Kugara nekugara hapana anoda nhamo, ichi ichokwadi chisina kuvanzika. Tozi zvaiitika paaigara aizviona, zuva nezuva Jimmy aibuda usiku achidzoka koedza, dzimwe nguva kwatochena, pamwe pacho masikati chaiwo. Ndiwo mazuva aanenge achiti kubasa kwakaoma iwayo. Zvese izvi Tozi aizviona. Chaimushamisa madyire aiita Jimmy nevamwe vake mari vasina matyira. Aisava rema rekuti angatadza kuziva zvaiitika. Asi nekuda kuzvisimbisa aingoti pamwe ainyanya kufungisisa. Rimwe zuva ari masikati, vese vari pamba akada kukumbira Jimmy kana aigona kumutsirawo awane chekuita. Aida kushanda achengete mwana wake ainge akaenda nambuya vake. Kufunga kwaakaita Rudo moyo wake wakaenda kure kure. Zvaidzimba. Akanga azvitambira kuti Muchaneta ainge amusiya asi chaakazvivimbisa kuzochengeta mwana wavo nekumupa upenyu hwakanaka. Izvi zvakamupa zvivindi zvekuti aizoita chero chipi chaaizonzi aite kuti abudirire. Akaenda panze paiva pakagara Jimmy aisvuta fodya yake achimwirira wine parutivi. Akazvichivawo izvi, ndiyo yavaiti good life zve iyi. Kana muyimbi uya aibvunza kuti unoda chii life nehupenyu akamunzwisisa. This was life, chairarama Tozi ndihwo hwainzi hupenyu. "Hey," Jimmy akadaro achibvisa chiso kufoni, "ndatoti wakarara ndikati ndikusiye uzorore." Tozi akagara pasi achiti, "ndogozorora chii sendinoshanda hangu." "That reminds me, siyana nezvekutsvaira mumba nekuwacha zvawakutanga izvi. I told you, hembe tinoendesa ku dry cleaning, ano cleaner mumba aripo, wakamuona wani." "Kwaniko, ndinenge ndangonetawo nekugara." Jimmy akatura mafemo oti, "you are not here kuzova slave mumba mangu." Tozi akakwenya huma yake achiti, "ndaneta nekungochengetwa ndakarara ini, ndakutoita rombe rombe ndiri pano." "Don't talk like that. Anyway, ndanga ndichitoti ndichataura newe kana wamuka. Pane zvandinoda titaure pano asi handidi kuzvinzwa zvichitaurwa kune umwe munhu, tiri kunzwanana here?" Tozi akagutsurira musoro achiti, "ndazvinzwa. Kana neniwo ndanga ndichitodawo kutaura nemi blaz. Kubva zvandauya pano ndiri kungodya nekuvata, hamuone kuti zvanyanya here ndioneiwo vakomana. Munoti ndinonzwa sei muchirasa rasa mari zvamunoita. Ndinoda kushandawo ndichengete mwana wangu." "Ndizvo zvandinoda titaure. Haisi nyaya yekuti handidi ushande asi ndaida kuona kuti une zvivindi zvacho here. Basa ratinoita isusu rinida vane hana, the courage to do anything kuti uite mari." "Zvichirevei izvozvo?" "Zvichireva kuti, wakashinga here Tozi. Zvibvunze wega kuti wakashinga here kuti unoita anything to make it in life. Hakusi kumusha kwenyu kuno, tinoita yese yese. Nhamo haisi shamwari yako shamwari yekuti unotamba nayo unoitwa chikorobho. Dai waiva nemari dzako mukadzi wako angadai ari mupenyu. Inhema here?" Tozi akafungisisa zvakaitika kusvika mafiro akaita mukadzi wake akabvumirana naJimmy. Akatura mafemo oti, "I can do anything, chasara kuti ndichengete mwana wedu waakasiya. Handidi atambure, Muchaneta angandigumbukira. Ndakashinga ini, ndinoita chero chipi zvacho." Jimmy akamutarisa kwechinguva ndokuti, "uchanzwa neni kana nguva yakwana asi kana uchiziva kuti hauna zvivindi zvacho ndiudze izvezvi. Handidi kuzonyadziswa pamberi pevanhu uye kana vatouya panapa vatokuudza zvekuita there is no going back nekuti hatizozivi zvauchafunga." Hana yaTozi yakarova asi akazvisimbisa semurume ndokuti, "Ndinazvo zvivindi ini." Jimmy akabhabhadzira mafudzi aTozi ndokusimuka opinda mumba. Tozi akasara achipedzisa kumwa wine yaiva yasiiwa achitsinhirira neinzwi raiva pasi pasi achiti, "ndinazvo ini zvivindi, zvivindi ndinazvo." Zuva rakapera zvakanaka, semazuva ose Jimmy akabuda husiku apo Tozi aiva akarara muroom make. Akatanga kuona Muchaneta achichema misodzi yeropa achifamba achipinda muchivanze mababa vaTozi. Izvi zvakamunetsa apo aida kuedza kutaura naye achitadza nekuti izwi rairamba kubuda. Muchaneta akasvikomira pabedroom yairara vabereki vaTozi. Tozi akaramba akatarisa chiitiko ichi apo akaona baba vake vachibuda mumba. Muchaneta akabva avabata ruoko ndokutanga kufamba achienda navo. Tozi akaedza kuda kumhanya kutevera asi zvaitoita sekuti pane chaimudhonzera shure. Akasvika pakupepuka ndokuwana kuti ziya rainge rati chuchuruu muviri wese. "Please Muchaneta, please I am begging you. Not baba vangu Muchaneta, ndokumbirawo usatore baba vangu Muchaneta." Misodzi yakatanga kuerera maziso ake achitadza kunzwisisa chiitiko ichi. Ainge arota hope dzakadai futi pane hanzvadzi yake yekwa babamunini yekushaika iya. Zvaimbofamba sei chaizvo. Ko sei Mucha aichema misodzi yeropa? Mibvunzo yose iyi yainge yomutenderedza musoro. Akamuka ndokunzwa moyo wake uchida kupfugama kunamatira upenyu hwababa vake. Aisanzwisisa zvaiitika mumhuri mavo asi aisada baba vake vafe. Achipedza akatanga kunzwa pahuro pake kuoma achibva asimuka ndokuenda kukitchen kunotsvaka mvura. Ari ikoko ndiyo nguva yakapinda Jimmy nevamwe vake. Tozi akatarisa nguva pawall ndokuona kuti kwaiva kuma2. Vakatanga kuita nyaya vanhu vaya vachigara pasi apo vaikwazisa Tozi. Papera chinguva munhu wese agara pasi Jimmy akazoti, "right, vakomana, ndiye Tozi uyu ari kuda kujoiner chikwata. Saka ndauya nemi pano kuti mumuudze zvatinoita uye marules ethis group. Ibasa rako iri Keny, then kana tapedza izvi mangwana poonekwa kuti apiwa foni yebasa yacho zvese netracker zvakadziriswa. Tanzwanana?" Vakabvumirana apo Kenny akagadzirira pahuro. "I am Kenny, Kennias. So woterera inini nhaika. Basa redu isusu harisi legal, rinosungisa ukabatwa uye rinotyisa. Tiri mbavha isu, uye futi tinotengesa madrugs. Ndiro basa rauchange uchiita from now on." Tozi akatanga kumerera, achimedzera mate akaterera. "The first rule, ukabatwa you are on your own, ifa wega. Haudomi kana zita raani pano chero ukanongedzerwa pfuti pahuma. Chechipiri, haubiri vamwe pano, pane zvese zvatinowana tinogovana zvakaringana, asi Jimmy ndiye mukuru wedu pano. Chechitatu, haungoite nzendo dzako usingataure, uchaiswa mugrp mune vamwe, chese chaunoita chinofana kuzikanwa nevamwe vako. Isusu. Kubva nhasi, zita rako harichanzi Tozivei Moyo, unorishandisa kumusha kwako uko. Tese tiri pano vamwe takutokanganwa mazita atakabarwa nawo. Uchaita imba yako asi ichange ine macamera. You break any rule, tinokuuraya." Tozi paakange akagara paiita sepopisa achingozununguka zununguka. Kenny akazviona ndokuti, "handinyepi tinokuuraya. Zvinhu zvese zvaunotenga hauise muzita mako, iyi haisi rule asi it's an advice. Last rule, zvawatonzwa zvatinoita izvi watopinda muchikwata, hauchina right yekuramba. Hauudze chero ani zvatataura pano uye nezvatichaita, chero mukadzi wako chaiye hafaniri kuziva." Kenny akatarisa vamwe vake ndokuti, "ndapedza ini." Mai vaMucha vainge vamutswa nemuzukuru wavo aichema husiku. Zvakatovanetsa nekuti mhere yacho yaitotyisa. Vakamusvusvudzira apo vaimupa mvura yekumwa akairamba. Vakasimuka ndokuita wekubereka votanga kufamba famba pachivanze usiku ihwohwo kuti vamunyararidze. Baba vaMucha vachiona izvi moyo wavo waiwedzera kubaiwa. Kufa kwemwana wavo zvisina tsarukano raiva vanga raiva pamoyo richiramba kupora. "Hazvinei hazvo," ndiwo mashoko chete avakataura. Akabva pamuromo paBaba Mucha.