Baba vaMucha vakadzorwa ndangariro dzavo nekuda kwemwana akanga achisvusvudzwa nemudzimai wavo. Vakaterera kuchema kwemuzukuru wavo vasvika pakudzamisa pfungwa zvekare. Kufa kwaMucha raiva bundu rakanga richigere pahuro nepamoyo pavo nanhasi. Pese pavaifunga nekuzvibvunza marwadzo ainge akanzwa Muchaneta kusvika azonzi aguma kufema vaidzimbikana. Vakapukuta misodzi yainge yoita kunge yoda kubuda mumaziso avo ndokufamba vachienda paiva nemudzimai wavo. Mbuya vaRudo vakanga vachibhabhadzira muzukuru wavo uyo aiita sekunge inzwi rainge ropera nekuchema. Rudo akanga achichema zvainzwisa tsitsi izvo zvakatadzisa vaviri ava kuwana hope husiku hwemusi uyu kusvika kuedze. "Mbuya vaRudo, maedza kumupa mvura yekunwa here mwana? Zvimwe kuda ingadai iri nyota yava kuita acheme kudai, kunze kunopisa uku. Tingati chii, nekuti haangaita machemero akadai husiku hwakadai." Vakadaro Baba vaMucha vachibvisa jira raiva rakaberekeswa muzukuru wavo vachimubata mumaoko avo. Vakatanga kusvusvudzira paya vachiti zvimwe anganyarara. Mai vaMucha vakauya nemvura vachida kumupa asi mwana akairasira kure izvo zvakatovanetsa kuona Rudo achiita izvi. Vaitadza kunzwisisa kuti iro simba ayiva ariwana kupi rekuita zvakadaro. Vaviri ava havana zvimwe zvavakakwanisa kuita, vainge vatopererwa. Mukukurukura kwavakatanga kuita vakazotanga kutaura mashoko akawanda pamusoro paMuchaneta. Vaisvusvudzira mwana apo vachikumbira Muchaneta kuti asashungurudza mwana wake nekuti rwaiva rusvava hapana zvarwaiziva. Izvi zvakazoita kuti munguva pfupi pfupi yakatevera mwana akanyarara kuchema, nehope dzichibatawo. VaHungwe nemukadzi wavo havana kuzokwanisa kuwana hope nekuda kwekuwanda kwepfungwa, zvekare kunze kwaive kwaedza. "Mai vaMucha, hauone kuti pane zvakavanzika zviripo here apa? Machemero anga achiita mwana andibata bata, hazvisi zvega izvi. Panoratidza kuva pane something chikuru apa, handizvione mushe ini." Vakadaro Baba vaMucha vachitora demo ravo, vaida kuenda kugomo kunotema makavi. "Kupi, mwana mudiki iyeyu mukati pane zvingawanikwa paari here? Kuda dzaingova hope, kana kusuwa hake mai vake." Vakadaro Mai Mucha vachiedza kuzvisimbisa asi pachokwadi hana yavo yainge yorova. Vakatora mutsvairo wekuti vatsvaire pachivanze pavo havo. Vakafunga zvishoma ndokumira vabata chiuno voti, "ko, nhai Hungwe, midziyo yemwana wedu ichangorova yakadaro here? Vakwasha vari kurongei nekuti sekuziva kwenyu inofanirwa kuuya mumusha muno. Tarirai vana sekuru vake varikunetsa hanzi tinoda kuona hembe dzemuzukuru vedu, pamwe chete neplate necup zvaaijira nekunwira mvura. Hakuoni kuti ndeimwe yavari kutopara vakwasha iyi?" "Izvozvo ndizvo, maimwana, asi isu hatina zvatingakwanisa kuita. Hona zviri kuitika pamwana izvi, ndizvo zvatinofana kunetseka nezvazvo. The best way kuenda kunonamatirisa mwana uyu kuti whatever zvichaitika zvisauya paari chete. Kana iri ngozi vachapedzerana ikoko handiti havadi kuita zvirango zvacho. Zvekare kana ivo vakwasha vane zvavakativanzira, ayiwa zvakanaka. Wedu mwana acharwa hondo yake ega, sezvandakareva paguva paya. Handina mwana anourawa sehuku, ipapo ndinopika namai vangu vari paseri pechikomo icho." Vainge votendeka tendeka kumavirazuva uko kwainge kwakaradzikwa vabereki vavo vaHungwe. Vachipedza vakapatira demo ravo, ndiye tande, hasha dzainge dzoita dzichibata. .......... Mumhuri yekwa vaMoyo, zvakanga zvakaomera munhu wese kwete umwe chete zvake. Mumusha wega wega makanga muchiitika zvisina kunaka. Aiva makuna kuna zvekuti vega vakanga vasingachazivi kuti vodii. Sevanhu vaizviti vaKirisitu vaisimbisana vachiti rufu nderwa Mwari asi zvaidzimba. Zvaiti kana asiri nhingi adzingwa basa, ndiningi warohwa nematsotsi. Zvisiri izvozvo, ishop yanhingi yabaka, kana kuti nhingi warohwa nemota akabva gumbo. Zvaikunda ngoma kurira. Pamba pababa maMai Pitirosi, rimwe zuva ari mangwanani efriday. Panoonekwa mudanga mombe dzisimo, dzose kana netumhuru. Kuchirugwiwo mbudzi ndidzo dzakanga dzamuka dzakafa, asi ayo akanga ava magariro hawo. Dzaigara dzichifa zuva nezuva izvo zvavaisafungira kuti ndipi pazvichasvika pakadai. "Nhandi baba Pitirosi, hamuna kuudzwa nezve mwana waamai wenyu adai kurwadziva negumbo iro rakabayiva nemunzwa nezuro?" Vakadaro mai Pitirosi ndokumbofema. Vakasimudzira voti, "ndanzwa kuti nhasi ramuka rakaita kuora, kana iwo munzwa wacho munzwa wakaita se?" Vaitoita sevaitaura vega mai Pitirosi nekuti murume wavo ainge akangoti tsiki tsiki pasi. Hameno kuti ainge achivarairwa nei api akaerekana avhunduka achidanidzira kuti.... "Mai Pitirosi nyoka! Hona nyoka iyo!!" Mudzimai akatomuka achitarisa kwaiva nenyoka kuya. Akaona rino zinyoka zihombe raizvongonyoka raakatadza kuziva kuti yaiva nyoka hwai. Vari mukunetseka kudaro nyoka iya yakaereka yanyangarika zvekuti vakashaya kuti yainga yapinda pai uye yainge ichibvepi. Zvakavanetsa vese kekuti nekwayaiva yabva nako havana kunge vakakuona. Baba Pitirosi vakazofamba kuenda kunoona mumwe wavo. Munzira mose vakanga vachizvitongesa zvakanyanya maringe nezvaiitika mumusha mavo. Matambudziko akanga ava kuitika mumusha mavo ainge anyanyisa. Zvakanga zvatanga sedambe asi chiitiko chekunyangarika kwemombe dzavo kwainge kwava vhundutsa. Vainge vazama kudzitsvaka asi kana neimwe zvayo yavainge vati vawana. Pavainge vati vadzike kumba vazorore zvishoma ndipo vakarangaridzwa kuti kune murwere wavaifana kunoona, ndipozve voona nyoka mumusha mavo. Murume mukuru akabudisa misodzi achiona mwana waamai wake. Ainge aora gumbo uku nhunzi dzichiita madiro. Waisatarisa kuviri ukasanzwa kurwadziwa pamoyo, zvainzwisa tsitsi. "Mukoma zvamauya zvanaka nekuti ndine zvandinoda kukuudzai. Zuva nezuva ndinorota umwe munhu, asi munhu vandiri kurota ane body yechikadzi. Kumeso kwake handikwanise kumuona, anenge akavharwa. Mukadzi uyu anenge akabata zvakawanda mumaoko ake, uye ane kutaura mashoko akadzama kwazvo. Pakutanga ndakamboti dzingori hope dzechando asi nekufamba kwenguva uye nekuramba dzichidzoka handichazivi zvekufunga. Zviri kuitika mumba mangu umu, handirare nenoise yemunhukadzi iyeye. Nguva zhinji anenge achichema achidaidzira kuti ndokumbirawo rubatsiro. Chero pandinozomuka ndinenge ndichitonzwa kuti mumba muno makarema. Kana iwo munzwa wakandibaya uyu ndinofunga kuti hauzi wega ini. Une something, kana chirevo chinoda dudziro mukoma. Maorere ari kuita gumbo rangu aya muri kumaona, zviri zvega here izvi?" Akadaro munin'ina wababa vaPitirosi achinetseka neshungu. Gumbo racho rakabva raita manyemwe ndokuchitanga kurwadza zviya zvekurevesa. Akatanga achigomera akapedzisira ava kuita kukuma semombe achiita kuumburuka semwana mudiki. Pitirosi anosvika apa achiita kunge ava kupenga, uku aiva achikwenya chiro chake kuita seachachibvisa. Akatopotsa kugara ndokunodzimbira baba wegumbo mhere yainge yanyarara ndokutanga futi.....