Tozi naJimmy pavaive vasvika pamota yavo, vaviri vakaita chinguva chakakura umwe neumwe achitura mafemo nezvakanga zvataurwa. Ipapo Jimmy akabvunza Tozi achiti? "Tozi, ukuonasei nyaya iyi? Nyaya iyi ihombe haizi diki sekuona kwangu ini, handiziwe mafungiro ako kuti unoti kudii nazvo?" "Mukoma kana mune mashoko anoita ndikwanise kubatsirika makasununguka kumataura. Pandiri pano ndatopererwa ini." Akadaro Tozi achiita kushaya zvekutaura nekuda kwehasha dzaaive nadzo. "Munin'ina mukada kumhanya pana mukoma wenyu munodzikira uye zvamuri kuda kuita hazvina zvazvinobatsira, nekuti ukada kumuvhundutsira achatadza kudzosa mai vaakatora avo." Akadaro Jimmy achimutsa mota voda kudzokera kumba. Tozi akabata Jimmy bendekete rake ndokuti. "Mukoma ndiri kurwadziwa ini. Zvose izvi ndiri kuzviita nekuti akandirwadzisa, ndinotoda kuenda kumusha nhasi chaiye." "Tozi nzwisisa umwe vangu, hapana zvazvinobatsira zvauri kuda kuita. No one will believe you pane zvauchanotaura ikoko nekuti kwavari uri muipi. Ndine maideas akawanda andinoda kukupa mwana wamai vangu. Pitirosi paakabata pakarema, haabvumi zvose izvi ndikuudze. Funga kuti ngozi dzapinda mumusha menyu dzave ngani nekuda kwake. Ndosaka ndirikuti, uchasvika nehasha dzako woguma wamurova ofa asina kutaura kuna mai vako, zvinenge zvabatsira chii? Dzimwe nguva hapadi hasha kana kushandisa chikoro panotoda kushanda chihwai hwai, ndokuti tikwanise kuhwina munhu uyu. Ukasangwara, iyi hauhwinhi iyi," akadaro Jimmy. Tozi akazonge anyarara zvino, akanga achisina mashoko ekutaura. Pfungwa dzaive kure achishaiwa kuti oita zvekudii. Akasara kusvika kumba kwaaigara, pfungwa dzanguri dzanetseka. Akatanga kutora zvinhu achirongedza, akanga afunga kuenda kumusha zuva iri. Izvi akaona zvichibatsira nekuti kugara kudhorobha iye akuziva chokwadi chaiitika mumusha mavo hapana zvazvaibatsira. Akamutsa mota yake, ndiye munzira kuenda kumusha. Kwaiva kusiri kure kubva maMutoko umu zvekuti zvaisada zuva rese kuti asvike kumusha. Hazvina kutora nguva yakakura aiva amhara pamusha pababa namai vake apo akawana pane vanhu vashoma vakamugamuchira. Kuburuka kwaakaita akaona baba vake, munin'ina wababa Pitirosi, vakabata demo uku vane rekeni mumaoko avo. Vaiita vachi puta zvakare mbanje yavo iyo yaiita kuti vaite manyemwe pane vanhu. Vakafamba zvishoma nezvishoma vachiuya kwaiva naTozi, vakasvika kwava kumubata nekumusaidzira kwakadaro achiwira pasi. Tozi paano simudza chiso ano sanganidzana maziso nababa vake avo vairatidza kudzimbikana. "Tozi mwanangu, tarira uone zvandakaitwa izvi nekuda kwemabasa ako. Nhasi ndinoda upupure chokwadi pamberi pevanhu vose ava kuti mari yauri kuita uri kuiona kupi?" Vakataura vachiita sevainetseka kubudisa mazwi nekuda kwekurwadziva negumbo. Rakanga zvino rachiita kusungwa razvimba. Nerimwe divi bamunini vaiva vakamira vachisvuta mbanje dzavo, vakaisa demo pakati pemakumbo avo. "Mukoma, mwana wenyu kunyarara kureva kuti ari kuziva chokwadi. Tarirai mhuri yaparara nekuda kwemunhu umwe chete. Isu tichaita zvatinoona zvakakodzera, izvezvi Pitirosi yave mombe yemashanga, mudzimai wenyu haazi kuzivikanwa kwaari nekuda kwekamwana aka! Marwadzo amuri kunzwa achaita nani pane andinoda kuisa pana Tozivei." Akadaro munin'ina wababa Pitirosi achibata ruoko rwaTozi. Iye Tozi akavhizura achiti, "mirai zvamunoda kuita izvi hama dzangu nekuti ini handina chakaipa kana mushonga vandakabata. Makambofamba mukaona chiri kukonzeresa rufu mumusha muno here? Makazviziva sei kuti ini ndini ndiri kukonzeresa. Sei muchida kundipomedzera asi muchisiya munhu ari pedyo nemi ari kuzviita?" Akataura achiratidza kurwadziva, izvi zvakaonekwa nababamunini vake vaye vekugurwa gumbo. "Mupei nguva yekutaura nekuti mukabvisa chiri kumeso hapana zvamunenge maita isu tisina kuziva zvakawanda." Vakadaro. Pakamboita zhowe zhowe asi zvose zvakataurwa naTozi hapana akakwanisa kuzvigamuchira zvachose. Vaiona sekuti Tozi airevera mukoma nhema nekuda kwekuti vanhu vaiva vaona kubata kwakaita Pitirosi mabasa ake mumakore akanga adarika ose kuti ainge asina chipomerwa. Izvi zvakaita kuti Tozi aonekwe sebenzi nemashoko aaiva audza weruzhinji. Pitirosi akanga achangosvika akabvunzwa nezvenyaya iyi akarambira kure kuti hapana chimwe chaaiziva nezvazvo. Izvi zvakaita wemhuri vadzinge Tozi vachiti muipi. Vamwewo vakadeedzera vachiti, "Kana wasiya mishonga yako ndipo uchatsika tsoka yako pano nekuti iye Mucha akazvipisira ega mumba, zvose zvaurikutaura zvengozi totonzwa newe." Zvakarwadza Tozi nekuona mukoma vake vachiramba mabasa avakanga vaita. Shungu dzaimukurira kuona Pitirosi achirwirwa nevanhu mushure mekuuraya mukadzi wake. Izvi hazvina kumutorera nguva kutaura naJimmy nezvaiva zvaitika kumusha panhare yake. "Tozi ndakakuudza hama yangu nezvenyaya iyi kuti hauibudi. Chete ndiri munhu asingagumirwe nemazano hangu, ndine imwe pfungwa hameno ukaifarira?" Akadaro panhare Jimmy. "Taurai mukoma ndakaterera, ndinoda kutoziva chokwadi nekuti moyo uri kurwadza nezvandaitwa kuno." "Tozi mwana wamai, ndiri kufunga kukidnapp mukoma vako, tomurova kuno kusvika ataura chokwadi. Usatya ndiri kutumira chikwata chedu uye tinoda kumuita kanyama kanyama. Ndiye achaudza vamwe kuti zvaakaita hazviitwe, usatye zvako tozvipedza izvi." Achichinzwa izvi moyo wake vakanyevenuka kwekanguva kadiki. Mumusha mekwa Moyo, havana kubvira vazvitambira zvakanga zvataurwa naTozi. Vakaona mwana komana uyu ari iye honzeresi yematambudziko aiitika mumusha. Kufa kwevanhu hakuna kumira nekuti Tozi akanga apumwa huroyi, izvi zvakaita kuti zviwedzere zvakanyanya. Ngozi yakanga isisina kumira zvakanaka apo yakanouraya mwana wemunin'ina wababa Pitirosi, iyeye aisimudzira musoro zvenhema. Mwana uyu aitamba nevamwe vachifara havo apo vakaenda kurwizi kwaiva nevamwe kunobhakubha. Vabereki vakazodanwa nevamwe vana vaiva vaona chiitiko chekubaiwa kwemwana nechimuti mvura. Chakangonanga pamoyo mwana ndiye sarai. Zvakarwadza vakawanda kuona izvi, hapana akataura neumwe zuva iri kunze kwekuchema. Kana vari baba Pitirosi vainge vati undundu apo vainge votukwa vachinzi itai mwana wenyu asiyane nemushonga. Kana ari Pitirosi aiva asisazivikanwa kwaaiva pamwe chete namai vake vaiva vanyangarika zvisina kana tsarukano. Izvi zvakawedzera mhaka dzaTozi uyo ainzi zvimwe ainge atovauraya zvaaiita vamwe. Kupera kwemazuva mashoma, mhuri yekwa Moyo yakaungana pamwe chete kuti ironge iri pamwe. Vanhu vainge vonetseka nekuda kwekuona chipoko chemunhu kadzi zuva nezuva pamusha umwe neumwe usiku. Mai Pitirosi vaiva vakasungwa maoko nemakumbo, vakazorwa zvinhu zvavaiva vasingaziwe kuti zvaive zvii. Muromo vaiva vakavharwa uku vakanga vonzwa kufambwa muviri wavo nenyoka. Nyoka dzasekuru n'anga dzaive dzichiita madiro ajojina pavari. Kudai vakanga vachikwanisa kuridza mhere zvimwe zvaiva nani, asi nekuda kwekuti muromo wakanga wakavharwa zvaisaita. Nekune rimwe divi vaiva vanzwa nekuitwa mukadzi nasekuru, nezvidhoma zvavo futi zvekare. Mwana akanga atandira vanhu rimwe dambudziko raiva risingakwanise kupera mumusha umu nekuda kweizvi. Mazuva aiva afamba ngoma iri ndiyo ndiyo, Pitirosi namai wake vaiva vasati vazivikanwa kwavaiva vari. Tozi chete ndiye akanga achiziva zvose zvaiitika.