ". " Ini handizivi asi chandoziva kuti mai vako variko asi handisi kuzokuvudza kusvika wavuya ne zvatiri kuda ". Kudzi hanakuwana nguva yekuvhunza cuz mukadzi uyu akabva atoenda .Kudzi akasara akamira akangotarisa ba Pee vakarara . Akabva avona kuti munhu hasi kumuka akabva amusenga nema powers ndokuenda navo kumba kwavo .Akabva avabata chifuva ndipo pavaskabva vapepuka Kudzi ndokuenda kumba .Achisvika pamba akabva avona virson yake yakamira pa door .... "Ndati ndikusiye ndivone kuti uchadii asi ndafara zvikuru nekungwara kwako ". Kudzi : " Handina kungwara ini asi ndovonera chete . Ndoda kuti mundivudze kuna mai vangu otherwise vanhu ava ndichavapa zvavari kuda .So mai vangu varipi ?" " Ndanga ndisingadi kukuvudza asi handina choice cuz ungatonyengereka ukapa vanhu ava power . Mai vako variko mai vangu varipo ini wacho ndiripo asi mweya wangu ndiwo uripano". Kudzi : " Handisi kunzwisisa ". " Yaa hazvisi easy kuzvinzwisisa asi tiriko asi tiri muchizarire mune moto unopisa ". Kudzi : " But hapashaikwe plan ka kuti mubve mumoto imomo ". " Plan imwe chete hakuna imwe ". Kudzi : " Plan yakaita sei iyoyo ndiite ?' " Mwedzi wasara uyu ukakwanisa kudzosewra diamond patsvimbo tinokwanisa kudzoka asi ukatadza hatichafi takatoka futi ". Kudzi : "Saka mukureva kuti mai vangu variko ?" "Yaa variko vari kukuvona and varikungochema kuti ukwanise kupedza mhiko idzi zvipere zvachose ". Kudzi : "Saka regai ndiende kunorwa ne vavengi vacho ndiende kunodzosera diamond iroro izvezvi ". " Chete mhiko yangu haidi wega plus power rako ishoma pane umwe mukomana achakubetsera uchamuvona hako nguva dzinotevera ". Kudzi : " Chinguri makati pane mukomana what what ko ndiani mukomana wacho asi ndi Bule here ?' "Kwete hasi mukomana iyeye hasi munyika ino iwe tanga watora key yekutanga .Kana wava nayo wochiendakwaari ne banga riri mubako then ndichakuvudza kwekuenda ". Kudzi : " Ko imwi maiitirei mhiko dzakawanda wanda kudai ?' "Virson yangu yakanditi ndidaro kuitira vma demon asavona ". Kudzi : " Saka mukomana wacho anonzi ani ". " Mazita akawanda ari pa nyika pano saka chero ndikakuvudza hauzozivi kuti ndiye ". Kudzi : " Ok chindivudzai zita chete then face muchazondiratidza kana ndava ne ma keys acho". " Ok mukomana uyu anonzi Justice ane simba rinotyisa kudarika iwe asi hasati azviziva and zvichatora nguva cuz hapana achamuvudza kunge kwako ". Kudzi : ' Ko munodii kuenda kwaari momuvudza ?' " Mhiko yangu haitenderi kuti ndiende ku munhurume .Ndiwe wega unondivona asi kana uchida kuti vanhu vandivone ndiwe futi unoita .Ndiri kuvonas kuti kwaedza nhasi pane kurwisana kuchaitwa kurovona chaiko asi usazviratidza zvauri ". Kudzi : "Ko Baba Pee havazozivi zvakaitika here ?" "Hapana chavanoziva asi muviri wavo wakaneta vachangovuyavo havo kumusangano asi hapana hapana ". Virson iya yakabva yaenda Kudzi ndokupinda mumba kuti ambozorora zvema 2 mins ozoenda kumusangano . Power ra Kudzi raimutendera kuti azvi copy kuita iye asi asiri iye .Vaita vana Kudzi vaviri pa nguva 1 so hapana ayiziva ....... Makuseni munhu wese akamuka ndokugeza ndokugadzirira kuenda kumusangano .Kudzi akabva apepuka achinzwa kuti hasi kukwanisa kufamba chaiko cuz akanga ava ne nguva achingosimbiswa basa rakew .Akabva avhara door ari mukati ndokuzvi copy ndokuita umwe Kudzi iye original ndokusara akazorora . Asi zvese akanga achizvivona zvichiitika .... Akasvika pamusangano ndokugara vamwe vanhu ndokuvuya .So godobori vakati nonokei kuvuya sezvo vaibva kure plus vakanga vati kurei .Vanhu vakagara vachitaura nyaya kusvika zuva rakwira ndipo pakasvika Godobori uya ane hukasha yekunzwa simba apa akanga achingotaura zvisinganzwiki . Hapana munhu akakwanisa kutaura nyaya iyi asi Godobori vakanga vaivona kare .Ayive munhu ayizikanwa nyika yese panhawu yekushopera ..... AKabva atora rupasa ndokuwaridza pasi ndokubudisa zvinhu zvake .Akabva atora tsvimbo yake ndokutanga kutenderera vanhu katatu . Apedza ndokufunya rusero parupasa rwake ndokutanga kutaura vanhu vakaterera......... Godobori : " Nhawu ndaivona kwayabva asi ndiri kunzi ndisataura .Hama vadiwa ndanzi dzokerai kudzimba dzenyu mudunhu rino mamira kuipa .Pane vakadzi gumi ne vaviri vapfeka dunhu rino ne mweya wakaipa .Ndavona vachinja pfungwa dzenyu kuti mupande nyika yese .Nhawu yakatangira ku mhiri kwe makungwa ikavuya ikaiswa pamusoro pe gomo renyu .Manje pane munhu akayivhukundura munhu iyeye ndiye ayita kuti ropa re vanhu ridevuku .Asi munhu wacho ari mudunhu rino uye ari pano ". Vanhu vakabva vatanga kutarisa kuti angava ani .Sabhuku vakabva atanga kutaura...... Sabhuku : " Tinotenda changamire nhawu tainzwa and totenda kana munhu akavhukunyura nhawu iyi ari pano . Tanga tichikumbira kuti mumubata kana kutaura zita rake ". Godobori : " Sezvandareva kuti zviri kunzi ndisataure nyaya iyi ". Sabhuku : "Tanga tichikumbiravo kana munhu uyu abatwa .Tichakupai mombe 25 iye acharipa hake ". Godobori vakabva vanzwa manyuku nyuku e mombe dzakawanda kudai . Vakabva vada kutaura munhu wacho vakabva vanzwa voice richitaura .... Voice : "Kungotaura chete ndichakudzosa kuita mucheche not body asi pazvese chaipo siyana ne nhawu iyi haisi yako ". Godobori pavakanzwa voice iri vakabva varidza chikwe vachitaura ....... Godobori : "Never ndini gara dziva svikiro hombe munyika ndoda kuvona simba rako ini .Muroi ndiri kuzomutaura pano kana zvanetsa ndichamubata ..... Vanhu vakabva vashaya kuti Godobori varikutaura nani .Apa Godoboti vaitoenda ku side kwakanga kuna Kudzi . Oda kutaura zita akabva anzwa asisagone kutaura .Akazama kuda kuti Kudzi asi zvakaramba vanhu vainzwa kuti " hoooooooooooo ". Vanhu vakabva vavhara nzeve cuz noise yacho yakanga yakawandisa . Godobori vakabva vaona kuti pano ndakurirwa vakabva vada kuita zvekubata .Vakabva vatanga kufamba maziso ndokusatanga kuvona ndokusvika bachibata rimwe zirume raive bhuru chero kuchikorokoza vairiziva .Apa Kudzi ayeve kumasure kure chaiko .Godobori vakabva vatanga kungochema neka voice ke mwana ........ Vanhu vakasimuka ndokumira vakushaya kuti chii chakuitika manje .Pane vamwe mai vaive ne zvivindi vakabva vatanga kutaura ...... Mai : " Aaaaa chii chaitika pano bhuru iwe taura chokwadi ndiwe wabatwa na Godobori vakatadza kutaura zvese ne kuvona ". Vanhu vese vakabva vangobata muromo kuti zvivindi zvavo kudenha bhuru nezvei .Bhuru akasimuka akatsamwa ndokusvika kupa mai vaye zvigwati vachiwira pasi .Bhuru akanga atanga ma 1 mukadzi akarohwa anobva atowedzera .Mai vaye vakasimuka ndokutanga kupopota ........ End of chapter