Tozi akabvisa bhachi rake releather raakanga akapfeka achiritsvetsa pabed. Akabvisa zvese zvaakange akapfeka ndokumonera tauro rake rewhite apo akanopinda mu bathroom kuti ageze. Akamira pamirror raiva mumba make akatarisa ropa raiva pahuma pake ndokutura mafemo achitsinzinira maziso. Ndangariro nepfungwa dzake dzakadzoka shure mokunge afunga umwe wavo ainge akuvara apo ainge apfurwa nemu security kushop kwavainge vaenda kunoba. Chainyanya kumutambudza pamoyo inyaya yekuti ndiye ainge akonzeresa izvi. Ainge atadza kushandisa pfuti yaiva mumaoko make kupfura musecurity uya! izvo zvakazokonzeresa kuti umwe wavo apfurwe. Akafunga zvakare kutsamwa kwainge kwaita vamwe nekuda kwechiitiko ichi zvakapotsa zvamurovesa. Jimmy ndiye ainge azodzimura noise achirangaridza vamwe kuti Tozi akanga achiri kuda nguva pazvinhu izvi semunhu akanga asati ajaira basa iri. Mushure mekupedza kugeza akachinja ndokuenda kukitchen kunogadzira chekudya. Achipedza ndipo akanogara pasi apo ainge abata iPhone yake itsva achitsvaira tsvaira. Akatarisa wine yaakange akabata akagutsurira musoro kuratidza kunakirwa nezvaakanga achiona. Iyi ndiyo yainzi good life zve yaakanga ava kurarama iyi. Akanga asati akwanisa kana mwedzi achiita basa rekuba iri, asi zvinhu zvakanga zviri kutomufambira zvakanaka. Aitoronga kutumira kumusha kuna mai vake nekumwana wake zuva raitevera racho. Ainge azokwanisa kutsvakawo imba yeku lodger hombe pedyo nepanotorerwa zvitupa maMutoko kwaizivikanwa nekudhura kugara. Ainge atenga kamota kake kezera rake zvekare sekuti vaikurudzirana mugroup ravo kuti umwe neumwe aifana kutenga mota. Achipedza kudya akadzokera kundorara semunhu ainge akaneta. Achingoti musoro pasi akatanga kurota zvekare Muchaneta achichema misodzi yeropa apo akanongedzera mukoma wake, Pitirosi. Airatidza kuva ane zvaaiedza kutaura, asi iye Tozi aisanzwa izvo zvaibva zvamudzimba moyo. *** Pitirosi akamukira kugadzirira rwendo rwake rwaainge aronga. Ainge azvipira kunokwira bus kuti aende kuBulawayo kunorara Nehanzvadzi yake. Akatora mushonga waakange apiwa nen'anga yake uyo vainzi aizouyisa muchifu chake kuti asarambe. Ainge anzi izvi aifana kuzviita murume wake asipo aenda kubasa. Ainge aneta Pitirosi nezvaiitika paari. Pane dzimwe nguva dzaaigona kungonzwa kuda kumhanya ototanga kumhanya hapana chairega kuita chanenge achinzwa kuda kuita. Pamwe pacho aizopepuka ari kunzvimbo yaasingazivi usiku kuita kunge ari kumakuva kune vakafa, orara musango. Kwachena otanga kufamba achibvunza nzira kusvika adzokera kumba kwake. Zvisinei akabereka kabag kake ndiye tande kustation. Semunhu aiva asina kuoneka vabereki vake kuti aiendepi akatora chinzira chaifamba nemusango. Achisvika pastation haana kubvira anetseka mota. Moyo wake vaifara apo ainge ava kuenda Bulawayo uko kwaizopedza nhamo yake yose yaikonzerwa naMucha. Sezvineiwo zuva rodoka foni yake yakarira apo ainge ava kutoona town yeBulawayo. Akatarisa ndokuwana vari mai vake kwava kudavira. Mai Pitirosi vakangotanga nemhere, "Febhi kaniiii Febhi! Mwari vandirasa kani! veduwe ndabaiwa pamoyo!" Izvi zvakamunetsa apo akaita sekugara zvakanaka ndokuti, "Chiiko nhai mhai, taurai zvandinonzwa. Febhi vaita sei?" "Hanzvadzi yako hakuchina kani Pitirosi mwanangu! Febhi vatisiya! Hiii Hii!" Vakaibararadza mhere mhere mai VaPitirosi zvakaita kuti nevanhu vaiva mubus vatarise Pitirosi uyo aitaridza kunge odikitira neziya. Uyu ndiye munhu vaainge akwirira bus kuuya Bulawayo, ongonzi afa? "Ndaitaura naye pafoni nezuro achiti mutano, muri kuti chii?" Akabvunzurudza. "Murume wake afonera baba vako achiti Febhi arohwa nemota kutawundi ikoko akafirapo. Ndovigazve umwe mwana here mumusha mangu inini? Mwari vati ndadiiko inini guva raMucha zvarichiri nyoro kudai, kana nemvura harisati yaritsindira Hii hii....." Vakatanga kungochema uku Pitirosi ainge angobata foni akaterera kusvika azonzwa baba vake votaura. "Tati tionere pamwe tione kutopinda munzira, tinoonesana nevakwambo kuti todii. Zvatoitika izvi mwanangu, zvotoda kushinga. Yadeuka haichadyoreke" "Handiko kumba kwangu parizvino saka imi chifambai, ndinokubatai mberi." Pitirosi akazonyepa achidaro. Vakada kumubvunza kuti aivepi, asi akatadza kuvadavira apo akakata foni. Akanetseka pamoyo kusvika akumbira kudzikiswa mubus zvakashamisa ruzhinji urwo rwakanga rwatova mushishi kumubata maoko. Pamoyo pake chokwadi aichiziva, Muchaneta ndiye akanga atora hanzvadzi yake. Akadzikiswa mubus riya akasara akamira achizvibvunza kuti ainge adzikirei. Akaringa ringa akawana kuti aiva pasango chaipo. Sebenzi akatanga kufamba netara achiteedza akabereka kabag kake apo akaerekana kumusana kwake kuchiita sekune munhu. Akamira kufamba ava kuvhiringika mupfungwa dzake. Akacheuka akaona bag rake rasara pasi iye abereka Muchaneta uyo akatanga kumurova neshamhu yaiva neminzwa achiti fambisa. Akatanga kufamba paya asi pasina kwaasvika ainge anzi, "bamukuru ndibatei mushe ndinodonha." Akada kusunga huma achibva arohwa ndokubatira Muchaneta zvakanaka. Achifamba kudaro akanzwa onzi, "fambisai bamukuru tisvike kunhamo kwakachena." "Ndiri kufamba waniko!" akadaro Pitirosi nenzwi riri padenga apo ainge osvika paiva nemamwe mashops munjinga meroad. Vanhu vakatanga kucheuka vachitarisa Pitirosi uyo aiita seari kusvusvidzira mwana vaakanga akabereka asi aisaonekwa nevanhu. Mashoko avaingonzwa chete ndeekuti, "ndiri kufamba. Ndiri kufamba wani, ahh! Ndiri kufamba kani unoda ndimhanye here?" Paakadaro akatanga kufamba seari kumhanyirira ari mutara akafuratira dhorobha reBulawayo achidzokera kwaakanga abva. Pitirosi akazoti zvino aneta ndipo akarangarira kuti kwaakanga akatarisa kwaisava Bulawayo kwaiva nenhamo. Panguva iyoyo Muchaneta akange asisiri paari. Akabata bata homwe dzake akawana kuti akanga asina kana mari, nefoni zvainge zvasara mubag riya rakanga raraswa naMuchaneta. Akatanga kumhanya achidzokera kwaakanga abva apo akapfuura nepama shops achingomhanya. Vanhu vaingodzungudza musoro vachitaura zvavanoda. Vamwe ndovaiti mupengo, vamwe vachiti anenge akaromba nemwana zvava kumudzokera, vamwewo vakati mazuvano vanhu vava kubata bata pamwe akashinhirwa. Pitirosi aingomhanya chete kusvika asvika paakanga asiya bag rake, asi akarishaiva. Akatanga kuchema, mari yakanga irimo yaimurwadza. Kana nechaiva chamutuma kubvisa mari muhomwe nefoni achiisa mubag akachishaya. Muhomwe make maingova netuchange twaisakwana kana drink. Akagara padombo ndokutanga kufungisisa. Achiuraya Muchaneta ainge atya kuenda kujeri, asi jeri raainge ozopika iri rainge rakakurisa. Akanetseka nefungwa achishaya kuti oita sei angofa hake. Akarangarira kuzvisungirira kwaainge amboedza ruviri rwese achidonha. Akarangarira mushonga wemakonzo kwaakanga atenga achida kuzviuraya vakatorwa nemhepo yaasina kuona kwayaibva. Akange aedza kutenga poison, asi akangoona abvutirwa naMuchaneta uyo akatanga kuimwa ari iye achifa nuseka. Akanetsekana akagara apa kusvika azofunga zvekuita. Akafunga kufamba netsoka kuenda kuBulawayo ozozvikandira kumberi kwemota usiku muroad hombe yakazara mota. Ainge aneta nekutambudzwa naMuchaneta ipapo ainge otonzwa kuda mukadzi. Akaringa ringa achitsvaka kana paiva nemukadzi padhuze asi akashaya kana one aiva pedyo. Akati afamba chimufambo akawana paiva nekasango pane kamwe kamhuka akanzwa kuwaviva kunhengo yake kuratidza akanga oda mukadzi, haana kutarisa zvakawanda kunze kwekutsauka achipinda mukasango achiita kunyahwaira.