Kudirwa kwakaitwa Tozi mvura yakanga ichitonhora, akamuka pachiso chake chakazara misodzi asingakwanise kana kuita sei. "Why Muchaneta kundirwadzisa kudai? Zvandakataura wani kuti ndiri kudzoka. Ndakakuudza kuti ndimirire ndinouya wani? Ndizvo zvawasarudza kurwadzisa moyo wangu nazvo here izvi? Hauna kubvira warwara babe, zvino ndinotangira papi inini? Ivo vabereki vako ndinotangira pai kuvaudza nezvekufa kwako? Wafa rufu runorwadza mukadzi wangu, ndiri kurwadziwa. Mwana wavasiya arimudiki kudai okura asina Mai pedyo naye here? Why kuita zvakadai, waaona zviri nyore kuzvipisira mumba? "Mai hweeee kani! Ndasiwa pachena, ndichawana kupi umwe mukadzi ane rudo saMuchaneta? Ndomuwanepi anenge iwewe? Ho do I even go on, ndotangira paiko, Mucha kaniii!" Tozi akaungudza zvaipisa tsitsi. Akanga achiita kuumburuka mumadhaka, zviya zvinonzi murume haacheme manyepo, nhema chaidzo. Anenge asati arwadziva, marwadzo akapinda mumwongo chaimo anoridza mhere semwanana. Tozi akarwadziswa kusvika pamongo webhonzo chaipo, zvekuti akatadza kana kuziva kuti odii. Kabag kainge kane nhumbi dzaaiva atengera mwana nemudzimai wake akanga azokabata muruoko. Ainzwa kupererwa, kushaya zvekuita. Aiva angobata dress raaive atengera mudzimai wake. Moyo vakarwadziva nekuremerwa, zvimwe kudai akaramba kuenda kwaaiva anzi kwaita basa. Zvichida pamwe mukadzi wake aidei asina kusangana nerufu. Zvaive nane dai akagara achichengeta mhuri yake. Pane kudzoka oona zvakadai. Akasimuka paaiva akagara, hembe dzaiva dzazara madhaka, dzasviba kuti ndoo. Anofamba zvishoma nezvishoma kuita semunhu akurwara nenjere, osvikobata mukoma wake hembe muhuro. "Ndiko kusara muchitarira mhuri yangu here uku? Zvamakati hapana chinoitika pamhuri yangu? Izvi ndezvipi zvaitika apa mukoma? Why me? Why only me? Kurwadziswa rudzii uku?" Akachema zvainzwisa tsitsi. Akaregedza mukoma vake, akatanga kutenderera imba yose achitarisa-tarisa. Misodzi nendangariro zvinodzoka kumazuva ekumashure. Anotanga kurangarira kufara kwaaiita nemhuri yake. Kunyangwe paive pasina mari vakanga vari mumafaro. Imba yavo yaigara nemufaro zvekuti akatomboita kunga oda kusekerera ndipo anorangarira umwe vake akanga afunga rake ega (kufa). Chaakanga asina kuziva ndechekuti moto vakanga vabatira zvakaita sei paimba yake. Akaerekana aikwetsura mhere yakavhundutsa vanhu vaiva panhamo. Vamwe vaimunzwira tsitsi. Vamwe ndivo vaiti akanga arikupi achisiya mudzimai vake ari oga? Ibenzi remurume. Vanhu vaitaura zvakawanda pamusoro pake. Ndizvo zvazvinoita, pane chaitika vanhu havanyarare. KuMasvingo kuBikita vakanga vatumira munhu ainozivisa mhuri yekwa Hungwe nezverufu rwemwanasikana wavo. Sadombo (samukuru) akanga atumwa kuBikita aishaya mashoko aaizosvika nawo. Aizvidya moyo achishaya kuti aizotangira papi kutaura zveshoko rairema kudai. Ainetseka chaiko kuti aizovati chii chaizvo chaizokwanisa kuti mhuri iyi inzwisise nezvekufa kwemwana wavo pasina shoko reurwere rakanga rataurika kwavari. Sadombo akafungisisa kusvika pakudzamisa ndangariro pamwechete nepfungwa dzake. Misodzi ikatanga kuyerera nematama ake, ofunga mafiro aiva akaita Muchaneta. Pamusoro pazvo aiva asina kupedza kubvisirwa jeredzwa (pfuma\maroora). Izvi zvakaita Sadombo awedzere kurohwa nehana, aizvosvika achiti kudii kumhuri iyi? Kusvika kwanoita sadombo mumusha mevabereki wemukadzi vaTozi. Anomira kunze kwechivanze, izvo zvinoita kuti atange kufunga zvakawanda. Akamira pachivanze kwenguva diki diki. Anotanga kuombera maoko ake apo anonzwa Mai wemumusha vodaira nekuombera maoko avowo, kuratidza mukwasha kuti aiva anzwikwa kusvika kwake mumusha. Akatendedzwa kupinda mumba maiva mune vabereki vaMucha. Baba vake vainge vati kurei, vachena musoro, asi kwete zvekunyanya kuchembera. Anosvika nekuvakwaziva, ivo vabereki vanobva vaziva murume uyu. "Baba kuona ndauya mumusha menyu kudai, munhu kusvika pakufamba nehusiku, zvinoreva kuti masango matema. Zvinhu hazvina kumira zvakanaka." Akadaro munyai achirova maoko. Izvi zvakaita kuti mumba mumboita runyararo, vanhu vese vainge vava kutsi kwefungwa. Baba vaMucha vakatura mafemo. "Zviri munzeve mukwasha, kuona imi motitsika kudai moyo inonyevenuka. Tinenge toti mune zvikuru zvamunazvo, tava kurodzerera meno edu. Tototi kuda mauya kuzopedzisa jeredzwa (pfuma) rakasara" Vakapedza kudaro vosekerera wachi kuchidzira moto. Vaida kuti ubvire vakwanise kuona zvakanaka. Kudai vakanga vachiziva zvakanga zvafambirwa nemukuru uyu, vasina kuseka kana kubudisa mazino avo panze. "Baba zvinhu hazvina kumira zvakanaka muchiona ndauya kudai, ini ndiri mutumwa sekuziva kwenyu mose muri muno. Kutaura kudai ini ndatumwa neshoko rerufu rwemwanasikana wenyu Muchaneta. Akaroorwa kumhuri yekwa Moyo kwaMutoko." Samukuru aiita kutaura achiita kubvunda akatarisa tezvara vaikuchidzira huni mumoto, akapotsa atiza ofunga kuti pamwe baba vakanga vakuda kumupotsera nehuni yemoto. "Shoko tarinzwa, uye hatikwanise kubvunza imi zvakawanda. Chatingakwanisa kukuudzai ndechekuti fonai muvaudze vemhuri yekwa Moyo nezvekuuya kwedu ikoko. Asi mwana ngaasachengetwa tisati tasvika, pane zvatinoda kuongorora. Akanga achirwara here zvisina kunzwikwa urwere hwake kuno?" Vakapedzisira nekubvunza baba ava. "Kutaura chokwadi hapana anoziva, kunze kwekuti munhu atsvira mumba ari ega. Murume vake akanga arikubasa kunoshanda. Mwana aiva nagogo wake, ndizvo zvandinoziva chete" Mai vakarwadziva nekunzwa mashoko aya, kuti mwana akanga afa zvisina tsarukano. Mumoyo mavo vakatanga kurwadziva, kuita kunzwa ziya richiyerera mumuviri mavo. Vakasara padiki diki kufenda. "Mucha!!! Mucha kani!!! Mwanangu zvavaenda kudai, ndiwe mwana sikana wangu wega. Vadarirei kuda kundirwadzisa mwangu? Kuzvipisira mumba ndiko kuita seiko?" Vakataura zvakawanda mumisodzi. Havana kuzoita nguva yakakura, vaive vachirongedza zvinhu zvavo kuti vakwanise kuenda kurufu rwemwana wavo. Zvakawanda vaizotaura kana vasvika kumusha kwaaiva akaroorwa. Early Saturday makuseni kuma6, vaive vachiburuka bhazi mumbare. Vakafamba vakatakurirwa mitsapo (mabag) yavo nasadombo vachienda paiva nemotokari dzaienda kuNyamapanda. Havana kuita nguva yakakura vari mumbare waiva vatoona motokari yaizonovasiya kwavaida kuenda. Vakanga vafamba zvakanaka, dambudziko rakazouya pakafa kombi yavaiva vakwira iyo yakafira pedyo nepa mashops epaRukanda. Vakamisirwa imwe iyo yakanga ichiperera paSuswe, vakakumbira sevanhu vaienda kurufu vachinosarira pamudzi, pa 22camp. Munhu wekombi akanzwisisa kuchema kwavo akazovasiya pavaida apo nguva dzaiva dzafamba. Vanosvika vanhu vachangopedza kumwa tea yemakuseni. Vanochema zvinonzwisa tsitsi, zvakaita kuti naiye mukwasha anzwe kupererwa nemashoko ekuti aizotangira papi kuudza hama dzemukadzi idzi. Akavatambira vachiri kunzira kwavaiva vachichema vari vachiuya kwaiva nevanhu. "Shuwa shuwa mukwasha! Mwana wangu oenda ndisina kuonekedzana naye here? Why mukwasha kusandiudzawo shoko rekurwara kwemwana wangu kani!! Maihweeee! Ndabaiva panyama nhete chaipo, mazondigura kunorira kani!" Vakachema zvainzwisa tsitsi zvakaita kuti vanhu vazive kuti ndivo vaiva mai vaMuchaneta. Kana ari saPitirosi neshamwari yake vakanga vakaita kugara vasingacheuke kuti kunze kwaiva kunei. Mumoyo vakanga vachifarira kufa kwaMuchaneta akanga ada kufumura mabasa avo erima. Kupedza kwavakaita kuchema nekubata vanhu maoko, kwaiitwa nehama dzemukadzi, panotumwa munhu anovazivisa kuti vachienda muimba yaiva iripo, isiri yakanga ine mufi. Imba iyi yaiva yekuti vakwanise kubvunzana hupenyu nekuudzwa mafiro akaita mwana wavo Muchaneta, iyi ndiyo yakanga iri tsika yechivanhu chavo kunzvimbo iyi. Hazvaiita kuti vaudze wekwatezvara mafiro akaita mwana wavo pajekerere, zvaidavo vataure pavo wega panoita kuti kana ivo vaine zvavanoda kutaura vataure nawo ruzhinji rusinganzwe. Vana tezvara vakaramba kupindamo nekuti vakanga vasina kuudzwa zveurwere. Izvi zvakaita kuti mhuri yekwaMoyo iomerwe nezvaiva zvakuita vanhu wekwa Hungwe.