"Handina amwe mashoko andapindurikidza kana kureva nhema, zvose zvandataura ndizvo zvakaitika. Hongu handina kukwanisa kumhanya kuuya kumba Mhamha ndakaona kuri kure, that's why I decided kuuya kuno kwasabhuku kuzovazivisa. Ndaifunga kuti zvimwe bamukuru vanozofunga kunditevera." Muchaneta akadaro mukati memisodzi yeshungu. Ipapo aiva akatarisana navamwene vake vaionekwa kudumbirwa nehasha. Kana akanga ari saPitirosi aikosora kosora nhema kuti urwere rwake ruite serwakomba. Akanyepera kugomera gomera achigara akatsamhira Tobi shamwari yake uyo aideedzera kuti "tipei mvura tipe murwere." Umwe wevashandi vaSabhuku akauya nemvura ndokusviko pfugama achipa Pitirosi mvura yekumwa. Apedza kumwa akawedzera kuzvifukidza muviri wake achiti aitonhorwa. Vanhu vaiva padare vakaita noise, umwe neumwe achitaura zvaainzwa kuda. Vamwe ndivo vaiti ukaona waita mukadzi ane shavi rechihure zvakadai kusvika pakumanikidza murume ziva kuti waigochera pautsi. Vamwe vashomawo vaiziva kufumuka kwaTobi naPitirosi ndivo vainzwira tsitsi mukadzi uyu nezvaaiva aitwa. Moyo yavo yairwadzira mwana wevanhu akanga asangana neshura raida kumuputsira imba yake. Amwene vaMucha vakaridza tsamwa ndokusimuka vachiti, "pamusoroi vaSabhuku, nemakurukota mose pamwe chete nemi vanhu wemudunhu rino. Ndinoda kutaura mashoko mashomanana andinoda kubvunza muroora wangu uyu. Nekuti ini kubvira nekubvira handina kunge ndakanzwa huipi hwese hwaari kupomedzera mwanakomana vangu uyu. Pitirosi akabvira kare ane rudo nemunin'ina wake, achimushuvira zvakanaka zvekuti ndinoshamisika kana opomherwa mhosva yakakura kudai. Hongu haana mudzimai hake nekuda kwemunyama pamwe akashinhirwa nevavengi asi haangaita zvakadai...." "Amai mirai ndikubatei muromo wenyu ipapo zvishoma," akadaro umwe wemakurukota asabhuku akanga achinzi Jevhasi. "Mwana haarambirwi, nekuti kwaanofamba kwese imi munenge musipo." Akacheukira kuna Sabhuku ndokusimudzira achiti, "vaSabhuku, nyaya iyi haizi nyaya diki zvekuti ingatorerwa pamusoro zvandiri kuona izvi. Iyi nyaya ihombe iyi, ine makuva iyi mukasaitonga zvakangwara. Mukunzwa kwandaita kana zviri zvechokwadi, Pitirosi ati mukadzi ndiye akamumanikidza kurara naye. Asi ini I don't believe it, varume musaitwe sepwere imimi mazvinzwa, ishura ripi randiri kuona pano iri? Kana iye Pitirosi akaona mudzimai wemunin'ina wake achiita izvi akadii kufonera mai vake, manheru acho azvakaitika? Akadii kuuya kuzotaura kuno kuti ndizvo zvakanga zvaitika. Isu tanzwa kuti mudzimai waTozi ndiye akauya kuzotaura zvaakaitwa uye. Imi amai makura imi, rwadziwai moyo mhani. Musasarure vana zvamuri kuita pano izvi. Tozi haapo pano asi mudzimai waakasiya uyu anotarisira kuti mumubate saiye, better kunyarara not kupupura nhema. Momurambira maivako here, pamwe ndizvo zvaakaendesera umwe kubasa izvozvo kuti agosara achipindira mukadzi wemunin'ina. Vanhu vanofana kutsveta katsika kekutonga nyaya vachitarisa kuti ane homwe inorema ndiani. Kudai maiva nemwanasikana oitwa zvakadai izvi mainzwa sei?" Jevhasi paaitaura pese aionekwa kuti ainzwa hasha. Kubvira kare aisada kuona vanhu vachidzvanyirirwa, munhu uya akagara achimirira chokwadi zvaipa kuti nguva zhinji Sabhuku vaibvunza iye mazano kana vakurirwa nenyaya. Sabhuku vakatura mafemo vachimuti ambogara pasi nekuti vanga voona kuti azadzwa nehasha. "Mhuri yekwaMoyo ndinokumbirawo nzeve dzenyu kuno. Mukadzi akagara apa uyu akauya achichema zvainzwisa tsitsi akataura nyaya yake sezvayakanga iri. Ini mukuongorora kwangu nekunzwisisa kwangu, nyaya iyi inoda nguva uye kwaMambo chaiko. Uyu Pitirosi arikuti mukadzi ndiye akamu raper, mudzimai achiti bamukuru vakandi raper. Vose hapana arikubvuma mhosva yacho. Yaita hombe kwandiri nyaya iyi, ndava kuikwidza ini kumusoro nekuti handingaikwanisa. Chikumbiro changu ndechekuti mukadzi adzokere kumba kwake, takamirira bamukuru vake vasiri kunzwa zvakanaka. As you all can see zvirikuitika, he is not fit." Akanga ari Sabhuku aiva atadza kutonga nyaya iyi. Aive ava kukwidza nyaya kune vakuru kwaari. Nekuda kwekuona kuti Pitirosi akanga asinganzwe zvakanaka, akataura kuti vaizomumirira kusvika aita zvakanaka vagokwanisa kuenda nenyaya kwaMambo Nyamukoho. Two days later, Pitirosi aiva akagara mukamba kake mushure mekunge abva kun'anga yake uko kwaaindopiwa mishonga yekuti Mambo kana votonga nyaya vasaone mhosva yake. Akaita zvaakanga anzi aite achisekerera nemufaro. Nyaya yainge yazonzi inonotongwa kwaMambo next weekend yacho. Pese apa Pitirosi aingofunga zvaakanga akanzwa pakati pemakumbo amainini. Kamunakiro kacho akanga asati ambokanzwa saka akati anotodzokera futi kundovabata. Hanzi dzokororo ine simba, vakareva vakuru. Pava pakati peusiku akabuda mumba make oenda kumba kwemunin'ina. Akasvika Mucha akafa nehope ndovhura door zvinyoro nyoro zvisina ruzha. Imba yacho yaiva yeround iri yeuswa. Door rakanga risina key, paiitwa zvekusungwa netambo. Paakapinda mumba akaona Mainini vakafa havo nehope. Akatora tambo yaakanga auya nayo akavasunga maoko. Apedza akandonyera madhende aiva muhomwe make mumuromo maMucha izvo zvakaita amuke asi chekuita paiva pasina nekuti aiva asungwa. Mhere akaedza kuridza mhere asi inzwi raisabuda. Chaingoerera misodzi apo Pitirosi aigomerera achirara nemukadzi wemunin'ina. Achipedza akapukutira ziya achinzwa parere moyo. Akatarisa Mucha ndokuti, "unongoomesawo musoro iwe dai tichitonakirana so. Funga zvakanaka Mucha, ndinokuchengeta ini asi ukaomesa musoro zvauri kuita izvi ndiwe uchanyura." Akasimuka ndokupfeka trouse rake. Akasunungura Mucha waainge asunga ndokubvisa zvaainge aisa mumuromo ndokufamba achinobuda kudoor. "Manje majaira kuramba nyaya yenyu ndinoda kuenda kumapurisa this time around, ndonotaura zvamandiita izvi" Mucha akadeedzera zvakaita kuti Pitirosi amire kufamba. "Kana une proof yezvazvo enda, " Pitirosi akadaira achinyepera zvivindi asi ainge avhunduka. "Ndinayo proof, majaira manje manyangira yaona, this time munonyura. I was waiting for you. Munoti ndiri chituta, this is modern day error, I grew up in Harare ini. Dzinotoshandawo dzangu. Moti ndairamba ndiri pano ndisina kugadzirira here? Ndiri kuenda izvezvi zvachatanga kutora tsvina yenyu yamazadza mandiri, handiigezi. Then I have your DNA on my nails and kundisunga kwese kwamaita nekundiisa madhende mumuromo, ma specialists ariko achazvibata zvese. Maigochera pautsi this time, vamakatamba iyi vakakwana, not ini mwana wekwa Hungwe, never!" Aipopota akagara Mucha ukuwo Pitirosi ainge ohuta manje ovhunduka. Fungwa yekugara mujere yakaita anzwe muviri wese seunotsva. Akadzoka akandonyera madhende mumuromo maMucha ndokupamha kumusunga vachirwisana. Aiitira kuti Mucha asatiza uye anyarare iye achimbofunga. Akakwenya musoro ari mumba muya achitsvaka nzira yaangabuda nayo munyatwa iyi asi akashaya imwe kunze kweyekuuraya Muchaneta wacho. Hushingi hwaiva maari hwaityisa, aiva asina kubvira azvifungira kuti kamukadzi kaTozi kekunyarara nyarara nekupusirira aka kangazomunetsa kudai. Kudai akazviziva akasiyana navo vachitambura nenhamo yavo vari pamba. Akabuda mumba achisiya Mucha akasungwa kudaro ndokusunga door zvaakanga awana rakaitwa. Akatora matches yaiva muhomwe make waaishandisa kuputa fodya ndokutura mafemo akaitarisa. Hanzi kana wadya imwa wotodya iri honho. Akatungidza imba yese achipotera nayo, apedza ndokumhanya kumba kwake kunovata. Aiziva kuti sezvo paripakati peusiku kuzoona poita azviona nekuzomhanya kuuya nekuzomhanya nema bucket emvura kudzimba moto wacho, aenge atova madota. **** Munguva imwe chete iyoyo, Tozi ainge agere akabata shaya achifunga mukadzi wake. Aiva amusuwa zvimwe zvisingaite. Chinhu chega chaakanga ovavarira kuti angowana kamari kanokwana bus adzokere kumhuri yake. Zvebasa zvainge zvakakona n'anga murapwa achida. Mazuva ainge awanda achigara pasi pebridge kunga asina kumusha. Makuseni omukira kunombeya achitsvaka mapiece work. Pamwe pacho aishaya chero chekudya zuva rese osvika pakunhonga mubin sebenzi. Iyo tsvina, ko hembe dzekuchinja nesipo zvabvepi hazvo? Akatsunzunira maziso ndokupukuta misodzi yaiva mumaziso ake, shungu dzichimukurira. Ndangariro dzakadzoka shure, muzuva raauya kunzvimbo iyi. Akatanga kufunga zvakaitika kusvika azoguma ava panguva yakaoma kudai. Kusvika kwaakaita paMutoko akanga anzi tinosangana mucenter. Uku nguva dzainge dzafamba. Akaona kuti kuteedza mugwagwa waifamba nemotokari kwaizomunonotsa. So akatanga kufambisa achipinda nepabhawa rekwaMadzeka achitora nzira yaivapo yaiita abudikire pacenter, paiva neshop yaMazarura neyaMaponga. Akati ati fambei fambei pakaita chinzira chidiki muchisango ichi. Chinzira ichi chaibva kuMutoko Central Primary and Secondary School. Akaona kwabuda varume vaviri, umwe akasvikotora bag rake. Akada kurwisa ndokubudisirwa banga achibva aregedza bag riya. Akatorerwa Mari yese yaaiva nayo nechifoni chaiva muhomwe. Akangosara ari munhu chete, pasina kana chimwe chaaiva nacho. Akapera simba nazvo apa nzara yainge yomupara mumudumbu. Akagara pasi, aiva asina kana plan. Pakanga pasina kana munhu waakanga achiziva panzvimbo iyi. Akatanga kufamba kuita sebenzi rakanga rashaya zvekubata kusvika azosvika paaiva anzi amire. Akamira amirazve asi dambudziko akanga asina phone yekufona nayo. Kwakasvika pakusviba aripo asi hapana munhu akauya kuzomutora. Ndipo akatanga kutetereka sebenzi, kunga munhu asina kumusha. Ainge ambokumbira vamwe sis kuti afonere mukoma vake sekuti aiziva number nemusoro. Paakangovati "mukoma ndini Tozi," vakabva vakata nekutodzima foni yavo. Akatosenge oita sebenzi achidzorera foni kumuridzi. Akabuda mundangariro ndokupukuta misodzi yainge yoerera, achinetsekana kuti chii chaiva chaita mukoma vake vadaro. Haana dzimwe number dzaaiziva nemusoro kunze kwedza mukoma vake.