Vakanga uri muwesaturday makuseni-seni munguva dza10am Mangwanani, apo Muchaneta akanga achikwidza mukwidza wekuenda pamba pavo nemurume wake, Tozi. Anotura mafemo nekupukuta dikita raive razara nekuyerera pameso ake. Zvaitomunetsa raiva zuva rudzii raipisa mangwanani, kuita kurova panongonya chaipo, akadaro akanga aneta nekukwidza mukwidza, asi aiti akangofunga murume wake chete, smile yaita kumeso kwake yaisvika kugotsi nekuda kwe mufaro. Kana naye Tozi aiziva anodiwa zvisina fungira kana kuudzirwa neumwe munhu. Haana kuona akanga asvika pamba nguvai Muchaneta nekuda kwekufamba ndangariro dziri kumurume wake aiva kumba. Anosvika kumba anoona hutsi huchipwititika, huchibuda nemukitchen muimba yekubikira. Anofunga zvimwe imba yakanga yotsva , ano tura mafemo nekutanga kutaura ega pasina umwe munhu. "ari kubikei zvinoita hutsi hubude mumba zvakadai?,zvaTozi veduwe zvakatooma izvi." Akatarisa broiler raiva muruoko rwake, mufaro uchiwedzera. Tozi aifanirwa kuenda kubasa mangwana makuseni-seni, Muchaneta akanga afunga kukangira-kangira murume wake kambuva kokuisa mulunchbox kuti azowana chekufambe achidya munzira. Broiler iroro ndai fanira kuzorishandira kuchera makomba kwaChitiyo kwaakanga abva naro. Zvaisava nebasa kwaari izvozvo, as long ambofadza murume wake. "Hesi mhama," Tozi akatambira mudzimai wake, moyo uchifara. "ndanga ndichitoda kubuda ipapa ndikakuona uchisvika. Ndoda kunowedzera mvura, at least ndikakusiya une yakati wandei unomboita mazuva nayo. Babe dai usiriwe zvechokwadi ndairamba, andidi kukusiya wega ini." akadaro Tozi arereka musoro nekusuwa. Mucha akasekerera ndokuti, "anditi uri kuenda kubasa here, ndokuti hupenyu huendeke. Plus ukatanga kushanda zvinenge zvava kufamba zvakanaka, unouya wonditora tese naRudorwashe mwana wedu. Tototi Mwari akanaka ivo bamukuru vakakuwanira basa, nhamo yepano yanga isichaite." "Ndizvozvo hazvo but kugara kure nemhuri yangu kwakaoma ndinonzwa kusurukirwa kukuru, Ini ndajaira kugara ndichiiona zuva nezuva. Zvichandiremera, Uye ndava kutoenda ndisina kunoona mwana kwMbuya vake kwaari, zvinhu zvacho zvadzoka zvondiwandira." Mucha akagara pasi ndokuti, "hazvina basa babe, uchamuona wadzoka, zvoita sezvonzi hauchadzoka sei. Ndichamuudza kuti daddy vaenda kuno tengera masweets, unomuziva kuti anomada sei." Tozi akasmile achigara parutivi paMucha apo aimubatsira kupukuta ziya raiva razara pamuviri vake ndokuti. "Ndichamuunzira hangu. Saka vabvuma kukukweretesa broiler ka? Mbuya Chitiyo kutoona unaro kudai." Mucha akakasira kugutsurira musoro achinyepa asi Tozi haana hake kuzvifungira ndokuti, "inga vaita basa. Ndichingosvika ndichatoita kuti ndiwane mari yavo ndikutumire ubhadhare. Handidi unetswe nevanhu nenyaya ye zvikwereti, I know you don't like it." Panguva iyoyo panoita knock padoor, Pitirosi, mukoma waTozi anga auya. Muchaneta akadaidzira oti "come in." Pitirosi akagadzirisa pahuro pake kuda kudavira kuti apinde mumba,akapinda ndokugara pachair yaiva nechekudoor. Tozi akasmile asichagona nekufarira mukoma. Ko aigotadziswa nei, vaimuona Pitirosi vaiti ane rudo runotyisa. Baba yacho yaiva yakangwarira utsotsi iyoyo. Ziso raitsinzinira tsinzinira zvenhema richiteya Mainini, apedza ipapo akamedzera mate. Zvese izvi hapana aizviona, vaingoti zvinhu zvakarongeka. "Ndati ndizokuwedzera mari yebus, ndakanzwa uchichema paya ndikati mwana waamai vangu veduwe." Pitirosi anodaro achibudisa $10 muhomwe ye worksuit yaanga akapfeka. "Ndanga ndatokwereta ini mukoma, mazvinetserei. Moti kundiwanisa basa moti kundipazve yebus." Tozi akanyepera kuramba. "Hazvina basa munin'ina, what are brothers for. Unoziva wani, I can do anything for you." vakaibudisa ino nekunyepera smile, Tozi nekusaziva moyo wofara. "Chisiira Mainini yawakwereta yacho vazodzosera, kana kuti vozoshandisawo zvishoma zvinoda kubatsiridzwa mumba. Iwe wochitora iyi yakabatana iyi." Tozi akafara achipiwa mari namukoma vake, ko haana chaive aziva? Apana zvaizivikanwa. Akabudisa $5 yaainge akwereta kumuvakidzani wake achida kututsira yebus ndokuipa mukadzi ndokuti agowedzera sugar. "Ndanga ndichida kutobuda mukoma pamasvika, ndoda kuwedzera mvura. Zvainocherwa kure kudai handifariri Mucha azotambure, mukwidza wekuuya pano uyu munongouona zvavakaita." Tozi akawedzera bundu pamoyo waPitirosi uyo akatsonyera ziso nekusvotwa. Akasekerera nhema ndokuti, "matogona bamunini, chirega ndikubatsire ukasire kuzorora, rwendo rurefu mangwana. Number dzemurungu hanty wakachengeta, woita kuti kafoni kako kave nemoto kasazodzima. Mainini tinosara tichichengeta, ndosaka ndiri panozve. Unongopota uchifonawo kwandiri ndovapa motaura. Usarase mhuri yako munin'ina wangu." Tozi akasimbisa kuti haafi akaita shura rakadaro. Mucha aisazomusiya, akanga akarairwa zvaakanzwa musikana (Muchaneta)wake weku Masvingo, Bikita, akanga akatora moyo wake mudhorobha reHarare. Those days Tozi akanga achiri kushandawo kabasa kari nane. Ako kakazongopera zvisina tsarukano, nanhasi akanga achiri kuzvibvunza kuti what happened. Kubva rapera kana netupfuma tushoma twaakanga aunganidza twakatanga kungotsakatika,zvisina anoziva kudzamara adzoka kuzogara kumusha nemhuri yake. Rudorwashe akazotorwa naMbuya vake apo Mai vake vamubvisa pamukaka(kurumura), nhamo yacho munoti yaimboda zvevano yamwisa here. Chaifadza Tozi ndechekuti Mucha haana kubvira aneta kana kuda kusiya imba yake nekuda kwenhamo. Zvaitoita sekuti rudo rwavo rwaitowedzera kupisa. Vaizikanwa newemunharaunda yeMutoko mavaigara kuti nditsika nditsikewo vaviri ava. Zuva rakazowira Tozi azadza madrum matatu avaiva nawo nemvura yekuti Muchaneta agoshandisa kubikisa nekuwachisa. Akatarisa bakwa rehuni raanga ava nemazuva matatu achiunganidza akanzwa mufaro. Aiziva kuti kuzoona zvese izvi zvopera pamwe mwedzi unenge woda kuperawo ava pedyo nekutambira kuti adzoke kuzoona mhuri yake. "Inga wamira mira, ndongosara ndichichera yekumwa chete apo neapo. Yemuma drum ainwike ndingamhanye nemudumbu." Muchaneta akadaro vaviri vachibva vaseka vakatarisana. Vakapinda mumba uchingova mufaro apo vakaenderera mberi nekugadzirira rwendo. Rudo rwaipisa pakati pavo, asi chemusi uyu ungati zvainge zvakawedzerwa. Ndiko kaiva kekutanga kugara kwakasiyana kubva zvavainge varoorana. Vese vaiziva kuti zvaizovanetsa kujaira asi zvaida kushinga. Usiku hwese vaingosimbisana vari vaviri. Vachipanana zvitsidzo zvekuti havaizofa vakasiyana, vaizobvumidza rufu chete kuti ruvaparadzanise. Makuseni akatevera Tozi akamukira kupakata kabag, oda kupinda parwendo. Mucha akatombobudisa tumisodzi twekusuwa ,asi akakasira kutupukuta nekuti aiziva kuti Tozi aigona kuzochinja moyo. Kugara nekugara yaiva weakness yake iyoyi, aisada kuona mudiwa wemoyo wake achichema. Mucha akazvipira kushinga, ndiye aiva akurudzira kuti murume wake aende kubasa. Hoping kuti maybe upenyu hwavo hungadzokera pakare paye, vachiri Harare. Mufungo uyoyu wakaita kuti anzwe kufara apo akapa murume wake hug. "I will miss you my love," akayemerera ari pachest paTozi. Iye Tozi nesmile akanga asisagoni, this was his wife, his heartbeat and his forever. He placed a kiss on her forehead ndokuti, "You are my forever, I love you mama." Pitirosi izvi aizviona ari nechekure, moyo ukaenda kure kure. Akanga anonokerwa nekuti Tozi aende, kubata bata kwaaiita mukadzi wake kwaimurwadza kusvika mumwongo. Tozi naMucha vakavhunduka pakasvika Pitirosi uyo aiti akanga auya kuzoperekedza Tozi kunokwira bus. Tozi akapa mukadzi wake kiss nehug kekupedzisira ndokuti, "ndokuda wanzwa, I will miss you and I promise, ndouya ndokutora." Pitirosi akakosorera otarisa kuside apo Mucha akatanga kunyara nyara achibata bata zambia rake. Tozi akabva aseka otanga kufamba mukoma vake vachitevera. Moyo wake waiva usina hawo kugadzikana asi akangoti zvimwe kusafarira kusiya mhuri yake kwaakanga oda kuita. Munoti dai aiziva kuti aya ndiwo akanga ava magumo erungano rwavo aidei asina kuchinja fungwa here? End of episode