Mhuri yekwa Hungwe zvavakanga vabva kumakuva havana kuzoda kudya chikafu chakanga chabikwa parufu rwemwana wavo. Nekuda kwezvikonzero zvakawanda, pamwe pacho vainge vasingavimbe nemhuri iyi vachitya kuisirwa mushonga muchikafu. Mafiro emwana wavo aikonzera kufunganya kwakanyanya. Vakanga zvino vakokorodzana vose vaiva vauya paRufu apa. Vaida kutaurirana maererano ne pfuma yakanga ya bviswa nekuona kuti vangaita sei nemombe dzaiva dzavainge vapiwa. Hongu mari waikwanisa kuenda nayo, asi dambudziko hombe raiva pa kutakurisa mombe kubva mumusha umu vachienda kwavo Bikita (Masvingo) Zvaizokonzera kuti vapinde mumacost akawandisa nekutsvaka mota inozotakura mombe idzi. Pakasimuka vatete vaviri avo wakatanga kutaura. "Hanzvadzi, zvose zvamava kutaura zvichanetsa nekuti mukada kutakura idzo mombe zivai kuti pachada police clearance yekuti tikwanise kuenda nadzo kumusha." Vakadaro vachipa maonero avo. "Hongu mataura dama kwaro ipapo, zvino toita sei tikwanise kuenda? Nekuti tikaramba tiri mumusha muno hazvikodzere," vakadaro baba vaMuchaneta avo vaive vakamira vakatarisa kwaiva nemhuri yekwaMoyo. Mai Muchaneta vakasimuka. Vaivawo nemuonero wavo wavaida kutaura, vachivimba kuti zvavaida kutaura zvaikwanisa kubatsira vamwe nemazano. "Zvanga zvakadii kuti totengesa mombe idzi ne any amount yatinoda, hazvina basa as long tichiziva kuti tatambira pfuma yemwana wedu?" Ndizvo zvaiva pamoyo pavo, vaiziva kuti chero afa asi fuma yemwana wavo vainge vaiona. Chainge changosara ironda pamoyo, naiye musiki kuti aite kuda kwake. Ruzhinji rwemhuri yekwa Hungwe vakagutsurira misoro, vachiratodza kuti vabvumirana nazvo zvaiva zvataurwa namai Mucha. Baba Mucha vakasimuka vachienda paive pakagara Sabhuku. Vakasviko bvunza kana vaiziva vanhu vaitenga mombe munzvimbo yekwavo. Sabhuku akabvumira padenga, apo akadanidzira umwe murume akanga achizivikanwa nembiri yekutenga mombe uyo aidziendesa kuHarare. Akauya akataurirana nababa Mucha avo vakataura price yaive pasi pasi. Zvese izvi zvaiva mumeso nrmunzeve dzemhuri yekwaMoyo. Mhuri yekwa Moyo ichinzwa nhaurirano yaiitwa pavanhu ava, moyo yakarwadza zvakanyanya nekuda kwemaprice akanga ataurwa apa. Mombe idzi vainge vadzibvisa moyo ichinyunyuta mhani kuti dzongopiwa munetumari tusina basa. Dzimwe dzacho murume uya akatoita kufonera sahwira wake kuti azotengawo nekuti akanga asisina mari. Pitirosi moyo wainyunyutira danga rake rainge raenda. Mari yavainge yacharger kuisanganisa, munhu aisatenga chero half yemombe dzaiva dzachajwa neve kwaHungwe. Zvisinei kwaingova kufira mudundundu, ko vaingoitei nazvo havo? Hapana. Sekuru VaRudo vakanga vakuda kudzokera kwaiva nevamwe apo vakanzwa muzukuru wavo achingodana Mai wake. Izvi zvakaita vanzwe kurwadziva pamoyo pavo nekuona kuti zvavaida kusiya muzukuru achiri mwana mudiki achangobva kubviswa pamukaka zvakanga zvisinga kodzere. Vakafamba vachienda paiva nemuzukuru wavo vakasvika vakamutora vakatanga kutamba naye vachiti mhamha vanodzoka muzukuru wangu. Izvi zvakaita asekerere mwana uyu, akanga asati avakuziva chinhu. Muchaneta ainge asiya mwana achiri mudiki zvairwadza. Baba naMai Muchaneta vakadana mhuri yekwa Moyo, pane mashoko maviri matatu avakanga vachida kutaura navo. Nekuda kwekuona kuti mwana akanga achiri mudiki, aida munhu anogara naye. Vakaona sezvaisaita kumusiya mumaoko ekwa Moyo achiri mudiki diki, vachitarisa firo yaiva yaita wavo mwana. "Muchiona takudanai kudai tati tinyeurirane mashoko maviri matatu pamusoro pemuzukuru uyu," vakadaro sekuru vaRudo apo vanhu vakaramba vakanyarara zvavo. "Taona kuti hazvikodzere kumusiya mumaoko enyu achiri mudiki kudai. Madiro aMucha haana kutifadza saka uyu tichaenda naye, tonomurera isu tichimuchengetedza. Baba vake semunhu aroora, vakasununguka kuuya vachiona mwana. Kana vachida kuchengeta ndizvozvo, vachabatana nesu. Asi mwana achanogara nambuya. Chimwe chinhu zvakare, handiti munoziva kuti munhu akafa kune hembe nemidziyo zvinoenda kwasekuru. Wedu mwana haana zviripo, zvakatsvira mumba zvose. Mutemo wacho munouziva, kuti mukasatenga muchizviendesa mweya wake unoramba uchitenderera mumusha menyu muno, nekuti munenge musina kuita zvatinoita pachikaranga chedu, pachivanhu chekwedu isu." Vakadaro baba Muchaneta, vakatsinhirana nevamwe vawo. "Zviri munzeve dzedu, tichasara tichiita chivanhu chacho." Vakadaro vaMoyo vachiratidza kubvuma zvakanga zvataurwa. Vakamboti kurukurei asi mwana vakatendedzwa kumutakura zvavo. Moyo waTozi wairwadza nekuda kwemwana akanga avakuenda kure naye. Asi paiva pasina chekuita. Aizopota achimushanyirawo paanenge akwanisa uye aizobatsira kuchengeta kana aitawo mari. Mhuri yekwa Hungwe vakaoneka mushure memazuva matatu akanga adarika vari parufu. Kuenda kwakaita Rudo kwakawedzera kudzimba moyo waTozi. Akanga zvino asara ari ega. Mumoyo make zvsidzimba, pamwe kudai Mucha aiva mupenyu zvaiita zviri nani. Vaidei vairamba vagere pamwe nemhuri yake. Mazuva akanga afamba, apo Tozi aingova pamba pake. Pekutangira chaipo aiva asina. Siku nesikati aingochena achifunga Muchaneta. Vanhu vainge votorarama upenyu hwavo kunga pasina chakamboitika. Zvaiva zvasarira iye chete ndiye aiva mudziva remisodzi. Nekuramba achitambudzika akafunga kuti ambobva pamba apa. Aida kumboenda kure kunofurwa nemhepo achidzikedzana fungwa. Ainetseka kuti otangira papi dzamar azofunga kufonera Jimalo, mukomana wekumupa number uya. Akadzamisa pfungwa dzake kune zvakaitika musi uya, akaona kuti Muchaneta ainge aramba kuvigwa murume wake asipo. Nekuti zvakaitwa naJimalo zvaityisa, $50 haisi yekutamba nayo. Mhuri yose yekwa Moyo yakanga ichiri kunyunyuta nekuda kwekutengeswa kwakaitwa mombe nemari yaiva pasi pasi. Zvaivarwadza pese pavairangarira nezvazvo. SaPitirosi aiti akatarisa mudanga make aifa neshungu. Hapana kuita nguva yakareba after Mucha abva kuradzikwa. Kuda pakaita maweek matatu chaiwo apo imwe mhandara yekwa Moyo, asi isiri yemumba mumwe chete naTozi, akanga akazvitakura. Panguva iyi aive ave pedyo kuda kubatsirwa(kupona). Rimwe zuva akamuka achingoti musoro musoro. Ainge ane hope dzaaigarorota achiona mukadzi asi ainge akavharwa chiso achichema akabata bhemba. Akadana mai vake achida kuvaudza zvehope idzi. Panguva yavakange vagara pasi kuti vaterere ndiye sarai. Chiitiko ichi chakavhundusa nekuti vanhu vaive vasina tarisiro yazvo. Paakati musoro vakangoti kuda urwere hunopfuura. Vakatadza kana kuziva zvakanga zvakonzera rufu urwu. Chainyanya kudzimba moyo kufa nenhumbu kwaakanga aita. Vakati zvino vari parufu. Pitirosi aive atokuvara nezvaainzwa. Zvainge zvatova muropa rake kuti aigara achinzwa kuda kurara nemunhukadzi. Kubvira pazvakaitika ari parufu paMucha chainge chatova chirwere chake. Akamhanya kuenda kumba kwake achibva panhamo paiva nevamwe masikati zuva rakacheka nyika. Mukufamba kwaaiita anoona mbudzi dzaiva dzichidzingirirana kuda kuita mutambo wadzo. Akatarisa tarisa kumaside akaona kusina vanhu. Akatarira mbudzi hadzi akaona ichiita kunge Muchaneta, izvi zvinoita kuti pameso pake pati nyevenuke. Anofamba achiita seanonyahwaira, uku bhurungwa raiva raka zvimba mberi kwake. Anotanga kudzingirira mbudzi iya. Vaimuona vaiti zvimwe akanga afunga kuendesa nyama kunhamo sezvo dzaiva dzake. Kudai vaiziva zvaiva mupfungwa dzake vaimunzira tsitsi nezvakanga zvichitika paari. Akazosiyana nazvo nekuda kwekuneta, akafamba achipinda mumba. Akaita zvake zvekuzvibatsira zvikasamugutsa zvakanaka akafamba achienda kumba kwababa vake. Akasvikoona mai wake vachigadzirira kudzokera kunhamo apo vaiva vakakotama vachisuka maplates. Iye anonzwa zvatanga zvakare, anoita seanonyahwaira achienda nekumashure kwaMai wake. Paanoda kuvabata ivo vanoita sevafemerwa, vanobva panzvimbo. Vachiona Pitirosi achidonha pasi achirovera nemuromo, achisimuka anoonekwa pamberi pakaita kunyorowa, atenzi vakatunga trouse uku maziso akaita kutsvuka akaita kutarisa Mai vaive vakabata muchiuono. Vakashaya kuti zvaifamba sei. Vanofamba vachipinda muimba yekubikira, apo iye anonzwa shungu nekuwedzera futi, aida kuita bonde. Anofamba achitevera mai vake, anopinda mumba nekuvhara door zvakaita kuti Mai wake vashamisike vachi.....