Nyaya yakange yaoma zvino kusvika Sabhuku vazopindira. Ndivo vakazogona kukumbira kuti vabereki vaMucha vabvume kupinda mumba kuti vataurirane. VaMoyo ndivo vakapira nyaya kuVakarahwa, vachitsanangura kutsva kwainge kwakaita muroora wavo ari mumba. Vakataura zvakare kuti vaisaziva kuti ainge apisirwa mumba here kana kuti iye ega ainge azvipisa. Babamukuru, mukoma wababa vaMucha vakagadzirisa pahuro ndokuti, "saka imi munoreva kuti mwana wedu angofa chete, pasina humbowo hwekuti apisirwa mumba nani. Nekuti Muchaneta mwana wedu, takamurera tisu, mwana akakura achifara. Kubvira kare chero anetswe nei anotaura, haasi mwana wekuti anganzi azvipisira mumba. Sezvo mati imimi nemurume wake vaiva vagere zvakanaka, aizofunga sei kuzviuraya nenzira iyi pasina kunetsa?" Mai Mucha vakati, "never! Muchaneta waurawa, mwana wangu haana kuzviuraya ega. Bamukuru musapoterera, pane shoko riri kutaurwa panze apo. Kuti mwana wedu akambogarwa dare tisipo, isu vabereki vake? Makatiudza here? Mwana kusvika pakuvata kwaSabhuku, imba yake iripo." Yakadairirwa nababa vaMucha voti, "kuita mwana wedu wekuchinjana, musina kupedza kuroora futi. Hakusi kudherera here ikoko? Kuratidza kuti shora chaiko. Zviri kufamba sei pano?" Vakakweshana paya mudare muya, kwenguva refu. Vabereki vaMucha vaiti ivo vanoda kuenda nemwana wavo vandoviga vega. Ukuwo Tozi aiti anoda mukadzi wake avingwe pamba pavo kuitira mwana wavo akure achiona pakarara Mai. Zvainge zvonetsa Mai vaMucha vachiti mwana wemwana wavo vaizoenda naye nekuti vakanga vasingade agare nemhondi dzekwa Moyo. Tozi akachema zvainzwisa tsitsi achikumbira vakarahwa kuti vasamutorera chinhu chimwe chete chaimusanganisa naMucha. Rudo raiva zai ravo regondo, aizoda kukudza mwana wake nerudo sezvaiita Muchaneta. Vakataurirana kusvika baba vaMuchaneta vati vaida $10 000 usd nemombe 13 dzinotsika, kuripa zvese zvaiva zvaitwa mwana wavo pasina izvozvo wavo mwana vaisenga. Vekwa Moyo vakada kuedza kuti vadzikisirwe, asi vaitowedzera kuomeserwa zvinhu, vabereki vaMucha vachiti kana zvanetsa itai dziite 15 mombe dzacho. Dare rakambomira vekwa Moyo vaungana vega vachionesana kuti ponzwii. Tozi ziso rake raingova pana mukoma, nyaya yaakange anzwa yaiva yamusiya avhiringika. Pitirosi achiona ziso raTozi hana yake yainge isisina kugadzikana. Nekuda kuzvinatse Pitirosi akabva ati, "ndine urombo vana baba, ndini ndakakonzera zvese izvi. Dai ndisina kutsvakira Tozi basa pamwe dai tisiri pano. Zviri nyore kuti vanhu vabvume mashoko ekuti inini ndakabata Mainini, nekuti ndini ndakaendesa Tozi. Zvisinei, panguva ino ndakungoda hangu kuti mufi azorore. Saka pamombe dzarehwa ndichabvisa 7 dzacho. Ndaona munin'ina wangu ari kunetseka kuti mudzimai wake andovigwa Bikita. Moyo wangu warwadza kukuona uchichema Tozi. Tosara togara pasi totaura, asi parizvino, ngativigei Mai Rudo." Vanhu vakaridza mhururu poitawo vamwe vakasvorera, kuziva kuti kuda kubata vanhu kumeso. VaMoyo vakati vaibvisawo 4 pamombe dzaidiwa. Tozi ndokututsirawo dzake mbiri dzaaiva akatemba idzo dzaiva mudanga rababa vake. Hondo yakazova pamari apo pakange poitwa mudemhe mudemhe imwe vachikwereta. Hama dzakamira mirawo dzikabatsira, nekuona kuti hama dzaMucha dzaisava pakutamba. Pitirosi akandokumbira Tobi uyo waaiziva kuti ainge abva kutengesa mombe mazuva mashoma ainge apfuura ndokukwereteswa. Yakabatanidzwa mari iya vanhu vachitsvaka kuti ikwane. ...... Vanhu vaitamba ngoma yairidzwa parufu, vamwe vaiva mushishiwo kubika. Vamwewo ndivo vaichema apo Pitirosi ainge ambotizira kumba kwake. Aiita sekunzwa kutsva apo muviri wese wainzwa kuda mukadzi. Zvainge zvotomunetsa kugara pane vanhu apo sekuru vainge vasimudza trouse, vachitoda kupoya nepazipi nekufunga Mucha, kudai akanga arimupenyu akaenda kunopamha zvakare. Zvakatomunetsa nekuti kubvira nekubvira ainge asati akambosangana nechiitiko ichi. Zvakaramba zvichimubata achibva afamba kuti adzokere parufu paiva nevamwe. Fungwa yainge yamuti atsvake chero shirikadzi ingabvuma kuvata naye. Hakuna kwaakasvika achinzwa akurwadziwa ndokudzokera mumba make. Akabvisa hembe dzake ndokutanga hake kuzvibudisa ziya ega. Panguva imwe chete iyoyo vanhu vakamira kuridza ngoma vanzwa noise yainge yaitika pamba pana Tozi. "Haaii haaii haaiiii!" Aiva madzitete aMucha, hadzvadzi nana sisi vainge vasvika kubva Harare. Paiva nana vatete vake vaviri vaizivikanwa kuti vaimboita sevagarwa nemweya chaiwo. Aiva makadzi ano makobvu ekuti rikakuti mbaaa, unogona kunyorovesa hembe. Vanhu ava vainge vanzwa kubva vachiri kumagirosa nyaya yese yaiva yakasangana naMucha. Umwe aiva akabata foshora nedanda umwe bhebha nepiki 4. Kana dziri sehanzvadzi dzaMucha dzaingoti idzo dzaida kuona Tozi avaudze kuti akanga asiya hanzvadzi yavo nani. Vana tete uku vaiti vanoda kuona Pitirosi. Yakava batai batai vachikutura mabhodho aiva pazvoto. Huni dzairasirwa kure uku mvura ma bucket achikahwa negogo. Aivaona aiti hameno midzimu yagara pavari, aiva maitiro avo iwaya kana pakaita wavo anenge afa zvisina kuvafadza. "Tati toda munhu anonzi Pitirosi! Mukoma waTozi ngaauye pano mhani!" vatete vadiki vacho vakadaro vachipinda mukitchen. "haaii! Panofa munhu pano mhani imi, ndoda kuona Muchaneta pano. Ndoda kuona Muchaneta!" Arimupenyu kwete zvamuri kundiudza zvekufa kwake, Muchaneta wedu mupenyu ndevamwe vaideedzera vachipota neimba nekudzoka. Vakatanga kubon'a zvekuti waigona kuti ishumba. Mai Muchaneta ndivo vakazomonera zambia ravo range ratsuduka ndokupfugama pasi. Vakarereka musoro parutivi, ndokutanga kuombera voti, "maita hungweee, zvaonekwaa. Hungwe yangu, vamudya nevanaa, kunyima vana zvinoshura. Zvaonekwa! Hwene hweshumba, dzorai moyo varume vangu. Zvaonekwa, zienda nemudenga.....!" Izvi vaiita vachifamba nemabvi kusvika vati kwati mumakumbo avatete vechikuru vacho. Baba vaMucha nedzimwe hama dzavange vauya nadzo vaiombera vari nechekure nekuti vaviri ava vaisasvikirika. Kubvira kare waiti ukada kuswedera pamunhu anenge achidai aigona kukutema musoro saka vanhu vese vainge vatiza. Vanhu vemuraini nemhuri yekwaMoyo vachiona izvi vakapera mate mumikanwa. Ngozi yaiva yapinda mumusha mavo iyi yaizopera here iri yemuroora? Vainge vongonamata kuti ange hake asina kuurawa, sezvo zveroora vainge vataurirana. Chavainge votya ingozi. Tozi ainge avigwa kare kare akapukuta ziya ari muboot memota yemukwasha wake maaiva. Hana yake ichiwedzera kubika manhanga. Ukuwo Pitirosi aibowa nekuzvinakidza ega anopindirwa naTobi uyo akapererwa nekuona mashura aya. Zvisinei, zuva rakatevera Muchaneta akatorwa kuti auye azoradzikwa. Kuradzwa mumba make kwaisaita nekuti mutumbi wake wainhuhwa zvaityisa. Kana body viewing chaiyo yainge yarambidzwa zvekuti akatobva ku mortuary akanangiswa paguva rake. Vanhu vainge vazogara pasi zvekare hama zhinji dzasvikawo pakava nekuwirirana pamhuri mbiri idzi. Mari yakazosara yoshota nepashoma apo vakavimbisa kuti vaizoipedzisa munguva pfupi yaitevera. Muchaneta akange arwadza vakawanda, kusanganisira shamwari dzake dzaakanga asiya kuHarare idzo dzakauyawo kurufu. Akachemewa nevazhinji nekuti mwana akanga akura achiziva kugara nevamwe zvakanaka. Nevekuzvikoro kwaaidzidza vamwe vaitoita kuri kukwereta mari kuti vauye kuzoona achizorodzwa. Vese pavainzwa nhema dzainge dzarehwa naPitirosi vairambirana nadzo. Iye Pitirosi ainge azobviswa parufu nekuda kwe hanzvadzi dzaMucha dzainge dzati dzaisada kumuona or dzaimuuraya. Aiva azoendeswa kumba kwaMai vake uko aiita seachasvuuka nekuzvifadza ega asi asingaguti. Solution yaivapo aida mukadzi chete. "Handina mashoko akawanda ekutaura. Ndabaiwa nerakagomara. Ndagurwa kunorira, asi handingatongeri Mwari. Asi zvandichakuudzai nezvekuti, kana afa nerwa Mwari rufu, aiwa azorora. Mwari haabvunzwe kuti azviitirei. Asi kana aurawa nemunhu ndichati aende nebhemba iri azokwanise kurwisa kune akazviita izvi, muchazvionera. Handina mwana anourawa sehuku nekuti ini handina kuzvara huku. Wangu mwana acharwa hondo yake ega ende kana nguva yakwana zvichaonekwa nemeso. Musachema hama dzangu nekuti uyu avata apa uyu, igamba. Rara munyasha mwanangu." baba vaMucha vakapedzisa kutaura vachidaro misodzi yaive yati mokoto pameso avo, apo vainge vanzi vape mashoko avo ekupedzisira kumwana sikana wavo. Umwe wehanzvadzi dzake akakundikana kutaura ndokungoti, "haa iyi haiperi iyi. Umwe anotevera chete, ndotokuudzai." Dzaiva shungu nehasha, program ichienderera mberi. Munguva shoma yakatevera vanhu vainge vogezwa maoko vachipinda muchivanze kubva kuguva. Ainge azorora mwana wekwa Hungwe. Rwake rwendo ainge afamba, kusaziva kuti ainge apedza here.