Mazuva aiva afamba, upenyu huchiwedzera kuomera Muchaneta. Svondo rakanga rotoda kukwana asingazivi kuti murume wake aiva pai. Pitirosi neuku aimushaisa peace. Zuva nezuva vainetsana Pitirosi achida kurara nemukadzi wemunin'ina. Mucha akanga otya chero kubvunza Pitirosi kuti Tozi aiva akafamba sei nekuti nyaya yacho yaiguma yava munyaya yekubvisana hembe. Zvakaramba zvichimudya moyo kusvika aenda kumuvakidzani wake kunokumbira kufona. Dzaingova shungu, phone yaTozi yairamba zvachose kupinda. Akaendako kwetwo days achiedza zvichiramba kusvika apererwa. Ainge ati akasvika zvekare pakuenda kwavamwene vake kunonzwa kana Tozi akambovafonera,asi vaitochemawo kuti haana kubvira afona zvekare moyo wavo wainge usisina kugadzikana. Vakambenge vatoti atore Rudo andowana wekutandara naye asi akaramba zvakangwara achiti, "nestress yaTozi yandinayo mhamha ndingatoremedza mwana. Ndichazomutora next week." Akayeva mwana wake aikura chaizvo, kugara naMbuya kunenge kwainakidza. Akazooneka odzokera kumba kwake,asi stress yaTozi yaingomudya moyo. Zvese izvi zvaiva mundangariro make akabata rushaya achifunga murume wake. Pekubata chaipo akanga asingachazive. Ainge azvipira kunobvunza bamukuru zvekare kumba kwavo.Asi ainge amboenda akavashaya. That same moment akavaona vachigurisira nemumunda vachikamhinha vachienda kumba kwavo. Akatombonetseka kuti vaiva vaita sei gumbo but akazvi ignore. Akasimuka achimonera zambia oenda kumba kwavo. Sevanhu vaiva vakagarisana haana kunonoka kusvika. "tisvikewo bamukuru," Muchaneta aimhorosa Pitirosi uyo aikamhinira achipinda nezvihuni mumba. "Svikai mainini, mogotyei pano pamba penyu. Iko kutsvukira uku adzimai, muri kungondisungira play henyu. Asi makabatana mainini." Pitirosi akadavira achiwedzera kuuna una face izvo zvakaita kuti Muchaneta ati pamwe bamukuru vake vairwara. "pindai zvenyu mumba, ndoda kuvesa moto ndikwatise mushonga wandauya nawo uyu hii nyama dzangu dzadzimba. Kuda kusuwa mwana wamai vangu." "chiregai ndikubatsirei. Ndanga ndatouya kuzonzwa kuti hamusati mangonzwa kubva kwaari nanhasi here. If it's possible mundipe number dzevarungu vake ndifonere ivo. Moyo wangu nekugadzikana hauchina." "ahh ndazotaura naye masikati, ndanga ndichitoti ndichauya kumba. Mira ndibhipe ati ndibhipe agofona mutaure." Pitirosi akanyepera kutsvara tsvara mupocket maaiziva hake kuti hamuna chiro ndokuti, "ndinenge ndasiya foni kubedroom kwangu pabed. Chivesa moto usiye ndichidziya muviri wangu uri kupinda chando. Kana wavesa wondotora foni uuye nayo, rega kusuwa ahhh zvaMainini veduwe. Munoti anooneiko murume mukuru. Kudaro here, Mucha nemufaro wakanga wazara mumoyo. Nguva yekutaura nemurume wake yanga yakwana. Akavesa moto nekukasira achiisa huni dzakawanda kuti bamukuru vadzirwe. Achipedza akasekerera achienda kwaakanga anzi ndiko kune foni. Akabuda mukitchen onanga kubedroom. Imba yaiva nebedroom yacho yaiva 3 rooms saka akapfuura nemune imwe room onanga kubedroom. Achisvika kuya akati patara patara kutsvaka foni asi aisaiona. Achiri paya akanzwa musitiing room maakange apfuura namo makuridzwa music nevolume yaivharisa nyika yese, zvakatomuvhundutsa. Paakada kufambisa kunoona chaiitika bamukuru vainge vatosvika paari vachimubata. Achiri mukuda kuedza kubatanidza zvaiitika achitova busy kuvaudza kuti haasi kuona foni akanzwa ava mumhepo asimudzwa. Pitirosi akazhinyira nhema achitsveta Mucha pabed achikwira padenga pake apo akaita fast fast kumundonyera madhende mumuromo nekumusunga maoko. Mucha akanga achiedza kurwisa, asi simba rakapera. Ainge asungirwa maoko pabed. Akazongopepuka hembe dzabviswa uku misodzi ichingoerera. Pitirosi akasekerera ndokuti, "uri wangu iwe, Tozi akasiya ati ndichengete mhuri yake. Hauzivi chivanhu iwe wakaita sei, ndakakusiirwa iwe." Akadaro achibvisa hembe dzake nekukasira zvekuti chero Muchaneta akashaiwa kuti murwere uya azopora nguvai. Iyi yakanga isiri nguva yekufunga izvozvo. Akaedza zvese zvaaigona asi semunhu aiva akavharwa muromo chero mhere haina kubuda. Aingoerera misodzi chinyararire apo Pitirosi aigomerera ari pamusoro pake. Mucha ainzwa shungu nekurwadziwa nezvakanga zvichiitwa nababamukuru vake. Akademba chaakanga akurudzira murume wake kuti aende kubasa raakanga atsvakirwa nemhondi yemukoma inonzi Pitirosi. Pitirosi apedza akapukuta ziya achibva pamubhedha ndokumbopfeka kwava kubuda panze. Akaringa ringa kuona kuti hakuna vanhu vaiuya kumba kwake here. Ava nechokwadi akapinda mukitchen ndokumwira mvura odzokera ku bedroom. Kwainge koita kuchisviba manje. Akadzisa volume yeradio kuti asaramba achiitira vavakidzani ruzha. Mucha aiva akavharwa muromo saka hapana chaakanga achatya. Akavhara door ndokudzokera futi kwaakanga asiya Mucha uyo akanga achiri kuchema. Akabvisa futi hembe opamhazve kuraper mukadzi wemunin'ina wake. Apedza anzwa kuti agutsikana akabva amusunungura ndokuti, "unongochemawo iwewe, hauna kunakirwa ipapa? Usatya ndokuchengeta ini." Muchaneta akati achingobuda pamba paPitirosi haana kuenda kumba kwake. Umwe moyo waida kuti anange kwavamwene asi kwakamuitira kure. Aitya kuti zvimwe Pitirosi achatevera saka akabva ananga kwaSabhuku, ndipo paiva pedo. Achisvika kuya akavapira nyaya yake mukati memisodzi. Sabhuku vakati nyaya yaizotongwa zuva raitevera. Mudzimai vaSabhuku vakazomupa pekurara. Usiku hwese aingochema achifunga murume wake nenyatwa yaakanga akamusiira iyi. Pamoyo pake paiva nebundu rainge roita richimutadzisa kufema. Zuva rakatevera vanhu vakaziviswa kuti kwaiva nedare. Tobias uyo akanga ari sahwira waPitiros akandoudza Pitirosi zvekurara kwaMucha pamba paSabhuku. Tobias aiziva nyaya yaitambwa naPitirosi. Zvese zvekurwara nhema izvi ndiye Tobi aiva akafurira Pitirosi achiti iye zvaiva zvakamushandira paaida kurara nemukadzi wemuvakidzani wake. Uyo hake haana kundo reporter asi akatozobvuma kudanana naTobi zvisingazivi murume wake. Pitirosi relationship yacho aiiziva asi aisataura nekuti vaiva masahwira. Time dzedare dzakakwana vanhu vakaungana. Nyaya yaMuchaneta yakaiswa mudariro iyo yakato shocker vazhinji asi kunyanya vamwene vaMucha. Akanzi ataure nyaya yake sekuudza kwaakanga aita Sabhuku. Mucha narrated zvese zvakaitika kuvanhu vaiva padare, misodzi yeshungu ichierera. Achipedza kwakapiwa mukana kuna Pitirosi. Pitirosi uyo aiva akapfeka dutu remabhachi akarerekera musoro achiita sekuhutirira. Akakumbira dare kuti ataure akagara pasi nekuti aisanzwa zvakanaka achibva abvumirwa. "Ndagumirwa muchindiona ndiri pano kudai hama dzangu, handina mashoko. Zvokwadi vakati tsitsi dzinotsitsira vaireva idi. Mhosva yangu ndeyekubatsira munin'ina wangu here nhai Mwari wangu, mandifungireiko baba vari kudenga." Akanyepera kupukuta misodzi ndokuti, "ndiregerereiwo hama dzangu moyo wangu wakaremerwa. Ndichati taurei muchidimbu, simba handina ndiri murwere. Mainini chokwadi vakasvika pamba pangu zuro kovira. Ndaiva ndichangobva mhiri kwandainge ndafambira zveurwere hwangu huri kundinetsa. Ndaiedza kuvesa moto vakatonditi endai munovata ndikukwatisirei mushonga wenyu ndinouya nawo. Ndakati itsitsi, ndikanovata. Pasina nguva ndakanzwa mhanzi yorira mumba mangu ndikatoti nechemumoyo Mainini vafungeiko nenoise. Pasina nguva vakapinda mubedroom mangu ndokutanga kubvisa hembe. Zvikanzi bamukuru makadzinga murume wangu maiti ndinosara ndichiita nani. Ndaiti kuda kutamba dzamara vatotanga kubvisa hembe dzangu. Simba rekuvarwisa ndaiva ndisina, ndinotovawo murwere chero nemi muri kuzviona. Zvekare ndiri munhuwo ane ropa hama dzangu hapana zvandanga ndichaita, ndakavasiya vakadaro. Dambudziko vakaramba vongoita uku ini nyama dzairwadza. Dai pasina kusvika Tobias uyu aida kuzoona kuti ndava sei nemuviri pamwe dai ndakafa zuro. Ivo vakabva vatiza havo, ndiri kutoshamisika kuti vakavata pano nekuti...." Pitirosi akatanga kukosora kosora achiita seanomindura meso seoda kudonha. Tobias aiva padhuze naye akabva amugamha ndokumuradzika pasi. Maziso evanhu akatanga kuenda kuna Mucha uku vanhu vainge vopopota kuti ainge azviitirei kurevera munhu nhema. Achiona izvi Muchaneta akashamisika, saka vanhu vainge vatobvuma nhema dzaPitirosi? Dzakanga dzataurwa nabamukuru. Misodzi yake inotanga kubuda asina amwe mashoko akataura pakabvunzwa nehama dzaTozi.