"Hongu! Zvakanaka zvamuri kufunga mukoma, asi ngatitarisei mune ramangwana nezvatoda kuita, kuti zvinotinakira here tikazviita. Uyu haazi mwana wemumusha muno uyu. Haasi ose madzinza anofarira chivanhu, nokuti mangwana tichapomerwa mhosva ikaita yedu, tikapedzisira tave mumatambudziko achatiremera nekuda kwemuzukuru iyeyu." Ava vaiva vatete, hanzvadzi yasekuru vaRudo, vakanga vachipa kuona kwavo pane vamwe vavo. Mai vaMucha vaiva vakanyarara vakatarisa muzukuru wavo akanga akarara uku misodzi yakanga ichiyerera nematama avo, vaishaya kuziva zvekuita nezvaiitika pamwana wemwana wavo Rudo. Vamwe ndivo vaitaura zvekuda kufamba, asi dambudziko rakanga riri pakuti, mwana aiva asiri wemhuri yekwa Hungwe. Vaibvuma kuita zvechivanhu vakanga vachida kuziva zvaiitika pamwana. Kudai akanga abva zera, zvimwe vaikwanisa kutaura naye, asi nekuda kwekuti akanga ari muduku hazvaikwanisa. "Mwana wamai vangu, saka wati tongotarisana mwana achiita zvaari kuita izvi? Hamuzi kuona mega kuti pane zvakawanzika zviripo, zvinoda tifambe tizive here? Hazvinei nekuti wekwa Moyo vanozoti kudii, tinovazivisa kana tichinge tabvako pane kufirwa neropa risiri remhuri yedu. Mangwana zvinozonzi makavaona vaKarahwa venyu vakaurayisa muzukuru, ndizvo zvavakamutorera izvozvo. Sezvamunoziva mose kuti muromo hauzarirwe nerwizi." Akadaro mukoma wababa vaMucha. Vamwevo vaiva apa ndivo vakanga voti, "zvikaramba zvakadai mwana ngaende kune werudzi rwake nekuti zvimwe vanenge vasingade agare mumusha usiri wavo. Ariko madzinza ane chirango chekuti haana mwana anochengetwa kumwe, kunze kwepamusha pake." Nhaurirano yakaenderera mberi, umwe neumwe achipa pfungwa yake yaaiona yakakodzera kuti vamwe vainzwe. Mwana haana kuzorora kuchema, akatanga kuchema zvainzwisa tsitsi kusvikira madzisekuru ose apangana kuenda kunoona sekuru vaishopera vanzwe chaikonzeresa zvose izvi. Vakazoona kuti kusiya muzukuru vavo kumba zvakakodzera pane kuenda naye kun'anga, izvi zvaizovanetsa mangwana. Vaisaziva kuti wekwa Moyo vaizoti kudii nazvo. Kubuda kwakaita vanhu, mumba makanga masara mbuya vaRudo avo vakanga vakagara muimba yavo yekubikira, vakawaridza rukukwe rwavo. Paiva ndipo painge pakarara Rudo, moto vakanga uchibvira kunge vanoda kubvura nzeve dzetsuro. Izvi zvakanetsa mai vaMucha nekusekerera kwakaita muzukuru vavo. Vakanga vofunga kuti zvimwe ava kuda kuvafira kana kuti Mucha akanga oda kutora mhandara yake agare nayo kwainge ari ikoko. Varume vatatu vakanga vachifamba zvishoma nezvishoma. Kunze kwakanga kuine rima sekuti ainge ava mambakwedza kunze koda kuchena. Vaingonzwa ruzha rweshiri nemazizi akanga achichema apo kwavaienda kwakanga kuri kure. Vainge varovera moyo padombo kuda kunonzwa zvainetsa pamuzukuru wavo. Zvinhu zvaishungurudza kumuona achinetseka kurara usiku hwega hwega izvi zvaizopa vamwe vadzamise fungwa dzavo maererano nefiro yakaita Muchaneta. Mukufamba kwakaita varume vekwaHungwe ava, vakangosvika pamusha wen'anga achiri makuseni seni. Wainge uri musi weMugovera, apo vanomira kunze kwemusha vamirira kuti varidzi wemumusha umu vamukewo. Vakamirira kudaro vakatanga kuita nhaurirano nezvenyaya yavakanga vafambira iyo yainge yavatambudza. Vemumu waVaGwashu kumuka kwavakaita vachiona vaenzi panze vakavadana kuti vapindi muchivanze. VaGwashu vakanga vachizivikanwa vaine mbiri yekushopera izvi zvaipa kuti vose vepedyo nevekure vauye nenhamo dzavo. Kupinda mumba kwavakaita havana kuda kudya manonoko apo vakaparura nyaya yavo, hanzi nevakuru simbi inorohwa ichapisa. "Sekuru tisu takutsikai mumusha menyu kudai mangwanani ano. Tauya tine dambudziko ratiwira mumusha, saka tanga tichikumbira kuti mutipewo rubatsiro." Akanga ari mukoma wababa vaMucha aitaura. Mumba makamboita runyararo. Vose vaiva vakagara pasi vakapfunya makumbo avo vasina bhutsu, vakatanga kudirwa dirwa zvimvura. VaSekuru vakafemedza zvimwe zvinhu zvaiva mukagaba vakatanga kuchema kunge shumba. "Vanangu mauya nguva yakanaka kwazvo, ndirikuona nyaya yenyu yamafambira ndeye muduku uyu asingarare nekuchema zuva nezuva Regai nditi, mwana ari kuchema uyu hakuzi kurwara kana kuti kudini asi mai vake ndivo vaida kuti imi mufambe muone mafiro akaita mwana wenyu. Mwanasikana uyu akafa rufu runorwadza zvikuru mushure mekunge babamukuru vake vamupisira mumba. Izvi vakazviita mushure mekunge vatadza kuwirirana panyaya yakanga yaitika. Ndichitaura nemi kudai, ndiri kuona rima rakaputira vakwasha venyu. Nekuda kwerima iri ndaona kunongedzana, kupumhana mumusha mekwa Moyo asi chanyanya kundibata ndechekuti munhu ari kupiwa mhosva uyu haasi ye muparazvongo. Vese ndaona vatsukisa meso vakanongedzera iye izvi zvapa kuti nayewo ashaye zororo mumoyo make." Vakanga zvino voratidza kupererwa nezvavakanga vaudzwa naSekuru vaya. Kana vari sababa vaMucha vainge vatodumbirwa neshungu. "Zviri munzeve, Sekuru. Saka hapana imwe nzira yatingakwanisa kuita kuti tisunungure muzukuru wedu, nekuti kuenda uko isu hatingazvipindira. Chakanaka ndechekuti taziva chokwadi, tongomirirawo tione kuti vachaguma nepi. Kana zvichitobvira tinoda kuti mwana wedu amuke zvine simba chaizvo, kutsvaira dzinza rose nekuti havangaiti mwana wedu wekugocha zvavakaita izvi." Akadaro mutevedzeri wababa vaMucha mushure mekuuchira maoko, apo vamwe vakatsinhirawo mashoko ake. *** Kumhuri yekwaMoyo, vaingo shushikana zvikuru nezvakanga zvichiitika mumhuri mavo. Nekuona mwanakomana wababa Pitirosi, ari iye ega akanga achine upenyu hunooneka. Mumoyo mavo vakatoona ariye akanga achishandisa vamwe nekuda kwekubudirira munguva pfupi-pfupi yakanga yafa mudzimai vake. Vanoona zvakare kuti panhamo dzose dzakanga dzichiitika mumhuri, Tozivepi haana kana musi umwe zvawo waakauya kuzobata maoko, kunze kwekubudikira zuva rakafa hanzvadzi yake aine bango remota. Izvi zvakanga zvichiuya mupfungwa dzemunin'ina wababa Pitirosi akanga aenda kunoona mukoma wake wekuchekwa gumbo uyu. "Urwere rwenyu haruzi kuchinja mukoma, vanhu havazi kuda kufamba tizive chirikukonzera zvose izvi nendufu mumhuri medu. Mukuona kwangu mwanakomana uyu ane zvihombe zvaakatakura chete zvichaita kuti tibatirane matemo, kana nekucheka ukama hwacho nekuti hapana zvazvinobatsira. Kukuonai muchitambura zvakadai ini ndiri pano? Mwana wemuera nzou? Vanondiona chete nhasi, naMai vangu varere pachuru apo ndinopika ini!" Akataura zvakawanda nekuda kwemhuri yaiva yaparara nekuda kwezvavaisaziva, "izvezvi hatichina vana, asi iye mukoma wedu ndiye asara achine mhuri yake yose, vanhu vakapererwa nemabasa, ava marombe ega ega, kana nezvipfuwo chaizvo! Nhasi voda kuhwanda nechitendero manje vanondiona." Akasimuka paaiva ndokutora demo rake nerekeni dzake idzo akanga achifamba nadzo. Akabuda pamba pamukoma vake asina kuvaudza kwaaiva achienda. Akasvika kuona baba Pitirosi nemudzimai wavo vakagara kuratidza kutokanganwa nhamo zvavo, anosviko kandira demo pasi. "Mukoma tinoda kubudirana pachena nhasi chaiye, zvikatadza kuitika kaaaa, idi oooh ndiri kukunyudzai demo iri," akataura achiri simudza. Vakatanga kunetsana paya asi baba Pitirosi nemudzimai wavo vaingoshinga vachiti "hapana chatinozivawo isu, tose tiri kuona nhamo imwe chete mumhuri. Hapana zvakasiyana kubva zvafa muroora hupenyu hauna kuita zvakanaka mumusha medu." Nguva yakasimudzwa demo naMudzingei, munin'ina wababa Pitirosi apo akanga achida mupedzisa mukoma wake. Ainge zvino aita rokunangisa panhova pavo. Panguva iyi Pitirosi akanga achimhanya akabata hembe achipumha kumusana achingoti, "nyuchi sekuru! Nyuchi kani Sekuru," akabva asvikodhuma Mudzingei achinowira kwakadaro uko, demo richitema mukoma wake pagumbo rikadambura tsinga. Izvi zvakaita kuti ropa ritange kubuda zvairovesa nehana apo murume mukuru akatanga kuridza mhere. Pitirosi haana kumira kupengereka apo akatanga kungoti "Mucha! Mucha siya demo titaurirane, ndinoziva zvangu.." haana kupedza kutaura akanga atiza Pitirosi achidzokera kwaSekuru n'anga. Ipapo vanhu havana kuzviisa musoro zvakanga zvataurwa naPitirosi, vainge vachiti pfungwa dzake dzakarasika ava kungotaura vanhu vakafa nguva nenguva. Vanhu vakanga vachisunga baba vakanga vatemwa nedemo uku vaingounyanisa chiso vachibudisa misodzi zvainzwisa tsitsi. Pitirosi kusvika kwaakaita kwaSekuru pfungwa dzinoita sedzadzokedzana. "Ndava ready kuita zvamunoda sekuru, taiva takamirira weBulawayo manje akatisiya. Ndaona zvakakodzera kutora mai vangu vaite zvose zvamunoda pano. Ini chandinoda kuti ndisimbe chete nothing more, nhasi ndinouya nawo chete." Aitaura misodzi yake ichibuda pameso ake kuratidza kuti zvaakanga oda kuita izvi zvaimurwadza.