Rufu rwaFebhi rwakavhundutsa weruzhinji vakasara vane kushushikana mupfungwa nemumoyo nekuda kwerufu,asi paiva pasina zvekuita nekuti yakanga yadeuka haidyoreki. Zvainge zvatoitika, chaingodiwa kutambira zvakanga zviripo nekuti Mwari vainge vaita kuda kwavo. Hama dzakauya kuzoungana pamusha pavairoja kuMagwegwe North muBulawayo. Vabereki vakasvika pamusha uyu kunze koedza machongwe onzwikwa kukukuridza, vekwa Moyo. vekwa Moyo kusvika kwavakaita vachiudzwa nekunzwa mafambiro akanga aitika kusvika mwanasikana azofa ivo nekuona kwavo zvaiva zvakakodzera kuudza mhuri iyi kuti mwana wavo Febhi ainge achizovigwa kumusha kwaMutoko zvekare nekuti ndiko kwavaiva vakavaka kwaiva zvakare kumusha kwavo kwemurume. Ainge asina hake kuwanikwa kure nemumusha maakaberekwa. Vanhu vainge vaungana kumusha vachichema vamiririra chitunha icho chainzi chaizosvika mangwana acho. Vanhu vaingochema nevana vake vaainge asiya vachiri vadiki. Vamwe ndivo vainzwira mai Moyo tsitsi kuti vainge vasiirwazve vamwe vazukuru vasina mai. Mai vemurume waFebhi vainge vakatungamira zvichireva kuti ivo mai Moyo ndivo wega mbuya vainge vasara nevazukuru ava. Vaiva Bulawayo vainge vari mushishi kumhanyisa mapepa emufi semunhu aiva neNyaradzo. Vechurch yavo yavaipinda yeMethodist vaibatsira nerimwe divi, izvi zvakaita kuti vanhu varerukirwe. Vekwa Moyo sevanhu vainge vakafaswa nematambudziko asingagumi mumwedzi mishoma yainge yapfuura, homwe dzavo dzaiva dzisina chiro. Kubva zvainge zvafa Muchaneta zvinhu hazvina kuzombodzokedzana sekutarisira kwavaiita. Pitirosi akasvika achiita kuyerera ziya muviri wese. Tsvina yaakanga ainayo vanhu vakatoshaya kuziva ainge abuda pai semunhu akanga anguri atsvakwa,asi foni yake yainga isingapindi. Mai vake vakamudzvokora neziso apo aingokwarabvura kwarabvura kunga aikwenya inda. Musoro uyo wainge usingachazivi kugerwa wainge zvino wanyangara, nendebvu dzainge dzichaita dzaAron, asi kungoti dzaPitirosi dzaisemesa. Zvinoita mwana kudya achizviposhera poshera ungati dzizvo zvainge zvoita Pitirosi, zvino nendebvu zvaizobuda here? Hapana hapo akaita basa naye apo vanhu vakaenderera mberi kugadzirisa nyaya dzemufi. Munguva iyi Tozi aipinda mumba make kubva kubasa kwavakanga vaenda. Akatanga nekugeza-geza ndokugadzira chikafu. Apedza ndipo paakati agare pasi achiona bhora achidya. Akatora foni yake iyo yaakanga akasiya mumba ava kutanga kuda kuona kuti ainge atsvakwa nani. Hana yake yakatanga kurova apo ainge asangana ne news dzekufa kwehanzvadzi yake. Akatadza kunzwisisa kana kuzvitambira apo akafonera baba vake. Mushure mekutaura navo ainge atsveta chikafu kure nekupererwa. Zvakamunetsa kuti chii chainge chiri kumboitika mumhuri mavo. Zvisinei akazivisa vamwe vake nezverufu rwehanzvadzi yake urwu. Vamwe vakabva vati vaida kubatana naye pakuenda kunhamo, akabva atanga kugadzirira kuti afambe. Ainge anzwa kuti mufi aizosvika kumusha kwaakaroorwa usiku saka zvaida kukasira kufamba. ** Rakati rasvika zuva rekuvigwa kwaFebhi. Hama dzepedyo nedzekure vese vainge vaungana zvino panzvimbo imwe kuri kuda kupanana support munguva yakaoma kudai. Yaiva yakanyanya kuomera mhuri yekwa Moyo avo vanga vavinga vanasikana vatatu munguva pfupi pfupi yadarika kusanganisira nemuroora wavo Muchaneta. Zvoti neuku nhamo yainge yatandavara makumbo apo vanakomana vese vainge vangoerekana vava marombe zvisina tsarukano. Ipo parufu ipapa Tozi ndiye ega mwanakomana wekwa Moyo aionekera. Kupfeka kwake kwainge kwotaura mari izvi zvakatanga kushamisa vazhinji. Iye nemashamwari ake vainge vasvika nemota nhatu dzairemera vakawanda. Vanhu vakatanga vachakwenyana, asi pane vashoma vaizviita vana mafira kureva vakatanga kutaura nemazwi aiva padenga kuti vanzwikwe hanzi, "mukati haana kurombesa mukadzi iyoyu?" Rufu rwaFebhi rwakazosara rwopera vanhu vongomupa mamwe maziso aisanzwisisika. After funeral akabva aenda nevamwe vake kumba kwake chaiko achivaratidza paaigara apo pakazofira mukadzi wake. Muzuva rakatevera ndipo aizodzokera kutown nevamwe vake masikati sikati saka makuseni akamukira kufamba achiona vamwe uye nekuratidza vana Jimmy nzvimbo. Mukufamba uku ndipo paakatanga kuona kuti painge pane zvakawanda zvainge zvasara zvichiitika asipo. Akavimbisa kuzobatsira batsira vainge vapererwa nemabasa vaya nekufirwa nema business avo. Akasiya abvisa mari yakawanda yekuti bamunini vake vaendeswe kunotariswa kuti chii chaiodza gumbo ravo. Mahon'era hon'era ekuti ndiye ainge akauraya mukadzi wake kuti aite mari aimanzwa munzeve dzake, asi aiedza kuzvisimbisa kuti vanhu vanongotaurawo, asi semunhu wenyama hazvai mudzimba. Mazuva akapindana kuita mavhiki, Tozi ainge adzokera kutown, asi ainge ogara achidzoka kumusha apo ainge ogadzirisa kuti avakise pamba pake. Ainge zvakare ogara achitumira mari kuBikita yekuchengeta mwana wake apo aipota achifonawo. Aironga kuzonomuona hake mukufamba kwenguva, akanga achiri kutya kusvikako nekuda kwezvainge zvakaitika parufu hanzvadzi dzaMucha dzichida kumurova. Bamunini vaya vainge vazogurwa gumbo kwachiremba richinzi yaiva cancer, asi hazvina kubatsira nekuti vainge vatanga kuorawo ruoko. Pitirosi nerimwe divi ainge otomhanya bani chaiko, zvekuti dzimwe nguva vaitoita wekusunga netambo kuti ambozorora kumanya. Aiti akada kumhanya achikwidza gomo achidzika maimunzwira tsitsi. Zvaiva nemazuva nekuti dzimwe nguva aitova munhu kwaye chaiye kungozoti hake ainge akubatsira makuhwa emuraini ekuti Tozi ainge akaromba, ndiye aiitisa vamwe vese marombe uye aimupengesa. NaTobi vainge vasisaonane mushure mekunge azombomunyangira futi kugarden akamubhinya. Mbudzi dzainge dzazopera manje pasisina kana neimwe zvayo yemushonga izvi zvakaita atange kubata rimwe benzi raivata pamagirosa husiku hwega hwega. Zvaitaurika mumhuri yekwa Moyo zvakatanga kushungurudza moyo waTozi. Aizviziva kuti aiva asina kuuraya mukadzi wake uye kunyange mari yake yainge isina kuchena yaisava yekuromba. Akazotanga kushungurudzika apo vanhu vese vakatanga kuramba mari yake vachiti avaroonore vatsvakewo yavo. Vamwe vechidiki ndivo vaida kuti avatore anovaratidza nekuvadzidzisa mabusiness ake sezvo akanga anyepa kuti aiva ne business. Nekuziva kuti anozobatwa zvehumbavha hwake akatanga kungotsika tsika, izvi zvakapa kuti vanhu vati ichokwadi akaromba. Vanhu vakatanga kutaura zvekuti vaida kufamba vaone kuti chii chaitora nzvimbo mumusha umu nekuti zvainge zvapfurikidza. Kana matanga nezvirugwi zvainge zvazmtovharwa zvisisina chinhu. Panguva yairongwa izvi Pitirosi aiendawo kun'anga dzake kuti dzidzivaidze vanhu vasafamba. Ndipo pawaizonzwa vamwe vongoti "isu tiri maKirisitu atiiti zven'anga," apa nemukova wechurch vasingauzive. Uku vamwewo voti "isu tiri mapositora, kwedu kuchurch kune mweya handei ikoko," apa munhu achinamata Roma. Vamwewo ndevaitanga kurwirana umwe achiti handei kune yandinoziva ini n'anga umwe achitiwo yandinoziva ini ine simba kunyanya. Tozi ainge akarara umwe musi muimba yake yekutown apo semazuva ose akaona Muchaneta. Akatanga kumudaidza nechigunwe apo iye akasekerera achitevera. Muchaneta akatanga kufamba achienda nenzira yemusango iye Tozi achitevera. Vakati vafamba kwechinguva ndiyo nguva yaakanga akuona pamusha paiva neimwe imba yeround yaipwititika chiutsi. Mucha akapa Tozi sign yekuti apinde mumba muya. Tozi akafamba zvishoma nezvishoma achipinda apo akawana makazara zvinhu zvaaisanzwisisa, asi zvichiratidza kuti ndezvechi n'anga. Maiva nemukadzi aiva akagara akafunya chisero akatsikitsira uyo akabva ati, "Tozivei Moyo muzukuru." apo asina kusimudza musoro wake. Usiku humwe chete ihoho vanhu vekwa Hungwe vaiva chipata pata kumhanya mhanya nemwana vachimuzunza zunza. Ainge angoridza rimwe zimhere akarara ndokuzongo nyarara angorwmbezeka. Kana vari sambuya vaRudo vainge votochema apo vanhu vainge vaungana mukitchen mavo usiku ihwohwo. Mukoma WaSekuru vaRudo ndiye ainge oudza vamwe kuti, "tikagara maoko tinouraya mwana uyu. Pane zviripo apa zvinoda tienda kunobvimunzira, Chivanhu chiri apa uye pane zvatiri kuedza kuoneswa ngatifambe, nekukasira zvinhu zvisati zvaoma,mwana uyu mutorwa mumusha medu."