Mazuva maviri akatevera Tozi aitadza chero kugadzikana nehope dzaainge arota idzi. Zvaimunetsa kuti Muchaneta aida kuedza kumuudza kuti kudii. Aimboda kusafunga nezvazvo, asi moyo wake wakaramba, pane zvaairatidzwa chete. Zvaiti zvasangana nekurota kwaaiita mukadzi wake achichema misodzi yeropa asingaudze vanhu. Akanetsekana nepfungwa kusvika azopira Jimmy nyaya yaimunetsa iyi. Zvisiri zvekuti vaishanda vese chete, Jimmy aitora zvakare chinzvimbo chemukoma wake nekuti nguva zhinji chake kwaiva kumupanga mazano ekurarama. Saka nezuva iri vainge vagere masikati kumba kwaJimmy vachiona havo bhora, kuvaraidza nguva. Achipedza kupira Jimmy nyaya yake akabva amwira wine yaiva mumaoko make ndokuti, "zvingava zvichirevei nhai?" Jimmy akamutarisa ndokuti, "mbuya vacho vawaratidzwa kuhope wavaona chiso chavo here?" Tozi akadzungudza musoro ndokuti, "handina, vange vakatsikitsira pavataura neni." Jimmy akambonyarara kwenguva pfupi ndokuti, "handizivi kana uchafarira pfungwa iyi. Ndinoona sekuti kwawaratidzwa ikoko ndiko kune mibvunzo yese iri pamoyo pako. Sezvo uchiti unogaromurota achichema misodzi yeropa. Zvingarema kutambira, asi ini maonero angu ndatarisa nyaya yawataura iyi, pamwe mukadzi wako akaurawa. Pane munhu anenge akamupisira mumba imomo ndosaka ava kudzoka achichema kuhope dzako, ari kuda utsvake chokwadi ende kwawaratidzwa uko ndinoona kuriko kune mhinduro dzese dzauri kutsvaka." Tozi akatura mafemo oti, "kuti kudaro? Zvino ndinomuwanepi munhu wacho waandiratidza?" Vakamboita sekunyarara apo Tozi ainge ava mudziva repfungwa. Aizvibvunza kuti angava ani anenge akauraya mukadzi wake? Aiziva kuti Muchaneta aisava munhu anogumburana nevanhu, zvekare iyewo, Tozi, pachezvake ainge asina daka nemunhu, saka vainge vaurairei mukadzi wake? Chii chaizvo chainge chaitika? Zvakamunetsa kutambira kuti zvechokwadi mumadzi wake ainge auraiwa, asi akazvipira kutsvaka chokwadi. Mupfungwa dzake aingoti kuda chibani chainge chakakanganwikwa chichibaka. Zvese izvi zvaiva mupfungwa apo Jimmy akazoti, "pane vandinoziva vanoita zvechi n'anga izvi, kana wakasununguka tinoenda." "Munhukadzi?" "Ndinoziva zvese nevechirume. Zvakare pamwe mukadzi wandinoziva wacho haasiye wavakaona, asi chatinongoda kubatsirwa badzi." Vaviri vakatenderana kumukira mangwanani aitevera sezvo vainge vasina basa ravaida kuita. Sezvineiwo kuchiedza vakapinda panzira uku Jimmy sezvo ariye aiziva nzira ndiye aidriver. Chakashamisa Tozi ndechekuti, vakati vafamba kudaro akazotanga kufananidza nzira iyi. Aiti akairinga ringa zvaiita sekuti ainge ambofamba nzvimbo iyi. Zvakamunetsa nekuti aisatoziva kuti aivepi uye ainge asina kumbokufamba. "Chii?" Jimmy akabvunza aona kuvhiringika pachiso chaTozi. "Hameno zvandiri kuona, zviri kuita sekunge nzira ino ndakamboifamba." Tozi akadavira. Panguva iyoyo akatanga kuona chiutsi chaiva chinhambwe kubva pavaiva apo akatanga kurangarira. Ndiyo nzira yaainge afamba naMuchaneta iyi akazoguma ava mumba men'anga. "Ahh haa, ndipo pandakafamba naMuchaneta panapa. Akazomira apo akanditendekera pamba apooo." Aitaura izvi achiratidza Jimmy nemaoko uyo akanga asisina remuromo. Aitadza kuzvibvuma kuti n'anga yavaienda kunoona ndiyo chaiyo yainge yasarudzwa nemufi. Akatarisa Tozi akaona kusununguka pachiso pake akaziva kuti ainge afara kuenda kunhu kwaidiwa nemukadzi wake. Akazenge ava kungoimbw vana "maita blaz," vasingapere apo vainge vazomisa mota kure nepamba. Vakabvisa shangu ndokupedzisa rwendo netsoka apo zvakaitika kuhope zvirizvo zvakasvika zvichiitika. Tozi ainge achiri akavhiringika nekudanwa kwezita rake apo Jimmy akatanga kuuchira maoko vatarisa mbuya vainge vachiri vakatsikitsira. Vakazodana zita raJimmy apo vakambomira vakatanga kukuma kunga shumba. Zvakange zvavhundusa Tozi uyo akazodzikama aona kuti Jimmy aitosekerera. Vakazosimudza musoro ndokuvatarisa apo Jimmy akauchira zvekare ndokubudisa mari muhomwe kwava kuisa pandiro yedehwe yainge iri mberi kwavo. Mbuya vaya vakahotsira hotsira ndokutarisa Tozi voti, "zvaunoita sewakasvunura wani, waitadza kuona here kuti mukoma vako vaiva nechinangwa?" Tozi akazevera kuna Jimmy uyo akatanga kuuchira maoko achiti, "hatisi kunzwisisa mbuya." Tozi airovawo maoko akatarisa pasi. "Kwakanga kusina basa rawanga wavanirwa, mukoma vako Pitirosi vainge vangochiva mukadzi wako. Wakatadza kuterera zvaitaura hana yako ukarega kuenda, chiona nhasi ochema." Mashoko aya akawedzera kuvhiringa Tozi apo mbuya vakahotsira zvakare ndokuti, "aona waenda akasara akakumbira mainini kuti vafambidzane,asi mainini vakaramba. Kuzosvika abata mainini chibharo apo vainge vaenda kumba kwake kunokumbira kuti vakufonere. Nyaya yakaenda kudare ikanzi ichazosimudzira kana mukoma wako apora nekuti akanyepera kurwara. Manheru ezuva redare mukoma wako akati andoita zvaajaira, akanobhinyira mukadzi wako muimba yenyu yekurara. Mukadzi wako iwe, Muchaneta, ndiro zita rake handiti?" Tozi akagutsurira musoro achimedzera mate ekuratidza kupererwa. "Eh, akange aona kuti kudare nyaya yake yaisabudirira saka ainge afunga kunoman'ara kumapurisa. Yaiva pfungwa yakanaka, asi akazoresva pakuti akataura achiudza mukoma wako. Ndizvo zvaakaurairwa izvozvo, kuti aizodura chokwadi. Kutaura kuno mumhuri menyu mune ngozi, yemwanasikana iyeyu. Zvese zviri kuitika mumhuri menyu ndiye ari kukonzeresa, ari kuda kuripwa. Zvoreva izvo kuti mune ngozi mbiri, yekuurawa kwaakaitwa neyemudziyo yake isina kugohwa yatsvira mumba." Zvese izvi Tozi ainge oita kuzvinzwira kure apo ainge avhiringika mafungiro. Akatanga kudikitira apo akange ofunga nyaya yakambenge yataurika parufu rwaMuchaneta, asi vanhu vakaitsika tsika. Pitirosi panguva iyoyo akaedza chose Tozi asawana kana mukana wekuterera makuhwa. Akazvituka nekuzvishora kuti pamwe dai akaedza kubvunzisisa aigona kubata zvakaitika. Misodzi yakatanga kuerera nematama, afunga nhamo yainge yakaoneswa mukadzi wake asipo. Akanzwa pamoyo pake kubaya baya apo pfungwa dzake dzainge dzava kuna Pitirosi. Ainzwa kuda kunomuita zvinogara zvakadaro kuti asazopamha zvekare. "Achiri mangwanani kuti ucheme, iyi hondo inoda vane hana nhete. Mukoma wako ari kurwisa kuti vanhu vemumusha menyu vasafamba nekuti anotya kubatwa. Kuita sekupenga kwaari kuita uku ari kupfukirwa. Izvezvi kutaura kudai makaparirwa imwe ngozi manheru, akatora mai venyu akanovapa n'anga kuti vaitwe mukadzi wenyoka nen'anga yacho." "Muchirevei?" Panguva iyoyo mbuya vanokodzonga konzonga mvura yaiva mudish pamberi pavo uku vachihetsura. Vanoti kuna Tozi, "tarisa." Ipapo anonzwa kutya achiona mai vake vachinanzviwa nanzviwa nenyoka vakatarisa uku misodzi ichierera. Anonzwa hasha dzake dzichiwedzera. Mbuya vanobva vati, "Izvi Muchaneta azvisiya zvichiitika nekuti ane chigumbu namai vako. Vakamira naPitirosi padare vachiti mwana wavo haana hunhu hwakafumuka kudaro. Ndosaka arega vachisangana neizvi, asi hazvishande zvavari kuronga. Mukoma wako akanzi ndiyo nzira yekutsipika mweya wemufi, asi havazivi kuti havamugone. Vekumusha kwake vakatora matanho ekuti anyatsoparadza dzinza renyu rese uye hapana ane simba rekutsipika mweya wake kunze kwavo chete. Vava kuzviziva vabereki vake zvakaitika kwaari ende kana musati maenda kunotaurirana navo, mese muchapera kuti hwaa. Handina zvimwe zvandichataura, ndatoperera pano. Endai munoripa mwana wevanhu, nemudziyo yake itengwe, asi imwe ngozi yamai yatopinda mumusha menyu iyo. Famba fambai tione." Panguva iyoyo Jimmy akatanga kuombera maoko achisimuka apo Tozi ainge angoti tuzu. Pfungwa dzake dzaitoita sedzavhiringika neshura raakanga anzwa,nezvaainge aona mai vake vachiitwa. Zvaiva nane hazvo, dai n'anga yacho yakavaradzika pane kuvarega vakasvinura vachiona nyoka dzichivananzva kudaro. Mukomana zvakamurwadza mumoyo nemupfungwa nezvakanga audzwa izvi, mweya wake akanga achinzwa kunge unopera sekuita kunga anozarirwa.